Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

3. Zvirwere

3. Zvirwere

3. Zvirwere

“Vanhu . . . vacharwara nezvirwere zvakaipisisa.”—RUKA 21:11, Contemporary English Version.

● Bonzali ndivautsanana vari mune imwe nyika yasakadzwa nehondo iri muAfrica, ari kungoitawo zvishoma zvaanokwanisa kuti arape vashandi vepamugodhi vemutaundi rekwaanogara vari kufa nechirwere chinonzi Marburg. * Anokumbira ruyamuro kubva kune vakuru vakuru vari muguta guru asi hapana chinouya. Ruyamuro rwunozouya papera mwedzi mina ndokuwana Bonzali ashayika. Akafa nechirwere cheMarburg chaakabatira achiedza kurapa vashandi vepamugodhi.

ZVIRI KUITIKA ZVINORATIDZEI? Zvirwere zvakadai sezvemabayo, zvemanyoka, HIV/AIDS, TB uye marariya ndezvimwe zvinonyanya kuuraya. Mugore rapfuura zvirwere zvishanu izvi zvakauraya vanhu vanoda kusvika mamiriyoni 10,7. Izvi zvinoreva kuti kwegore rose zvirwere izvi zvaiuraya anenge munhu mumwe chete pamasekonzi matatu oga oga.

NDEDZIPI NHARO DZINOWANZOITWA NEVANHU? Nhamba yevanhu panyika iri kuramba ichiwedzera, saka zvirwere zvinorambawo zvichiwanda. Kuwanda kwevanhu kuwandawo kwevanorwara.

NHARO IDZODZO DZINE MUSORO HERE? Ichokwadi kuti nhamba yevanhu panyika yawedzera zvikuru. Asiwo vanhu vava neunyanzvi hwokuongoroora zvirwere, hwokutora matanho okuti zvisapararira, uye hwokuzvirapa. Saka zvirwere hazvifaniri kuva zvishoma here? Chinoshamisa ndechokuti zviri kutowedzera.

IWE UNOFUNGEI? Vanhu vari kuyaura pamusana pezvirwere zvakaipisisa sezvakagara zvataurwa neBhaibheri here?

Kudengenyeka kwenyika, nzara nezvirwere zvinhu zvinongoitikawo zviri kuuraya mamiriyoni evanhu. Mamwewo mamiriyoni ari kuoneswa chitsvuku nevamwe vavo, vakawanda vari kushungurudzwa nevanhu vanenge vachifanira kuvadzivirira. Ona zvinonzi nouprofita hweBhaibheri zvichazoitika.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Marburg Hemorrhagic Fever chirwere chakada kufanana neEbola.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]

“Kudyiwa neshumba kana nechimwewo chinhu kunotyisa, asi hazvina kumbosiyana nokutetenwa muviri nechirwere chakaipisisa uye uchiona kuti ndozviri kuitikawo kune vamwe vose.”—MICHAEL OSTERHOLM, ANOONGORORA KUPARARIRA KWEZVIRWERE.

[Mufananidzo uri papeji 6]

© William Daniels/Panos Pictures