Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvakazoitika Handizvo Zvandaifunga

Zvakazoitika Handizvo Zvandaifunga

Zvakazoitika Handizvo Zvandaifunga

Yakataurwa naZoya Dimitrova

Ndava nemakore 15 ndakafara kuti zvandairwarira kubvira ndichiri mudiki zvakanga zvava kuitika. Ndakanga ndava kufamba nechikwata chaiita zvemutambo unonzi circus. Pamutambo uyu vamwe vanenge vakamira vakatsika mapendekete evamwe, vachipota vachikandwa mudenga vamwe vachivagamha. Asi musi wa4 September 1970 gava rakadambura musungo. Ndakazongoerekana ndava muvhu.

NDAKABEREKWA musi wa16 December 1952 uye ndaigara nevabereki vangu nomukoma wangu muSofia, kuBulgaria. Panguva iyoyo, Bulgaria yakanga ichitongwa nehurumende yechikomonisiti iyo yaibvumira hayo kuti vanhu vaite zvechitendero asi isingatombozvikurudziri. Vanhu vakawanda vakanga vasingatendi kuti kuna Mwari uye vaya vaitenda vakanga vasingatauri nezvazvo. Ndichiri mudiki handina kumbodzidziswa zvechitendero uye iniwo handina kumbobvira ndafunga nezvaMwari kunyange zvazvo vomumhuri yedu vaizviti vanopinda chechi yeOrthodox.

Kubva ndiri muduku ndainakidzwa nemitambo yakasiyana-siyana, kunyanya wokusimbisa muviri unonzi gymnastics. Ndava nemakore 13, mumwe murume akauya pachikoro pedu achitsvaka musikana wokudzidzisa mutambo wecircus. Murayiridzi wangu wegymnastics akandidoma. Pandaienda kunobvunzurudzwa neboka revarayiridzi kuti vaone kana ndakakodzera, ndakafara zvokubata denga nokuti ndaienda nemota yamaneja yaiva yekwamberi iri yokuAmerica. Ndakafara chaizvo pandakasarudzwa. Apa ndipo pakatangira kosi yangu yokurovedza muviri yaindirambidza kudya twakawanda-wanda uye ndakaiita kwemakore anopfuura maviri. Ndakapedza kosi yangu ndava nemakore 15 uye ndakanga ndisingachagari pasi ndichiita zvemutambo wecircus. Ndakatanga nokutenderera muBulgaria ndokuzoenda kunyika dzaimbotongwa neSoviet Union uyewo kunyange kuAlgeria, Hungary, uye nyika yaimbonzi Yugoslavia.

Kwemakore matatu zvinhu zvainyatsondifambira zvakanaka uye ndaiita zvandakagara ndichirwarira. Asi pandaiita mutambo uyu kuTitov Veles kuMacedonia, ndipo pandakapinda mutsaona yataurwa pakutanga. Ndaiita zvechamupidigori paine boka revanhu ndiri mudenga-denga. Mumwe wangu wandaitamba naye akandikanda mudenga asi pakuzondigamha ndakapotsa maoko ake uye tambo yangu yokuzvidzivirira payakadambuka, ndakawira pasi kubva pakakwirira nemamita matanhatu. Ndakamhanyiswa kuchipatara zvichibva zvaonekwa kuti ndaiva ndatyoka ruoko, mbabvu dzakawanda uye musana. Ndakapedza mazuva akati oo ndisingazivi kuti chii chakanga chiri kuitika uye ndisingayeuki kuti zvakanga zvafamba sei. Pandakatanga kunzwa zviri nani, ndakaziva kuti kubva muchiuno zvichidzika ndakanga ndaoma rutivi. Sezvo ndakanga ndichiri mudiki, ndaiva netariro yokuti kana ndikarapwa uye ndikavhiyiwa ndaizokwanisa kufambazve uye kutotangazve kuita zvemutambo wecircus.

Kwemakore maviri nehafu ndakarapwa kuzvipatara zvakasiyana-siyana ndichine tariro yokuti ndichazonaya. Nokufamba kwenguva ndaitofanira kubvuma kuti handichakwanisi kuita zvemitambo. Izvi zvakaita kuti ndigare ndiri pawiricheya kwete kugara ndichingofamba nenyika ndichiita zvemitambo.

