Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Mwari Achibvumira Zvinhu Zvakaipa Uye Kutambura?

Nei Mwari Achibvumira Zvinhu Zvakaipa Uye Kutambura?

Dzidza Kubva Mushoko raMwari

Nei Mwari Achibvumira Zvinhu Zvakaipa Uye Kutambura?

Nyaya ino ine mibvunzo ingave yakakunetsa uye inokuratidza paungawana mhinduro dzacho muBhaibheri rako. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukurukura newe mhinduro dzemibvunzo iyi.

1. Zvinhu zvakaipa zvakatanga sei?

Satani paakareva nhema dzokutanga panyika ndipo pakatanga zvinhu zvakaipa. Satani akanga asina kumboipa paakasikwa. Aiva ngirozi yakanga isingatadzi, asi “haana kumira zvakasimba muchokwadi.” (Johani 8:44) Akachiva kunamatwa kwaiva kwakangokodzera kupiwa kuna Mwari. Satani akanyepera Evha akamufurira kuti ateerere iye panzvimbo pokuteerera Mwari. Adhamu akabatanawo naEvha pakusateerera Mwari. Zvaakaita zvakazoguma nokutambura uye rufu.—Verenga Genesisi 3:1-6, 17-19.

Satani paakafurira Evha kuti asateerera Mwari akanga ari kutopandukira kodzero yaMwari yokuva changamire. Vanhu vakawanda vakabatanawo naSatani pakuramba kutongwa naMwari. Saka Satani ava “mutongi wenyika.”—Verenga Johani 14:30; Zvakazarurwa 12:9.

2. Zvisikwa zvaMwari zvakasikwa zvine pazvakakanganisika here?

Mwari akasika vanhu uye ngirozi vachinyatsokwanisa kuteerera mirayiro yake. (Dheuteronomio 32:5) Akatisika tiine rusununguko rwokusarudza kuita zvakanaka kana kuti zvakaipa. Rusununguko irworwo rwunotipa mukana wokuratidza kuda kwatinoita Mwari.—Verenga Jakobho 1:13-15; 1 Johani 5:3.

3. Nei Mwari akarega kutambura kuripo?

Jehovha akarega hake vanhu vachipandukira kodzero yake yokuva changamire kwenguva yakati oo. Nemhaka yei? Kuitira kuti zvibude pachena kuti hapana kutonga kusina iye mukati kunobatsira vanhu. (Jeremiya 10:23) Pava nemakore 6 000 kubvira izvi zvaitika uye chokwadi chabuda pachena. Hurumende dzevanhu dzakundikana kutonga zvakanaka, kubvisa hondo, mhosva uye zvirwere.—Verenga Muparidzi 7:29; 8:9; VaRoma 9:17.

Asiwo vaya vanobvuma kuti Mwari ave Mutongi wavo vanofambirwa zvakanaka nezvinhu. (Isaya 48:17, 18) Munguva pfupi iri kuuya, Mwari achaparadza hurumende dzose dzevanhu. Vaya chete vanosarudza kuti Mwari ave mutongi wavo ndivo vachagara panyika.—Isaya 2:3, 4; 11:9; verenga Dhanieri 2:44.

4. Mwoyo murefu waMwari unoita kuti pave nemukana wei?

Satani akataura kuti hapana munhu angaramba akavimbika kuna Jehovha. Mwoyo murefu waMwari unotipa mukana wokuti tisarudze kuti tinoda kutongwa naMwari here kana kuti nevanhu. Mararamiro atichaita ndiwo acharatidza zvatinosarudza.—Verenga Jobho 1:8-11; Zvirevo 27:11.

5. Tinosarudza sei kuti Mwari ave Mutongi wedu?

Tinosarudza kuti tinoda kuti Mwari ave Mutongi wedu patinotsvaka kunamata kwechokwadi kunotsigirwa neShoko rake Bhaibheri tobva taita zvaanoda. (Johani 4:23) Uyewo tichitevedzera Jesu hatiiti zvematongerwo enyika uye zvehondo.—Verenga Johani 17:14.

Satani anoshandisa simba rake kuti asimudzire unzenza uye tsika dzakaipa. Patinorega kuita zvinhu zvakadaro, dzimwe shamwari nehama dzedu vangatiseka kana kutishora. (1 Petro 4:3, 4) Saka tinofanira kusarudza kuti tichashamwaridzana nevanhu vanoda Mwari here? Tichateerera here mitemo yake ine uchenjeri uye rudo? Kana tikadaro, ticharatidza kuti Satani aireva nhema paakataura kuti hapana achateerera Mwari.—Verenga 1 VaKorinde 6:9, 10; 15:33.

Kuti unzwe zvakawanda, ona chitsauko 11 chebhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 16]

Adhamu akaita chisarudzo chakaipa

[Mufananidzo uri papeji 17]

Zvatinoita zvinoratidza kuti tinoda kuti Mwari ave Mutongi wedu