Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Jehovha Ndiye Mufudzi Wangu”

“Jehovha Ndiye Mufudzi Wangu”

Swedera Pedyo naMwari

“Jehovha Ndiye Mufudzi Wangu”

TARISA mufananidzo uri papeji ino. Unofungidzira kuti gwayana iri rakagumbatirwa nomufudzi waro rine charinotya here? MuPisarema 23, Bhaibheri rinoshandisa fananidzo yegwai nemufudzi waro kuratidza kuti Jehovha ane hanya chaizvo nevanhu vanomunamata. Anoda kuti tinzwe kudekara kunowanikwa nevaya vanogona kutaura nechivimbo sezvakamboitwa nemunyori wepisarema Dhavhidhi kuti: “Jehovha ndiye Mufudzi wangu.” *Ndima 1.

Dhavhidhi munyori wepisarema iri, paaiva muduku aiva mufudzi. Aiziva zvinodiwa nemakwai uye kuti basa remufudzi nderei. Dhavhidhi uyo akaona ruoko rwaMwari muupenyu hwake ane bhuku raakanyora rinonzi nevamwe “rwiyo rwokuvimba naMwari.” Zita raMwari rokuti Jehovha rinowanika panotangira nepanoperera pisarema iri. (Ndima 16) Mamwe mashoko ari muchitsauko ichi anorondedzera nzira nhatu dzinoshandiswa naJehovha kuti atarisire vanhu vake sezvinoita mufudzi anotarisira makwai ake.—Pisarema 100:3.

Jehovha anotungamirira makwai ake. Makwai anenge asina mufudzi anowanzorasika. Saizvozvowo, tinoda kubatsirwa kuti tiwane nzira yakarurama yokufamba nayo muupenyu. (Jeremiya 10:23) Dhavhidhi anotsanangura kuti Jehovha anotungamirira makwai ake ‘kumafuro ane uswa huzhinji’ uye “kunzvimbo dzokuzororera dzine mvura zhinji.” Anovatungamirira “mumakwara okururama.” (Ndima 23) Mifananidzo iyoyo yezvinoitwa nemufudzi inoita kuti tive nechokwadi chokuti tinogona kuvimba naMwari. Kana tikatevedzera zvatinoudzwa naMwari zviri mushoko rake Bhaibheri, tinogona kurarama upenyu hunoita kuti tigutsikane, tizorodzwe uye tidekare.

Jehovha anodzivirira makwai ake. Kana makwai asina mufudzi anotya uye haana zvaanokwanisa kuita. Jehovha anoudza vanhu vake kuti havafaniri havo kutya chero ‘vakafamba mumupata wezarima,’ kureva pazvingaita sokuti nhamo dzavamomotera. (Ndima 4) Ziso raJehovha riri pavari uye anogara akagadzirira kuvabatsira. Anogona kupa vanamati vake uchenjeri uye simba kuti vatsungirire matambudziko avo.—VaFiripi 4:13; Jakobho 1:2-5.

Jehovha anopa makwai ake zvokudya. Makwai anotomirira kuwana zvokudya kubva kumufudzi wawo. Tine nzara yokunamata iyo inogona kungopedzwa kana tabatsirwa naMwari. (Mateu 5:3) Tinoonga chaizvo kuti Jehovha Mugoveri anorongera vanamati vake tafura yemafashafasha ezvokudya. (Ndima 5) Bhaibheri pamwe chete nemabhuku anobatsira kudzidza Bhaibheri akaita semagazini ino yauri kuverenga, ndezvimwe zvokudya zvokunamata zvinopedza nzara yedu yokuda kuziva chinangwa choupenyu uye chatakasikirwa naMwari.

Dhavhidhi akanga asina chokutya, achiziva kuti kana aizoramba ari pedyo neMufudzi wake wokudenga, Jehovha aizomutarisira norudo ‘mazuva ose oupenyu hwake.’ (Ndima 6) Unoshuvawo here kuti usatya saDhavhidhi? Kana zvakadaro, dzidza kuti ungaswedera sei pedyo naJehovha. Ukangodaro unogona kunzwa usina chokutya uri mumaoko eMufudzi Mukuru uyo anotungamirira, anodzivirira uye anopa zvokudya vaya vanoramba vakavimbika kwaari.—Isaya 40:11.

Ndima dzeBhaibheri Dzamunogona Kuverenga Muna May:

Jobho 38Pisarema 25

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 1 Vaverengi vakawanda vanoziva mashanduriro okuti “ISHE ndiye Mufudzi wangu.” Kuti uone kuti nei dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzisina zita raMwari rokuti Jehovha, ona mapeji 195-197 ebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.