Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kufarirwa naMwari Kunoita Kuti Tizowana Upenyu Husingaperi

Kufarirwa naMwari Kunoita Kuti Tizowana Upenyu Husingaperi

Kufarirwa naMwari Kunoita Kuti Tizowana Upenyu Husingaperi

“Nokuti imi muchakomborera munhu wose akarurama, haiwa Jehovha; muchavakomba nokuvafarira kwenyu sokunge nenhoo huru.”—PIS. 5:12.

1, 2. Eriya akakumbira chii kuchirikadzi yekuZarefati, uye akaivimbisa kutii?

NZARA yakanga yaruma mumwe mukadzi nemwanakomana wake pamwe nomuprofita waMwari. Chirikadzi iyi yaigara kuZarefati payakanga yava kuda kunobatidza moto kuti ibike, muprofita Eriya akabva akumbirawo mvura yokunwa nechingwa. Mukadzi wacho aigona kumupa mvura, asi zvokudya zvaaingova nazvo ‘itsama yefurawa yaiva muchirongo chikuru nemafuta mashomanana aiva muchirongo chiduku.’ Akaona kuti akanga asina chokudya chokupa muprofita uyu, saka akamuudza kudaro.—1 Madz. 17:8-12.

2 Eriya akabva ati: “Imbotanga wandigadzirira keke duku reraundi nezviripo, uuye naro kwandiri, wozozvigadzirira iwe nomwanakomana wako chimwe chinhu. Nokuti zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, ‘Furawa iri muchirongo chikuru haizoperi, uye mafuta ari muchirongo chiduku haazoperi.’”—1 Madz. 17:13, 14.

3. Mubvunzo upi watinotarisana nawo?

3 Nyaya yakanga yakatarisana nechirikadzi iyi yaisangova yokuti aizoita sei nezvokudya zvishomanana zvaakanga asarirwa nazvo. Mubvunzo waiva pakuti, aizovimba naJehovha kuti amununure pamwe nomwanakomana wake here, kana kuti aizongokoshesa zvaaiva nazvo kupfuura kufarirwa naMwari uye kuva shamwari yake? Isu takatarisana nomubvunzo wakadaro. Tichangogara pfungwa dziri pakuwana zvokurarama nazvo here kana kuti dziri pakuita kuti Jehovha atifarire? Hatina chikonzero chokutadza kuvimba naMwari uye kumushumira. Uye pane matanho atinogona kutora kuti atifarire.

‘Makakodzera Kunamatwa’

4. Nei Jehovha akakodzera kuti timunamate?

4 Jehovha ane kodzero yokutarisira kuti vanhu vamushumire zvinomufadza. Rimwe boka revashumiri vake vokudenga rakataura chokwadi ichocho pamwe chete richiti: “Jehovha, imi Mwari wedu, makakodzera kuti mugamuchire kukudzwa nokuremekedzwa nesimba, nokuti makasika zvinhu zvose, uye nemhaka yokuda kwenyu zvakavapo uye zvakasikwa.” (Zvak. 4:11) Jehovha akakodzera kuti timunamate nokuti ndiye Musiki.

5. Nei rudo rwaMwari ruchifanira kuita kuti timushumire?

5 Chimwe chikonzero chokuti tishumire Jehovha, rudo rwake runopfuura rwevamwe vose. Bhaibheri rinoti: “Mwari akatanga kusika munhu nomufananidzo wake, akamusika nomufananidzo waMwari; akavasika munhurume nomunhukadzi.” (Gen. 1:27) Munhu akasikwa naMwari aine rusununguko rwokufunga uye rwokusarudza. Jehovha ndiye Baba vomunhu wose nokuti akatipa upenyu. (Ruka 3:38) Kungofanana nezvinoitwa nababa vakanaka, Baba vedu Jehovha, vakaitira vanakomana vavo nevanasikana vavo zvose zvavanoda kuti vanakidzwe noupenyu. “Vanoita kuti zuva ravo ribudire vanhu, . . . vachiita kuti kunaye” kuti nyika itiberekere zvokudya zvakawanda tichigara takapoteredzwa nezvinhu zvinoyevedza.—Mat. 5:45.

