Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Ndakatenda”

“Ndakatenda”

Tevedzera Kutenda Kwavo

“Ndakatenda”

MUPFUNGWA dzake Marita akanga achiri kuona guva rehanzvadzi yake, bako rakavharwa nedombo. Airemerwa neshungu zvokuti pahuro paiita sokunge pakagarwa nezidombo. Zvaimuremera kubvuma kuti hanzvadzi yake Razaro hakuchina. Nokuchema kwaaiita uye vanhu vaingoramba vachiuya kuzobata maoko, haana kumboona kuti pakanga patopfuura mazuva mana kubva zvakafa hanzvadzi yake.

Iye zvino pamberi paMarita pakanga pakamira shamwari yaRazaro yepamwoyo. Marita paakaona Jesu shungu dzakamukurirazve, nokuti ndiye munhu oga panyika aigona kunge akaita kuti hanzvadzi yake isafa. Asi Marita akanyaradzwa nokungova naJesu nechokunze kwekataundi keBhetani kaiva padivi pegomo. Panguva shomanana yaaiva naJesu, Marita akanyevenutswa nokuona tsitsi dzaiva naJesu uye akakurudzirwa paakaona kuti naiyewo zvaimurwadza. Jesu akamubvunza mibvunzo yaimubatsira kusimbisa kutenda kwake uye yaiita kuti arambe achifunga zvaaiziva nezverumuko. Hurukuro iyi yakaita kuti Marita ataure mashoko anokosha pane ose aakanga ambotaura, okuti: “Ndakatenda kuti ndimi Kristu Mwanakomana waMwari, uya anouya munyika.”—Johani 11:27.

Kutenda kwaiva naMarita kwaishamisa chaizvo. Pazvishoma zvinongotaurwa neBhaibheri nezvake, tinowana zvidzidzo zvinotibatsira kusimbisa kutenda kwedu. Kuti tione kuti sei tichidaro, ngatimboongororai nyaya yokutanga inotaura nezvaMariya muBhaibheri.

‘Kuzvidya Mwoyo Uye Kushushikana’

Mwedzi inoverengeka Razaro asati afa, akanga akagwinya. Jesu Kristu, muenzi anonyarikana pane vose vakanga vambovashanyira, akanga ari kuuya kumba kwavo kuBhetani. Razaro, Marita naMariya vakanga vari mhuri yakati siyanei nedzimwe, pakuti vose vakanga vabva zera asi vachiri kugara pamwe chete. Dzimwe nyanzvi dzinofungidzira kuti Marita angadaro ariye aiva mukuru pavatatu ava, sezvo dzimwe nguva ari iye anotanga kutaurwa nezvake uye ndiye aimira-mira pakugadzirira vaenzi. (Johani 11:5) Hazvizivikanwi kuti pautatu hwavo pane akanga akamboroora kana kuroorwa here. Asi chinokosha ndechokuti vakapedzisira vava shamwari dzepedyo dzaJesu. Jesu paaiita ushumiri hwake muJudhiya, vanhu vaimupikisa vasingadi kumuona, saka kumba kwanaMarita ndokwaaisvikira. Zviri pachena kuti ainakidzwa chaizvo nokugara pamba apa paiva nevanhu vakasununguka uye vaimutsigira.

Marita ndiye aimira-mira kuona kuti pamba pagadzirwa here kuitira vaenzi. Mukadzi uyu aibishaira chaizvo. Kuzoti pakauya Jesu, akatoshayiwa nguva yokugara pasi. Akabva atanga kugadzirira zvokudya zvakanaka zvakasiyana-siyana zvaaizobikira muenzi wavo ainyarikana uyewo zvichida zvokuzopa vaaifamba navo. Kare ikako, munhu aitarisirwa kuti agamuchire vaeni zvakanaka. Muenzi paaisvika pamba aitsvodwa, obviswa hwashu, tsoka dzake dzogezwa uye musoro wake wodirwa mafuta anonhuwirira. (Ruka 7:44-47) Aifanirawo kupiwa pokurara uye zvokudya zvakanaka.

