Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Imhosva dzipi dzakaparwa naBharabhasi?

Evhangeri dzose dziri ina dzinotaura nezvaBharabhasi, murume akasunungurwa nomutongi weRoma Pondiyo Pirato panzvimbo pokusunungura Jesu. Bharabhasi anonzi “musungwa aiva nomukurumbira wakaipa” uye “gororo.” (Mateu 27:16; Johani 18:40) Aiva mujeri revaRoma raiva muJerusarema “pamwe chete nevanhu vaimukira, vaya vakanga vaponda vanhu pakumukira kwavo.”—Mako 15:7.

Kunyange zvazvo muzvinyorwa zviri munyika musina umboo hunoratidza kuti mhosva dzaBharabhasi dzaiva dzei, kuiswa kwaakaitwa pamwe chete nevanhu vaimukira kwakaita kuti dzimwe nyanzvi dzinoongorora izvi dzitaure nezvake dzichimuti ndomumwe aiva nemapoka avapanduki ainetsa muzana remakore rokutanga muIsraeri. Mumwe anonyora nezvezvakaitika kare anonzi Flavius Josephus akanyora kuti mapoka evapanduki aiva akakurumbira mumagakava aiitwa panguva iyoyo uye vapanduki ivavo vaiti vari kuda kugadzirisa zvinhu pakudzvinyirirwa kwaiitwa varimi vechiJudha. Kupandukira kwaiitwa nevaJudha vachiti vaRoma uye vakuru vakuru vavo vechiJudha havasi kuvabata zvakanaka kwakazopedzisira kwakora muto nechepakati pezana remakore rokutanga C.E. Mapoka evapanduki akazopedzisira aumbwa neboka guru remasoja echiJudha akazodzinga vaRoma kubva muJudhiya muna 66 C.E.

“Bharabhasi anogona kunge aiva mumwe wemagandanga omumaruzevha,” rinodaro duramazwi rinonzi The Anchor Bible Dictionary. Magandanga aya aifarirwa nevanhu vakaderera nokuti aibira vapfumi vechiIsraeri uye aikonzeresa nyonganyonga muhurumende yeRoma.”

Imhosva dzorudzii dzaiita kuti vaRoma vauraye munhu vachiita zvokumuroverera sezvakaitwa Jesu?

VaRoma vairanga vanhu vaida kupidigura hurumende uye vaida kuita zvechigandanga nokuvasungirira pane chimwe chinhu chairwadza vosiyiwa vakadaro kusvikira vafa. Kurangwa seizvi ndiko kwainzi kunyadziswa kokupedzisira.

Rimwe bhuku rinonzi Palestine in the Time of Jesus rinoti, “kuurayiwa seizvi paruzhinji kwainyadzisa, kuchirwadza uye kwaiitirwa kuti vanhu vangangoda kutyora mutemo vatye.” Mumwe munyori wekare weRoma akataura nezvezvaiitwa pakuuraya mhondi achiti: “Paitsvakwa migwagwa izere nevanhu, zvokuti ruzhinji rwaiona rwobva rwatya kupara mhosva.”

Zvakataurwa naJosephus zvinoratidza kuti mumwe musungwa womuhondo akabatwa nemauto aTitus uto reRoma paraikomba Jerusarema muna 70 C.E., akarovererwa pamadziro eguta kuitira kuti vanhu vatye uye vakande mapfumo pasi. Guta iri parakazokurirwa vakawanda ndofiro yavakaitawo.

Spartacus paaitungamirira kupandukira kwakaitika muna (73-71 B.C.E.), ndipo pakaurayiwa vanhu vakawandisa vachiita zvokuroverwa. Panguva iyi nhapwa 6 000 uye varwi vakaurayiwa mumugwagwa waibva kuCapua uchienda kuRoma.

[Mufananidzo uri papeji 10]

“Sunungurai Bharabhasi” Zvakanyorwa naCharles Muller, 1878