Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ida Kururama Nemwoyo Wako Wose

Ida Kururama Nemwoyo Wako Wose

Ida Kururama Nemwoyo Wako Wose

“Iwe wakada kururama.”—PIS. 45:7.

1. Chii chichatibatsira kufamba “mumakwara okururama”?

JEHOVHA ari kutungamirira vanhu vake “mumakwara okururama” achishandisa Shoko rake uye mudzimu wake mutsvene. (Pis. 23:3) Asi tinowanzotsauka mugwara iroro nokuti tiri vanhu vane chivi. Pane basa chairo kuti tiitezve zvakarurama kana tambotsauka. Chii chichatibatsira kuti tibudirire? Kufanana naJesu, tinofanira kuda kuita zvakarurama.—Verenga Pisarema 45:7.

2. “Makwara okururama” chii?

2 “Makwara okururama” chii? Gwara inzira yemunhu wetsoka. “Makwara” aya anofananidzira mararamiro anonzi naMwari ndiwo akarurama. MuchiHebheru nechiGiriki, shoko rokuti “kururama” rinoreva kunyatsotevedza tsika dzakanaka. Sezvo Jehovha ariye “nzvimbo inogarwa nokururama,” vanamati vake vanofara kuti avasarudzire gwara retsika rakarurama rokuti vatevedze.—Jer. 50:7.

3. Tingadzidza sei zvakawanda nezvokururama kwaMwari?

3 Kuedza kutevedza nemwoyo wose zvinonzi naMwari ndizvo zvakarurama ndiyo chete nzira yokumufadza nayo zvakakwana. (Dheut. 32:4) Izvozvo zvinotanga nokudzidza zvose zvatinokwanisa nezvaJehovha Mwari muShoko rake Bhaibheri. Kuwedzera kwatinoita kudzidza nezvake, tichiswedera pedyo naye zuva nezuva, ndiko kuwedzerawo kwatinoita kuda kururama kwake. (Jak. 4:8) Tinofanirawo kubvuma kutungamirirwa neShoko raMwari rakafuridzirwa patinenge tichiita zvisarudzo zvinokosha muupenyu.

Tsvaka Kururama kwaMwari

4. Tingatsvaka sei kururama kwaMwari?

4 Verenga Mateu 6:33. Kutsvaka kururama kwaMwari hakurevi kungova nenguva yokuparidza mashoko akanaka oUmambo. Kuti basa redu dzvene rigamuchirwe naJehovha, mararamiro edu ezuva nezuva anofanira kuenderana nemitemo yake. Vose vari kutsvaka kururama kwaJehovha vanofanira kuitei? Vanofanira “kupfeka unhu hutsva hwakasikwa maererano nezvinodiwa naMwari mukururama kwechokwadi nokuvimbika.”—VaEf. 4:24.

5. Chii chichatibatsira kukunda kuora mwoyo?

5 Patinenge tichiedza kurarama maererano nemitemo yakarurama yaMwari, dzimwe nguva tingaodzwa mwoyo nezvatinokanganisa. Chii chingatibatsira kuti tikunde kuora mwoyo zvakanyanyisa todzidza kuda uye kuita zvakarurama? (Zvir. 24:10) Tinofanira kugara tichinyengetera kuna Jehovha “nemwoyo yechokwadi tiine chivimbo chizere nokutenda.” (VaH. 10:19-22) Tingava tiri vaKristu vakazodzwa kana kuti tiine tariro yokururama pasi pano, tinotenda muchibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu uye mabasa ake soMupristi wedu Mukuru. (VaR. 5:8; VaH. 4:14-16) Kushanda kweropa rakateurwa raJesu kwakaenzanisirwa muNharireyomurindi yechiRungu yokutanga chaiyo. (1 Joh. 1:6, 7) Nyaya yacho yakati: “Zvinonyatsozivikanwa kuti [kana] chinhu chitsvuku chikatariswa nomugirazi dzvuku chinobva chaoneka icho chacho sechichena; saka kunyange zvivi zvedu zvakatsvuka kuti piriviri, pazvinotariswa naMwari achishandisa ropa raKristu, zvinobva zvaita sezvichena.” (July 1879, p. 6) Chokwadi Jehovha akatiitira urongwa hwakazonaka achishandisa chibayiro chorudzikinuro cheMwanakomana wake anodiwa!—Isa. 1:18.

