Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kushumira Jehovha Tisingarerutsi Zvinhu

Kushumira Jehovha Tisingarerutsi Zvinhu

Kushumira Jehovha Tisingarerutsi Zvinhu

“Muve nechokwadi chokuti zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe ndezvipi.”—VAF. 1:10.

1, 2. Chii chiri kuita kuti vakawanda varerutse upenyu, uye zvinoita kuti pave nemibvunzo ipi?

PAKUGARA kwose kwaita vanhu panyika, nguva yatiri kurarama ndiyo yakamomoterwa nenhamo nematambudziko kupfuura dzimwe dzose. Kuvanhu vasina ukama hwepedyo naJehovha, hazvisi nyore kutsungirira “nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” (2 Tim. 3:1-5) Hapana anovabatsira pakutarisana nematambudziko ezuva nezuva saka vanotadza kunyatsoakunda. Vachiedza kuti vasanyanya kuzvinetsa nezvoupenyu, vakawanda vanotsvaka kuvaraidzwa nezvinhu zvakangoita fararira munyika ino.

2 Vanhu vanowanzoisa nyaya dzemafaro pamberi, vachiedza kuti vasakurirwe nenhamo dzoupenyu. Kana vaKristu vakasangwarira, zviri nyore kuti vararamewo saizvozvo. Tingaita sei kuti izvozvo zvisaitika? Zvinoreva here kuti hatitombowaniwo nguva yokunakidzwa? Tingaita sei kuti tiite mabasa edu asi tichimbofarawo? Ndezvipi zvinotaurwa neMagwaro zvinofanira kutibatsira, kuitira kuti tigare pfungwa dzedu dziri pazvinhu zvinokosha muupenyu, asi tisingazonyanyisi?

Kusarerutsa Zvinhu Munyika Inoda Mafaro

3, 4. Magwaro anotibatsira sei kuona kukosha kwokusarerutsa zvinhu?

3 Hapana mubvunzo kuti nyika inonyanya kukoshesa ‘kuda mafaro.’ (2 Tim. 3:4) Kuti sika-sika nemafaro kwainoita kunogona kukanganisa ukama hwedu naJehovha. (Zvir. 21:17) Regai muapostora Pauro akazonyorera tsamba Timoti naTito dzine zano rokuita zvinhu nemwoyo wose kana kuti kusarerutsa zvinhu. * Kushandisa zano iroro kuchatibatsira kuti tisaona upenyu zvakareruka sezvinoitwa nenyika.—Verenga 1 Timoti 2:1, 2; Tito 2:2-8.

4 Mazana emakore akanga adarika Soromoni akanga ambonyora nezvokukosha kwokumbosiya zvemafaro kwava kuwana nguva yokufungisisa zvinokosha muupenyu. (Mup. 3:4; 7:2-4) Zvechokwadi tinofanira ‘kushanda nesimba’ kuti tipone nokuti upenyu hwedu hupfupi. (Ruka 13:24) Kuti izvi zviitike, tinofanira kuramba tichiva nechokwadi chokuti “zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe ndezvipi.” (VaF. 1:10) Izvi zvinoreva kusarerutsa chinhu chose chinofanira kuitwa nomuKristu.

5. Ndeipi imwe nyaya yatisingafaniri kuita zvokutamba nayo muupenyu?

5 Somuenzaniso, vaKristu vanotevedzera Jesu naJehovha panyaya yokushanda nesimba vasingaiti zvokutamba. (Joh. 5:17) Izvi zvinoita kuti vawanzorumbidzwa nokuti vanoita basa nemazvo uye vakavimbika. Misoro yemba kazhinji ndiyo ine hanya zvikuru nokushanda nesimba kuti iriritire mhuri. Vanofanira kudaro, nokuti munhu asingariritiri mhuri yake akafanana nomunhu “aramba kutenda.”—1 Tim. 5:8.

