Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pane Tariro Here Yokuti Vakafa Vachamutswa?

Pane Tariro Here Yokuti Vakafa Vachamutswa?

Dzidza Kubva Mushoko raMwari

Pane Tariro Here Yokuti Vakafa Vachamutswa?

Nyaya ino inokurukura mibvunzo ingave yakakunetsa uye inokuratidza paungawana mhinduro dzacho muBhaibheri rako. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukurukura newe mhinduro dzemibvunzo iyi.

1. Pane tariro here yokuti vakafa vachamutswa?

Jesu paakasvika kuBhetani pedyo neJerusarema, shamwari yake Razaro yakanga yatova nemazuva mana yafa. Jesu akatora Marita naMariya hanzvadzi dzomufi akaenda navo kuguva racho. Pasina nguva boka revanhu rakabva raungana. Imboedza kufungidzira kufara kwakaita Marita naMariya Jesu paakamutsa Razaro.—Verenga Johani 11:20-24, 38-44.

Marita akanga achitenda kuti vakafa vachamutswa. Vashumiri vaJehovha vakatendeka vagara vachizviziva kuti munguva yemberi Mwari achamutsa vakafa kuti vagarezve panyika.—Verenga Jobho 14:14, 15.

2. Vakafa vari mumamiriro ezvinhu akaita sei?

Kunyange zvazvo simba roupenyu kana kuti “mudzimu” riri iro rinoita kuti vanhu nemhuka varambe vachirarama, mweya haurambi uchirarama kana munhu afa. (Muparidzi 3:19; Genesisi 7:21, 22) Tiri zvisikwa zvenyama zvakasikwa neguruva. (Genesisi 2:7; 3:19) Uropi hwedu pahunofa, pfungwa dzedu dzinobva dzapararawo. Razaro paakamutswa haana kana chaakataura nezvezvinoitika kana munhu afa kuratidza kuti munhu akafa hapana chaanoziva.—Verenga Pisarema 146:4; Muparidzi 9:5, 10.

Zviri pachena kuti vakafa havagoni kutambura. Saka dzidziso yokuti Mwari anopisa vanhu kana vafa ndeyenhema. Uku kuchera Mwari. Anonyangadzwa nenyaya yokupisa vanhu mumoto.—Verenga Jeremiya 32:35.

3. Tinogona kutaura nevakafa here?

Vakafa havatauri. (Pisarema 115:17) Asi ngirozi dzakaipa padzinotaura nevanhu, dzinogona kunyepedzera kuita sevanhu vakafa. (2 Petro 2:4) Jehovha haadi vanhu vanoedza kutaura nevakafa.—Verenga Dheuteronomio 18:10, 11.

4. Ndivanaani vachamutswa?

Munyika itsva iri kuuya, mamiriyoni evakafa achamutswa. Kunyange vaya vaiita zvakaipa nemhaka yokusaziva Jehovha, vachamutswa.—Verenga Ruka 23:43; Mabasa 24:15.

Vaya vachamutswa vachawana mukana wokudzidza chokwadi nezvaMwari voratidza kutenda muna Jesu nokumuteerera kwavachaita. (Zvakazarurwa 20:11-13) Vaya vachaita zvakanaka pashure pokunge vamutswa, vachanakidzwa noupenyu panyika nokusingaperi. Asi kune vacharamba vachiita zvakaipa pashure pokunge vamutswa. Kumutswa kwavachaitwa kuchanzi kumutsirwa “kutongwa.”—Verenga Johani 5:28, 29.

5. Kumutswa kwevakafa kunotiudzei nezvaJehovha?

Vanhu vanokwanisa kumutswa nokuti Mwari akatuma Mwanakomana wake kuti atifire. Saka ichi chiratidzo chokuti Jehovha ane rudo uye mutsa usina kukodzera kuwanwa.—Verenga Johani 3:16; VaRoma 6:23.

Kuti unzwe zvakawanda, ona chitsauko 6 ne7 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 16]

Adhamu akasikwa neguruva