Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndivanaani Vari Kuparidza Mashoko Akanaka?

Ndivanaani Vari Kuparidza Mashoko Akanaka?

Ndivanaani Vari Kuparidza Mashoko Akanaka?

“. . . achaparidzwa munyika yose inogarwa.”—MATEU 24:14.

ZVAPUPU zvaJehovha zviri kuparidza mashoko akanaka pasi rose. Vanoparidza nenzira dzakasiyana-siyana. Imwe yacho ndeyo . . .

Kufamba Vachiparidza. Zvapupu zvaJehovha zvinofamba zvichiparidzira vanhu mashoko akanaka, sezvaiitwa naJesu nevadzidzi vake. (Ruka 8:1; 10:1) Havatarisiri kuti vanhu vauye kwavari ivo vakangogara zvavo. Kuparidzira vanhu nezvoUmambo hwaMwari ibasa rinoitwa neZvapupu zvose, izvo zvinopfuura mamiriyoni manomwe. Vanoparidza paimba neimba, mumugwagwa, vanoshandisa runhare nedzimwewo nzira. Gore rapera, Zvapupu zvakapedza maawa anopfuura bhiriyoni nehafu zvichiita basa iri.

Zvapupu hazvingogumiri pakudzidzisa vanhu nezvoUmambo hwaMwari asiwo zvinodzidzisa ‘zvinhu zvose zvakarayirwa naJesu.’ (Mateu 28:20) Zvinogara zvichiitisa vanhu vanopfuura mamiriyoni masere zvidzidzo zveBhaibheri vasingabhadhari.

Zvapupu zviri kuparidza munyika 236. Zvinoparidzira vanhu vose vose zvisingasaruri. Vanoparidzira mumaruwa nomumataundi, mumasango eAmazon uye mumasango eSiberia, mumagwenga ari muAfrica nemumakomo anonzi Himalaya Mountains. Havabhadharwi pakuita basa iri, asi vanoshandisa mari yavo uye vachizviita panguva yavo, zvichibva pakuda kwavanoita Mwari nevavakidzani vavo. Vanoitawo kuti vanhu vazive mashoko akanaka vachishandisa . . .

Mabhuku. Zita rakazara remagazini ino nderokuti Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha, yava kubudiswa mumitauro 185 uye mamiriyoni anopfuura 42 emagazini iyi anodhindwa mwedzi mumwe nomumwe. Imwe magazini yacho yeMukai!, iyo inozivisawo nezveUmambo inobudiswa mumitauro 83 uye mamiriyoni anenge 40 emagazini iyi anodhindwa mwedzi mumwe nomumwe.

Mabhuku, mabhurocha, maturakiti, maCD nemaMP3, uye maDVD anotsanangura zvinodzidziswa neBhaibheri anowanikwa mumitauro inenge 540. Mumakore gumi chete apfuura, Zvapupu zvakabudisa zvikaparadzira zvinhu izvi zvinopfuura mabhiriyoni 20 kuvanhu, kureva kuti anenge munhu wose pasi pano ane zvitatu zvezvinhu izvi.

Zvapupu zvaJehovha zvakadhindawo kana kuti kudhindisa shanduro dzakasiyana-siyana dzeBhaibheri. Bhaibheri reShanduro Yenyika Itsva yeMagwaro Matsvene rakashandurwa, rikadhindwa uye rikabudiswa neZvapupu rava kuwanika rakazara kana kuti chikamu charo mumitauro 96. MaBhaibheri anopfuura mamiriyoni 166 akatoparadzirwa. Zvapupu zvinoitawo kuti vanhu vazive mashoko akanaka oUmambo . . .

Pamisangano yechiKristu. Chinangwa chemisangano inoitwa vhiki imwe neimwe paDzimba dzoUmambo ndechokuti vanhu vadzidze, kwete kungoendawo kuchechi. Panokurukurwa nyaya dzinotsigirwa neBhaibheri uye Bhaibheri rinodzidzwa pachishandiswa magazini yeNharireyomurindi nemamwewo mabhuku. Pamisangano iyi, Zvapupu zvinodzidziswawo kuparidza mashoko akanaka nounyanzvi.

Chinoita kuti Zvapupu zvibatane pasi rose ndechokuti zvinodzidza zvinhu zvakafanana muungano dzinopfuura 107 000. Munhu wose anoda akasungunuka kuuya kumisangano iyi. Hakutomborina ndiro yokukumbira mari inofambiswa. Ichokwadi kuti kuita zvose izvi kwaizoshaya basa kudai Zvapupu zvisingaiti zvavanoparidza. Saka, vanoedza kuita kuti vamwe vade mashoko akanaka no . . .

Kuratidza Muenzaniso Unoyemurika. Vanoedza nemwoyo wose kuratidza muenzaniso wakanaka nemararamiro avo sevaKristu, uye vanoedza chaizvo kuitira vamwe zvavangada ivo kuzoitirwa. (Mateu 7:12) Kunyange vane chivi uye vachimbotadzawo, vanonyatsoda kuratidza vanhu vose rudo nokuvabatsira pazvinenge zvichiita, kwete nokungovaparidzira.

Zvapupu zvaJehovha hazvisi kuedza kutendeutsa nyika yose nokuparidza kwavo. Asi basa iri parichaitwa zvinogutsa Jehovha, mugumo unobva wauya, sezvakagara zvataurwa naJesu. Chii chichaitika panyika uye vanhu vari pairi?

[Mufananidzo uri papeji 7]

Mashoko akanaka ari kuparidzwa pasi rose neZvapupu zvaJehovha