Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakaora Mwoyo Vanonyaradzwa

Vakaora Mwoyo Vanonyaradzwa

Swedera Pedyo naMwari

Vakaora Mwoyo Vanonyaradzwa

MUMWE mukadzi muKristu aigara achinetseka nechirwere chokuora mwoyo chinonzi depression akati: ‘Jehovha haangambofi akandida.’ Akanga azviudza kuti Jehovha haasi pedyo naye. Ichokwadi here kuti Jehovha ari kure nevanamati vake vangave vakaora mwoyo? Mhinduro inonyaradza inowanikwa mumashoko akafuridzirwa omunyori wepisarema Dhavhidhi, ari pana Pisarema 34:18.

Dhavhidhi aiziva kuti kuora mwoyo kungavhiringidza sei mushumiri waJehovha akatendeka. Paaiva jaya, Dhavhidhi akagara somupoteri, achitsvakwa siku nesikati naSauro, mambo aiva negodo aitoda zvokumuuraya. Sezvo guta reGati raiva munharaunda yeFiristiya raiva revavengi, Dhavhidhi ndokwaakatizira, aine pfungwa yokuti Sauro haambofi akamutsvaka ikoko. Asi paakazivikanwa, Dhavhidhi akanyepedzera kupenga ndokubva apona nepaburi retsono. Zvinhu zvaakasangana nazvo panguva iyi ndizvo zvakaita kuti anyore Pisarema 34 uye akarumbidza Mwari achiti ndiye akanga amununura.

Dhavhidhi akafunga here kuti Mwari ari kure nevaya vanoti kana vawirwa nedambudziko voora mwoyo kana kuti vofunga kuti Mwari haasisina basa navo? Dhavhidhi akanyora kuti: “Jehovha ari pedyo nevaya vakaora mwoyo; anoponesa vaya vakadzvinyirirwa.” (Ndima 18) Ngationei kuti mashoko iwayo anoita sei kuti tinyaradzwe uye tive netariro.

“Jehovha ari pedyo.” Rimwe duramazwi reBhaibheri rinoti mashoko aya “anoratidza kuti Ishe akateerera uye anotarisa, anogara akagadzirira kubatsira uye kuponesa vanhu vake.” Zvinokurudzira kuziva kuti Jehovha anotarisira vanhu vake. Anoona kutambura kwavanenge vachiita ‘munguva dzino dzinonetsa,’ uye anoziva manzwiro avanoita mumwoyo mavo.​—2 Timoti 3:1; Mabasa 17:27.

“Vaya vakaora mwoyo.” Dzimwe tsika dzinoona mashoko okuti ‘kuodzwa mwoyo’ sechiratidzo chokuti munhu haakudi asi iwe uchimuda. Asi imwe nyanzvi inoti mashoko omunyori wepisarema anoreva “kushungurudzika uye kusuruvara kusinei nenyaya yorudo.” Chokwadi, kunyange vanamati vaMwari vakatendeka dzimwe nguva vanomboomerwawo zvokuti vanoora mwoyo.

“Vaya vakadzvinyirirwa.” Vanhu vanenge vakaora mwoyo vangazvitarisira pasi zvokuti vanomborasa tariro zvachose. Rimwe bhuku rinobatsira vashanduri veBhaibheri rinoti mashoko aya anogona kushandurwa kuti “vaya vasina chakanaka chavanotarisirawo.”

Jehovha anoita sei kune vaya “vakaora mwoyo” uye “vakadzvinyirirwa”? Anoramba ari kure navo here, achiona sokuti havana kukodzera kudiwa kana kunzwiwa naye? Haambodaro! Sezvinoita mubereki ane rudo anobata onyaradza mwana wake anenge achichema, Jehovha ari pedyo nevanamati vake vanochema kwaari kuti vabatsirwe. Anoda chaizvo kunyaradza uye kurapa mwoyo yavo uye kudzvinyirirwa kwavakaitwa. Anogona kuvapa uchenjeri uye simba rinodiwa kuti vakurire miedzo chero ipi zvayo yavangatarisana nayo.​—2 VaKorinde 4:7; Jakobho 1:5.

Wadii kudzidza kuti ungaswedera sei pedyo naJehovha? Mwari uyu ane tsiye nyoro anovimbisa kuti: “Ndinogara . . . nomunhu akadzvinyirirwa neanozvininipisa, kuti ndimutsidzire mafungiro evanozvininipisa uye ndimutsidzire mwoyo yevari kudzvinyirirwa.”—Isaya 57:15.

Ndima dzeBhaibheri dzamunogona kuverenga muna June:

Pisarema 26-59