Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Usambofa Wakasiya Vaunonamata Navo

Usambofa Wakasiya Vaunonamata Navo

Usambofa Wakasiya Vaunonamata Navo

“NYAYA dzemabhizimisi munyika dzakanga dzichibudirira ukuwo isu tichibata mari zvokuti kwemakore gumi takanga tisingamboroti kuti kunze kunei. Kunyange zvazvo takakura tiri muchokwadi, takanga tayeredzwa nenyika uye tisisina simba rokudzoka kuna Mwari,” vanorondedzera kudaro Jarosław nomudzimai wake Beata. *

Imwe hama inonzi Marek inoyeuka kuti: “Nemhaka yokuchinja kwaiita zvematongerwo enyika nemagariro evanhu muPoland ndaisagara pabasa. Izvi zvakanditenderedza musoro. Ndaitya kutanga kambani yangu ndoga nokuti zvemabhizimisi zvaiva kure neni. Asi ndakazopedzisira ndakundwa nomuedzo wacho ndokutanga kambani yangu, ndichifunga kuti yaizondibatsira kuriritira mhuri yangu ndisingakanganiswi kunamata. Ndakazoona kuti ndakanga ndazvinyepera.”

Nokudhura kuri kuramba kuchiita zvinhu uye kushayikwa kwemabasa, vamwe vanhu vakapererwa nezano vakazogumisira vaita zvisarudzo zvokusachenjera. Dzimwe hama dzakasarudza kubvuma kushanda maawa okuwedzera, kutsvaga rimwe basa rokuwedzera, kana kuti kutangawo mabhizimisi avo kunyange vasina ruzivo nezvemabhizimisi. Vanofunga kuti kuwana imwe mari kuchabatsira mhuri yavo uye hakuzokanganisi ukama hwavo naJehovha. Asi, kunyange vavariro yedu yakanaka, zviitiko zvisingafanoonekwi uye kusagadzikana kwoupfumi zvinogona kupinza zvirongwa zvedu musango. Izvi zvakaita kuti vamwe vapedzisire vava nemakaro uye vakoshese pfuma pane zvokunamata.—Mup. 9:11, 12.

Dzimwe hama uye hanzvadzi dzanyura mukutsvaga zvinhu zvenyika zvokuti hadzisisina nguva yokudzidza, yemisangano, kana kuti yeushumiri. Zviri pachena kuti kurega zvinhu zvinokosha kwakadaro kunokanganisa ukama hwavo naJehovha. Vanogonawo kusiya ‘vaya vane ukama navo mukutenda.’ (VaG. 6:10) Vamwe vanotsauka zvishoma nezvishoma vachisiya hama dzavo dzechiKristu. Fungisisa nezvenyaya iyi.

Zvatinotarisirwa Kuitira Hama Dzedu

Sehama nehanzvadzi tine mikana yakawanda yokuratidzana rudo rukuru. (VaR. 13:8) Zvichida wakamboona ‘vanhu vanotambudzika vaichemera kubatsirwa,’ muungano yenyu. (Job. 29:12) Vamwe vangave vasina chokubata muupenyu. Muapostora Johani akatiyeuchidza kuti izvi zvinotipa mukana wokuita sei. “Munhu ane zvokutsigira upenyu zvenyika ino akaona hama yake ichishayiwa, iye oramba kumunzwira tsitsi kwazvo, kuda Mwari kunoramba kuri maari sei?”—1 Joh. 3:17.

Ungave wakabatsira vamwe vakadaro nokuvapa zvavaida. Asi kuda hama dzedu hakungogumiri pakudzipa zvadzinoshayiwa. Vamwe vangachemera kubatsirwa nokuti vanenge vachisurukirwa kana kuti vakaora mwoyo. Vangave vachinzwa sevasingakoshi, vachirwara zvakanyanya, kana kuti vakafirwa. Imwe nzira yatingavakurudzira nayo kuvateerera uye kutaura navo, tovanzwira urombo uye kuvabatsira kusimbisa ukama hwavo naJehovha. (1 VaT. 5:14) Izvi zvinowanzosimbisa kuda kwatinoita hama dzedu.

Vafudzi vechiKristu zvikuru ndivo vangava nemukana wokuteerera vachiratidza tsiye nyoro, kunzwisisa, vachipa mazano orudo anobva muMagwaro. (Mab. 20:28) Kana vakadaro vanenge vachitevedzera muapostora Pauro, uyo ‘aida kwazvo’ hama dzake nehanzvadzi.—1 VaT. 2:7, 8.

