Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

2. Nzara

2. Nzara

2. Nzara

“Kuchava nokushomeka kwezvokudya.”—MAKO 13:8.

● Mumwe murume anotizira kumusha weQuaratadji, kuNiger. Hama dzake nevanun’una nehanzvadzi vanouyawo vachibva kunzvimbo dzakasiyana-siyana dzenyika iyi vachitiza nzara. Chinoshamisa ndechokuti murume uyu anorara zvake parukukwe ari oga. Ko sei ari oga? Sabhuku wemunzvimbo iyoyo anonzi Sidi anoti murume uyu “haasi kukwanisa kuriritira mhuri yake uye haachakwanisi kuramba akangovatarisa.”

ZVIRI KUITIKA ZVINORATIDZEI? Pasi rose, anenge munhu mumwe chete pavanomwe voga voga haasi kuwana zvokudya zvinomukwanira zuva nezuva. Mune imwe nyika iri muno muAfrica, kuSahara, zvakatonyanya nokuti pavatatu voga voga mumwe chete anopedza nguva refu asina kuwana zvokudya. Kuti tinzwisise zviri kutaurwa, ngatimbofungidzirai mhuri ina baba, amai nemwana. Kana pakawanikwa zvokudya zvinongokwanira vanhu vaviri, unofunga kuti anorara nayo ndiani? Ndibaba here, ndiamai here, kana kuti mwana? Mhuri idzi dzinenge dzichifanira kusarudza zuva nezuva kuti ndiani orara nayo.

NDEDZIPI NHARO DZINOWANZOITWA NEVANHU? Nyika ine zvokudya zvakawanda zvinokwanira munhu wose. Chinongodiwa ndechokuti zvinhu izvi zvitarisirwe zvakanaka.

NHARO IDZODZO DZINE MUSORO HERE? Ndizvo hazvo kuti varimi vava nezvifambiso uye vava kugona kurima zvokudya zvakawanda kupfuura zvaiitwa kare. Saka hurumende dzaifanira kunge dzichitarisira mafambiro anoita zvokudya kuitira kuti pasava nenzara. Asi kunyange zvazvo vava nemakore nemakore vachizviedza, vari kukundikana.

IWE UNOFUNGEI? Mako 13:8 iri kuzadzika here? Pasinei nokufambira mberi kwemichina iri kugadzirwa, kushomeka kwezvokudya kuchiri kuonesa vanhu ndondo pasi rose here?

Kudengenyeka kwenyika uye nzara zvinowanzokonzera rimwe rematambudziko anoumba chiratidzo chemazuva okupedzisira.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]

“Vana vanopfuura 33 pazana roga-roga vari kufa nemabayo, manyoka nezvimwewo zvirwere, vaigona kunge vari vapenyu dai vaiwana zvokudya zvakakwana.”—ANN M. VENEMAN, AIMBOVA MUKURU MUKURU WEUN CHILDREN’S FUND.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 5]

© Paul Lowe/Panos Pictures