Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Uri Kubvumira Mudzimu waMwari Kuti Ukutungamirire Here?

Uri Kubvumira Mudzimu waMwari Kuti Ukutungamirire Here?

Uri Kubvumira Mudzimu waMwari Kuti Ukutungamirire Here?

“Mudzimu wenyu wakanaka; ngaunditungamirire munyika yokururama.”—PIS. 143:10.

1, 2. (a) Taura zvimwe zviitiko apo Jehovha akashandisa mudzimu wake kutsigira vanhu vake. (b) Mudzimu mutsvene unongoshanda pazviitiko zvikuru chete here? Tsanangura.

PAUNOFUNGA nezvemashandiro anoita mudzimu mutsvene, chii chinouya mupfungwa dzako? Unofunga nezvemabasa makuru akaitwa naGidhiyoni naSamsoni here? (Vat. 6:33, 34; 15:14, 15) Zvichida unofunga nezveushingi hwevaKristu vokutanga kana kuti kusatya kwaStefani akamira pamberi peSanihedrini. (Mab. 4:31; 6:15) Unofungawo here nezvekufara kunoitwa pamagungano emarudzi akawanda, nezvehama dzedu dzinoramba dzakaperera kuna Mwari padzinosungirwa kusaita zvematongerwo enyika, uye kuwedzera kunoshamisa kuri kuita basa rokuparidza? Mienzaniso yose iyi inoratidza kushanda kwemudzimu mutsvene.

2 Saka mudzimu mutsvene unoshanda chete pazviitiko zvikuru kana kuti zvinhu pazvinenge zvaoma here? Kwete. Shoko raMwari rinotaura nezvevaKristu sevari kufamba “maererano nomudzimu,” vari ‘kutungamirirwa nomudzimu,’ uye vari ‘kurarama maererano nomudzimu.’ (VaG. 5:16, 18, 25) Mashoko aya anoratidza kuti mudzimu mutsvene unogona kuramba uchititungamirira. Zuva nezuva, tinofanira kuteterera Jehovha kuti atungamirire mafungiro edu, matauriro uye maitiro achishandisa mudzimu wake. (Verenga Pisarema 143:10.) Tikabvumira mudzimu mutsvene kuti utitungamirire, uchaita kuti tive nezvibereko zvinozorodza vamwe uye zvinoita kuti Mwari arumbidzwe.

3. (a) Zvakakosherei kuti titungamirirwe nomudzimu mutsvene? (b) Mibvunzo ipi yatichakurukura?

3 Zvakakosherei kuti titungamirirwe nomudzimu mutsvene? Nokuti pane rimwe simba rinoda kutitonga, rinorwisana nomudzimu mutsvene. Magwaro anoti simba iroro ‘inyama,’ iyo inoreva muviri wenyama unoda kuita zvakaipa, zvinokonzerwa nokusakwana kwatakawana kuna Adhamu. (Verenga VaGaratiya 5:17.) Saka kubvuma kutungamirirwa nomudzimu waMwari kunorevei? Pane zvatingaita here kuti tikurire nyama yedu inoda kuita zvakaipa? Ngatifungei nezvemibvunzo iyi sezvatinokurukura zvinhu zvitanhatu zvinoumba “chibereko chomudzimu,” zvinoti, “mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora.”—VaG. 5:22, 23.

Unyoro Uye Mwoyo Murefu Zvinoita Kuti Muungano Muve Norunyararo

4. Unyoro uye mwoyo murefu zvinoita sei kuti muungano muve norunyararo?

4 Verenga VaKorose 3:12, 13. Unyoro uye mwoyo murefu zvinoshanda pamwe chete kuti muungano muve norunyararo. Zvinhu izvi zvinoita kuti tibate vamwe zvakanaka, tisagumbuka kana tatadzirwa, uye tisatsiva vamwe pavanotaura kana kuita zvakaipa. Kana tapesana nemumwe muKristu, mwoyo murefu, kana kushivirira, kuchatibatsira kuti tisakanda mapfumo pasi pakuedza kugadzirisana nehama yedu kana hanzvadzi. Unyoro uye mwoyo murefu zvinonyatsokosha here muungano? Zvinokosha, nokuti tose tinokanganisa.

5. Chii chakaitika kuna Pauro naBhanabhasi, uye izvi zvinoratidzei?

5 Chimbofunga zvakaitika kuna Pauro naBhanabhasi. Vakanga vashanda pamwe chete kwemakore pakuita kuti mashoko akanaka afambire mberi. Mumwe nomumwe aiva nounhu hwakanaka. Asi rimwe zuva “vakabva vatsamwirana kwazvo, zvokuti vakabva vaparadzana.” (Mab. 15:36-39) Izvi zvinoratidza kuti kunyange vashumiri vaMwari vanoshingaira vanogona kutadza kuwirirana pane dzimwe nguva. Kana muKristu akapesana nomumwe, angaita sei kuti vasapopotedzana vozopedzisira vasisaonani?