Marita naMariya vaiva nebasa guru rokutarisira muenzi uyu anokosha. Zviri pachena kuti Mariya akambotanga achibatsira mukoma wake, nokuti zvinonzi pauviri hwavo ndiye aikurumidza kuona mamiriro akaita zvinhu uye aisangomhanyira kuita zvinhu asati anyatsofunga nezvazvo. Asi pakasvika Jesu zvinhu zvakabva zvachinja. Jesu aiona kushanya uku senguva yokuti adzidzise uye ndozvaakabva atoita. Kusiyana nezvaiitwa nevatungamiriri vezvitendero vepanguva yake, Jesu airemekedza vanhukadzi uye akabva atotanga kuvadzidzisa nezveUmambo hwaMwari hwaiva dingindira roushumiri hwake. Mariya akafarira mukana uyu, akabva agara patsoka dzaJesu, akanyatsoteerera.

Tingafungidzira here kuti Marita ainzwa sei achiona Mariya akagara zvake? Sezvo aida kubika zvakawanda uye kumhanya-mhanya achiitira vaenzi ava, akatadza kugadzikana uye kuisa pfungwa dzake pazvinokosha. Paaipfuura-pfuura nepaiva naJesu achiona munun’una wake akangoti go pana Jesu asingamubatsiri, unofunga kuti akanzwa sei? Hazvimboshamisi kuti akatsamwa, akatura mafemo achifinyamisa kumeso. Izvowo zvaisava nyore kuti aite basa rose iri ari oga.

Adumbirwa nehasha, Marita akazodimbudzira Jesu panzira achibva ati: “Ishe, hamuna hanya here kuti munun’una wangu andisiya ndiri ndoga kuti ndiite zvinhu izvi? Naizvozvo, muudzei kuti andibatsire.” (Ruka 10:40) Mashoko aya airatidza kuti akanga ashatirwa. Akabva akumbira Jesu kuti atsiure Mariya auye kuzomubatsira basa.

Mhinduro yaJesu inogona kunge yakashamisa Marita sezvairi kungoitawo vakawanda vanoverenga Bhaibheri. Akamupindura zvinyoronyoro achiti: “Marita, Marita, unozvidya mwoyo nokushushikana pamusoro pezvinhu zvizhinji. Zvisinei, zvinodiwa zvinhu zvishoma, kana kungoti chimwe chete. Kana ari Mariya, asarudza mugove wakanaka, uye haazoutorerwi.” (Ruka 10:41, 42) Jesu airevei? Aireva here kuti Marita munhu aida tunhu twakawanda-wanda? Akanga ari kuti basa rose raakanga achiita pakugadzira zvokudya pakanga pasina zviripo here?

Aiwa. Jesu akanyatsoona kuti Marita aiva nevavariro yakanaka pane zvaaiita. Uyewo haana kumboti kubikirwa machikichori kwakaipa. Akatomboenda ku“mutambo mukuru wokumugamuchira” wakanga waitwa kumba kwaMateu. (Ruka 5:29) Nyaya yakanga isiri pane zvaibikwa naMarita, asi pazvinhu zvaaikoshesa. Marita akapedza nguva yakawanda achibika machikichori zvikamutadzisa kuona zvaikosha. Zvii zvacho zvaikosha?

Jesu, Mwanakomana waJehovha Mwari akaberekwa ari mumwe oga, akanga auya kumba kwanaMarita kuzovadzidzisa chokwadi. Hapana chaikosha kupfuura izvi, kunyange zvokudya zvinonaka zvaaigadzira. Hapana mubvunzo kuti Jesu akarwadziwa chaizvo kuti Marita akanga ari kurasikirwa nomukana wakanga usina vamwe wokudzamisa kutenda kwake, asi akamusiya achisarudza zvaaida. Zvisinei, kana yava nyaya yokukumbira Jesu kuti amanikidze Mariya kuti naiyewo arege kuteerera, apa Marita akanga ava kurasika.

