Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Makomborero Anowanikwa Pamagungano Eruwa okuRussia

Makomborero Anowanikwa Pamagungano Eruwa okuRussia

Makomborero Anowanikwa Pamagungano Eruwa okuRussia

MUCHIRIMO choga choga, vanhu vokuRussia vanofarira kuona zvinhu zvakasikwa vanodirana vachibva mudzimba dzavo dziri mumaguta vachienda kunogara mudzimba dzomuchirimo dziri kumaruwa. Ndiyo nguva yokuti vambofurwawo nemhepo vakazorora vachitiza upenyu hwechipatapata hwemumadhorobha. Mumakore achangopfuura, Zvapupu zvaJehovha zvokuRussia zvakatanga kuendawo kumaruwa ikoko asi nechinangwa chakasiyana.

Pasinei nokuti Zvapupu zvaJehovha zvinorambidzwa kuparidza mune mamwe maguta okuRussia, vachine rusununguko rwokuungana kuti vanamate kuratidza kodzero dzavo dzepamutemo. Asiwo dzimwe nguva kupikiswa uye kushorwa kwavanoitwa kunobva pakuti vakuru vakuru kana kuti vafundisi vechechi yeOrthodox iri muRussia vanenge vataura mashoko asiri iwo, zvobva zvaita kuti Zvapupu zvitadze kuwana nzvimbo dzakati tsvikiti dzokuitira magungano eruwa anoitwa gore negore muchirimo. Saka Zvapupu zvakaronga kuitira magungano mumasango chaimo. Kubvira muna 2007 kusvika muna 2009, magungano aiitirwa mumasango iwayo akaitwa kanenge ka40 munzvimbo 25 muRussia yose.

Chimwe Chapupu chava nemakore chichipinda magungano okuRussia chinoti: “Kare pataihaya nhandare uye zvivako mumataundi makuru, vanhu vanoda kuziva chokwadi nevakuru vakuru vaizvionera kuchena uye kurongeka kwakaita sangano redu. Iye zvino tava kumanikidzwa kunamatira mumasango munongova nemhuka dzesango. Zvinorwadza kuti voruzhinji havachakwanisi kuona kuungana uku kwakanaka kudai kunosanganisa vanhu vane tsika dzakasiyana-siyana, madzinza uye vezvimwewo zvitendero.”

Kunyange zvazvo kuungana kwakadai kuchinakidza, chimwe Chapupu chinoti: “Zvinofadza chaizvo kuona kuzvipira uye kuvimbika kunoita Zvapupu zvinobvuma kuita zvinoenderana nemamiriro ezvinhu anenge aripo. Asika kutaura chokwadi, vakuru vakuru pavanotiomesera panyaya yokuita magungano edu, tinopedzisira tava kuita batai-batai uye tosara tarukutika. Zvinoitawo kuti tisanamata Mwari wemasimbaose zvine mutsigo.” Zvapupu zvaJehovha zvokuRussia zvakaita sei kuti zvikurire dambudziko iri?

Nyika Yose Inoitira Magungano Eruwa Mumasango

Kazhinji panongoerekana pakanzurwa nzvimbo dzatanga tichida kushandisa iyo nguva yapera, zvinopedzisira zvaita kuti Zvapupu zvinotungamirira pakuronga zvitsvake dzimwe nzvimbo dzinokwana zviuru zvevanhu vari kufanira kuuya kugungano. Somuenzaniso, muna 2008 Zvapupu zvokuCheboksary Chuvash Republic zvakaita gungano reruwa pane imwe nzvimbo inowanzovhakachirwa nevanhu yaiva yakakombwa nemiti mirefu uye yakatarisana nerwizi rwunonzi Volga. Pakanga paine basa guru rokupagadzira. Pavanhu 1 930 vaitarisirwa kuuya, 1 700 vaifanira kuzogara panzvimbo iyi. Vaida pokugezera, pombi dzemvura dzine mvura inopisa neinotonhora, zvimbudzi, uye magetsi. Uyewo vanhu vose vaida zvokudya.

Zvapupu zvakashanda nesimba kuti zvinhu izvi zvivepo. Nyanzvi dzemagetsi, dzokuveza uye dzepombi dzemvura dzakazvipira kuita basa iri. Zvapupu 350 zvakazvipira kuita basa racho uye 14 vacho vaiita zvokutogarirapo kwemazuva gumi. Vakacheka matanda nouswa vachibva vagadzira dzimba dzokugara, mokugezera uye zvimbudzi. Zvimwe Zvapupu zvakaita nzendo dzakati oo kuenda kutaundi kuti zvinotenga zvimwe zvaida kushandiswa. Sezvo pakanga pasina mafiriji, Zvapupu zvakasarudza kuti zvibikire munhu wose zvokudya mangwanani, masikati nemanheru. Varidzi venzvimbo iyi vakabatsirawo nokuhaya vashandi vaibikira vanhu zvokudya. Pavanhu vakauya, 500 vakauya nematende avo, 150 vakahaya dzimba dzaiva pedyo nenzvimbo iyi, 15 vakagara mumatanga anochengeterwa uswa hwemabhiza, kwozoti vamwe vakanga vasara ndivo vakazoshandisa dzimba dzakanga dzagadzirwa neZvapupu.