Ongorora Nhumbi Dzako Dzokuzvidzivirira Nadzo

6. Zvinokosherei kuongorora nhumbi dzedu dzokuzvidzivirira nadzo?

6 Tinofanira kugara takapfeka “chinhu chinovhariridza chipfuva, chokururama,” nokuti chimwe chezvinhu zvinokosha panhumbi dzedu dzokuzvidzivirira nadzo dzatinopiwa naMwari. (VaEf. 6:11, 14) Tingava tichangobva kuzvitsaurira kuna Jehovha kana kuti tatova nemakumi emakore mubasa dzvene, zvinokosha kuti tiongorore nhumbi dzedu dzokuzvidzivirira nadzo zuva nezuva. Zvinokosherei? Nokuti Dhiyabhorosi nemadhimoni ake vakakandirwa panyika. (Zvak. 12:7-12) Satani akashatirwa chaizvo, uye anoziva kuti apererwa nenguva. Saka, akatowedzera kurwisa vanhu vaMwari. Tinonzwisisa here kukosha kwokupfeka “chinhu chinovhariridza chipfuva, chokururama”?

7. Tichaita sei kuratidza kuti tinonzwisisa kukosha kwokupfeka “chinhu chinovhariridza chipfuva, chokururama”?

7 Chinovhariridza chipfuva chinodzivirira mwoyo chaiwo. Mwoyo wedu wokufananidzira unowanzonyengera uye wakaipa kwazvo nokuti takaberekwa tine chivi. (Jer. 17:9) Zvinokosha kuti mwoyo wedu udzidziswe uye urangwe, sezvo uchingoda kuita zvakaipa. (Gen. 8:21) Kana tichinzwisisa kuti “chinhu chinovhariridza chipfuva, chokururama” chinokosha, hatizochibvisi kwekanguva nokusarudza kuvaraidzwa nezvinovengwa naMwari; uye hatizoregi pfungwa dzedu dzichifungidzira tichiita zvakaipa. Hatizopedzeri nguva yakawanda inokosha pakuona terevhizheni. Pane kudaro, ticharamba tichirwisa kuti tiite zvinofadza Jehovha. Kunyange kana tikakanganisa pamusana pokumbofunga zvisina kururama, tinosimukazve tichibatsirwa naJehovha.—Verenga Zvirevo 24:16.

8. Nei tichida “nhoo huru yokutenda”?

8 Imwe yenhumbi dzedu dzokuzvidzivirira nadzo ‘inhoo huru yokutenda.’ Inotibatsira ‘kudzima zvombo zvinopisa zvinoita zvokukandwa zveakaipa.’ (VaEf. 6:16) Kutenda uye kuda Jehovha nemwoyo wose kuchatibatsirawo kuita zvakarurama toramba tiri pamugwagwa unoenda kuupenyu husingaperi. Kana tikaramba tichidzidza kuda Jehovha, tichawedzerawo kukoshesa kururama kwake. Asi zvakadini nehana yedu? Inotibatsira sei pakuedza kwatinoita kuda kururama?

Ramba Uine Hana Yakanaka

9. Tinobatsirwa sei nokuramba tiine hana yakanaka?

9 Patakabhabhatidzwa, takakumbira Jehovha “hana yakanaka.” (1 Pet. 3:21) Ropa raJesu rinofukidza zvivi zvedu uye tinova noukama hwakanaka naMwari nokuti tinotenda murudzikinuro. Asi kuti tirambe tiine ukama hwakadaro naMwari, tinofanira kuramba tiine hana yakanaka. Kana dzimwe nguva hana yedu ichitipa mhosva uye ichitinyevera, tinofanira kuonga kuti iri kushanda zvakanaka. Kutinyevera kwakadaro kunoratidza kuti haina kutsva asi kuti ichiri kuda nzira dzaJehovha dzakarurama. (1 Tim. 4:2) Asi hana inogona kuita rimwe basa kune vaya vanoda zvakarurama.

10, 11. (a) Taura muenzaniso unoratidza nei tichifanira kuteerera hana yedu yakadzidziswa neBhaibheri. (b) Kuda zvakarurama kungaita sei kuti tifare chaizvo?

