Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chii Chinonzi ‘Mugumo?’

Chii Chinonzi ‘Mugumo?’

Chii Chinonzi ‘Mugumo?’

“. . . uye zvadaro kuguma kuchasvika.”—MATEU 24:14.

ZVINOITA sokuti nyaya dzinorondedzera zvichaitika pakuguma kwenyika hadziperi. Mabhuku, mafirimu uye magazini enyambo neesayenzi anorondedzera zvingangozoitika pachaguma nyika. Izvi zvinosanganisira kuparara kuchaita nyika pachishandiswa hondo yenyukireya, kubonderana kwematombo ari muchadenga, utachiona hunouraya, kuchinja kwemamiriro okunze kusingagoni kumiswa, kana kuti zvinhu zvinodonha zvichibva muchadenga.

Dzidziso dzezvitendero dzinotaura ‘nezvemugumo’ dzakasiyana-siyana uye vakawanda vanoti chinhu chose chinofema panyika chichatsakatika. Achitsinhira Mateu 24:14, mumwe anoongorora zvechitendero akanyora mashoko anotyisa okuti: “Pandima dziri muShoko raMwari, iyi ndeimwe yedzinokosha kwazvo . . . Chizvarwa chedu chakatarisana nokutsvairwa kwevanhu vose, asi vashoma vedu chete ndivo vane hanya nezvezvazvichange zvakaita.”

Mafungiro akadaro anowanzoratidza kuti vanhu havafungi nezvepfungwa iyi inokosha yokuti: Jehovha Mwari ‘akasimbisa kwazvo nyika,’ haana “kungoisikira pasina, [asi] akaiumba kuti igarwe.” (Isaya. 45:18) Saka Jesu paakataura ‘nezvemugumo’ akanga asingarevi kuti nyika ndiyo ichaparara kana kuti vanhu vose ndivo vachatsakatiswa. Chaizoparadzwa vanhu vakaipa, vaya vanoomesa musoro vachiramba kurarama zvinoenderana nezvinodiwa naJehovha.

Chimbofunga nezvemuenzaniso uyu. Ngatitii une imba yakanaka, woirojesa vanhu asi usingavabhadharisi. Vamwe vacho vanogona kugarisana zvakanaka nevamwe vachitarisirawo imba yako zvakanaka. Asi vamwe vacho vanonetsa, vachigara vachirovana uye vachiitira utsinye vaya vakazvigarira zvakanaka. Vanouraya zvinhu pamba uye vanoisa zvimiti munzeve pasinei nokuti wavaudza kuti vasadaro.

Ungaitei kuti ugadzirise zvinhu? Unoputsa imba yako here? Haungambodaro. Zvaungaita ndezvokudzinga vanhu vakaipa ava wobva wagadzirisa zvinhu zvavakauraya.

Ndizvo zvichaitwawo naJehovha. Akafuridzira munyori wepisarema kunyora kuti: “Vanoita zvakaipa vachaparadzwa, asi vaya vanotarisira kuna Jehovha ndivo vachagara nhaka yenyika. Kwangosara nguva duku, munhu akaipa haazovipozve; uchanyatsotarira panzvimbo yake, asi haachazovipo. Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika, uye vachafara kwazvo norugare rukuru.”—Pisarema 37:9-11.

Muapostora Petro akataurawo nezvenyaya iyi. Akafuridzirwa kunyora kuti: “Kubvira kare kwaiva nematenga uye nyika yakanga yakabatana isiri mumvura uye iri pakati pemvura, zvaitwa neshoko raMwari, uye nezvinhu izvozvo nyika yepanguva iyoyo yakaparadzwa payakafukidzwa nemvura.” (2 Petro 3:5, 6) Apa muapostora ari kutaura nezveMafashamo omunguva yaNoa. Chakaparadzwa vanhu vasingadi Mwari, kwete nyika. Mafashamo akaitika munyika yose ‘muenzaniso wezvinhu zvichauya kune vaya vasingadi Mwari.’—2 Petro 2:6.

Petro akazowedzera kuti: “Matenga nenyika zviripo iye zvino zvakachengeterwa moto.” Zviri kurehwa pano zvingatinzvenga kana tikangogumira ipapo. Asi cherechedza kuti ndima yacho inopfuurira ichiti: “Uye kuparadzwa kwevanhu vasingadi Mwari.” Vanhu vasingadi Mwari ndivo vachaparadzwa, kwete nyika. Chii chinozotevera? Petro akanyora kuti: “Kune matenga matsva [Umambo hwaMwari hunotungamirirwa naMesiya] nenyika itsva [vanhu vakarurama] zvatakamirira maererano nezvaakapikira, uye kururama kuchagara mazviri.”—2 Petro 3:7, 13.

Uprofita hweBhaibheri hunoratidzawo kuti ‘mugumo’ wava pedyo kusvika. Verenga Mateu 24:3-14 uye 2 Timoti 3:1-5 kuti uone zvinhu zvinoratidza kuti ichi ichokwadi. *

Zvinokushamisa here kuti vanhu vari kutadza kunzwisisa rugwaro rwaMateu 24:14 rwokuti chero mwana mudiki anogona kunzwisisa? Pane zvikonzero zvinoita kuti vatadze kunzwisisa. Satani akapofumadza vanhu kuti vasaziva chokwadi chinokosha chiri muShoko raMwari. (2 VaKorinde 4:4) Uyewo, Mwari akavanzira vanhu vanozvikudza zvinangwa zvake akaita kuti zvizivikanwe nevaya vanozvininipisa. Panyaya iyi, Jesu akati: “Ndinokurumbidzai pachena, Baba, Ishe wedenga nenyika, nokuti makavanzira zvinhu izvi vakachenjera nevakangwara mukazvizarurira vacheche.” (Mateu 11:25) Unenge waremekedzwa chaizvo kuva mumwe wevanozvininipisa vanonzwisisa kuti chii chinonzi Umambo hwaMwari uye vanotarisira kuwana makomborero anopiwa vose vanohutsigira!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 11 Kuti unzwe zvakawanda nezvenyaya iyi, ona chitsauko 9 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 9]

Umambo ‘huchagumisa’ zvinhu zvose zvakaipa zviri panyika