Kuti hasha dzaMarita dziserere, Jesu akamutsiura zvinyoronyoro, achidzokorora zita rake, uye akamuti aisafanira hake ‘kuzvidya mwoyo nokushushikana pamusoro pezvinhu zvizhinji.’ Paingodiwa zvokudya zvisina kumbowanda uye zvisingatori nguva uchigadzirira, kunyanya panguva iyi yavaifanira kudzidziswa zvinhu zvine chokuita nokunamata. Saka Jesu akanga asingazombofi atorera Mariya “mugove wakanaka” waakanga azvisarudzira, wokudzidziswa naye!

Kanyaya aka kane zvidzidzo zvinokosha kuvateveri vaKristu mazuva ano. Hatimbofaniri kufa takarega chero chinhu chipi zvacho chichidzikatidza ‘zvinodiwa zvedu zvomudzimu.’ (Mateu 5:3) Kunyange hedu tichifanira kutevedzera rupo uye kubishaira kwaMarita, hatimbodi kufa ‘takazvidya mwoyo uye kushushikana’ nezvinhu zvisingakoshi torasikirwa nezvinhu zvinonyanya kukosha. Hatingowadzani nevatinonamata navo kuti tipe kana kupiwa zvokudya zvemaoresa chete, asi kuti tikurudzirane uye tisimbisane pakunamata. (VaRoma 1:11, 12) Tinogona kukurukura tichisimbisana kunyange paine zvokudya zvishomanana zvisingadhuri.

Hanzvadzi Yaidiwa Yakanga Yafa Inomutswa

Marita akabvuma here kutsiurwa kwaakaitwa naJesu uye ane chaakadzidza here pazviri? Hatifaniri kuita zvokufungidzira. Muapostora Johani paanotanga kutaura nyaya inobaya mwoyo yehanzvadzi yaMarita, anotiyeuchidza kuti: “Zvino Jesu aida Marita nomunun’una wake naRazaro.” (Johani 11:5) Pakanga papera mwedzi yakati oo Jesu ashanya kuBhetani zvataurwa pamusoro apa. Zviri pachena kuti Marita haana kuramba ane chigumbu naJesu pamusana pokuti akanga amutsiura. Akabvuma kutsiurwa achibva azviita. Panyaya iyi zvekare, pane zvakanaka zvaakaita zvatinogona kudzidzawo, nokuti tose tinotoda kumbotsiurwawo dzimwe nguva.

Hanzvadzi yake payakarwara, Marita akamhanya-mhanya kuti irapwe. Akaita zvose zvaaigona kuti hanzvadzi yake isaramba ichirwadziwa asi kuti inaye. Asi zvakashaya basa nokuti urwere hwaRazaro hwakaramba huchisimbirira. Zuva nezuva, kubva richibuda kusvika richinyura, hanzvadzi dzake dzainge dzinaye dzichimupepa. Kangani Marita paaitarira hanzvadzi yake achiona ziso rakanzi wee chiso chakasuwa, ofunga nezvemakore akawanda avaimbofara nokutambura vose?

Marita naMariya pavakaona urwere hwaRazaro hwavakurira, vakatumira shoko kuna Jesu. Akanga achiparidzira kune imwe nzvimbo iri mufambo wemazuva anenge maviri. Vakangotumira shoko rokuti: “Ishe, onai! uya wamunoda kwazvo ari kurwara.” (Johani 11:1, 3) Vaiziva kuti Jesu aida hanzvadzi yavo uye vaiva nokutenda kuti aizoita zvaaigona kuti abatsire shamwari yake. Vaifunga here kuti Jesu achakurumidza kusvika? Kana zviri izvo zvavaifunga, vakazoora mwoyo nokuti handizvo zvakaitika. Razaro akazofa.