10 Patinoita zvakaipa, hana yedu ingatitongesa kana kutitambudza. Mumwe wechiduku akatsauka ‘pamakwara okururama.’ Akajairira kuona zvinonyadzisira uye akatanga kusvuta mbanje. Paaienda kumisangano ainzwa aine mhosva uye paaibuda muushumiri aiona sokuti munyengeri saka akarega kuita zvinhu izvozvo. Akati, “Asi handina kuziva kuti hana yangu yaizonditongesa pane zvandaiita.” Akawedzera kuti, “Mararamiro angu oupenzi akatora makore mana.” Akabva atanga kufunga kudzoka muchokwadi. Akanyengetera achikumbira kuregererwa, kunyange zvazvo akafunga kuti Jehovha aisazoteerera munyengetero wake. Pasati papera maminitsi gumi, amai vake vakamushanyira vakamukurudzira kuti aende kumisangano. Akaenda kuImba yoUmambo akakumbira mumwe mukuru kuti adzidze naye. Akazobhabhatidzwa, uye anotenda Jehovha kuti akamukuponesa.

11 Hachisi chokwadi here kuti kuita zvakarurama kunounza mufaro? Patinodzidza kuda zvakarurama towedzera kuzviita, mufaro wedu pakuita zvinofadza Baba vedu vokudenga unowedzerawo. Pafunge zvako! Zuva richasvika vanhu vose pavachange vava kungofara chete vasingatongeswi nehana; vacharatidza zvakakwana zvakaita Mwari. Saka, ngatiitei kuti mwoyo yedu ide chaizvo kururama iye zvino toita kuti Jehovha afare.—Zvir. 23:15, 16.

12, 13. Tingadzidzisa sei hana yedu?

12 Tingaitei kuti tidzidzise hana yedu? Patinodzidza Magwaro uye mabhuku edu anotsanangura Bhaibheri, zvinokosha kuti tiyeuke kuti “mwoyo womunhu akarurama unofungisisa kuti upindure.” (Zvir. 15:28) Funga kubatsira kwazvinoita panyaya yokusarudza basa. Kana zviri pachena kuti rimwe basa rinopesana nezvinotaurwa neMagwaro, vakawanda vedu tinokurumidza kuteerera zvatinodzidziswa neboka romuranda akatendeka, akangwara. Asi kana zvisiri pachena, tinofanira kutsvaka zvinotaurwa neBhaibheri tofunga uye tonyengetera nezvazvo. * Izvi zvinoshanda panyaya dzinoda kuti tisagumbura hana dzevamwe. (1 VaK. 10:31-33) Tinofanira kunyanya kuva nehanya nezvinotaurwa neMagwaro zvine chokuita noukama hwedu naMwari. Kana Jehovha ari munhu chaiye kwatiri, tichazvibvunza kuti, ‘Kana ndikaita basa iri ndingagumbura Jehovha, ndomurwadzisa here?’—Pis. 78:40, 41.

13 Patinenge tichigadzirira Chidzidzo cheNharireyomurindi kana kuti Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano, tinofanira kuyeuka kukosha kwokufungisisa mashoko acho. Tinongomaka mhinduro yemubvunzo zvechimbichimbi tobva tatoenda kundima inotevera here? Kudzidza kwakadaro hakuwanzoita kuti tiwedzere kuda kwatinoita kururama uye kuva nehana inonyatsoshanda. Kuti tide kururama tinofanira kushingaira kudzidza uye kufungisisa zvatinoverenga muShoko raMwari rakanyorwa. Kudzidza kuda kururama kunotoda kuti tishande nesimba!

Iva Nenzara Nenyota Yokururama

14. Jehovha Mwari naJesu Kristu vanoda kuti tinzwe sei nezvebasa redu dzvene?

14 Jehovha Mwari naJesu Kristu vanoda kuti tifare patinenge tichiita basa redu dzvene. Chii chichatibatsira kuti tifare? Kuda kururama. MuMharidzo yepaGomo, Jesu akati: “Vanofara vaya vane nzara nenyota yokururama, nokuti vachagutiswa.” (Mat. 5:6) Kune vaya vanoda kururama, mashoko aya anorevei?

15, 16. Nzara nenyota yokunamata zvingapedzwa sei?

15 Tiri kurarama munyika iri kutongwa neakaipa. (1 Joh. 5:19) Kana tikatora pepanhau munyika chero ipi zvayo, tinoona kuti nyaya dzoutsinye uye kurwisana dzawanda zvisina mukare akamboona. Utsinye huri kuitwa nevanhu hunotambudza munhu akarurama akahufungisisa. (Mup. 8:9) Sevanhu vanoda Jehovha, tinoziva kuti iye chete ndiye anokwanisa kupedza nzara nenyota zvekunamata zvevanhu vanoda kudzidza kururama. Munguva pfupi, vanhu vasingadi Mwari vachabviswa, uye vanoda kururama havazotamburizve nezvinhu zvinokonzerwa nevanhu vasingateereri mitemo. (2 Pet. 2:7, 8) Chokwadi vachange vasununguka!

