Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Chibereko Chomudzimu” Chinokudza Mwari

“Chibereko Chomudzimu” Chinokudza Mwari

“Chibereko Chomudzimu” Chinokudza Mwari

“Baba vangu vanokudzwa neizvi, kuti munoramba muchibereka zvibereko zvizhinji.”—JOH. 15:8.

1, 2. (a) Mikana ipi yokukurudzira vamwe yatinayo? (b) Chipo chipi chinobva kuna Jehovha chinotibatsira kumushumira?

FUNGA nezvezviitiko zviviri: Mumwe mukadzi wechiKristu anocherechedza kuti imwe hanzvadzi yechiduku ine zviri kuinetsa. Anoronga kubuda naye mubasa romumunda. Pavanenge vachiita zvavo nyaya vava kuenda pasuo rinotevera, hanzvadzi iya yechiduku inotaura zviri kuinetsa. Anozonyengetera ava oga, achitenda Jehovha kuti hanzvadzi iyi yamubatsira; yaita kunge yaziva zvaanga achida. Kune imwewo nzvimbo, murume nomudzimai vachangobva kusvika kubva kunze kwenyika kwavakanga vaenda kunoparidza. Vakaungana zvavo nevamwe, vachitsanangura nomufaro zvakaitika, imwe hama yechiduku yakateerera chinyararire. Makore akazotevera, yagadzwa somumishinari, inofunga nezvokubatsirwa kwayakaitwa kuti ifarire basa racho nezvayakanzwa zvichikurukurwa nomurume uya nomudzimai wake.

2 Zvichida zviitiko izvi zvinokuyeuchidza nezvemumwe munhu akaita kuti uchinje upenyu hwako kana kuti wawakabatsira iwe pachako. Ichokwadi kuti hapasi pose patingaita nyaya nomunhu kamwe chete zvobva zvachinja upenyu hwake, asi zuva nezuva tine mikana yokukurudzira uye kusimbisa vamwe. Imbofungidzira paine chimwe chinhu chinganatsiridza zvaunogona kuita uye unhu hwako, choita kuti unyatsobatsira hama dzako uye unyatsoshandisika kuna Mwari. Hazvingava zvakanaka here kuva nechinhu ichocho? Jehovha anotipa chinhu chakadaro, iwo mudzimu wake mutsvene. (Ruka 11:13) Mudzimu waMwari paunenge uchishanda muupenyu hwedu, unoita kuti tive neunhu hwakanaka hunonatsiridza zvose zvatinoita pakushumira Mwari. Ichi chipo chinoshamisa zvechokwadi!—Verenga VaGaratiya 5:22, 23.

3. (a) Kuedza kwedu kuva ne“chibereko chomudzimu” kunokudza Mwari sei? (b) Tichakurukura mibvunzo ipi?

3 Unhu hwatinobatsirwa kuva nahwo nomudzimu mutsvene hunoratidza unhu hweanotipa mudzimu wacho, Jehovha Mwari. (VaK. 3:9, 10) Jesu akaratidza chikonzero chikuru nei vaKristu vachifanira kuedza kutevedzera Mwari paakaudza vadzidzi vake kuti: “Baba vangu vanokudzwa neizvi, kuti munoramba muchibereka zvibereko zvizhinji.” * (Joh. 15:8) Patinovavarira kuva ne“chibereko chomudzimu,” zvinobva zvaoneka zvoga pamatauriro nezviito zvedu; izviwo zvinobva zvarumbidza Mwari. (Mat. 5:16) Chibereko chomudzimu chinosiyana papi nemaitiro enyika yaSatani? Tingaedza sei kuva nechibereko chomudzimu? Chii chinoita kuti izvozvo zvisava nyore? Tichakurukura mibvunzo iyi patichaongorora zvinhu zvitatu zvokutanga zvinoumba chibereko chomudzimu, rudo, mufaro, uye rugare.