6, 7. (a) Izano ripi romuMagwaro ratingashandisa patinenge tichikurukura nomumwe kana tikaona kuti zvinhu zvava kuda kushata? (b) Zvakanakirei kuti munhu ‘akurumidze kunzwa, anonoke kutaura, anonoke kuva nehasha’?

6 Mashoko okuti “vakabva vatsamwirana kwazvo,” anoratidza kuti Pauro naBhanabhasi vakangoerekana vatsamwirana uye kuti kutsamwirana kwacho kwakanga kwakakura. Kana muKristu akaona kuti ava kuda kutsamwa paanenge achikurukura nomumwe wake, angaratidza kuchenjera kana akashandisa zano riri pana Jakobho 1:19, 20 rinoti: “Munhu wose anofanira kukurumidza kunzwa, anonoke kutaura, anonoke kuva nehasha; nokuti hasha dzomunhu hadziiti kuti pave nokururama kwaMwari.” Zvichienderana nemamiriro ezvinhu, angaedza kuchinja nyaya, kumboisiya, kana kubva ipapo zvisati zvashata.—Zvir. 12:16; 17:14; 29:11.

7 Zvakanakirei kutevedzera zano iri? Kana muKristu achitora nguva yokuti agadzikane, anyengetere nezvenyaya yacho, uye afunge nzira yakanakisisa yokupindura, anenge achibvuma kutungamirirwa nomudzimu waMwari. (Zvir. 15:1, 28) Achitungamirirwa nomudzimu, anogona kuratidza unyoro uye mwoyo murefu. Anenge ava kukwanisa kushandisa zano riri pana VaEfeso 4:26, 29 rinoti: “Tsamwai henyu, asi musatadza . . . Shoko rakaora ngarirege kubuda mumuromo menyu, asi shoko chero ripi zvaro rakanaka, kuti rivake sezvingava zvichidiwa, kuti ripe zvinofadza kune vanonzwa.” Ichokwadi kuti tikapfeka unyoro uye mwoyo murefu, ungano inobatana uye inova norunyararo.

Zorodzai Mhuri Yenyu Nokuva Norunako Uye Mutsa

8, 9. Mutsa uye runako chii, uye zvinoita kuti mumhuri muite sei?

8 Verenga VaEfeso 4:31, 32; 5:8, 9. Sokutonhorera kunoita kamhepo kana kuti chinwiwa chinotonhora kana kuchipisa, ndizvo zvinoitika kana tiine munhu akanaka uye ane mutsa. Mhuri ine vanhu vane unhu hwakadaro inofadza. Kuva nomutsa kunobva pakufarira vamwe zvechokwadi, kufarira kwacho kuchiratidzwa nokuvabatsira uye kuvaudza mashoko anoratidza kuti tine hanya navo. Kungofanana nomutsa, kuva akanaka kunoratidzwa nezviito zvinobatsira vamwe. Kunoonekwa nokuva norupo. (Mab. 9:36, 39; 16:14, 15) Asi kuva akanaka kunosanganisira zvakawanda.

9 Runako runoreva kuva netsika dzakanaka chaizvo. Chinonyanya kukosha ndechokuti runooneka pane zvatiri, kwete pane zvatinoita. Runako rwakafanana nemuchero wakanyatsoibva usina kana pakaora. Runako rwatinova narwo tichibatsirwa nomudzimu mutsvene runoonekawo pamararamiro edu ose.

10. Chii chingaitwa kuti vemumhuri vaedze kuva nechibereko chomudzimu?

10 Mumusha wevaKristu, chii chingavabatsira kuti vaitirane mutsa uye zvakanaka? Zivo yakarurama yeShoko raMwari inokosha panyaya iyi. (VaK. 3:9, 10) Mimwe misoro yemhuri painova nemanheru okunamata kwemhuri inosanganisirawo kudzidza nezvechibereko chomudzimu. Hazvina kuoma kuti varonge kudzidza zvinhu zvakadaro. Muchishandisa zvokutsvakurudza zvamuinazvo mumutauro wenyu, sarudzai mashoko nezvechinhu chimwe chete chinoumba chibereko chomudzimu. Mungakurukura ndima shoma pavhiki, muchitora mavhiki akati kuti muchidzidza chinhu chimwe chete. Sezvamunodzidza mashoko acho, verengai uye kurukurai magwaro arimo. Tsvakai nzira dzokushandisa zvamunodzidza, uye nyengeterai kuti Jehovha akomborere zvamunoedza kuita. (1 Tim. 4:15; 1 Joh. 5:14, 15) Chidzidzo chakadaro chingachinja kugarisana kunoita vari mumhuri here?

