Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Uprofita Hunonyanya Kukosha

Uprofita Hunonyanya Kukosha

Uprofita Hunonyanya Kukosha

“Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro kuguma kuchasvika.”—MATEU 24:14.

NYANZVI dzeBhaibheri dzinobvuma kuti ndima iyi inokosha zvakanyanya nokuti inotaura nezvebasa rinofanira kuitwa pasi rose. Inoratidzawo zvinofanira kunge zvichiitwa nevaKristu, kureva basa rokuparidza iro richaitwa “mugumo” wakafanotaurwa nezvawo naJesu usati wasvika.

Uprofita uhwu huri kutozadzika. Mashoko aya anokosha kwauri nokuti ane zvaanoti unofanira kuita uye anokuruma nzeve. Anokupa mukana wokuti usarudze zvaunoda: Kubvuma Umambo hwaMwari kana kuti kuhuramba. Zvaunosarudza ndizvo zvichatema kuti upenyu hwako huchange hwakadini.

Chimbofunga nezvekuri kubva nyaya iyi. Mazuva mashomanene Jesu asati aroverwa, vadzidzi vakauya kuzomubvunza nezveremangwana. Vaida kunyatsoziva nezvekugadzwa kwoUmambo hwaMwari, uhwo hwainyanya kutaurwa nezvahwo naJesu. Vaidawo kuziva nezve“kuguma kwemamiriro ezvinhu,” kana kuti “kuguma kwenyika,” semashandurirwo anoitwa mashoko aya mune dzimwe shanduro.—Mateu 24:3, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

Jesu akavapindura kuti kwaizova nehondo dzaizorwiwa munyika dzakawanda, nzara, matenda, uye kudengenyeka kwenyika kukuru. Akatiwo kusateerera mutemo kwaizowedzera, vadzidzisi vezvitendero zvenhema vaizotsausa vazhinji uye vaKristu vechokwadi vaizovengwa nokutambudzwa. Zvose izvi mashoko asingafadzi.—Mateu 24:4-13; Ruka 21:11.

Asi Jesu akazotaurawo mashoko akanaka. Akazotaura mashoko ari pamusoro apa ayo akaita kuti kwemazana emakore, vanhu vade kuziva zvaanoreva uye vave netariro. Kunyange hazvo vanhu vachibvumirana kuti mashoko aJesu anokosha, vanozopesana pane zvaanoreva. Chii chaizvo chinonzi mashoko akanaka? Ko Umambo chii? Ndiani achazadzisa uprofita uhwu, uye huchazadzika rini? Uye chii chinonzi ‘mugumo’? Ngationei.

[Mufananidzo uri papeji 2, 3]

Fakisi inoratidza Manyoro eWashington eEvhangeri Ina. Mateu 24:14 ndiyo yakanyorwa nemashoko matema-tema

[Kwazvakatorwa]

Yakatorwa mubhuku rinonzi Facsimile of the Washington Manuscript of the Four Gospels in the Freer Collection