Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvaiita Sokuti Vari Kuimba Mumhanzi Unonakidza

Zvaiita Sokuti Vari Kuimba Mumhanzi Unonakidza

Tsamba Inobva kuMadagascar

Zvaiita Sokuti Vari Kuimba Mumhanzi Unonakidza

INI nomurume wangu takanga tava kuenda kwatakanga tanzi tinoshandira semamishinari, kuchitsuwa cheMadagascar. Takaoneka hama neshamwari tichibva tarega kuchema tikakoka chivindi, tiine chivimbo chokuti Jehovha aizotibatsira kunakidzwa nebasa raakanga atisarudzira.

Hatimbofi takakanganwa musangano watakatanga kupinda munyika iyi. Kutaura kwaiita hama yaiitisa Chidzidzo cheNharireyomurindi kwaiita sokuti iri kuimbisa. Vanhu pavaitaura hapana chataimbonzwa zvokuti zvaingoita sokuti vari kuimba mumhanzi unonakidza. Zvakatitorera nguva tisati tava nechokwadi chokuti vakanga vari kuti kudini.

Rimwe zuva tiri pamusangano aiitisa musangano akabvunza mubvunzo uri nyore usina kuita zvokunyorwa mubhuku, ndikangoerekana ndaupindura zvinonzwika. Vakanga vari pedyo neni vakazvinzwa, uye ndakabata muromo kuti ndisanzwika kuseka. Ndakanyara asiwo ndaifara kuti ndakanga ndanzwisisa zvaiva zvataurwa!

Panzvimbo pokuratidza vamwe kuti ushumiri hunoitwa sei, ndini ndaitodzidziswa. Vatinonamata navo vakandibatsira nenzira yorudo kuti ndingataura sei mharidzo inonzwisisika pakuparidza, vachindiudza kuti ndoti kudini uye kuti ndoshandisa magwaro api.

Ndinoyeuka mumwe musi tiri muushumiri kamwe kamwana kakashevedzera kuti, “Vazaha! Vazaha!” Iri ishoko rechiMalagasy rinoreva kuti “murungu.” Takatanga kufambisa tava kutyira kuti vamwe vana vangabva vabatanawo nako pakushevedzera izvozvo. Mumwe mukomana akabva atuka uya aishevedzera. Akamuti, “Iwe anotaura mutauro wedu uyu!” Hanzvadzi yandaiva nayo ndoyakaturikira zvairehwa nokuti vaitaura vachikurumidza zvokuti hapana chandainzwa. Zvakataurwa nemukomana uyu zvakaita kuti ndinzwe sokuti ndava kuti gonei mutauro uyu. Ndakazopedzisira ndava kuona sokuti kuMadagascar ndiko kwava kumusha kwedu.

Kazhinji pandaisurukirwa, ndaikurudzirwa vaduku pavaindibata ruoko vachindifarira kunyange zvazvo ndakanga ndisingagoni kunyatsotaura navo. Kuva nevechiduku muungano chikomborero chaicho chinobva kuna Jehovha. Pandinotaura chiMalagasy chakavhunika, musikana wechiduku anonzi Hasina ndiye anobatsira vanhu kunzwisisa zvandinenge ndichireva. Vamwe vose pavanotadza kundinzwisisa, zvinoita sokuti iye anondinzwa. Uye kazhinji anondibatsira pandinenge ndichiedza kutaura nevamwe muungano, ovatsanangurira zvandinenge ndichireva.

Ini nomurume wangu taiva muungano yakanga yava kuda kupatsanurwa kuti paumbwe imwe. Saka zvichienderana nokuchinja kwakanga kwaita miganhu yenzvimbo yokuparidzira, vamwe vanhu vaidzidza Bhaibheri vakanga vava kufanira kudzidza nezvimwe Zvapupu. Imwe hanzvadzi yakandikumbira kuti ndidzidzise mumwe wayaidzidza naye. Ndaizeza uye ndakaramba ndichiti ndakanga ndisati ndava kukwanisa kuitisa chidzidzo, asi akaramba achindinyengerera. Akandivimbisa kuti Jehovha aizondibatsira kuitisa chidzidzo chacho. Hanzvadzi iyi yakataura zvinyoro-nyoro, nemutsa uye nemashoko ari nyore kunzwisisa ikanditi munguva pfupi ndaizogona kudzidzisa vamwe sezvandaida. Zvayakataura zvakandikurudzira chaizvo.

Kubva panguva iyoyo, mudzidzi wacho akafambira mberi zvikuru. Rimwe zuva pandaiva panze ndakamunzwa achindidana nezita. Akanga ari kuenda kunonyoresa muchato nomurume wake. Murume wacho akatanga kudzidza, uye vane zvinangwa zvokunamata zvakawanda zvavanoda kuzadzisa, kusanganisira chokubhabhatidzwa. Izvi zvakandifadza, kunyange zvazvo ndichiziva kuti Jehovha ndiye anoita kuti vanhu vauye kwaari, kwete isu.

Takadzidza zvinhu zvakawanda chaizvo muno muMadagascar. Kunyange zvazvo tichisuwa hama neshamwari dziri kumusha kwedu, tinoita sokuti takauya nevamwe vacho kuno. Kazhinji tinotaura nezvavo kuhama nehanzvadzi dzokuno, uye mazuva ano vava kutotibvunza kuti vakadini. Tinotarisira nguva yokuti hama dzokumusha kwedu dzizoonana nehama dzokuno kuMadagascar.

Ndichiri kunzwa sokuti vanhu vari kuimba pavanenge vachitaura. Asi iye zvino ndava kunzwisisa mashoko acho. Ndine shungu dzokuti ndizopedzisira ndava kunyatsotsetsenura pakutaura kwete zvokunhongeredza zvandiri kuita. Jesu akati: “Musambozvidya mwoyo pamusoro pezuva rinotevera, nokuti zuva rinotevera richava nokuzvidya mwoyo kwaro.” (Mateu 6:34) Saka ticharamba tichingodzidzira mashoko mashomanana panguva. Parizvino, ndicharamba ndichiteerera, ndichiisa pfungwa dzangu dzose nemwoyo pakudzidzira mutauro uyu kuti ndikwanise kushanda pamwe chete nehama dzedu nehanzvadzi dzine mwoyo murefu dzokuno kuMadagascar.

[Mufananidzo uri papeji 25]

Ndichiparidzira naHasina