11, 12. Mhuri mbiri dzechiKristu dzakabatsirwa sei nokudzidza nezvemutsa?

11 Vachida kuti imba yavo ibudirire, mumwe murume nomudzimai wake vechiduku vakasarudza kunyatsodzidza nezvechibereko chomudzimu. Vakabatsirwa sei? Mudzimai wacho anoti: “Kudzidza kuti mutsa unosanganisira kuvimbika uye kusaita gumbo mumba gumbo panze zvakatibatsira pakugarisana kwatinoita kusvika nhasi. Zvakatidzidzisa kusaoma musoro uyewo kuregererana. Uye zvakatibatsira kudzidza kuti ‘waita zvako’ uye ‘ndine urombo.’”

12 Vamwewo vaKristu, murume nomudzimai vainetsana vakaona kuti vakanga vasingaratidzani mutsa. Vakasarudza kudzidza pamwe chete nezvemutsa. Zvii zvakazoitika? Murume wacho anoyeuka kuti: “Kudzidza kwatakaita nezvemutsa kwakatibatsira kusanyumwirana, tichitarira zvakanaka zviri kuitwa nomumwe. Mumwe nomumwe akatanga kutsvaka kufadza mumwe wake. Kuva nomutsa kwaisanganisira kukumbira mudzimai wangu kutaura pfungwa dzake akasununguka ndisingamutsamwiri. Ndaifanira kusazvikudza. Patakatanga kuratidzirana mutsa mumba medu, takatanga kubvuma kuti tinokanganisa. Zvakatisunungura chaizvo.” Mhuri yenyu ingabatsirwa here nokudzidza nezvechibereko chomudzimu?

Ratidza Kutenda Paunenge Uri Woga

13. Ndezvipi zvatinofanira kungwarira zvingakanganisa ukama hwedu naJehovha?

13 VaKristu vanofanira kubvuma kutungamirirwa nomudzimu mutsvene paruzhinji uye vari voga. Nhasi uno nyika yaSatani yazara nemifananidzo inonyadzisa uye varaidzo yakafumuka. Izvi zvinogona kukanganisa ukama hwedu naJehovha. Saka muKristu angafanira kuita sei? Shoko raMwari rinopa zano rokuti: “Bvisai tsvina yose nechinhu chiya chisingadiwi, ihwo uipi, uye gamuchirai nounyoro kusimwa kweshoko rinokwanisa kuponesa mweya yenyu.” (Jak. 1:21) Ngationgororei kuti kutenda, chimwe chezvinhu zvinoumba chibereko chomudzimu, kungatibatsira sei kuti tirambe takachena pamberi paJehovha.

14. Kusava nokutenda kungaita sei kuti munhu aite zvakaipa?

14 Kana tiine kutenda kwechokwadi, tichaona Jehovha Mwari somunhu chaiye. Kana tikaona sokuti Mwari haationi, zviri nyore kuti tiite zvakaipa. Chimbofunga zvakaitika kuvanhu vaMwari kare. Jehovha akazivisa muprofita Ezekieri zvinhu zvinosemesa zvaiitwa pachivande, achiti: “Haiwa iwe mwanakomana womunhu, waona here zviri kuitwa nevakuru veimba yaIsraeri murima, mumwe nomumwe ari mudzimba dzomukati dzezvifananidzo zvake? Nokuti ivo vanoti, ‘Jehovha haasi kutiona. Jehovha akabva panyika.’” (Ezek. 8:12) Waona here kuti chii chakaita kuti vaite zvinhu zvakashata kudaro? Vaiona sokuti Jehovha akanga asingaoni zvavaiita. Vaisaona Jehovha somunhu chaiye.

15. Kutenda kwakasimba muna Jehovha kunotidzivirira sei?

15 Muenzaniso waJosefa wakasiyana nowevaIsraeri ivavo. Kunyange zvazvo aiva kure nevemhuri yake uye vanhu vokwake, akaramba kuita upombwe nomudzimai waPotifari. Akarambirei? Akati: “Ndingaita seiko chinhu ichi chakaipa kwazvo, nditadzire Mwari?” (Gen. 39:7-9) Izvi zvinoratidza kuti aiziva kuti Jehovha ariko. Kana tichiziva kuti Jehovha ariko, hatizooni varaidzo isina kuchena kana kuita chero chii zvacho pachivande chatinoziva kuti hachifadzi Mwari. Tichaita chitsidzo chakaita sechemunyori wepisarema akaimba kuti: “Ndichafamba-famba mumba mangu nomwoyo wakarurama. Handizoisi chinhu chisingabatsiri pamberi pemaziso angu.”—Pis. 101:2, 3.

