Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhaibheri Rinochinja Upenyu

Bhaibheri Rinochinja Upenyu

Bhaibheri Rinochinja Upenyu

CHII chakaita kuti mumwe mukadzi aiva muimbi ane mukurumbira asiyane nezvokuimba achiva mushumiri wechitendero? Chii chakaita kuti rimwe tsotsi rakanga ratombonzi nomutongi harichagoneki ripedzisire rava munhu kwaye anotobatsira vanhu munharaunda yake? Verenga nyaya idzi unzwe kuti zvakafamba sei.

“Hapana munhu anogona kushandira vanatenzi vaviri.”—ANTOLINA ORDEN CASTILLO

GORE ROKUBEREKWA: 1962

NYIKA: SPAIN

NHOROONDO YOUPENYU: MUTAMBI WEMAFIRIMU UYE MUIMBI

MARARAMIRO ANDAIITA: Ndakaberekerwa mune mumwe musha muduku unonzi Tresjuncos munzvimbo inonzi La Mancha. Mhuri yedu yaiita zvokurima. Amai vangu vaipinda Roma uye baba vaipinda imwe yechechi dzakabuda muRoma. Baba vaindidzidzisa kuremekedza Bhaibheri uye ndaigara ndichiona vachiriverenga. Asi ndaienda naamai kuRoma uye Svondo yoga yoga taienda kuMisa.

Ndava nemakore 15, ndakanogara nemukoma wangu kuMadrid. Ndaisuwa vabereki vangu chaizvo asi ndakazoguma ndajairira upenyu hwomuguta. Ndava nemakore 17, ndakava nomukana wokuimba nechikwata chinoimba mumwe musambo wokuSpain unonzi zarzuela kwemwedzi mishomanana. Izvi zvakandinakidza chaizvo uye ndakazofunga zvokuva mutambi wemafirimu. Ndakarega kosi youmabharani yandaiita ndikatanga kuimba nezvikwata zvakasiyana-siyana zvomusambo uya. Panguva iyi ndakatanga kudanana nehanzvadzi yeshamwari yangu. Ndaiona sokuti ndakanga ndine mhanza yakanaka yokuva nebasa rakanaka, mari uye kudanana nomumwe munhu.

Ndakatanga kutenderera Spain yose nezvikwata zvevaimbi zvakasiyana-siyana kusanganisirawo dzimwe nyika dzakadai seColombia, Costa Rica, Ecuador, uye Venezuela. Ndakaimbawo nezvimwe zvikwata zvakasiyana-siyana zvevaimbi vaiva muMadrid vemusambo wainzi “La movida madrileña.” Mune chimwe chikwata chakaita mukurumbira chaizvo ndini ndaishaura.

Ndaida basa rangu asi ndakanga ndisingafariri unzenza hwaiitwa nevamwe vandaishanda navo. Uyewo ndainyanya kufunga nezvechitarisiko changu uye mukurumbira wangu. Ndaitya kufuta saka ndine twakawanda-wanda twandakanga ndisingadyi, ndichibva ndatanga kurwara nechirwere cheanorexia uye chebulimia.

Kunyange zvazvo ndaiita zvokuimba, mwoyo wangu waiva pakutamba mafirimu. Ndakazopedzisira ndawana nzvimbo kuMadrid School of Dramatic Arts. Takadzidziswa kuti kana uchiita zvemafirimu unofanira kuzvitora sokuti ndiwe mutambi wacho ari kurehwa woita nomazvo zvaari kufanira kuita. Pandakazvitevedzera ndainyatsonzwa kuti handisiri ini. Ndakanga ndangoita sedemhe ndisingachafungi vamwe.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Ndaizviziva kuti ndaitofanira kushanda kuti ndive nounhu hwakanaka. Asi ndakanga ndisingazivi kuti ndotangira papi. Ndakasarudza kuenda kune imwe chechi yaiva muMadrid kwandakanga ndamboenda nevabereki vangu. Ndakanyengetera kuna Mwari ndichitaura zita rake rokuti Jehovha.