Rudo Rwakafanana nerwaMwari

4. Jesu akadzidzisa vateveri vake kuva norudo rwerudzii?

4 Rudo rwatinova narwo tichibatsirwa nomudzimu mutsvene rwakasiyana chaizvo nerudo rwunozivikanwa munyika. Zvakasiyana papi? Rwedu rwakafanana nerwaMwari. Jesu akaratidza musiyano uyu muMharidzo Yepagomo. (Verenga Mateu 5:43-48.) Akaratidza kuti kunyange vatadzi vanoda vanhu vanovadawo, vachivabata semabatiro avanovaita. “Rudo” rwakadaro harwunetsi nokuti inenge iri nyaya yekandiro kanoenda kunobva kamwe. Kana tichida ‘kuva vanakomana vaBaba vedu vari kumatenga,’ hatifaniri kudaro. Panzvimbo pokubata vanhu semabatiro avanotiita, tinofanira kuvaona uye kuvabata sezvavanoitwa naJehovha. Asi zvingaita sei kuti tide vavengi vedu sezvakarayirwa naJesu?

5. Tingaratidza sei rudo vaya vanotitambudza?

5 Funga nezvomumwe muenzaniso womuBhaibheri. Pavaiparidza kuFiripi, Pauro naSirasi vakasungwa, vakazvamburwa, vakakandwa mujeri romukatikati, mavakanga vakasungwa makumbo. Pamwe muchengeti wejeri akatombovabatawo zvisina kunaka. Pavakangoerekana vasunungurwa nokudengenyeka kwenyika, vakafunga zvokutsiva murume iyeye here? Kwete. Rudo rwavo rwemwoyo wose rwokusazvifunga ivo rwakaita kuti vakurumidze kumubatsira, vakazarura mukana wokuti muchengeti wejeri uyu nemba yake yose vave vaKristu. (Mab. 16:19-34) Hama dzedu dzakawanda mazuva ano dzakaitawo saizvozvo, “kukomborera vaya vanovatambudza.”—VaR. 12:14.

6. Tingaratidza sei hama dzedu rudo rwokuzvipira? (Ona Bhokisi riri papeji 21.)

6 Kuda kwatinoita vatinonamata navo hakugumiri ipapo. “Tinosungirwa kuti tipe mweya yedu nokuda kwehama dzedu.” (Verenga 1 Johani 3:16-18.) Asi kazhinji tinogona kuratidza rudo pazvinhu zviduku. Somuenzaniso kana tikataura kana kuita chinhu chinogumbura imwe hama, tinogona kuratidza rudo nokutanga isu kutaurirana nayo. (Mat. 5:23, 24) Ko kana tiri isu tagumburwa? ‘Takagadzirira kukanganwira’ here, kana kuti dzimwe nguva tinova nepfundepfunde? (Pis. 86:5) Rudo rukuru rwatinova narwo tichibatsirwa nemudzimu mutsvene rwunoita kuti tifukidze zvikanganiso zviduku, tichikanganwira nemwoyo wose ‘Jehovha zvaakatikanganwira nomwoyo wose.’—VaK. 3:13, 14; 1 Pet. 4:8.

7, 8. (a) Kuda vanhu kunobatana sei nokuda Mwari? (b) Tingawedzera sei kuda kwatinoita Jehovha? (Ona mufananidzo uri pazasi apa.)

7 Tingaita sei kuti tive nerudo rwokuzvipira kuhama dzedu? Nokuwedzera kuda kwatinoita Mwari. (VaEf. 5:1, 2; 1 Joh. 4:9-11, 20, 21) Nguva yatinopedza tiina Jehovha patinoverenga Bhaibheri, patinofungisisa, uye patinonyengetera inozorodza mwoyo yedu uye inoita kuti tiwedzere kuda Baba vedu vokudenga. Zvisinei, tinofanira kutenga nguva yokuswedera pedyo naMwari.

8 Kuenzanisira: Fungidzira kuti zuva nezuva une nguva yausingapotsi kuverenga Shoko raMwari uchifungisisa, uye kunyengetera kuna Jehovha. Haungaedzi zvose zvaunogona here kuti nguva iyoyo yaunenge uina Jehovha isakanganiswa nechimwe chinhu? Ichokwadi kuti tinogona kutaura naMwari mumunyengetero chero nguva, uye vakawanda vedu tinogona kuverenga Bhaibheri patadira. Asi tingada kungwarira kuti chipatapata chemabasa ezuva nezuva chisatitadzisa kuva nenguva yokuva naMwari. Unotenga nguva yakawanda sezvinobvira here yokuswedera pedyo naJehovha?