Zvapupu zvaiuya kuzopinda gungano pazvakasvika, zvakaona macheya epurasitiki akanga akarongwa zvakanaka. Nechokumberi kwaiva nezvikuva zviviri zvakanga zvakashongedzwa nemaruva, chimwe chiri chevomutauro wechiRussia uye chimwe chacho chewechiChuvash. Munhu wose akanakidzwa nepurogiramu iyi yokunamata uye akaonga kushanda zvakaoma kwakaita vanhu vakazvipira. Mumwe aibika zvokudya akati, “Kudai ndisina kuzvionera neangu aya, ndaisazombofa ndakabvuma kuti kune sangano rine vanhu vakarongeka uye vane tsika sezvamakaita!” Vamwe vakafananidza gungano iri noMutambo weMatumba waipembererwa nevaIsraeri munguva dzeBhaibheri.

Mune mamwe maguta, Zvapupu zvakanga zvangosara nezuva rimwe chete kuti zvironge uye kutsvaka pamwe pazvaigona kupindira gungano reruwa. Izvi ndizvo zvakaitika kuNizhniy Novgorod uko Zvapupu zvakashanda zvichichinjana siku nesikati pane rimwe purazi. Vaifanira kutema miti nezvikwenzi, kucheka uswa uye kuuraya zvikwekwe nemasvosve. Pakazosvika vanhu musi weChishanu mangwanani, vanhu vaizvipira vakanga vaunza zvigaro zvepurasitiki 2 000 nezvimbudzi gumi zvinotakurika, uye vaisa madhiramu emvura, vagadzira chikuva uye vaisa jenareta negudzanzwi. Imwe hama yakati: “Chinofadza ndechokuti hama dzakashanda nesimba siku nesikati hadzina kumbozviona semagamba. Vakaramba vachishanda vachizvininipisa panguva yaiitwa gungano iri. Vakashanda nesimba chaizvo, kuitira kuti hama dzavo nehanzvadzi dzinyatsosununguka uye dzinakidzwe nepurogiramu.”

Imwe hama yakanyora kuti: “Wainyatsoona kuti vanhu vari kuita mushandirapamwe. Kunyange zvazvo kaiva kokutanga kuti hama idzi dziite gungano musango uye pakanga pasara nguva shoma, vakaedza kumira-mira kuti panguva yepurogiramu pasava nechinovhiringa. Tapedza, hatina kumbonzwa kuneta. Zvaiita sokuti Jehovha apa mumwe nomumwe wedu mapapiro!”

Kushanda Kunoita Mudzimu waMwari

Kakawanda matambudziko ane chokuita nokutsvaka pokupindira gungano akabatsira kuti Zvapupu zvisimbise ukama hwazvo uye akaratidza kushanda kunoita mudzimu waMwari. MuSmolensk, Zvapupu zvakaudzwa kuti zvakanga zvisingachaiti kuti vashandise dzimba dzakawanda dzavaiva vahaya iro gungano ririko mangwana acho. Mumwe mukuru weungano anoti: “Mabhazi akawanda aiuya nevaizopinda gungano paakasvika nenguva dza1:00 pakati pousiku, pakanga pasina pokuti vagare. Ndakatanga kuchema nokuti hapana chandaikwanisa kuita kuti ndivabatsire. Ndakanyengetera kuna Jehovha ndichimuteterera kuti agadzirise dambudziko iri. Ndakafara chaizvo patakazowana pamwe pokugara paizokwana vanhu vose kwangopera awa imwe chete! Zvaishamisa chaizvo uye zvairatidza kuti Jehovha haazombosiyi vanhu vake vachiona pfumvu!” Pane rimwe gungano rakaitirwa musango Zvapupu zvakakumbira pokugara kuvanhu vomuraini uye nemhaka yokuti Zvapupu zvine mukurumbira wakanaka munzvimbo iyi, vakapiwa pokugara pevanhu 2 000 vaiva vauya kugungano.

