Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“MaIndia Tinodiwawo naJehovha Here?”

“MaIndia Tinodiwawo naJehovha Here?”

Tsamba Inobva kuMexico

“MaIndia Tinodiwawo naJehovha Here?”

MELESIO, mumwe murume anotaura chiO’dam, aigara achimbouya kuguta kuzotsvaka basa, achibva kumakomo kwaaigara. Akapinda misangano yechiKristu akatora mabhuku eBhaibheri akanopawo vamwe vake. Akateterera Zvapupu kuti dai mumwe munhu akavashanyirawo avadzidzise zvakawanda nezveBhaibheri.

VaO’dam nderimwe dzinza rinogara kwaro roga mumakomo eSierras nechepakati pokuchamhembe kweMexico, uye ungano yeZvapupu zvaJehovha iri pedyo navo iri kure nemakiromita anenge 240. Takasarudza kuvashanyira takati wandei.

Takawana karori, tikabva muguta reDurango nematende, magumbeze, uye zvokudya nepeturu zvaizotikwanira kwemazuva matatu. Takasimuka na4:00 kwoedza, tikatyaira motokari kwemaawa masere tichifamba nomugwagwa usina tara waikwidza mugomo kusvikira pawaiperera. Pano ndipo paibva patangira nharaunda yevaO’dam. Nechepamberi paiva nomupata wakadzika uye rimwe gomo.

Takasiya motokari yedu pane mumwe musha, tikazopedzisa rwendo rwemaawa matatu netsoka kusvikira kwaiperera mupata wacho, takatakura zvinhu zvataida kuzoshandisa. Takabva tadzika matende edu ipapo, tikavesa moto kuti tidzinge mhuka dzesango, uye taichinjana kurara maawa matatu-matatu kuitira kuti vamwe varambe vachikuchidzira moto.

Takafumobata jongwe muromo tikatanga kukwidza gomo. Paiva notunzira twakawanda, saka takabayiwa nokurasika. Mumwe wataiva naye aitaura chiO’dam zvishoma, saka mumisha yaiva munzira taimboudza vanhu mashoko eBhaibheri. Zvakatishamisa vanhu pavakatiudza kuti kuLos Arenales kwataienda kwaiva nevamwe vaizviti Zvapupu zvaJehovha uye vaitoita misangano. Izvi zvakatishamisa asi zvakatikurudzira.

Takazosvika kuLos Arenales tsoka dzava nematuzu. Nzvimbo yacho yaiva nedzimba dzaivakwa nezvidhinha zvisina kupiswa dzaiva dzakapfirirwa nemakadhibhokisi, kusina zvikoro kana magetsi. Vanhu ava varombo zvisingaiti, chingwa chinobikwa noupfu nemazai ndicho chinovararamisa, kwozongoitawo zvimwe zvavanowana apo neapo, uye havambozivi zvinoitika kune dzimwe nzvimbo. Takazowana Melesio, murume mutete wechidiki uye akafara zvokufara zviya paakationa. Akati tipinde mumba make, akatiudza kuti akanga achinyengetera mazuva ose achikumbira Jehovha kuti atumire Zvapupu zvizomudzidzisa Bhaibheri iye nemhuri yake pamwe nevamwe vaitaura chiO’dam, nokuti iye akanga asingakwanisi kupindura mibvunzo yavo yose.

VaO’dam vanoita zvemidzimu. Vanoshandisa mazango akaita seminhenga yemakondo nemapfupa acho, vanonamata masimba asingaoneki, uye vanogara vachitya midzimu, iyo inovadzvinyirira. Melesio akatiudza kuti paaienda kuguta, akadzidza kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi, achibva aparadza zvidhori zvake zvose. Vomumaraini vaifunga kuti vanamwari vavo vachamuranga nokumuuraya. Pavakaona pasina chaitika, vakabva vaziva kuti Jehovha ane simba kupfuura vanamwari vavo. Saka vakatanga kuuyawo kuzodzidza Bhaibheri naMelesio paaidzidza nemhuri yake achishandisa mabhuku edu.

Melesio akati: “Ndakavaudza kuti vaifanira kutanga vapisa mazango avo ose nezvidhori zvose.” Vakawanda vakarega kutenda mashura uye vanhu vaiuya kuchidzidzo ichi vakawedzera kupfuura 80. Tashamiswa nokunzwa izvi, takasarudza kuungana masikati iwayo. Takatumira vanhu vaiva nemabhiza kuti vanoshevedza vaya vaigara vachiuya kuzoungana pamba paMelesio. Kunyange zvazvo paiva pakati pevhiki uye vangoudzwa zvechivhundumukira, kwakauya vanhu 25, vamwe netsoka uye vamwe vacho nemadhongi.

Takapindura mibvunzo yeBhaibheri yavaiva nayo, Melesio achiturikira. Vakabvunza mibvunzo yakaita sokuti: “MaIndia tinodiwawo naJehovha here?” “Anonzwa minyengetero yechiO’dam here?” “Amagedhoni paichauya, Jehovha achatifungawo here isu tichigara kure nemaguta zvakadai?” Tichishandisa Bhaibheri, takafara kuvimbisa vanhu vanozvininipisa ava kuti Jehovha ane hanya nevanyoro, pasinei nokuti vanotaura mutauro upi uye kuti vari kure nevamwe zvakadini. Vakatiteterera kuti tivatumire munhu anozovadzidzisa zvimwe.

Tapedza musangano, takadya zvokudya zvedu neshamwari dzedu itsva idzi. Kwakanga kwasviba uye kuchitonhora chaizvo zvapari pamusoro pegomo, saka takafara chaizvo pavakatiti tirare mune imwe imba yakanga ichiri kuvakwa. Mangwanani acho vakazotiperekedza kwatakanga tasiya motokari yedu nenzira yokudimbudzira, uye takadzokera kuDurango, taneta, asi tichifara.

Chokwadi yaiva ropafadzo chaiyo kuonana nevanhu ava vaida chokwadi nomwoyo wose, vakawanda vacho vasingagoni kuverenga, kunyora kana kutaura chiSpanish, asi vachida kudzidza nezvaMwari wechokwadi uye kumunamata! Kubva patakatanga kushanyako, Zvapupu zvitanhatu zvakaendako, zvikanogara kwevhiki nhatu. Zvakabatsira vanhu 45 pakunamata avo vanoda kushumira Jehovha nomwoyo wose. Vose vari kupinda misangano nguva dzose.

Chokupedzisira, muLos Arenales mune kachitoro kamwe chete uye hakachatengesi fodya. Imhaka yokuti vanhu vakawanda vava kudzidza Bhaibheri uye havachasvuti. Vakanyoresawo michato yavo.

[Mufananidzo uri papeji 24]

Melesio nomudzimai wake, nevanasikana vana, naamai vomudzimai wake

[Mifananidzo iri papeji 25]

Vachidzidza Bhaibheri uye vari pami- sangano yechiKristu muLos Arenales

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 25]

Servicio Postal Mexicano, Correos de Mexico