“Mufaro Unopiwa Nomudzimu Mutsvene”

9. Mudzimu mutsvene unoita kuti tive nomufaro wakaita sei?

9 Chimwe chinhu chinoshamisa pachibereko chomudzimu ndechokuti chibereko chacho hachichinji. Muenzaniso unoratidza izvozvo mufaro, unova ndiwo chinhu chechipiri chatava kukurukura nezvacho chinoumba chibereko chomudzimu. Mufaro wakaita semuti wakasimba unorarama mumamiriro ezvinhu akaoma. Munyika yose vanhu vaMwari vari ‘kugamuchira shoko vachitambudzika kwazvo vaine mufaro unopiwa nomudzimu mutsvene.’ (1 VaT. 1:6) Vamwe vanoomerwa nezvinhu uye vanorasikirwa nezvimwe zvinhu. Asi Jehovha anovapa simba rake remudzimu mutsvene kuti vatsungirire “zvizere nokuva vane mwoyo murefu nomufaro.” (VaK. 1:11) Mufaro uyu unobva kupi?

10. Mufaro wedu unobvepi?

10 Pfuma yatakawana kuna Jehovha inoramba ichikosha, kusiyana ne“pfuma isingagoni kuvimbwa nayo” yenyika yaSatani. (1 Tim. 6:17; Mat. 6:19, 20) Mwari anotivimbisa mufaro wokuva neramangwana risingagumi. Tinofadzwa nokuva musangano rehama riri munyika yose. Chinopfuura zvose ndechokuti mufaro wedu unobva pakuti tine ukama naMwari. Tinonzwa sezvakaita Dhavhidhi, uyo kunyange zvazvo airarama achitiza, akarumbidza Jehovha achiimba kuti: “Nokuti mutsa wenyu worudo uri nani kupfuura upenyu, miromo yangu ichakurumbidzai. Nokudaro ndichakurumbidzai muupenyu hwangu hwose.” (Pis. 63:3, 4) Kunyange kana zvikaoma, mwoyo yedu inofashukira nokurumbidza Mwari nomufaro.

11. Zvakakosherei kuti tishumire Jehovha nomufaro?

11 Muapostora Pauro akakurudzira vaKristu kuti: “Garai muchifara munaShe. Ndinotizve, Farai!” (VaF. 4:4) Sei zvichikosha kuti vaKristu vashumire Jehovha vachifara? Nokuda kwenyaya yakamutswa naSatani ine chokuita neuchangamire hwaJehovha. Satani anoti hapana munhu anoshumira Mwari achizvidira. (Job. 1:9-11) Kana tikashumira Jehovha zvokungoti hapana zvokuzviita asi tisingafari, chibayiro chedu chinenge chisina kukwana. Saka tinoedza kuteerera zvakakurudzirwa nomunyori wepisarema kuti: “Shumirai Jehovha muchifara. Uyai pamberi pake muchishevedzera nomufaro.” (Pis. 100:2) Kushumira Jehovha nomufaro uye nemwoyo unoda kunomukudza.

12, 13. Tingaita sei kuti pfungwa dzedu dzisangofunga zvinhu zvinoodza mwoyo?

12 Asi chokwadi ndechokuti kunyange vashumiri vaJehovha vane nguva dzavanombosuruvara uye dzavanombodzimaidzwa pamaonero avo. (VaF. 2:25-30) Chii chingatibatsira panguva dzakadaro? VaEfeso 5:18, 19 inoti: “Rambai muchizadzwa nomudzimu, . . . muchirumbidza Mwari nenziyo dzomudzimu, muchiimba uye muchiridzira Jehovha nziyo mumwoyo menyu.” Tingashandisa sei zano iroro?

13 Patinenge tamomoterwa nenhamo, tinogona kunyengetera tichiteterera kuna Jehovha toedza kufungisisa zvinhu zvakanaka. (Verenga VaFiripi 4:6-9.) Vamwe vanoona kuimba nenzwi riri pasi pasi vachitevedzera nziyo dzoUmambo dzakarekodhwa kuchivabatsira kuti pfungwa dzavo dzidzoke pazvinhu zvakanaka. Imwe hama yakambopinda mudambudziko raiwanzoita kuti iore mwoyo inoyeuka kuti: “Kuwedzera pakunyengetera nemwoyo wose, ndaidzidzirawo dzimwe nziyo dzoUmambo nomusoro. Kuimba nziyo idzodzo dzinonakidza zvinonzwika kana kuti nechomumwoyo kwaiita kuti mwoyo wangu ugadzikane. Mazuva iwayo ndiwo akabuda bhuku raSwedera Pedyo naJehovha. Ndakariverenga kaviri mugore rakatevera racho. Rakandizorodza zvechokwadi. Ndinoziva kuti Jehovha akakomborera zvandaiedza kuita.”

