Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Kuchange Kuchifinha Here?

Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Kuchange Kuchifinha Here?

Vaverengi Vanobvunza Kuti . . .

Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Kuchange Kuchifinha Here?

▪ Bhaibheri rinotipa tariro yokuti tinogona kurarama nokusingaperi muParadhiso pasi pano. (Pisarema 37:29; Ruka 23:43) Kurarama nokusingaperi pasina kana chinonetsa kuchange kuchifinha here?

Uyu mubvunzo une musoro. Vanotsvakurudza vakaona kuti kana munhu akaramba achingodzokorora chinhu chimwe chete zvingaita kuti azvidye mwoyo, aore mwoyo kana kunzwa kuda kutoita zvinhu zvine ngozi. Vaya vasingazivi chinangwa choupenyu kana kuti vanoramba vachidzokorora chinhu chimwe zuva nezuva vanogona kuguma vafinhwa. Upenyu hwevaya vanenge vari muparadhiso huchange husina chinangwa here? Mabasa ezuva nezuva achange achivafinha here?

Chokutanga chaunofanira kuziva ndechokuti Munyori weBhaibheri, Jehovha Mwari ndiye anopa vanhu tariro yokurarama nokusingaperi. (Johani 3:16; 2 Timoti 3:16) Rudo ndihwo unhu hukuru huna Mwari. (1 Johani 4:8) Jehovha anotida zvakadzama uye zvose zvakanaka zvinotinakidza ndiye akatipa.—Jakobho 1:17.

Musiki wedu anoziva kuti tinoda basa rinogutsa kuti tinakidzwe noupenyu. (Pisarema 139:14-16; Muparidzi 3:12) Vanhu vachange vachiita basa muParadhiso vachafara uye vachagutsikana. Basa ravachaita richabatsira ivo nevanhu vavanoda. (Isaya 65:22-24) Ungafinhwa here iwe uchiita basa rinonakidza, rinoda kushanda uye uine nguva yakawanda yokuriita?

Chimwewo chaunofanira kuziva ndechokuti Jehovha Mwari haazoregi munhu wose wose achipinda muParadhiso. Anopa chipo choupenyu husingaperi kune vaya chete vanotevedzera Mwanakomana wake, Jesu. (Johani 17:3) Jesu paaiva pasi pano ainakidzwa nokuita kuda kwaBaba vake. Mashoko ake uye zvaaiita zvakanyatsoratidza vateveri vake kuti mufaro mukuru unobva pakupa kupfuura kugamuchira. (Mabasa 20:35) Munyika ichange yavazve Paradhiso, munhu wose achararama achitevedzera mitemo mikuru pane yose, kureva wokuda Mwari uye wokuda muvakidzani. (Mateu 22:36-40) Imbofungidzira uchigara nevanhu vanenge vasingagodori zvaunoita, vanokuda uye vanonakidzwa nebasa ravo! Pakadai unofunga kuti ungafinhwa here?

Zvii zvimwe zvichange zvakaita upenyu muParadhiso? Zuva nezuva tichadzidza zvinhu zvitsva nezveMusiki wedu. Vanotsvakurudza vakatowana zvinhu zvakawanda zvinoshamisa nezvezvinhu zvakasikwa naJehovha. (VaRoma 1:20) Zvisinei, zvatava kuziva zvinongova zvishoma-shoma. Zviuru zvemakore zvapfuura, Jobho murume akanga akatendeka akataura zvaaiziva nezvezvinhu zvakasikwa naMwari, uye nanhasi zvaakataura zvichiri kushanda. Akati: ‘Aka kanongova kachikamu kadukuduku kenzira dzaMwari, uye tinongonzwa zevezeve rokutaura kwake! Asi ndiani anganzwisisa kutinhira kwake kune simba?’––Jobho 26:14.

Kunyange tikararama nokusingaperi, hatizombosviki pakuziva zvinhu zvose nezvaJehovha Mwari uye zvaakasika. Bhaibheri rinoti Mwari akaisa chido chokurarama nokusingaperi mumwoyo medu. Asiwo rinoti: ‘Hatizombozivi basa rakaitwa naMwari wechokwadi kubvira pakutanga kusvikira pakupedzisira.’ (Muparidzi 3:10, 11) Unofunga kuti uchazombofinhwa here nokudzidza zvinhu zvitsva nezveMusiki wako?

Mazuva ano chaiwo, kunyange vaya vakabatikana nokuita basa rinobatsira vamwe uye rinopa mbiri kuna Mwari kashoma kuti vafinhwe. Tinogona kuva nechokwadi chokuti kana tikaramba takabatikana kuita basa iroro, hatizombofinhwi kunyange tikararama nokusingaperi.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 27]

Pasi redu: Image Science and Analysis Laboratory, NASA-Johnson Space Center; Boka renyeredzi: The Hubble Heritage Team (AURA/STScI/NASA)