Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

1. Kudengenyeka Kwenyika

1. Kudengenyeka Kwenyika

1. Kudengenyeka Kwenyika

“Kuchava nokudengenyeka kwenyika kukuru.”—RUKA 21:11.

● Kasikana kanonzi Winnie kane gore nemwedzi mina kanobudiswa muungwanda-ngwanda kuHaiti. Vamwe vatori venhau dzepaTV vanga vakanzwa kachigomera. Kapona paitika kudengenyeka asi vabereki vako vafa.

ZVIRI KUITIKA ZVINORATIDZEI? Pakaitika kudengenyeka kwenyika kukuru kuHaiti muna January 2010, pakafa vanhu vanopfuura 300 000. Vamwe miriyoni nechidimbu vakangoerekana vasisina pokugara. Kunyange hazvo kudengenyeka kwakaitika kuHaiti kwakauraya vanhu vakawanda chaizvo, kudengenyeka kunogara kuchiitika munzvimbo dzakawanda. Kubva muna April 2009 kusvika muna April 2010 kudengenyeka kune simba kunenge 18 kwakaitika pasi rose.

NDEDZIPI NHARO DZINOWANZOITWA NEVANHU? Kudengenyeka kwenyika hakuna kuwedzera asi nyaya iripo ndeyokuti nemichina yatava nayo tava kukwanisa kuziva nezvekudengenyeka kupfuura kare.

NHARO IDZODZO DZINE MUSORO HERE? Chimbofunga izvi: Bhaibheri haritauri kuti kudengenyeka kwenyika kuchange kwakawanda sei mumazuva okupedzisira. Asi rinoti ‘kudengenyeka kwenyika kukuru’ kuchaitika “munzvimbo nenzvimbo,” chimwe chezvinhu zvikuru zvinoumba chiratidzo chemazuva okupedzisira.—Mako 13:8; Ruka 21:11.

IWE UNOFUNGEI? Tiri kuona here kudengenyeka kwenyika kukuru sezvakafanotaurwa neBhaibheri?

Kudengenyeka kwenyika handiko chete kunoratidza kuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira. Asi kuti hungori humwe uprofita huri kuzadzika. Chimboona hwechipiri.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 4]

“Isu nyanzvi dzinoongorora zvinoitika kupasi redu (geophysicists) tinoti uku kudengenyeka kukuru asi vamwe vose vanoti ringoriwo dambudziko rinorwadza.”—KEN HUDNUT, US GEOLOGICAL SURVEY

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 4]

© William Daniels/Panos Pictures