“Chisungo Chorugare”

14. Rugare rwatinobatsirwa kuva narwo nomudzimu mutsvene rwakaita sei?

14 Pamagungano edu enyika dzakawanda, vanhu vanobva mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana vanofara chaizvo nevamwe vaKristu. Izvozvo zvinoratidza kubatana kwatakaita munyika yose kunova ndiko kunoita kuti vanhu vaMwari vave norugare. Vanhu vanotiona vanowanzoshamiswa pavanoona vanhu vaifanira kunge vachivengana va“chivavarira nomwoyo wose kuchengeta kubatana kwomudzimu muchisungo chorugare.” (VaEf. 4:3) Kubatana uku kunoshamisa zvechokwadi tikafunga nezvezvipingamupinyi zvaifanira kukurirwa nevakawanda.

15, 16. (a) Petro akakurira pakati pevanhu vakaita sei, uye izvi zvakaita kuti aomerwe nei? (b) Jehovha akabatsira sei Petro kugadziridza maonero ake?

15 Kubatanidza vanhu vanobva kwakasiyana-siyana hakusi nyore. Kuti tinyatsonzwisisa kuoma kwazvakaita, ngatimbokurukurai muenzaniso wemuzana remakore rokutanga, muapostora Petro. Tinogona kuona maonero aaiita Vemamwe Marudzi vasina kudzingiswa mumashoko ake aya: “Munonyatsoziva kuti hazvisi pamutemo sei kuti muJudha abatane kana kuti aswedere kune mumwe munhu werimwe dzinza; asi Mwari akandiratidza kuti hapana munhu wandinofanira kuti akasviba kana kuti haana kuchena.” (Mab. 10:24-29; 11:1-3) Maererano nezvaifungwa nevakawanda mazuva ake, Petro anofanira kunge akakura achitenda kuti Mutemo waimuti aifanira kuda vamwe vake vechiJudha chete. Anofanira kunge aiona sepasina kana chakaipa kuti atore Vemamwe Marudzi sevanhu vaifanira kuvengwa. *

16 Imbofungidzira kuti zvinofanira kunge zvakaomera sei Petro paakapinda mumusha waKoneriyasi. Munhu aimbovenga vanhu Vemamwe Marudzi aizokwanisa here ‘kunyatsobatanidzwa pamwe chete’ navo “muchisungo chorugare”? (VaEf. 4:3, 16) Hungu, nokuti mazuva mashomanana akanga apfuura mudzimu waMwari wakanga wazarura mwoyo waPetro, ukaita kuti atange kuchinja maonero ake uye akunde rusaruro. Achiita seari kumurotsa, Jehovha akamuratidza kuti Mwari haaone vanhu maererano neganda ravo kana kwavanobva. (Mab. 10:10-15) Ndosaka Petro akaudza Koneriyasi kuti: “Chokwadi ndinoona kuti Mwari haasaruri, asi murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.” (Mab. 10:34, 35) Petro akachinja, akanyatsobatana ne“sangano rose rehama.”—1 Pet. 2:17.

17. Chii chinoshamisa pakubatana kwakaita vanhu vaMwari?

17 Zvakaitika kuna Petro zvinotibatsira kunzwisisa kuchinja kunoshamisa kuri kuita vanhu vaMwari nhasi. (Verenga Isaya 2:3, 4.) Mamiriyoni evanhu “vanobva kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi” akagadziridza mafungiro awo kuti aenderane ne“zvinodiwa naMwari zvakanaka, zvinogamuchirika uye zvakakwana.” (Zvak. 7:9; VaR. 12:2) Vakawanda vavo vakanga vakanyura mukuvengana nokusabatana kwenyika yaSatani. Asi nokudzidza Shoko raMwari, nokubatsirwa nomudzimu mutsvene, vakadzidza kuita “zvinhu zvinoita kuti pave norugare.” (VaR. 14:19) Rugare rwunovapo rwunoita kuti Mwari arumbidzwe.