Zvisinei, kana muKristu akasiya boka revaanonamata navo, achaita sei basa raanofanira kuvaitira? Kunyange vatariri vanogona kukurirwa nemuedzo wokuti sika-sika nekutsvaka pfuma. Chii chingaitika kana muKristu akakurirwa nemuedzo wakadaro?

Kuremerwa Nokuzvidya Mwoyo Nezvinhu Zvoupenyu

Sezvambotaurwa, kufondoka kuti tiriritire mhuri kunowanzoita kuti tizvidye mwoyo uye kunogona kutinetesa pakunamata. (Mat. 13:22) Marek, ambotaurwa anotsanangura kuti: “Bhizimisi rangu parakabhuroka ndakasarudza kuenda kunze kwenyika kunotsvaka basa rinobhadhara. Ndaienda kwemwedzi mitatu, ndombodzoka ndoti garei pamba ndozodzokerazve, ndichipedza nguva shomanana ndiri pamba. Izvozvo zvakaita kuti mudzimai wangu asingatendi atambure nokusurukirwa.”

Izvi hazvina kungokanganisa mhuri yake chete. Marek akaenderera mberi achiti: “Uyezve ndaishanda kwenguva yakareba kuchipisa, uku vanhu vandaishanda navo vaiva neunhu hwakafumuka uye vachifarira kushandisa vamwe. Vaiita kunge boka rematsotsi rinoshanda pamwe chete. Zvaindiodza mwoyo uye ndainzwa ndakadzvinyirirwa. Ndakatanga kusava nechokwadi kana ndaizokwanisa kushumira vamwe sezvo ini pachangu ndakanga ndisingakwanisi kuzvitarisira.”

Zvakaitika kuna Marek izvi zvinofanira kuita kuti timbomira tifunge. Kunyange kuenda kunze kwenyika kuchiita sokuti kunopedza nhamo dzemari, hakungakonzeri mamwe matambudziko zvakare here? Chii chichaitika kuukama hwemhuri yedu naJehovha uye inenge ichinzwa sei tisipo? Kuita kudaro hakuzoiti kuti tiparadzane neungano here? Hazvizoiti kuti tirasikirwe neropafadzo dzokushumira vatinonamata navo here?—1 Tim. 3:2-5.

Asi sezvaungava uchitoziva, hazvirevi kuti vanonoshanda kunze kwenyika ndivo chete vanopedzisira vanyura mubasa ravo rokunyika. Funga nezvaJarosław naBeata. Anoti: “Patakatanga hatina hedu zvakawanda zvataitsvaka. Tichangochata takatanga kutengesa mabhanzi nemasoseji paisvika vanhu vakawanda. Purofiti yakakura yataiwana yakaita kuti tifunge zvokuwedzera bhizimisi redu. Asi takanga tava nenguva shoma, saka takanga tisingachapindi misangano yose. Pasina nguva, ndakasiya basa rokupayona uye kuva mushumiri anoshumira. Purofiti iya yakazotipa manyawi tikazovhura chitoro chakakura tikabatana nemunhu asiri Chapupu pabhizimisi racho. Nenguva isipi ndakanga ndava kugara ndichienda kunze kwenyika kunoita zvibvumirano zvokutengeserana zvemamiriyoni emadhora. Ndaisawanzowanika pamba saka ndakanga ndisisina nguva nemudzimai uye mwanasikana wangu. Pakupedzisira, kubudirira kwaiita bhizimisi kwakaita kuti tirare pane zvokunamata. Taparadzana neungano hatina kuzombofunga nezvehama dzedu.”

Izvi zvinotidzidzisei? Kuda kuva nekaparadhiso kake oga kunogona kuisa muKristu pamusungo zvozoguma zvaita kuti asambokendenga, kana kutorasikirwa ne“nguo dzake dzokunze,” kureva kuzivikanwa kwake somuKristu. (Zvak. 16:15) Izvi zvinogona kutiparadzanisa nehama dzedu dzataimbova nemukana wokubatsira.

Nyatsozviongorora

Tingazvinyengera tichiti, ‘Izvozvo hazvizomboitiki kwandiri.’ Asi, tingaita zvakanaka kunyatsofunga kuti munhu anoda chii kuti ararame. Pauro akanyora kuti: “Hatina kuuya nechinhu panyika, uye hapana chatingabuda nacho. Naizvozvo, kana tiine zvokudya nezvokupfeka nepokugara, tichagutsikana nezvinhu izvi.” (1 Tim. 6:7, 8) Ichokwadi kuti zvinodiwa pakurarama zvinosiyana munyika nenyika. Chinhu chinganzi chinofanira kuva nemunhu wose munyika yakabudirira chinganzi ndechoumbozha kune dzimwe nyika dzakawanda.