Chimwe Chapupu chakati: “Kungokwanisa kwatakaita kuita gungano kwainyatsoratidza zviri pachena kuti zvinokosha chaizvo kuvimba naJehovha mumamiriro ose ezvinhu.” Zvaidawo kuvimba naye kunyanya pakangoerekana pasvika vanhu vaida kuzongokonzera bongozozo pagungano. KuNovoshakhtinsk, vafundisi vechechi yeOrthodox yokuRussia nevamwe vaida kuvhiringidza vakauya vakaimba nziyo vachishevedzera vachishandisa magudzanzwi kuitira kuvhiringidza mukurukuri. Asi mapurisa akavabata kuti vasavhiringidza purogiramu. Mumwe mukadzi wechechi yeOrthodox aiva mumwe wevaiita mhirizhonga iyi paakafenda nemhaka yokupisa kwakwaiita, hama dzakamuendesa kudhipatimendi reFirst Aid repagungano racho achibva arapwa. Paakamuka akashayiwa neromuromo.

Vakashamiswa Nezvavakaona

MuRussia zvamunongogara muchiitwa zvougandanga, panoungana vanhu kazhinji panouyawo mapurisa nevamwewo vanenge vachida kuona zviri kuitika. Somuenzaniso, kune rimwe gungano rakaitirwa musango kuVolzhskiy kwakauya vamiririri veboka remapurisa anodzivisa mhirizhonga. Mumwe wemapurisa aya akarasa foni yake paiitwa purogiramu yacho, uye hama dzakamubatsira kuitsvaka akaiwana kuDhipatimendi reZvakarasika Zvikawanikwa. Munguva pfupi, akafonerwa nomukuru mukuru wake, aida kuziva kana pagungano racho painge pamboitika mhirizhonga kana kuti zvine chokuita nematongerwo enyika. Mupurisa wacho akamupindura achiti: “Zvose zviri kufamba zvakanaka; pane vanhu 5 000 asi hapana kana mhirizhonga. Vari kuzvinamatira zvavo! Handisati ndamboona zvakadai. Ndarasa foni yangu uye vaiwana vakandipa mufunge!”

Mumwe murindi akanakidzwa nokuchena kwakanga kwakaita nhandare uye zvakamushamisa kuti kunyange paiva nevana vakawanda, haana kana paakaona paine pepa kana rechihwitsi zvaro. Muridzi wenhandare yakaitirwa rimwe gungano akaonana nemapurisa ayo akanga audzwa kuti paiva pakaungana vanhu vakawanda vaiita zvechechi. Akapinza mumwe mukuru mukuru wemapurisa munhurikidzwa yechitatu yechivako chaiva paiitirwa gungano iri uye akamuratidza vanhu vacho achiti: “Tarirai henyu muone zvavakaita! Zvionerei henyu kurongeka kwakaita vanhu ava!” Muridzi wacho akashamiswa kuti Zvapupu zvakanga zvisinganwi doro uye zvisingasvuti uye vakasiya pasina kana rara zvaro. Akabva ati: “Unofunga kuti wava muparadhiso!”

Zviri Pachena Kuti Vanhu vaMwari Vakabatana

Pakapera rimwe gungano raiitwa musango, sabhuku womumwe musha waiva pedyo akati: “Tinokutorai sevanhuwo zvavo, asi zvamunoita zvikuru. Isu takagara hedu pasina zvatiri kuita, imi muchibatanidza vanhu.” Kubva kuKaliningrad kusvika kuKamchatka, vanhu vanogara munyika iyi vari kuramba vachinakidzwa nokubatana kwakaratidzwa nevanhu vaMwari pamagungano avo. Vanoramba vachiremekedza vane masimba uyewo vamwe vanhu pasinei nokuti vanongoerekana vachinjirwa zvirongwa zvavo.

Pasinei nokuti iye zvino mamiriro avo ezvinhu akaita sei, Zvapupu zvaJehovha zviri muRussia zvinoramba zvichiungana nomufaro kuti zvipiwe mirayiridzo yezvokunamata. Vanonyengeterera ‘madzimambo nevaya vose vane nzvimbo dzepamusoro; kuti varambe vachirarama upenyu hwakadzikama nohwakanyarara, vachizvipira kuna Mwari uye vari vomwoyo wose zvizere.’—1 Timoti 2:2.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 27]

Chimwe Chapupu chakazvipira chichibatsira kuronga gungano reruwa rakaitirwa musango

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 29]

Zvapupu zvaJehovha zvokuRussia zvinoramba zvichirarama “upenyu hwakadzikama nohwakanyarara, vachizvipira kuna Mwari”

[Mifananidzo iri papeji 28]

Vanhu vakazvipira vachishanda pamwe chete kuti vachenese nhandare gungano risati raitwa uye vape zvokudya kuzviuru zvevakanga vauya kugungano

[Mifananidzo iri papeji 29]

Munhu wose akanakidzwa nepurogiramu yacho yokunamata uye akaonga basa rakaoma rakanga raitwa nevanhu vakazvipira