Marita naMariya vakachema hanzvadzi yavo, vakaronga kumuviga uye vaigamuchira vanhu vazhinji vaiuya kumariro kubva kuBhetani nemisha yakapoteredza. Asi hapana kana chavakanzwa nezvaJesu. Mazuva zvaaipindana, Marita akanetseka chaizvo. Razaro ava nemazuva mana afa, Marita ndopaakazonzwa kuti Jesu akanga ava kupinda muguta. Semunhu aiva asingatani kuita zvinhu, Marita akangoti kwanyanu asina kuudza Mariya ndokunanga kunochingura Jesu, pasinei nokuti akanga achiri kushungurudzika.—Johani 11:20.

Paakangoti baa Tenzi wake, akabva angoti bvujunu zvose zvaivashungurudza iye naMariya achiti: “Ishe, kudai makanga muri pano hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.” Marita akanga achine kutenda netariro. Akawedzera kuti: “Asi ndinoziva kuti kunyange iye zvino zvinhu zvizhinji zvamunokumbira Mwari, Mwari achakupai.” Jesu akabva asimbisa tariro yake achiti: “Hanzvadzi yako ichamuka.”—Johani 11:21-23.

Marita akafunga kuti zvimwe Jesu aireva kumutswa kwomunguva yemberi, achibva apindura kuti: “Ndinoziva kuti achamuka pakumuka pazuva rokupedzisira.” (Johani 11:24) Aiva nokutenda kwakasimba panyaya yokumutswa. Vamwe vatungamiriri vechitendero chechiJudha vainzi vaSadhusi vairamba kuti vanhu vachamutswa, kunyange zvazvo yaiva dzidziso yakajeka yaiva muMagwaro akafuridzirwa. (Dhanieri 12:13; Mako 12:18) Asi Marita aiziva kuti Jesu akanga adzidzisa nezvetariro yokumutswa kwevakafa uye kuti pane vamwe vaakanga atombomutsa, kunyange zvazvo vakanga vasina nguva refu vafa saRazaro. Haana kuziva zvavaizoitirwa naJesu.

Jesu akabva ataura mashoko asingakanganwiki okuti: “Ndini kumuka noupenyu.” Zvechokwadi Jehovha Mwari akapa Mwanakomana wake simba rokuti azomutsa vanhu vakafa munyika yose. Jesu akabvunza Marita kuti: “Unotenda izvi here?” Marita akapindura nemashoko omusoro wenyaya ino. Aitenda kuti Jesu ndiye Kristu kana kuti Mesiya, kuti aiva Mwanakomana waJehovha Mwari, uye kuti vaprofita vakanga vagara vataura kuti aizouya panyika.—Johani 5:28, 29; 11:25-27.

Jehovha Mwari noMwanakomana wake Jesu Kristu vanokoshesa kutenda kwakadaro here? Zvakazoitika Marita akatarira zvinobva zvapindura mubvunzo uyu zvakajeka. Akamhanya kunotora munun’una wake. Jesu paakanga ava kutaura naMariya nevamwe vakawanda vaichema, Marita akaona kuti Jesu akanga ari kurwadziwa. Akaona maziso ake achiyangarara misodzi uye asinganyari kuratidza shungu dzokurwadziwa kwaaiitwa norufu urwu. Akanzwa Jesu achirayira kuti dombo raiva paguva rehanzvadzi yake ribviswe.—Johani 11:28-39.

