Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?

Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?

Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?

“Aya mashoko akanaka oumambo . . . ”—MATEU 24:14.

JESU paaipa Mharidzo yake yepaGomo yakakurumbira, akapa munyengetero wokuenzanisira unosanganisira chikumbiro chokuti: “Umambo hwenyu ngahuuye.” Mamiriyoni akawanda anoziva munyengetero uyu nemusoro uye vanoudzokorora vaudzokororazve. Rimwe bhuku rinonzi enisaikiropidhiya rinoti uyu “ndiwo munyengetero unonyanyoshandiswa nevaKristu vose pakunamata.” Kunyange zvakadaro, vakawanda vanoudzokorora havazivi kuti chii chinonzi Umambo uye kuti huchaitei kana hwauya.—Mateu 6:9, 10.

Izvozvo hazvifaniri kutishamisa. Vafundisi vemachechi anoti ndeechiKristu pavanoedza kutsanangura zvinorehwa noUmambo, vanodzidzisa zvinhu zvinopikisana, zvinovhiringidza uye zvisinganzwisisiki. Mumwe mufundisi akati Umambo hwaMwari “chimwe chinhu chisingagoni kunzwisiswa nomunhu, . . . chinomubatanidza mumweya naMwari mupenyu, . . . , uye kuponeswa kunoitwa varume nevakadzi naMwari.” Mumwewo akatsanangura evhangeri yoUmambo achiti “murayiro wechechi.” Uye bhuku rekatikazi reRoma rinonzi Catechism of the Catholic Church rinoti: “Umambo hwaMwari kururama uye rugare nomufaro muMweya Mutsvene.”

Papeji 2 yemagazini ino pane tsanangudzo yakajeka yenyaya iyi. Panoti: “Umambo hwaMwari, uhwo hunoreva hurumende chaiyo iri kudenga, hwava pedyo kugumisa uipi hwose, hwochinja pasi rino kuti rive Paradhiso.” Regai tione kuti Bhaibheri rinotsigira sei pfungwa iyoyo.

Vaya Vachatonga Pasi Rose

Umambo ihurumende inotongwa namambo. Jesu Kristu akamutswa ndiye Mambo woUmambo hwaMwari. Kugadzwa kwaakaitwa kuti ave mambo kudenga kwakarondedzerwa mune zvakaonekwa nomuprofita Dhanieri, uyo akanyora kuti: “Ndakaramba ndakatarira pane zvandakaratidzwa usiku, ndikaona nechekoko! mumwe munhu akafanana nomwanakomana womunhu [Jesu] achiuya aine makore okumatenga; akasvika kune Akakwegura Pamazuva, [Jehovha Mwari] uye vakamuswededza pamberi pake. Akapiwa ushe nokukudzwa noumambo, kuti vanhu, mapoka emarudzi nemitauro vamushumire vose. Ushe hwake ushe hunogara nokusingagumi, husingazopfuuri, uye umambo hwake ndohuya husingazoparadzwi.”—Dhanieri 7:13, 14.

Bhuku reBhaibheri raDhanieri rinoratidzawo kuti Mwari aizosimbisa kwazvo Umambo uhwu, hwogumisa hurumende dzose dzevanhu, hworamba huripo nokusingaperi. Chitsauko 2 chinorondedzera hope dzakaroteswa mambo weBhabhironi, paakaona chifananidzo chikuru icho chaimiririra hurumende dzenyika dzine masimba kupfuura dzimwe dzose dzaizotevedzana pakutonga. Muprofita Dhanieri akarondedzera zvairehwa nehope idzodzo. Akanyora kuti, “mumazuva okupedzisira . . . Mwari wokudenga achamutsa umambo husingazomboparadzwi. Umambo hwacho hahuzopfuudzwi kune vamwe vanhu. Huchapwanya, hwogumisa umambo hwose uhwu, uye ihwo huchamira nokusingagumi.”—Dhanieri 2:28, 44.

Mambo woUmambo hwaMwari haatongi ari oga. Jesu paaiita ushumiri hwake pasi pano, akaudza vaapostora vake vakatendeka kuti ivo nevamwe vaizomutsirwa kudenga kuti vazogara pazvigaro zvoumambo. (Ruka 22:28-30) Jesu akanga asingarevi zvigaro chaizvo nokuti Umambo hwacho hwaizova kudenga sezvaakataura. Bhaibheri rinorondedzera vanhu vachatonga naJesu ava richiti vanobva “mumadzinza ose nendimi nevanhu norudzi.” ‘Vachava umambo nevapristi kuna Mwari wedu, uye vachatonga semadzimambo pamusoro penyika.’—Zvakazarurwa 5:9, 10.

Chinoita Kuti Mashoko oUmambo Ave Akanaka

Cherechedza kuti Jesu Kristu akanzi atonge ‘vanhu, mapoka emarudzi ose nemitauro yose’ uye kuti vaya vaanenge anavo “vachatonga semadzimambo pamusoro penyika.” Asi ndivanaani vachatongwa neUmambo uhwu? Ndevaya vanoteerera mashoko akanaka ari kuparidzwa mazuva ano. Vanosanganisirawo vaya vachamutsirwa pasi pano vanenge vaine tarisiro yokurarama nokusingaperi.

Bhaibheri rinotaura zvakajeka makomborero achawanikwa nevanhu pavanenge vachitongwa noUmambo. Pasi apa pane mamwe acho:

“Anogumisa hondo kusvikira kumugumo wenyika. Anotyora uta uye anogura-gura pfumo; anopisa ngoro nomoto.”Pisarema 46:9.

“Vachavaka dzimba vogaramo; vachadyara minda yemizambiringa vodya zvibereko zvayo. Havazovaki mumwe ogaramo; havazodyari mumwe odya.”Isaya 65:21, 22.

Mwari “achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”Zvakazarurwa 21:3, 4.

“Panguva iyoyo maziso emapofu achasvinudzwa, uye nzeve dzematsi dzichavhurwa. Panguva iyoyo munhu akaremara achakwakuka sezvinoita nondo hono, rurimi rwembeveve ruchashevedzera ruchifara.”Isaya 35:5, 6.

“Awa iri kuuya mairi vaya vose vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa inzwi rake [Jesu], vobuda, vaya vakaita zvakanaka vachamukira upenyu, vaya vaiva netsika yokuita zvakaipa vachamukira kutongwa.”Johani 5:28, 29.

“Vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika, uye vachafara kwazvo norugare rukuru.”Pisarema 37:11.

Chokwadi aya mashoko akanaka! Uyewo, uprofita hweBhaibheri huri kuzadzika hunoratidza kuti nguva yava pedyo yokuti Umambo hutange kutonga nyika yose zvakarurama.