Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mashoko Akanaka Kuvarombo

Mashoko Akanaka Kuvarombo

Mashoko Akanaka Kuvarombo

SHOKO RAMWARI rinotivimbisa kuti: “Murombo haazokanganwiki nguva dzose.” (Pisarema 9:18) Bhaibheri rinotiwo nezvoMusiki wedu: “Munopfumbanura ruoko rwenyu mogutsa zvinodiwa nezvinhu zvipenyu zvose.” (Pisarema 145:16) Tariro iyi iri muShoko raMwari hakusi kungorota. Mwari Wemasimbaose anogona kupedza dambudziko rourombo. Varombo vanodei?

Imwe nyanzvi yezvemari muno muAfrica yakati nyika dzine urombo dzinofanira kuva nemutongi “ane tsiye nyoro asi achimboti sungei zvinhu.” Aireva kuti, kuti urombo hupere zvinoda munhu ane simba rokuzviita uye ane mutsa. Chimwewo zvekare ndechokuti mutongi anogona kugumisa urombo anofanira kunge achikwanisa kutonga pasi rose nokuti urombo hwokuzodya nhoko dzezvironda hunowanzokonzerwa nokusagovana zvakanaka zvinhu zviri munyika. Uyezve mutongi uyu anofanira kunge achigona kugadzirisa chacho chinokonzera urombo, kureva udyire. Mutongi akanaka kudaro angawanikwepi?

Mwari akatuma Jesu kuti azoudza varombo mashoko akanaka. Jesu paakasimuka kuti averenge mupumburu waiva nebasa raakapiwa naMwari akati: “Mudzimu waJehovha uri pandiri, nokuti akandizodza kuti ndizivise mashoko akanaka kuvarombo.”—Ruka 4:16-18.

Mashoko Akanaka Chii?

Mwari akagadza Jesu kuti ave Mambo. Chokwadi aya mashoko akanaka. Ndiye Mutongi akakodzera kuti apedze urombo nokuti (1) achatonga vanhu vose uye ane simba rokuzviita, (2) anoitira varombo tsiye nyoro uye anodzidzisa vateveri vake kuti ivowo vave netsiye nyoro, uye (3) anokwanisa kubvisa urombo hunokonzerwa noudyire. Ngatimbokurukurai zvinhu zvitatu zvine chokuita nemashoko akanaka.

1. Simba rina Jesu pamarudzi ose Shoko raMwari richitaura nezvaJesu rinoti: “Akapiwa ushe kuti . . . vanhu, mapoka emarudzi nemitauro vamushumire vose.” (Dhanieri 7:14) Imbofunga zvazvakanakira kuva nehurumende imwe inenge ichitonga vanhu vose. Hapazovi nekurwisana uye kukakatirana panyaya yezviwanikwa zviri munyika. Munhu wose anenge ava kuwana zvinomukwanira. Jesu pachake akavimbisa kuti achava Mutongi ane simba rokugadzirisa zvinhu. Akati: “Ndakapiwa simba rose kudenga nepanyika.”—Mateu 28:18.

2. Tsiye nyoro dzaJesu kuvarombo Jesu pose paaiita ushumiri hwake pasi pano aiva netsiye nyoro kuvarombo. Somuenzaniso mumwe mukadzi akanga apedza mari yose yaaiva nayo achirapwa, akabata nguo yaJesu aine tarisiro yokuti achapora. Akanga ayaura nechirwere chokubuda ropa kwemakore 12 uye zviri pachena kuti akanga atova nechirwere cheropa shoma. Maererano nomutemo, munhu wose waaizobata aizovawo asina kuchena. Asi Jesu akamuitira mutsa. Akati: “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda norugare, uve noutano hwakanaka pachirwere chako chinotambudza.”—Mako 5:25-34.

Dzidziso dzaJesu dzine simba rokuchinja mwoyo womunhu kuti naiyewo aratidze vamwe tsiye nyoro. Somuenzaniso, chimbofunga nezvemurume aida kuziva kuti angaitei kuti afadze Mwari. Murume wacho aiziva kuti Mwari aida kuti tide vavakidzani vedu asi akabvunza Jesu kuti: “Muvakidzani wangu anombova ani?”