6, 7. (a) Adhamu akakanganisa sei vana vake vose? (b) Chibayiro chaKristu chichaitirei vaya vanotsvaka kufarirwa naMwari?

6 Jehovha akatinunurawo munhamo yatakapinzwa mairi nechivi. Nokutadza kwaakaita, Adhamu akafanana nomunhu anobira mhuri yake mari kuti anoita zvokubheja. Kupandukira Jehovha kwaakaita kwaitova kubira vana vake tariro yomufaro usingaperi. Kuita zvakangonakira iye chete kwakapinza vanhu muuranda hwechivi, tenzi ane utsinye. Saka vanhu vose vanototi varware, vasuwe, uye vapedzisire vafa. Panodiwa muripo kuti muranda asunungurwe, saka Jehovha akabvisa muripo kuti tinunurwe panhamo idzi. (Verenga VaRoma 5:21.) Achiita maererano nokuda kwaBaba vake, Jesu Kristu akapa “mweya wake kuti uve rudzikinuro mukutsinhana nevazhinji.” (Mat. 20:28) Zvikomborero zvose zvinobva pamuripo iwoyu zvichapiwa vaya vanofarirwa naMwari munguva pfupi inotevera.

7 Hapana mumwe akatiitira zvinopfuura zvakaitwa noMusiki wedu, Jehovha, kuti tive noupenyu hunofadza, hune chinangwa. Kana tichifarirwa naye tichakwanisa kuona mashandiro aanoita kuti abvise kutambura kuri kuita vanhu. Jehovha acharamba achiratidza mumwe nomumwe wedu mapiro aanoita “mubayiro vaya vanomutsvaka nomwoyo wose.”—VaH. 11:6.

“Vanhu Vako Vachazvipa Nomwoyo Unoda”

8. Zvakaitika kuna Isaya zvinotidzidzisei nezvokushumira Mwari?

8 Kuti tifarirwe naMwari tinofanira kushandisa zvakanaka rusununguko rwedu rwokusarudza nokuti Jehovha haamanikidzi munhu kumunamata. Panguva yaIsaya, Mwari akabvunza kuti: “Ndichatuma ani, uye ndiani achatiendera?” Jehovha akaremekedza muprofita uyu nokuziva kuti aiva nekodzero yokubvuma kana kuramba. Fungidzira kufara kunofanira kunge kwakaita Isaya paakati: “Ndiri pano! Nditumei.”—Isa. 6:8.

9, 10. (a) Tinofanira kushumira Mwari nepfungwa dzakaita sei? (b) Sei zvakakodzera kuti tishumire Jehovha nemweya wose?

9 Vanhu vakasununguka kunamata Mwari kana kurega. Jehovha anoda kuti timunamate tisingamanikidzwi. (Verenga Joshua 24:15.) Vose vanonamata Mwari vachiita zvokunge vari kumanikidzwa havakwanisi kumufadza; kunyange vaya vanozvipira kwaari nechinangwa chokuda kufadza vanhu. (VaK. 3:22) Tikaita basa dzvene ‘tichizengurira’ nokurega zvinhu zvenyika zvichikanganisa kunamata kwedu, Mwari haazotifariri. (Eks. 22:29) Jehovha anoziva kuti kumushumira nemweya wose kwakatinakira. Mosesi akakurudzira vaIsraeri kusarudza upenyu “nokuda Jehovha Mwari [wavo], nokuteerera inzwi rake uye nokunamatira kwaari.”—Dheut. 30:19, 20.