Zvakanga zvine musoro kuti Marita apikise achiti chitunha chacho chinofanira kunge chakanga chava kunhuwa, sezvo pakanga patova nemazuva mana. Jesu akamuyeuchidza kuti: “Handina kukuudza here kuti kudai waizotenda waizoona kubwinya kwaMwari?” Akatenda uye akaona kubwinya kwaJehovha Mwari. Pakarepo Mwari akapa Jesu simba rokuti amutse Razaro. Imboedza kufungidzira zvinhu zvisina kuzombofa zvakakanganwika naMarita: Kurayira kwakaita Jesu nesimba kuti, “Razaro, buda!”; kakupfakanyika kaiitika muguva maiva mavigwa Razaro paaisimuka akapomberwa machira achinanaira akananga kumuromo webako racho; kurayira kwakaita Jesu kuti “musunungurei mumurege aende”; uye kumhanya kwakaita Marita naMariya vachimbundira hanzvadzi yavo vachifara. (Johani 11:40-44) Shungu dzairemera Marita dzakabva dzapera.

Nhoroondo iyi inoratidza kuti kumutswa kwevanhu vakafa haisingori nyaya yokuda kufadzana, asi itori dzidziso inonyaradza iri muBhaibheri uye zvinhu zvakatonyatsoitika. Jehovha neMwanakomana wake vanoda chaizvo kupa mubayiro vaya vane kutenda, sezvavakaitira Marita, Mariya naRazaro. Kana iwe ukavaka kutenda kwakasimba sekwaiva naMarita, unogonawo kuwana makomborero iwaya. *

“Marita Akanga Achivashumira”

MuBhaibheri pane pamwe pokupedzisira panotaurwa nezvaMarita. Kutanga kwevhiki rakazofa Jesu. Jesu achinyatsoziva matambudziko aaizotarisana nawo, akasarudzazve kuenda kumba kwanaMarita kuBhetani. Kubva ikoko aizongofamba makiromita matatu kuenda kuJerusarema. Jesu naRazaro vakanga vachidya kumba kwaSimoni wemaperembudzi, uye ndipo panopedzisira kutaurwa nezvaMarita achinzi: “Marita akanga achivashumira.”—Johani 12:2.

Izvi hazvishamisi nokuti Marita akagara achibishaira. Patinotanga kunzwa nezvake muBhaibheri anenge achishanda, patinozopedzisira anenge achishandazve, achiita zvose zvaanogona kuti atarisire zvinodiwa nevaya vaanenge anavo. Mazuva ano ungano dzevateveri vaKristu dzakakomborerwa chaizvo pakuti dzine vakadzi vakafanana naMarita, vakashinga uye vane rupo, vanogara vachibatsira vamwe kuratidza kutenda kwavo. Zvinoita sokuti Marita akaramba achidaro. Kana zvakadaro, akaita zvakanaka nokuti pane matambudziko aaizotarisana nawo.

Mazuva mashomashoma aizotevera, Marita aizofanira kutarisana nemarwadzo orufu rwaTenzi wake waaida, Jesu. Uyezve mhondi dzakauraya Jesu dzaidawo kuuraya Razaro nokuti kumutswa kwaakaitwa kwakasimbisa kutenda kwevakawanda. (Johani 12:9-11) Uye zvimwe zvakazoitika ndezvokuti mhuri yaiva yakabatana iya yakazoparadzaniswa norufu. Hatizivi kuti zvakaitika rini uye sei, asi chatinoziva ndeichi: Kutenda kwakasimba kwaMarita kwakamubatsira kuti atsungirire nhamo dzose idzi kusvika pakupedzisira. Ndokusaka nhasi uno vaKristu vachifanira kutevedzera kutenda kwaiva naMarita.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 27 Kuti udzidze zvakawanda zvinotaurwa neBhaibheri nezverumuko, ona chitsauko 7 chebhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 11]

Kunyange airwadziwa, Marita akabvuma kubatsirwa naJesu kuti asimbise kutenda kwake

[Mufananidzo uri papeji 12]

Kunyange zvake ‘aizvidya mwoyo uye achishungurudzika,’ Marita akazvininipisa akabvuma kutsiurwa

[Mufananidzo uri papeji 15]

Kutenda kwaMarita muna Jesu kwakaita kuti aone hanzvadzi yake ichimutswa