Kusarerutsa Kunamata Kwedu Asi Tichifara

6. Tinoziva sei kuti hatifaniri kurerutsa kunamata kwedu Jehovha?

6 Jehovha agara achingokoshesa kunamata kwechokwadi. Somuenzaniso muMutemo waMosesi, vaIsraeri vaizvipinza mumatambudziko pavaingotsauka pakunamata kwavo Jehovha. (Josh. 23:12, 13) Muzana remakore rokutanga C.E., vateveri vaKristu vaifanira kutosunga dzisimbe kuti kunamata kwakachena kusasvibiswe nedzidziso nemafungiro asina kunaka. (2 Joh. 7-11; Zvak. 2:14-16) Nanhasi vaKristu vechokwadi havarerutsi kunamata kwavo.—1 Tim. 6:20.

7. Pauro aigadzirira sei ushumiri hwake?

7 Basa redu romumunda rinounza mufaro. Zvisinei, kuti tirambe tichifara muushumiri tinofanira kuisa pfungwa dzedu dzose pahuri uye kuhugadzirira. Pauro akatsanangura kuti aifunga sei nezvezvakanakira vanhu vaaidzidzisa. Akanyora kuti: “Ndakava zvinhu zvose kuvanhu vemarudzi ose, kuti ndiponese vamwe nenzira dzose. Asi ndinoita zvinhu zvose nokuda kwemashoko akanaka, kuti ndiagoverane navo.” (1 VaK. 9:22, 23) Pauro ainakidzwa nokubatsira vanhu panyaya dzokunamata, uye aifungisisa kuti angabatsira sei mumwe nomumwe wavo maererano nezvaaiva. Saka aikwanisa kuvakurudzira kunamata Jehovha.

8. (a) Tinofanira kuona sei vanhu vatinodzidzisa muushumiri? (b) Kuitisa chidzidzo cheBhaibheri kungawedzera sei mufaro wedu muushumiri?

8 Pauro aikoshesa zvakadini ushumiri hwake? Akanga akagadzirira ‘kushandira’ Jehovha uye vaya vakanga vachida kunzwa shoko rechokwadi. (VaR. 12:11; 1 VaK. 9:19) Patinobvuma basa rokudzidzisa vanhu Shoko raMwari, pangava pachidzidzo cheBhaibheri chepamusha, pamisangano yechiKristu, kana kuti Kunamata Kwemhuri, tinombofunga here kuti tichazvidavirira pamusoro pevanhu vatiri kudzidzisa? Pamwe tinofunga kuti zvokuitisa chidzidzo cheBhaibheri hatingazvigoni. Ichokwadi, zvinotoda kuti tisiye zvimwe zvinhu zvatinenge tichiita kuti tishandise nguva iyoyo pakubatsira vamwe. Asi hazvienderani here nezvakataurwa naJesu kuti “kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira”? (Mab. 20:35) Kudzidzisa vamwe nzira yokupona nayo kuchatipa mufaro usingaenzaniswe newatingawane pakuita zvimwe zvinhu chero zvipi zvazvo.

9, 10. (a) Kusarerutsa zvinhu kunoreva here kuti hatiwaniwo nguva yokumbofaranuka uye kunakidzwa nevamwe? Tsanangura. (b) Chii chichabatsira mukuru kuti akurudzire vamwe uye ataurike naye?

9 Kusarerutsa zvinhu hakurevi kuti tinobva tashaya nguva yokumbofaranuka uye kunakidzwawo nevamwe. Jesu akaratidza muenzaniso wakazonaka wokusangova nenguva yokudzidzisa chete asiwo kumbofurwa nemhepo uye kushamwaridzana nevamwe. (Ruka 5:27-29; Joh. 12:1, 2) Kusarerutsa zvinhu hakureviwo kuti tinongogara zviso zvakangoti kwindi. Dai zviri izvo zvaiitwa naJesu vanhu vangadai vasina kumbouya kwaari. Kunyange vana vainzwa vakasununguka kana vainaye. (Mako 10:13-16) Tingaita sei sezvaiita Jesu?

