Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jesu—Kwaakabva

Jesu—Kwaakabva

“[Pirato] akapindazve mumuzinda wagavhuna, akati kuna Jesu: ‘Unobva kupi?’ Asi Jesu haana kumupindura.”​—JOHANI 19:9.

GAVHUNA weRoma Pondiyo Pirato akabvunza mubvunzo iwoyo Jesu paaiva pamberi pedare achipomerwa mhosva yaigona kuita kuti atongerwe rufu. * Pirato aiziva kuti Jesu aibva kunharaunda ipi yaIsraeri. (Ruka 23:6, 7) Aizivawo kuti Jesu akanga asingori munhuwo zvake. Kuti Pirato angadaro aifunga kuti Jesu akanga amborarama kudenga asati auya pasi pano here? Mutongi uyu wechihedheni ainyatsoda kugamuchira uye kuita zvinoenderana nechokwadi here? Chero zvazvaiva, Jesu akaramba kumupindura, uye pasina nguva zvakava pachena kuti Pirato ainyanya kufunga nezvechinzvimbo chake kupfuura kufunga nezvechokwadi uye kutonga zvakarurama.​—Mateu 27:11-26.

Zvinofadza kuti vaya vanonyatsoda kuziva kwakabva Jesu vanogona kuziva nyore-nyore. Bhaibheri rinoratidza pachena kwakabva Jesu Kristu. Chimbofunga zvinotevera.

Kwaakaberekerwa

Ongororo dzinoitwa mazuva ano dzinoratidza kuti mukutanga kwemwaka wechirimo panguva yatava kuti 2 B.C.E., ndipo pakaberekwa Jesu munzvimbo isingashamisiri mumusha wechiJudha wainzi Bhetrehema. Mariya, amai vaJesu avo vakanga ‘vakurirwa,’ pamwe nomurume wavo Josefa, vakaenda kunonyoresa kuBhetrehema, sezvakanga zvarayirwa naKesari Agasto, nokuti ndikwo kwaiva nemadzitateguru aJosefa. Jesu akaberekerwa mudanga, vakazomuisa muchidyiro chezvipfuwo nokuti pavakasvika vakawana dzimba dzatozara nevanhu.—Ruka 2:1-7.

Mazana emakore izvi zvisati zvaitika, Bhaibheri rakanga rafanoprofita nzvimbo yaizoberekerwa Jesu richiti: “Iwe, Haiwa Bhetrehema Efrata, muduku kwazvo zvokusagona kuva pakati pezviuru zvaJudha, kwauri kuchabuda munhu achava mutongi pakati paIsraeri.” * (Mika 5:2) Zviri pachena kuti Bhetrehema raiva duku zvokusagona kunyorwa pamaguta aiva munharaunda yeJudha. Asi kaguta aka kaizova neropafadzo inoshamisa. Mesiya akapikirwa kana kuti Kristu aizobva kuBhetrehema.—Mateu 2:3-6; Johani 7:40-42.

Kwaakakurira

Mhuri yaJesu yakangoti garei muIjipiti ichibva yazotamira kuNazareta, guta raiva munharaunda yeGarireya makiromita anenge 96 kuchamhembe kweJerusarema. Panguva iyi, Jesu akanga asati asvitsa makore matatu. Jesu akakurira munharaunda iyi yakanaka kwazvo yaiva nevafudzi, varimi, varedzi vehove, uye mumba mavo maiva nevana vakawanda, uye zvinoratidza sokuti vakanga vasiri vapfumi.—Mateu 13:55, 56.

Pachine mazana emakore, Bhaibheri rakafanotaura kuti Mesiya aizova “wokuNazareta.” Munyori weEvhangeri Mateu anoti mhuri yaJesu yakauya kuzogara mu“Nazareta, kuti zvizadzike zvakataurwa pachishandiswa vaprofita, zvichinzi: ‘Iye achanzi wokuNazareta.’” (Mateu 2:19-23) Zita rokuti wokuNazareta rinoda kuti fananei neshoko rechiHebheru rokuti “bukira.” Zviri pachena kuti Mateu aireva uprofita hwakataurwa naIsaya hwokuti Mesiya aiva “bukira” raJese, kureva kuti Mesiya aizova muzukuru waJese, baba vaMambo Dhavhidhi. (Isaya 11:1) Jesu aitova muzukuru waJese nokuna Dhavhidhi.—Mateu 1:6, 16; Ruka 3:23, 31, 32.

Kwaakabva

Bhaibheri rinodzidzisa kuti upenyu hwaJesu hwakatanga kare-kare asati aberekerwa muchidyiro chezvipfuwo kuBhetrehema. Uprofita hwaMika hwambotaurwa hunoenderera mberi huchiti “iye akavamba panguva yokutangatanga, pamazuva enguva isingagumi.” (Mika 5:2) Mwanakomana waMwari wedangwe uyu Jesu, aiva chisikwa chine muviri womudzimu kudenga asati aberekwa aine muviri wenyama pano pasi. Jesu pachake akataura kuti: ‘Ndakaburuka ndichibva kudenga.’ (Johani 6:38; 8:23) Zvakafamba sei?

Jehovha Mwari akashandisa mudzimu mutsvene wake, akaita chishamiso chokutamisa upenyu hwaJesu kubva kudenga kuenda mudumbu remhandara yechiJudha yainzi Mariya kuitira kuti Jesu aberekwe asina chivi. * Kuna Mwari Wemasimbaose hapana kana chakaoma pakuita chishamiso chakadaro. Ngirozi yakatsanangurira Mariya nyaya yacho yakati, “Nokuti hakuna chinhu chisingagonekwi naMwari.”—Ruka 1:30-35, 37; Bhaibheri Dzvene muChishona Chanhasi.

Bhaibheri haringotiudzi nezvekwakabva Jesu. Nhoroondo ina dzeEvhangeri dzinoti Mateu, Mako, Ruka uye Johani dzinotiudza zvakawanda nezvemararamiro aaiita.

^ ndima 3 Kuti uwane mamwe mashoko nezvokusungwa uye kutongwa kwakaitwa Jesu, ona nyaya inoti “Mhosva Isina Kutongwa Zvakanaka Pane Dzose Dzakambotongwa,” iri pamapeji 18 kusvika ku22 emagazini ino.

^ ndima 6 Zviri pachena kuti Bhetrehema raimbonzi Efrata (kana kuti Efrati).—Genesisi 35:19.

^ ndima 10 Bhaibheri rinoratidza kuti zita raMwari ndiJehovha.