18, 19. (a) Mumwe nomumwe wedu angaita sei kuti rugare uye kubatana zviri muungano zvirambe zviripo? (b) Tichakurukurei munyaya inotevera?

18 Mumwe nomumwe wedu angaita sei kuti rugare uye kubatana zviri pakati pevanhu vaMwari zvirambe zviripo? Ungano dzakawanda dzine vanhu vakabva kune dzimwe nyika. Vamwe vane tsika dzakasiyana nedzedu kana kuti havanyatsogoni mutauro wedu. Tinoedza kushamwaridzana navo here? Izvi ndizvo zvinokurudzirwa neShoko raMwari. Achinyorera ungano yokuRoma, iyo yaiva nevaJudha uye Vemamwe Marudzi, Pauro akati: “Gamuchiranai, sokugamuchirwawo kwatakaitwa naKristu, kuti Mwari akudzwe.” (VaR. 15:7) Pane mumwe munhu womuungano yenyu waungada kuziva zviri nani here?

19 Chii chimwe chatingaita kuti tibvumire mudzimu mutsvene kushanda muupenyu hwedu? Nyaya inotevera ichakurukura mubvunzo uyu sezvatichaongorora zvimwe zvinoumba chibereko chomudzimu.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Zvibereko zvairehwa naJesu zvinosanganisira zvose “chibereko chomudzimu” uye “chibereko chemiromo” icho chinopiwa kuna Mwari nevaKristu pavanoita basa rokuparidza Umambo.—VaH. 13:15.

^ ndima 15 Revhitiko 19:18 inoti: “Usatsiva kana kuchengetera vanakomana vevanhu vokwako mafi; ida wokwako sezvaunozviita.” Vatungamiriri vechitendero vechiJudha vaiti mashoko okuti “vanakomana vevanhu vokwako” uye “wokwako” aireva vaJudha chete. Mutemo waida kuti vaIsraeri vagare vakaparadzana nemamwe marudzi. Asi wakanga usingatauri pfungwa yakazenge yavapo muzana remakore rokutanga yokuti vanhu vose vasiri vaJudha vaifanira kuvengwa.

Ungapindura Sei?

• Tingaratidza sei rudo rwokuzvipira kuhama dzedu?

• Sei zvichikosha kuti tishumire Mwari nomufaro?

• Tingaita sei kuti rugare uye kubatana zviri muungano zvirambe zviripo?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi riri papeji 21]

“Ava Ndivo vaKristu Vechokwadi”

Bhuku rinonzi Between Resistance and Martyrdom—Jehovah’s Witnesses in the Third Reich rinorondedzera zvakataurwa nomumwe musungwa wechiduku wechiJudha, uyo aitsanangura nezvokutanga kusangana kwaakaita neZvapupu zvaJehovha paakasvika kumusasa wevasungwa weNeuengamme richiti:

“Isu vaJudha vaibva kuDachau patakangosvika mumusasa wacho, vamwe vaJudha vakatanga kuviga zvinhu zvavo zvose kuti tisazovakumbira. . . . Tisati tasungwa taibatsirana. Asi muno, upenyu hwedu hwava mungozi, munhu wose ava kungofunga kuzviponesa, achikanganwa vamwe. Asi funga zvaiitwa neVadzidzi veBhaibheri. Panguva iyoyo vaifanira kushanda zvakaoma, vachigadzira pombi dzemvura. Kwaitonhora uye vaiswera vakamira mumvura yaitonhora semagodo echando. Hapana ainzwisisa kuti vaitsungirira sei. Vaiti Jehovha ndiye aivasimbisa. Vaive nenzara sesuwo vamwe. Asi vaiita sei? Vaiunganidza chingwa chose chavaiva nacho vochikamura nepakati, chimwe vodya, chimwe vopa vamwe vavo vainge vachangosvika kubva kuDachau. Uye vaivachingura vovatsvoda. Vaitanga vanyengtera vozodya. Pashure pacho vairatidza kuti vaguta uye vari kufara. Vaiti vakanga vasisina nzara. Saka, ipapo ndipo pandakafunga kuti: Ava ndivo vaKristu vechokwadi.”

[Mifananidzo iri papeji 19]

Unotenga nguva zuva nezuva yokuswedera pedyo naJehovha here?