10 Imwe hama yakamboti nezvemumwe mukuru, “Anoedza kuva muenzaniso wakanaka chaizvo asi haazotarisiri vamwe kuva vakakwana.” Vanhu vangadaro nezvako here? Hapana chakaipa pakutarisira vamwe kuti vaite zvakanaka zvinoenderana nezvavanokwanisa. Somuenzaniso, vana vanoita zvakanaka kana vabereki vakaita kuti vave nezvinangwa zvinoenderana navo uye vovabatsira kuzvizadzisa. Saizvozvowo vakuru vanogona kukurudzira vanhu vemuungano kuti vakure panyaya dzokunamata vovaudza zvavanofunga kuti vangaite kuti vakure. Uyezve, kana mukuru asingapfuuri mwero, achava noushamwari uye anozorodza. (VaR. 12:3) Imwe hanzvadzi yakamboti: “Handidi kuti mukuru angotamba nezvinhu zvose zvose. Asiwo kana asina kana nguva yokumboseka ndinobva ndatya kutaura naye.” Imwezve hanzvadzi yakati inofunga kuti vamwe vakuru “vanotyisa chaizvo kana vasina kana nguva yokumbobudisa zino.” Vakuru havafaniri kukanganisa maonero anoita vatendi vose nyaya yokunamata Jehovha “Mwari anofara.”—1 Tim. 1:11.

Kutsvaka Kushandiswa Muungano

11. Murume anenge “achitsvaka” kushandiswa muungano anofanira kuitei?

11 Pauro paakakurudzira varume vari muungano kuvavarira kukodzera kushandiswa zvakawedzera muungano, chinangwa chake chakanga chisiri chokukurudzira kuti munhu azvitsvagire chigaro. Pane kudaro akanyora kuti: “Kana murume chero upi zvake achitsvaka kuva mutariri, ari kuda basa rakanaka.” (1 Tim. 3:1, 4) Kana murume wechiKristu “achitsvaka” kushandiswa anofanira kuva nechido chakasimba chokushanda nesimba kuti akwanise kuita zvinotaurwa neMagwaro kuti ashumire hama dzake. Kana hama yava nerinopfuura gore yakabhabhatidzwa uye iri kuedzawo nepainogona kuva yakakodzera sezvinotaura Magwaro pana 1 Timoti 3:8-13 nezvevashumiri vanoshumira, inogona kurumbidzwa kuti igadzwe. Cherechedza kuti ndima 8 inonyatsotaura kuti: “Vashumiri vanoshumira vanofanirawo kuva vomwoyo wose [vasingarerutsi zvinhu].”

12, 13. Tsanangura zvingaitwa nehama dzechiduku kuti dzivavarire kushandiswa muungano.

12 Uri hama isingarerutsi zvinhu yakabhabhatidzwa uye yapfuura makore okuyaruka here? Pane nzira dzakawanda dzaunogona kuvavarira nadzo kushandiswa muungano. Imwe yacho ndeyokuvandudza zvaunoita muushumiri. Uri munhu uya anonakidzwa nokubuda nehama dzemazera ose mubasa romumunda here? Uri kuedza kuwana munhu wokudzidza naye Bhaibheri here? Kana uchiitisa chidzidzo cheBhaibheri uchitevedzera zvatinodzidziswa kumisangano yechiKristu, uchavandudza madzidzisiro ako. Uyezve, uchadzidza kunzwisisa munhu waunenge uchidzidzisa nezvaJehovha. Munhu waunenge uchidzidzisa paanotanga kuona kuti anofanira kuchinja zvimwe zvaanoita, uchadzidza kumubatsira nemwoyo murefu uye nokungwarira kuti ashandise zvinotaura Bhaibheri.