Jesu akamupindura nokurondedzera mufananidzo wakakurumbira wemumwe murume aibva kuJerusarema achienda kuJeriko uyo akarohwa nemakororo akasiyiwa ava “kuda kufa.” Mumwe mupristi akanga achidzika nomugwagwa iwoyo, paakamuona akapfuura nokune rumwe rutivi. Ndizvo zvakaitwawo nomuRevhi. “Asi mumwe muSamariya aifamba nomugwagwa wacho akasvika paaiva uye paakamuona, akasiririswa.” Akageza maronda omurume wacho akaenda naye kuimba yevanenge vari parwendo akabhadhara mari kuti murume uyu akanga akuvara atarisirwe. “Jesu akabva abvunza kuti “Ndiani . . . waunoona kuti akazviita muvakidzani womurume akasangana nemakororo?” Murume wacho akapindura kuti, “Uya akamunzwira ngoni.” Jesu akabva ati kwaari: “Enda unoita izvozvo.”—Ruka 10:25-37.

Vanhu vanotendeuka kuva Zvapupu zvaJehovha vanodzidza dzidziso dzaJesu dzakadaro vochinja maonero avanoita kuti vabatsire varombo. Somuenzaniso, mumwe munyori wokuLatvia akanyora mubhuku rake rinonzi Women in Soviet Prisons nezvokurwara kwaakaita paaishanda pane rimwe jeri rokuPotma kuma1960. “Pakurwara kwangu kwose [Zvapupu] ndizvo zvaindirapa nomwoyo wose. Handina kumbofunga kuti dai ndawana mumwe mukoti asiri chapupu.” Akawedzera kuti: “Zvapupu zvaJehovha zvinoona sokuti ibasa razvo kubatsira vanhu vose, pasinei nokuti ndevechitendero chipi kana kuti rudzi rwupi.”

Kuoma kwakaita zvinhu kuAncón, kuEcuador, kwakaita kuti zvimwe Zvapupu zvaJehovha zvipererwe nemabasa. Zvapupu zvavainamata nazvo zvakafunga zvokubika zvokudya zvichitengesera varedzi vehove vaibva kwavainge varara vachiredza usiku hwose (vari pamufananidzo uri kurudyi) kuitira kuti zviunganidze mari yokuvabatsira. Vose vaiva muungano yacho vakashanda pamwe chete, kusanganisira vana vaduku. Vaitanga na1:00 dzepakati pousiku kuitira kuti zvokudya zvacho zvinge zvapera kubikwa paizosvika zvikepe na4:00 kwoedza. Mari yakaunganidzwa neZvapupu yaipiwa zvichienderana nokushayiwa kwaiita munhu wacho.

Zvakaitika izvi zvinoratidza kuti muenzaniso waJesu uye zvaaidzidzisa zvine simba rokuita kuti vanhu vabatsire vanotambura.

3. Simba raJesu rokubvisa udyire hune vanhu Zvinhu zvatinoziva tose kuti vanhu vane udyire. Bhaibheri rinoti chivi ichocho. Kunyange muapostora Pauro akanyora kuti: “Saka, ndinowana mutemo uyu mandiri: kuti pandinoda kuita zvakarurama, zvakaipa zviri mandiri.” Akabva awedzera kuti: “Ndiani achandinunura mumuviri uri kuwana rufu urwu? Mwari ngaaongwe nokuna Jesu Kristu.” (VaRoma 7:21-25) Pano Pauro akataura nezvezvinoitwa naMwari achishandisa Jesu kuti anunure vanamati vechokwadi pazvinhu zvinokonzerwa nechivi chavakagara nhaka, zvakaita soudyire, izvo zvinova honzeri yourombo. Achazviita sei?

Pane imwe nguva Jesu abva kubhabhatidzwa, Johani Mubhabhatidzi akasuma Jesu achiti: “Onai, Gwayana raMwari rinobvisa chivi chenyika!” (Johani 1:29) Munguva pfupi iri kuuya nyika inenge yazara nevanhu vakasunungurwa pachivi chavakagara nhaka, kusanganisira katsika koudyire. (Isaya 11:9) Jesu achange abvisa chacho chinokonzera urombo.

Zvinofadza chaizvo kufunga nezvenguva yokuti munhu wose achange ava nezvaanoda! Shoko raMwari rinoti: “Mumwe nomumwe achagara pasi pomuzambiringa wake, nepasi pomuonde wake, hapana angazovadederesa.” (Mika 4:4) Mashoko iwayo anorondedzera nguva yokuti munhu wose achange ava kuita basa raanogutsikana naro, asina chokutya, uye ane mukana wakakwana wokunakidzwa nenyika pasina urombo, zvichiita kuti Jehovha arumbidzwe.