10 Mambo Dhavhidhi weIsraeri akanyora kuti: “Vanhu vako vachazvipa nomwoyo unoda pazuva raunoenda neuto rako rehondo kunorwa. Mukubwinya kwoutsvene, kubva muchibereko chemambakwedza, une boka rako remajaya akaita semadonhwe edova.” (Pis. 110:3) Vanhu vakawanda nhasi uno vanoraramira kuwana mari nemafaro chete. Asi vaya vanoda Jehovha vanoisa basa ravo dzvene pokutanga. Mashingairiro avanoita pakuparidza mashoko akanaka anoratidza kuti zvii zvavanoisa pakutanga. Vane chivimbo chakazara chokuti Jehovha anokwanisa kuvapa zvavanoda zuva nezuva.—Mat. 6:33, 34.

Kupa Zvibayiro Zvinofarirwa naMwari

11. VaIsraeri vaitarisira kubatsirwa sei nokupa Jehovha zvibayiro?

11 Pasi poMutemo, vanhu vaMwari vaifanira kupa zvibayiro zvinogamuchirika kuti vafarirwe naMwari. Revhitiko 19:5 inoti: “Zvino kana mukabayira chibayiro chokugoverana kuna Jehovha, munofanira kuchibayira kuti mufarirwe.” Mubhuku iri tinoverengazve kuti: “Zvino kana mukabayira chibayiro chokuonga kuna Jehovha, chibayirei kuti mufarirwe.” (Revh. 22:29) VaIsraeri pavaipa zvibayiro zvinogamuchirika paatari yaJehovha, utsi hwaipfungaira hwaiita so“kunhuwirira kwakanaka” kunoitirwa Mwari wechokwadi. (Revh. 1:9, 13) Ainyatsonzwa azorodzwa nezvibayiro izvi zvaipiwa nevanhu vake murudo. (Gen. 8:21) Panyaya yezvibayiro zvekare, tinowana chimwe chinhu chinoshanda kwatiri nhasi. Vaya vanopa Jehovha zvibayiro zvakanaka vanofarirwa naye. Anobvuma zvibayiro zvakaita sei? Funga nezvezvinhu zviviri: maitiro edu uye matauriro.

12. Itsika dzipi dzingaita kuti ‘kupa miviri yedu sechibayiro’ kugumbure Mwari?

12 Mutsamba yaakanyorera vaRoma, muapostora Pauro akati: “Mupe miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene, chinogamuchirika kuna Mwari, iro basa dzvene nesimba renyu rokufunga.” (VaR. 12:1) Kuti munhu afarirwe naMwari anofanira kugara muviri wake wakachena. Kana achizvisvibisa nefodya, mbanje, tumwe tunodhaka, kana kuti kunwisa, chibayiro chaanenge achipa hachibatsiri. (2 VaK. 7:1) Uyezve, sezvo munhu anenge aine “tsika yokuita ufeve ari kutadzira muviri wake pachake,” unzenza chero hwerudzi rwupi, hunoita kuti chibayiro chomunhu chisafadza Jehovha. (1 VaK. 6:18) Kuti munhu afadze Mwari anofanira ‘kuva mutsvene pamufambiro wake wose.’—1 Pet. 1:14-16.

13. Sei zvakakodzera kuti tirumbidze Jehovha?

13 Chimwe chibayiro chinofadza Jehovha chine chokuita nemashandisiro atinoita miromo yedu. Vaya vanoda Jehovha vagara vachitaura zvakanaka nezvake paruzhinji uye vari voga mudzimba dzavo. (Verenga Pisarema 34:1-3.) Verenga Mapisarema 148-150, uone kukurudzira kunoita mapisarema iwaya matatu kurumbidza Jehovha. Zvechokwadi, “zvakakodzera kuti vakarurama varumbidze.” (Pis. 33:1) Muenzaniso wedu, Jesu Kristu, akaratidza kukosha kwokurumbidza Mwari nokuparidza mashoko akanaka.—Ruka 4:18, 43, 44.

14, 15. Hosiya akakurudzira vaIsraeri kupa zvibayiro zvorudzii, uye Jehovha akavapindura sei?