Pasinei nokuti tinogara kupi, funga nezvemashoko aPauro anotevera: “Vaya vakatsunga kupfuma vanowira mumuedzo nomumusungo nomukuchiva zvinhu zvizhinji zvoupenzi nezvinokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nomukurasikirwa.” (1 Tim. 6:9) Musungo hauoneki nechiri kuteyiwa. Wakagadzirirwa kuti uchibate chakavarairwa. Tingaita sei kuti tisabatwa ‘nokuchiva zvinhu zvinokuvadza’?

Kuziva zvinofanira kuva pokutanga kunoita kuti tiwane nguva yakawanda yokushumira Mwari, kusanganisira kudzidza tiri toga tichitanga tanyengetera. Kudzidza kwakadaro kunogona kubatsira muKristu kuti “akwanise zvizere, akashongedzerwa zvakakwana” kubatsira vamwe.—2 Tim. 2:15; 3:17.

Mumakore mashomanana akatevera vakuru vane rudo vakaedza kubatsira uye kukurudzira Jarosław. Zvakaita kuti achinje zvikuru. Anoti: “Pamwe pataikurukura, vakuru vakataura muenzaniso wejaya mupfumi anotaurwa muMagwaro aida kurarama nokusingaperi asi asingadi kusiyana nepfuma yake. Uye vakazondibvunza noungwaru kana nyaya iyoyo yaizondibatsira. Ndakabva ndati pengenu!”—Zvir. 11:28; Mako 10:17-22.

Jarosław akanyatsoongorora mamiriro ake ezvinhu uye akasarudza kusiyana nebhizimisi rakakura. Papera makore maviri, iye nemhuri yake vakanga vasimbazve pakunamata. Iye zvino ari kushumira hama dzake somukuru. Jarosław anoti: “Hama padzinonyura mubhizimisi zvokusvika pakusiya zvokunamata, ndinodziudza zvandakasangana nazvo ndichidziratidza kuti kusachenjera kusungwa zvisina kukodzera pajoko nevasingatendi. Hazvisi nyore kusiya mikana yokuwana mari uye kusiyana nemabasa ane chitsotsi mukati.”—2 VaK. 6:14.

Marek ndemumwewo akazodzidza amborasika. Kunyange zvazvo kushanda kunze kwenyika kwakabatsira mhuri yake nemari yakawanda, ukama hwake naMwari nehama dzake hwakakanganiswa. Nokufamba kwenguva akazoziva zvokuisa pokutanga muupenyu. “Mumakore ose aya ndaiita saBharuki uyo ‘airamba achizvitsvakira zvinhu zvikuru.’ Ndakazoudza Jehovha zvose zvaindidya mwoyo, uye iye zvino ndinonzwa kuti ndasimbazve pakunamata.” (Jer. 45:1-5) Iye zvino Marek ari kuvavarira kuita “basa rakanaka” rokuva mutariri muungano.—1 Tim. 3:1.

Marek anonyevera vaya vangafunga kuenda kunze kwenyika kunotsvaka basa rinobhadhara achiti: “Paunenge uri ikoko, zviri nyore chaizvo kuwira mumusungo wenyika ino yakaipa. Kusaziva mutauro weko kunokutadzisa kutaura nevamwe. Ungadzokera zvako kumba nemari, asi pakunamata unenge wava nemaronda asingazokurumidzi kupora.”

Kuziva kuti chii chinokosha pakati pebasa rokunyika uye basa ratinofanira kuitira hama dzedu kuchatibatsira kufadza Jehovha. Uye tinogona kukurudzira vamwe nomuenzaniso wedu kuti vasarudze nokuchenjera. Vaya vanenge vakaremerwa vanoda kutsigirwa, kunzwirwa tsitsi, uye kuona muenzaniso wakanaka wehama dzavo. Vakuru nevamwe vakasimba pakunamata vanogona kubatsira hama dzavo kuramba dzichiziva zvinokosha uye kusazvidya mwoyo nezvinhu zvoupenyu.—VaH. 13:7.

Chokwadi, ngatisambofa takasiya vatinonamata navo nemhaka yokunyura mubasa redu. (VaF. 1:10) Pane kudaro, ngative ‘vakapfuma kuna Mwari’ nokuisa Umambo pakutanga muupenyu hwedu.—Ruka 12:21.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Mamwe mazita akachinjwa.

[Mifananidzo iri papeji 21]

Basa rako rinokukanganisa kupinda misangano here?

[Mifananidzo iri papeji 23]

Unokoshesa mikana yauinayo yokubatsira hama dzako nehanzvadzi here?