Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Nyika Inoyerera Mukaka Nouchi”

“Nyika Inoyerera Mukaka Nouchi”

“Nyika Inoyerera Mukaka Nouchi”

JEHOVHA MWARI paakanunura vaIsraeri muIjipiti, akavavimbisa kuti aizovaendesa “kunyika yakanaka uye yakakura, kunyika inoyerera mukaka nouchi.”—Eksodho 3:8.

VaIsraeri pavaigara muNyika Yakapikirwa vaipfuwa mombe, makwai nembudzi, saka mukaka wakanga usiri wenhamo. Ko uchi? Vamwe vanoti mashoko acho anoreva muto waitapira waigadzirwa nemichero yemichindwe, maonde kana kuti mazambiringa. Uye maduramazwi akawanda eBhaibheri anoti uchi uhwu hahusi hwenyuchi dzokuita zvokuchengeta asi kuti ndohwemusango. (Vatongi 14:8, 9; 1 Samueri 14:27; Mateu 3:1, 4) Ichokwadi here kuti nyika iyi yaiita ‘zvokuyerera’ uchi nomukaka?

Zvimwe zvakawanikwa nguva pfupi yapfuura nevanochera matongo muIsrael zvinotibatsira kunzwisisa. Pane zvakawanikwa izvi, pepanhau repaHebrew University rakataura kuti: “Purofesa (Amihai) Mazar vakati, ‘Pakuchera matongo kwose kwati kwaitwa muAncient Near East, iyi ndiyo nzvimbo yaiva nemikoko yenyuchi yakatanga kuwanikwa. Mikoko iyi ndeyemuzana ramakore rechi10 kana kuti kwokutanga kwerechi9 B.C.E.’”

Vanoita zvokuchera matongo vakawana mikoko inopfuura 30 mumipanda mitatu uye zvinofungidzirwa kuti nzvimbo yacho yose yaiva nemikoko inenge 100. Kuongororwa kwakaitwa mikoko iyi kwakaratidza kuti mukati mayo maiva nemazinga uye zvikumbo nezvimapapiro zvenyuchi. Nyanzvi dzinoongorora izvi dzinofungidzira kuti “pagore paimorwa inenge hafu yetani yeuchi kubva mumikoko iyi.”

Kare ikako uchi hwaiva zvokudya zvinonaka asi mazinga aishandiswa pakugadzira simbi nematehwe. Mazinga aya aishandiswawo kunyorerwa. Ainyungudutswa odirwa muforoma yakagadzirwa nemapuranga, onyorwa ava kuda kugwamba. Kana poda kunyorwazve aibva anyungudutswazve. Saka pane zvavakawana izvi, vanochera matongo ava vakazogumisa kuti kudii?

Pepanhau iri rinoenderera mberi richiti: “Kunyange zvazvo Bhaibheri risina zvarinotaura nezvekuti vaIsraeri vaichengeta nyuchi here kana kuti kwete, kuwanikwa kwakaitwa mikoko iyi paTel Rehov kunoratidza kuti kuchengeta nyuchi nokumora uchi uye kushandiswa kwemazinga raitova basa guru raiitwa kubvira panguva yeTemberi yokutanga [yaSoromoni]. Saka zvinoratidza kuti shoko rokuti ‘uchi’ riri muBhaibheri rinoreva uchi chaihwo hwenyuchi.”

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 15]

Institute of Archaeology/Hebrew University © Tel Rehov Excavations