14 Kuparidza tichishingaira kunoratidza kuti tinoda Jehovha uye tinoda kuti atifarire. Somuenzaniso funga kukurudzira kwakaita muprofita Hosiya vaIsraeri vakanga vava kunamata vanamwari venhema ndokutanga kusafarirwa naMwari. (Hos. 13:1-3) Hosiya akavaudza kuti vateterere vachiti: “[Jehovha] regererai kukanganisa; uye gamuchirai zvakanaka, uye tichapa nzombe duku dzemiromo yedu.”—Hos. 14:1, 2.

15 Nzombe ndiyo mhuka yaidhura pane dzose dzaipiwa sezvibayiro kuna Jehovha nevaIsraeri. Saka “nzombe duku dzemiromo yedu” dzaireva mashoko okurumbidza Mwari wechokwadi ainyatsobva pamwoyo anyatsofungwa. Jehovha aiitirei vaya vaipa zvibayiro zvakadaro? Akati: “Ndichavada ndisingatumwi nomumwe munhu.” (Hos. 14:4) Jehovha aikanganwira, vaya vaipa zvibayiro zvakadaro zvokurumbidza, ovafarira seshamwari dzake.

16, 17. Kana kutenda muna Mwari kukaita kuti munhu atange kuparidza mashoko akanaka, Jehovha anogamuchira sei kurumbidza kwomunhu akadaro?

16 Kurumbidza Jehovha paruzhinji kwagara kuri chimwe chezvinhu zvakakurumbira zvinoitwa pakunamata kwechokwadi. Kurumbidza Mwari wechokwadi kwaikosha kumunyori wepisarema zvokuti akakumbira Mwari kuti: “Ndapota farirai zvinopiwa zvokuzvidira zvomuromo wangu, haiwa Jehovha.” (Pis. 119:108) Ko nhasi? Achitaura nezveboka guru revanhu remunguva yedu, Isaya akaprofita kuti: “Vachazivisa kurumbidzwa kwaJehovha. . . . [Zvipo zvavo] zvichakwira paatari [yaMwari] zvatenderwa.” (Isa. 60:6, 7) Mamiriyoni evanhu ari kuzadzisa izvi nokupa Mwari ‘chibayiro chokurumbidza, chibereko chemiromo inozivisa pachena zita rake.’—VaH. 13:15.

17 Ko iwe? Uri kupa Mwari zvibayiro zvaanogamuchira here? Kana zvisina kudaro ungapagadzirisa here wotanga kurumbidza Jehovha paruzhinji? Kana kutenda kukaita kuti utange kuparidza mashoko akanaka, zvaunopa “zvichafadzawo Jehovha kupfuura nzombe.” (Verenga Pisarema 69:30, 31.) Iva nechivimbo chokuti “kunhuhwirira kwakanaka” kwokurumbidza kwako kuchasvika kuna Jehovha uye kuti achakufarira. (Ezek. 20:41) Izvi zvichaita kuti uve nomufaro usingatauriki.

‘Jehovha Achakomborera Wose Akarurama’

18, 19. (a) Vakawanda vanoona sei nyaya yokunamata Mwari mazuva ano? (b) Chii chinopedzisira chaitika kana munhu asisafarirwi naMwari?

18 Nhasi vakawanda vanofunga sezvaiitwa nevamwe munguva yaMaraki kuti: “Chinhu chenhando kushandira Mwari. Zvinotibatsireiko kuti tiite zvaanotiudza?” (Mar. 3:14, Bhaibheri Rinoera) Sezvo chavo kuri kuda kungounganidza pfuma, vanoona kunge chinangwa chaMwari chakaoma kuzadzisa uye mitemo yake seisisashande. Kwavari kuparidza mashoko akanaka kutamba nenguva uye kuzvinetsa.