Mushure meizvi, ndakashanyirwa nevamwe vakadzi vaviri vaiva Zvapupu zvaJehovha. Ndakadzidza navo Bhaibheri nomwoyo wose, asi ndine zvakawanda zvandaipikisana navo pane zvavaidzidzisa. Esther ndiye wandaidzidza naye Bhaibheri, uye aiva nemwoyo murefu chaizvo. Iye nemhuri yake vakandibata zvakanaka uye vaindiratidza rudo rukuru. Ndakatanga kupinda misangano yeZvapupu uye pasina nguva ndakaona kuti ndakanga ndawana chokwadi chandaitsvaga.

Pandakangopedza kudzidzira zvemafirimu, mikana yokuwana mabasa yakanga isingachazivani. Ndakawana basa rokutamba mumutambo waizoitirwa mune imba yemitambo yakakurumbira muMadrid. Asi ndakaona kuti zvaitoda kuti ndiise pfungwa dzangu dzose pane zvemafirimu kuti ndibudirire. Ndakazofunga zvokutsvaga rimwe basa raizoita kuti ndishumire Mwari nomwoyo wose. Ndakafungisisa mashoko aJesu okuti: “Hapana munhu anogona kushandira vanatenzi vaviri; nokuti zvimwe achavenga mumwe oda mumwe wacho, kana kuti achaomerera kune mumwe ozvidza mumwe wacho. Hamungagoni kushandira Mwari pamwe chete nePfuma.” (Mateu 6:24) Murume wandaigara naye kwemakore masere haana kubvumirana nemafungiro andakanga ndava nawo saka ndakamuramba. Kuita zvose izvozvo kwakanga kusiri nyore.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA: Iye zvino, ndinopota ndichinoimbira vakwegura ndichivatandadza. Izvi zvinoita kuti ndiwane nguva yakawanda yokudzidza Bhaibheri nevanhu vanogara munharaunda yedu vanotaura chiArabic. Kudzidzira mutauro uyu ibasa chairo asi mutsa une vanhu ava uye kuda kwavanoita zvokunamata kunoita kuti ndinakidzwe nokuvaudza zvinhu zvakanaka zvandakadzidziswa.

Iye zvino ndava nechinangwa muupenyu kusiyana nemanzwiro andaimboita pandaiita zvemafirimu. Ndinoona kuti Jehovha akandibatsira kuti ndive munhu kwaye anofara.

“Ndakaratidza mutongi kuti ainyepa.”—PAUL KEVIN RUBERY

GORE ROKUBEREKWA: 1954

NYIKA: ENGLAND

NHOROONDO YOUPENYU: TSOTSI RAIDA ZVOKURWA

MARARAMIRO ANDAIITA: Ndakaberekerwa muDudley, rimwe taundi rakakura riri kuWest Midlands. Kubva ndichiri muduku, Baba vangu vakaita kuti ndifarire zvokuverenga. Kunyange zvazvo baba vakanga vasingatendi kuti Mwari ndiye akasika zvinhu, vachiti zvakanga zvaita zvokushanduka-shanduka, vaindikurudzira kuti ndinakidzwe nokuona zvinhu zvinoshamisa izvozvo. Vakandidzidzisa kuti hakuna Mwari. Asi vabereki vangu vaindiendesa kuSandesikuru yechechi yeMethodist.

Pandakanga ndava nemakore masere, ndakaona vamwe vakomana vekwataigara vachipisa chikepe chaiva pane mumwe mugero. Mapurisa akauya, asi ndakatya kuvataurira zvandakanga ndaona nokuti vakomana vacho vakanga vandityisidzira. Ndakanzi ndine mhosva yandakanga ndisina uye zvakandishatirisa chaizvo. Izvi zvakaita kuti ndipaze zvikoro, machechi, mafekitari ndichiparadza zvinhu zvaikosha zviuru zvemadhora. Pandakazosvitsa makore gumi, ndakanga ndatotanga kupaza dzimba nezvitoro ndichiba. Ndainakidzwa nokutambisa moto uye ndakapara mhosva dzakawanda dzokupisa zvinhu. Kuchikoro vadzidzisi vainditi handichatombogoneki.