13 Imi hama dzechiduku munogona kubvuma kushandiswa nevanhu vakura vari muungano, muchivaudza kuti munoda kuvabatsira nepamunogona napo. Munogona kuratidza kuti munofarira kuti Imba yoUmambo igare yakanaka, muchibatsira pakuichenesa. Kana muchibatsira nepamunogona napo, mucharatidza kuti munokoshesa ushumiri hwenyu. Kufanana naTimoti, munogona kudzidza kuita zvinobatsira ungano.—Verenga VaFiripi 2:19-22.

14. Hama dzechiduku dzingaedzwa sei ‘kuti dzakakodzera’ kushumira muungano?

14 Vakuru, tsvakai nzira dzokushandisa nadzo hama dzechiduku dziri kuedza ku“tiza kuchiva kwouduku” uye dziri kutsvaka “kururama, kutenda, rudo, rugare,” nezvimwe zviito zvakanaka. (2 Tim. 2:22) Kuvapa zvokuita muungano kunoita kuti ‘vaedzwe kuti vanokodzera here’ kushandiswa, kuitira kuti ‘kufambira mberi kwavo kuonekwe nevanhu vose.’—1 Tim. 3:10; 4:15.

Kusarerutsa Zvinhu Muungano Uye Mumhuri

15. Maererano na1 Timoti 5:1, 2, tingaratidza sei kuti hatirerutsi vamwe pamaonero atinovaita?

15 Kusarerutsa zvinhu kunosanganisira kuremekedza hama dzedu nehanzvadzi. Muzano riri mutsamba yake kuna Timoti, Pauro akaratidza kukosha kwokuti tiremekedze vamwe. (Verenga 1 Timoti 5:1, 2.) Izvi zvinonyanya kukosha pamabatiro atinoita vanhukadzi kana kuti vanhurume. Muenzaniso waJobho wokuremekedza vakadzi, zvikuru mudzimai wake, unoda kutevedzerwa. Aiedza kuti asangoramba akatarira mumwe mukadzi nepfungwa younzenza. (Job. 31:1) Kana tisingarerutsi hama dzedu nehanzvadzi hatizoiti zvokutamba nadzo nenyaya dzerudo kana kuita chimwe chinhu chingaita kuti hama kana hanzvadzi ishaye pokupinda. Kuremekedza vamwe kunonyanya kukosha kana vari kudanana vaine chinangwa chokuroorana. MuKristu asingarerutsi zvinhu haamboiti zvokutamba nemwoyo wemumwe wake.—Zvir. 12:22.

16. Tsanangura kusiyana kwakaita maonero anoita nyika basa romurume uye baba vemba nematsanangurirwo arinoitwa muBhaibheri.

16 Tinofanirawo kungwarira kuti tisaita zvokutamba nemabasa atakapiwa naMwari mumhuri. Nyika yaSatani inoita kuti basa romurume nerababa ritoita zvokutambwa naro. Mitambo inovaraidza vanhu inoita kuti musoro wemba uonekwe somunhu anofanira kutsvinyirwa uye kusaremekedzwa. Zvisinei, Magwaro anoratidza kuti murume anokosha, achimuti ndiye “musoro womudzimai wake.”—VaEf. 5:23; 1 VaK. 11:3.

17. Tsanangura kuti zvatinoita pakunamata kwemhuri zvinogona sei kuratidza kuti hatirerutsi mabasa edu.

17 Murume angariritira hake mhuri yake, asi kana asingaitungamirire pakunamata, anenge achiratidza kuti haana kungwara. (Dheut. 6:6, 7) Saka 1 Timoti 3:4 inoti kana uri musoro wemba uye uri kuvavarira kupiwa mamwe mabasa muungano, unofanira kuva murume “anotungamirira imba yake zvakanaka, ane vana vanozviisa pasi nomwoyo wose [vasingarerutsi zvinhu].” Panyaya iyi zvibvunze kuti, ‘Ndine nguva yandakaronga kuti ndiyo yokudzidza nemhuri yangu here?’ Vamwe varume vanotosvika pakuita zvokukumbirwa nemadzimai avo echiKristu kuti vatungamirire pakunamata. Murume mumwe nomumwe anofanira kumbomira aongorore kuti anoona sei basa iri. Naiyewo mudzimai wechiKristu anofanira kutsigira murume wake paurongwa hwoKunamata Kwemhuri kuti hubudirire.