19 Mafungiro akadaro akatangira mumunda weEdheni. Satani ndiye akanyengetedza Evha kuti asaona kukosha kwoupenyu hwakanakisisa hwaakanga apiwa naJehovha ndokuita kuti asafarirwa naye. Nhasi, anoramba achikurudzira vanhu kuti vafunge kuti kuita kuda kwaMwari hakuna zvakunobatsira. Asi Evha nomurume wake vakazoona kuti kusafarirwa naMwari kwaiva kurasikirwa noupenyu hwavo. Vaya vanotevedzera muenzaniso wavo wakaipa havana nguva vasati vakohwa zvavanodyara.—Gen. 3:1-7, 17-19.

20, 21. (a) Chirikadzi yekuZarefati yakaitei, uye zvakazoifambira sei? (b) Zvakanakirei kuti titevedzere chirikadzi yekuZarefati uye tingaitevedzera sei?

20 Cherechedza kusiyana kwakaita mugumo unosuwisa waAdhamu naEvha nemabudiro akazoita nyaya yambotaurwa nezvechirikadzi yekuZarefati naEriya. Paakanzwa mashoko aEriya aikurudzira, mukadzi uya akatanga kubika ndokutanga apa muprofita wacho chingwa. Zvadaro Jehovha akazozadzisa zvaakanga avimbisa achishandisa Eriya. Nyaya yacho inoti: “Akaramba achidya, iye pamwe chete naye neimba yake, kwemazuva mazhinji. Furawa yaiva muchirongo chikuru haina kupera, nemafuta aiva muchirongo chiduku haana kupera, sezvakanga zvataurwa naJehovha achishandisa Eriya.”—1 Madz. 17:15, 16.

21 Pamabhiriyoni ari kurarama nhasi, vashoma vanoda kuita zvakaitwa nechirikadzi yekuZarefati. Yakavimba zvakazara naMwari wokuponesa, uye Mwari wacho haana kuiodza mwoyo. Nyaya iyi nedzimwe dziri muBhaibheri dzinoratidza kuti Jehovha akakodzera kuti tivimbe naye. (Verenga Joshua 21:43-45; 23:14.) Upenyu hweZvapupu zvaJehovha zviriko iye zvino hunowedzera kupa uchapupu hwokuti haambofi akasiya vaya vaanofarira.—Pis. 34:6, 7, 17-19. *

22. Sei tisingafaniri kuverengera kutsvaka kufarirwa naMwari?

22 Zuva raMwari rokutonga “vaya vose vanogara pamusoro penyika yose” rava pedyo. (Ruka 21:34, 35) Harinzvengeki. Pfuma kana upenyu hwakanaka hazvitombokosha kupfuura kunzwa Mutongi akagadzwa naMwari achiti: “Uyai, imi makakomborerwa naBaba vangu, garai nhaka youmambo hwamakagadzirirwa.” (Mat. 25:34) Chokwadi, ‘Jehovha achakomborera munhu wose akarurama; achavakomba nokuvafarira kwake sokunge nenhoo huru.’ (Pis. 5:12) Pakadaro hatifaniriwo here kutsvaka kufarirwa naMwari?

[Mashoko Omuzasi]

Unoyeuka Here?

• Sei Jehovha akakodzera kuti timunamate zvinobva pamwoyo?

• Jehovha anogamuchira zvibayiro zvakaita sei nhasi uno?

• Mashoko okuti “nzombe duku dzemiromo yedu” anoreva chii, uye sei tichifanira kudzipa kuna Jehovha?

• Sei tichifanira kutsvaka kufarirwa naMwari?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 13]

Muprofita waMwari akaita kuti vamwe amai vaishayiwa vatarisane nezvisarudzo zvipi?

[Mufananidzo uri papeji 15]

Tinobatsirwa sei nokupa zvibayiro zvokurumbidza Jehovha?

[Mufananidzo uri papeji 17]

Kana ukavimba zvakazara naJehovha haumbofi wakaodzwa mwoyo