Ndava nemakore 12, ndakawana rimwe bhuku raitaura nezvemidzimu ndichibva ndagadzira bhodhi rangu rinoshandiswa pakushopera rinonzi Ouija. Sezvo vabereki vangu vakanga vasingatendi muna Mwari, pavakaona ndichiita zvemidzimu havana kumbova nehanya nazvo nokuti vaitoti ndokuti misikanzwa ive mishoma. Pandakazopedza chikoro, ndakanga ndamira pamberi pedare revana vaduku kasingaperi. Ndakanga ndava mune chimwe chikwata chaida zvokurwa chainzi skinheads chaigara chakagerwa baravara. Ndaigara ndine reza necheni yebhasikoro zvandaishandisa sezvombo. Ndakawana basa asi munguva pfupi rakapera nokuti ndakatongerwa kugara mujeri kwekanguva. Ndasunungurwa, ndakatanga kupaza zvinhu uye ndakasungwa ndikapindazve mujeri kwemakore maviri. Mutongi akati ndakanga ndisingachagoneki uye ndakanga ndatova munhu ane ngozi kune vamwe vanhu.

Ndabuda mujeri, ndakaonana nomusikana wandakanga ndambodanana naye ainzi Anita. Takaroorana uye ndakambomira kuba kana kutanga mhirizhonga. Zvisinei, kwapera makore mashomanana, ndakatangazve upenyu hwechitsotsi. Ndakatanga kupaza zvitoro ndichiba mari mumasefa. Ndakatanga kushandisa zvinodhaka, ndichinwa zvokunwa zviya, uye ndaigara ndine pfuti. Ndakasungwazve ndikatongerwa kugara mujeri.

Mararamiro angu akashungurudza Anita kwazvo. Chiremba wake akamupa mapiritsi asi akamuudza kuti chaaitofanira kuita kundiramba. Ndinofara kuti haana kuteerera zano iri.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Tichangoroorana, Anita akambodzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha kwekanguva. Pandakanga ndiri mujeri ndichishandira waizova mutongo wangu wokupedzisira, akaonanazve neZvapupu. Zvakangoitikawo kuti musi iwoyo, ndakanyengetera kuna Mwari ndichiti: “Kana muriko zvechokwadi, ndiratidzei kuti muriko.”

Pandakazobudiswa mujeri kwapera mwedzi mishomanana, ndakataura nomumwe mufundisi wekwataigara ndokumukumbira kuti adzidze Bhaibheri neni naAnita. Akati aizongotidzidzisa mitemo yechechi nomunyengetero mumwe chete.

Ndakazopedzisira ndava kuverenga Bhaibheri. Ndakashamisika pandakaona kuti Bhaibheri rakanga risingabvumiri kuita zvemidzimu. (Dheuteronomio 18:10-12) Nokufamba kwenguva, ndakazowana magazini yeNharireyomurindi yakanga yasiyirwa Anita neZvapupu musi uya wandakanyengetera ndichikumbira Mwari kuti andibatsire. Zvandakaverenga zvakaita kuti nditsvake Zvapupu.

Vemhuri dzedu, shamwari dzedu, uye vamwe vandaiita navo zvechitsotsi havana kufara nazvo pavakaziva kuti takanga tiri kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Vamwe vakati ndaizochinjwa pfungwa dzangu. Sezvineiwo, pfungwa dzangu dzaida kutocheneswa. Ndakanga ndine unhu hwakaipa chaizvo, hana yangu yakanga yatindivara, uye ndaisvuta midzanga ingasvika 60 pazuva. Zvapupu zvaitibatsira kudzidza Bhaibheri uye vamwe vataipinda navo muungano vakatiitira mwoyo murefu nomutsa kwazvo. Ndakazopedzisira ndarega tsika dzangu dzakaipa.—2 VaKorinde 7:1.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA: Ini naAnita tava nemakore 35 takaroorana. Mumwe wevana vedu uye vazukuru vedu vaviri vari kushumira Jehovha pamwe chete nesu. Mumakore apfuura, ini naAnita takapedza nguva yedu yakawanda tichibatsira vamwe kudzidza Bhaibheri.

Kushumira Jehovha Mwari kwakaita kuti upenyu hwedu huve nechinangwa. Kare muna 1970, mumwe mutongi akamboudza dare kuti ndakanga ndisingachagoneki. Zvisinei, ndakabatsirwa naMwari uye nezvinotaurwa neBhaibheri kuratidza kuti mutongi uyu ainyepa.