18. Vana vangadzidza sei kusaita zvokutamba noupenyu?

18 Vana vanokurudzirwawo kuti vasaita zvokutamba noupenyu. (Mup. 12:1) Hapana chakaipa kuti vana vadzidze kushanda nesimba, vachiita mabasa omumba anoenderana nezera ravo nezvavanokwanisa. (Mari. 3:27) Mambo Dhavhidhi paakanga achiri mukomana muduku, akadzidza kuva mufudzi akanaka. Akadzidzawo kuva muimbi nokunyora nziyo, izvo zvakazoita kuti ashumire mutongi weIsraeri. (1 Sam. 16:11, 12, 18-21) Hapana mubvunzo kuti paaiva mukomana, Dhavhidhi aimbotambawo, asi akadzidzawo unyanzvi hunokosha hwaakazoshandisa pakurumbidza Jehovha. Unyanzvi hwake somufudzi hwakamubatsira kutungamirira vaIsraeri nomwoyo murefu. Ko imi vechiduku, mabasa mangani amuri kudzidza kuti azokubatsirai kushumira Musiki wenyu muchigadzirira kuti muzoshandiswa mune remangwana?

Usapfuura Mwero

19, 20. Uchada kugara uchizviona sei iwe pachako uye kunamata kwako?

19 Tose tinogona kuedza kusapfuura mwero, kusagara tichingoona zvose zvose sezvisingatambwi nazvo. Hatingadi hedu ‘kunyanya kuva akarurama.’ (Mup. 7:16) Kumboitawo zvinosetsa kunoita kuti zvinhu zvisabva zvatyisa, pangava pamba, kubasa, kana kuti pane zvatinoita nehama dzedu nehanzvadzi dzechiKristu. Mumhuri vanhu vanoda kungwarira kungogara vachitsoropodza zvinenge zvaitwa nevamwe nokuti izvozvo zvinotadzisa vanhu kugarisana zvakanaka pamba. Muungano, tose tinogona kudzidza kumbosekawo uye kunakidzwa nevamwe, tichiita kuti nyaya dzedu nemadzidzisiro edu zvivake uye zvive zvakanaka.—2 VaK. 13:10; VaEf. 4:29.

20 Tiri kurarama munyika inorerutsa Jehovha nemitemo yake. Asi vanhu vaJehovha vane hanya zvikuru nokuteerera uye kuva vakavimbika kuna Mwari wavo. Hakusi kufadza kwazvinoita kuva musangano rakakura zvakadaro revanhu vanonamata Jehovha “nomwoyo wose [vasingarerutsi zvinhu]”! Kunyange zvodini ngatisamboona upenyu uye kunamata kwatinoita sezvakareruka.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Mumutauro wakatanga kunyorwa nawo Bhaibheri shoko rakashandurwa kuti womwoyo wose muChiShona pana 1 Timoti 2:2 naTito 2:2-8 rinoreva kusarerutsa kana kuti kusaita zvokutamba nezvinhu.

Ungapindura Sei?

• Sei tisingafaniri kuona upenyu zvakareruka semaonerwo ahunoitwa nenyika?

• Tingaita sei ushumiri hwedu tisingahurerutsi asi isu tichifara?

• Maonero atinoita kutsvaka kushandiswa anoratidza sei kuti tinorerutsa zvinhu kana kuti kwete?

• Tsanangurai kuti kuremekedza hama dzedu uye vomumhuri kunoratidza sei kuti hatirerutsi zvinhu.

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 12]

Murume anofanira kuriritira mhuri yake uye kuitungamirira pakunamata