16 Sevashumiri vaJehovha uye vateveri vaJesu Kristu, tinoziva kuti vose vane nzara nenyota yokururama “vachagutiswa.” Vachanyatsogutiswa nourongwa hwaMwari hwematenga matsva nenyika itsva umo ‘muchagara kururama.’ (2 Pet. 3:13) Saka tisaora mwoyo kana kushamiswa nokuti udzvinyiriri uye kurwisana zvabvisa kururama munyika ino yaSatani. (Mup. 5:8) Jehovha, Wokumusorosoro, anoziva zviri kuitika uye pasina nguva achanunura vanoda kururama.

Batsirwa Nokuda Kururama

17. Ndezvipi zvimwe zvakanakira kuda kururama?

17 Pisarema 146:8 inotaura kubatsirwa zvikuru kwatinoita nokufamba munzira yokururama. Munyori wepisarema akaimba kuti: “Jehovha anoda vakarurama.” Pafunge! Changamire wezvinhu zvose zvakasikwa anotida nokuti tinoda kururama! Nemhaka yokuti Jehovha anotida, tine chivimbo chokuti achatipa zvatinoda sezvatinoramba tichiisa Umambo pokutanga muupenyu hwedu. (Verenga Pisarema 37:25; Zvirevo 10:3.) Pakupedzisira, pasi rino rose richava revanhu vanoda kururama. (Zvir. 13:22) Mubayiro wevakawanda vevanhu vaMwari uchange uri mufaro usingatauriki noupenyu husina mugumo muparadhiso yepasi pano. Kunyange iye zvino, vaya vanoda kururama kwaMwari vanopiwa mubayiro worugare rwemwoyo runoita kuti mumhuri nemuungano muve nokunzwanana.—VaF. 4:6, 7.

18. Ndezvipi zvinhu zvakanaka zvatinogona kuita takamirira zuva raJehovha?

18 Patinenge takamirira kuuya kwezuva guru raJehovha, tinofanira kuramba tichitsvaka kururama. (Zef. 2:2, 3) Saka, ngatidei zvechokwadi nzira dzaJehovha dzakarurama. Izvozvo zvinosanganisira kuramba takanyatsopfeka “chinhu chinovhariridza chipfuva, chokururama” kuti tidzivirire mwoyo wedu wokufananidzira. Tinodawo kuramba tiine hana yakanaka, iyo ichaita kuti tifare uye ichafadza mwoyo waMwari wedu.—Zvir. 27:11.

19. Tinofanira kushinga kuitei, uye chii chichakurukurwa munyaya inotevera?

19 Jehovha “anotarira-tarira panyika pose kuti aratidze simba rake nokuda kwevaya vane mwoyo wakakwana kwaari.” (2 Mak. 16:9) Chokwadi mashoko iwayo anotinyaradza chaizvo sezvatinoita zvakarurama pasinei nokuwedzera kwokusagadzikana, kurwisana, uye uipi munyika ino izere nematambudziko! Chokwadi, nzira dzedu dzakarurama dzinogona kushamisa voruzhinji vakaparadzaniswa naMwari. Asi tinobatsirwa chaizvo nokuomerera pakururama kwaJehovha. (Isa. 48:17; 1 Pet. 4:4) Saka, nemwoyo wakakwana, ngatishingei kuti tirambe tichinakidzwa nokuda uye kuita zvakarurama nemwoyo wose. Zvisinei, kuva nemwoyo wakakwana kunosanganisirawo kuvenga kusateerera mutemo. Nyaya inotevera ichatiratidza zvazvinoreva.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 12 Ona Nharireyomurindi yaApril 15, 1999, mapeji 28-30 inotsanangura zvinotaurwa neBhaibheri panyaya yemabasa.

Ungapindura Sei?

• Nei kuziva kukosha kworudzikinuro kuchidiwa kuti munhu ade kururama?

• Kupfeka “chinhu chinovhariridza chipfuva, chokururama,” kunokosherei?

• Tingadzidzisa sei hana yedu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 26]

Hana yakadzidziswa inotibatsira kusarudza zvakanaka basa ratingaita