Chengetedza Mwoyo Wako Nokuzvidzora

16, 17. (a) Sezvinotsanangurwa mubhuku raZvirevo, “jaya raiva nemwoyo usina njere” rakabatwa sei nomusungo wechivi? (b) Sezvinoratidzwa papeji 26, zvinhu zvakafanana neizvi zvingaitikawo sei nhasi, pasinei nezera romunhu?

16 Kuzvidzora, chokupedzisira pazvinhu zvinoumba chibereko chomudzimu, kunotiita kuti tirambe zvinhu zvinovengwa naMwari. Kunogona kutibatsira kuchengetedza mwoyo wedu. (Zvir. 4:23) Funga nezvezviri pana Zvirevo 7:6-23, panotsanangura kunyengedzwa kwakaitwa rimwe “jaya raiva nemwoyo usina njere” neimwe pfambi. Rinobatwa mumusungo pashure pokupfuura “nomugwagwa uri pedyo nekona” inowanika pfambi iyi. Zvichida rakapfuura nomunzvimbo iyoyo richida kuona kuti zvinombofamba sei. Pasina nguva, rinotadza kuziva kuti rava kunoita zvoupenzi “zvine chokuita nomweya waro.”

17 Jaya iri ringadai rakadzivisa sei dambudziko iri? Nokuteerera nyevero iyi: “Usafamba-famba mumigwagwa yake.” (Zvir. 7:25) Pane chidzidzo apa: Kana tichida kuti mudzimu waMwari utitungamirire, hatifaniri kuzvipinza mumamiriro ezvinhu anozogona kuita kuti tisangane nemuedzo. Imwe nzira inogona kuita kuti munhu azoita upenzi hwe“jaya raiva nemwoyo usina njere” ndeyokungochinja-chinja mapurogiramu eterevhizheni kana kungovhura-vhura Indaneti zvisina chinangwa. Kunyange munhu akazviita achiziva kana asingazivi, angasangana nezvinhu zvinoita kuti ade kuita zvepabonde. Zvishoma nezvishoma anogona kutanga katsika kasina kuchena kokutarira zvinonyadzisira, zvozomupinza munyatwa akanganisa hana yake uye ukama hwake naMwari. Zvingatogona kumuurayisa.—Verenga VaRoma 8:5-8.

18. Ndeapi matanho angatorwa nomuKristu kuti achengetedze mwoyo wake, uye sei achifanira kuzvidzora kuti akwanise kudaro?

18 Chokwadi tinogona uye tinofanira kuzvidzora nokubva tarega kutarira mifananidzo inomutsa chido chezvepabonde. Asi zvakanyanya kunaka kugara tadzivisa kusangana nemamiriro ezvinhu akadaro. (Zvir. 22:3) Kuisa miganhu uye kusaipfuura kunoda kuti tizvidzore. Somuenzaniso, kuisa kombiyuta painoonekwa nomunhu wose kungatidzivirira. Vamwe vakaona zvakanaka kusashandisa kombiyuta kana terevhizheni kana vamwe vasipo. Vamwe vakasarudza kusatombovhura Indaneti. (Verenga Mateu 5:27-30.) Ngatiitei zvose zvatinogona kuti tizvidzivirire nemhuri yedu kuitira kuti tinamate Jehovha ‘nomwoyo wakachena nehana yakanaka uye kutenda kusina unyengeri.’—1 Tim. 1:5.

19. Zvakanakirei kubvuma kutungamirirwa nomudzimu mutsvene?

19 Chibereko chomudzimu mutsvene chinobatsira pane zvakawanda. Unyoro uye mwoyo murefu zvinoita kuti ungano ive norunyararo. Runako uye mutsa zvinoita kuti mhuri ifare. Kutenda uye kuzvidzora zvinoita kuti tirambe tiri pedyo naJehovha uye takachena pamberi pake. Uyezve vaGaratiya 6:8 inotivimbisa kuti: “Anodyara nokuda kwomudzimu achakohwa upenyu husingaperi hunobva pamudzimu.” Zvichibva parudzikinuro rwaKristu, Jehovha achashandisa mudzimu mutsvene kupa upenyu husingaperi vaya vanobvuma kutungamirirwa nawo.

Ungapindura Sei?

• Unyoro uye mwoyo murefu zvinoita sei kuti ungano ive norunyararo?

• Chii chingabatsira vaKristu kuti varatidze mutsa uye runako?

• Kutenda uye kuzvidzora zvinobatsira sei muKristu kuti achengetedze mwoyo wake?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 24]

Ungaita sei kuti usazoguma wapopotedzana nemunhu waunenge uchikurukura naye?

[Mufananidzo uri papeji 25]

Kudzidza nezvechibereko chomudzimu kunogona kubatsira mhuri yenyu

[Mufananidzo uri papeji 26]

Kutenda uye kuzvidzora zvinoita kuti tidzivise ngozi dzipi?