Kurarama Upenyu Hutsva

Ndaifunga kuti handingambokwanisi zvokugara ndiri muwiricheya ini ndakanga ndajaira zvokugara ndichifamba. Sezvo ndakanga ndisisina tariro, ndakatanga kurwara nedepression. Muna 1977, ndakashanyirwa nerimwe jaya rinonzi Stoyan. Pandakaziva kuti aiva hanzvadzi yemumwe musikana wandakamboshanda naye, ndakabva ndangomutambira. Pataikurukura akandibvunza kana ndaiva netariro yokunaya. Sezvo ndakanga ndakaora mwoyo, ndakamuudza kuti ndaiva ndisina tariro. Paakandiudza kuti Mwari chete ndiye aigona kundibatsira, ndakamupindura neshungu ndichiti, “Kana Mwari ariko saka nei ndiri kutambura kudai?”

Stoyan akanga achangobva kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha paaiita zvemitambo yecircus kuUnited States. Saka pandakamubvunza izvi, akanditsanangurira nomutsa zvinovimbiswa neBhaibheri nezveramangwana. Ndakafara chaizvo kuziva kuti nyika ichava paradhiso munguva pfupi iri kutevera. Ndakabayiwa mwoyo nevimbiso yokuti “rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve.” (Zvakazarurwa 21:4) Ndaida chaizvo kuvazve noutano hwakanaka. Ndakabva ndangobvuma kugara ndichidzidza Bhaibheri. Apa ndipo pandakatanga kurarama upenyu hutsva. Ndakanga ndawana tariro yechokwadi.

Vhiki yoga yoga ndainzwa ndanonokerwa kudzidza Bhaibheri. Ndakatanga kudzidza naStoyan ndikazodzidza nomukadzi aiva nemutsa chaizvo anonzi Totka. Akandibatsira chaizvo zvokuti ruzivo rwangu pamusoro pechokwadi chiri muBhaibheri rwakakurumidza kuwedzera, ndichibva ndazotsaurira upenyu hwangu kuna Jehovha Mwari. Panguva iyoyo muSofia makanga musina munhu aikwanisa kundibhabhatidza nezvandaiva, saka ndakamirira imwe hama yaizobva kuMacedonia. Ndakabhabhatidzwa musi wa11 September 1978 mubhavhu rokugezera repamba pangu papera rinenge gore ndatanga kudzidza Bhaibheri. Kubhabhatidzwa kwandakaitwa ndichiva mumwe weZvapupu zvaJehovha kwakaita kuti ndiwane mufaro wakadzama uye ndakatanga kurarama upenyu hune chinangwa.

Chokwadi cheBhaibheri chandakadzidza chaipisa semoto mumwoyo mangu. Ndainakidzwa nokuudza munhu wose aiuya pamba pangu nezvetariro yandakanga ndawana. Zvisinei, zvaiita sokuti hapana ainditeerera pamwe nokufunga kuti ndakanga ndisina kunyatsoti kwesere nemhaka yetsaona.

Chivi Chikuru Chandakaita

Panguva iyi, Zvapupu zvaJehovha zvairambidzwa muBulgaria uye kwaingova neZvapupu zvishomanene munyika iyi. Ndakanga ndisingakwanisi kupinda misangano yeungano uye ndaingowadzana nevamwe vandainamata navo apo neapo. Kutadza kwangu kuenda kumisangano uye kushamwaridzana nevanhu vasingatevedzeri zvinotaurwa neBhaibheri, zvakapedzisira zvaita kuti ndiite chivi chikuru.

Hana yangu yakatanga kundipa mhosva chaizvo uye ndakatanga kunetseka chaizvo nokuti ndakanga ndisisina ukama naJehovha Mwari. Nokunetseka uye kunyara kwandaiita, ndakanyengetera kuna Jehovha ndichimuteterera kuti andiregerere. Vakuru vechiKristu vane rudo vakazondibatsira kuti ndivezve noukama hwepedyo naMwari uye ndakatangazve kushumira Jehovha ndichifara. Kushumira Jehovha ndiine hana isina mhosva uyewo kuwadzana nesangano rake rakachena iropafadzo yandisingatambisi.

Kufara Pasinei Nokuremara

Tsaona yandakaita makore 40 apfuura yakandisiya ndava muwiricheya ndisisakwanisi kuita zvemitambo uye zvokupembera nenyika. Kunyange zvakadaro, handizvidyi mwoyo kana kuzvidemba sezvinonzi hapana zvandichakwanisa kuita. Chokwadi cheBhaibheri chakandibatsira kuziva kuti kuita mutambo wecircus kunoita kuti ufare uye ugutsikane kwenguva pfupi. Ndakazvionera neangu aya kuti vamwe vandaishanda navo vakaramba vachiita zvemitambo yecircus vakapedzisira vaodzwa mwoyo chaizvo. Asi ini ndakawana pfuma huru yokuva noukama noMusiki wangu Jehovha Mwari. Izvi zvakaita kuti ndiwane mufaro unopfuura nokure wandaigona kuwana nokuita zvemitambo yecircus.

Chimwe chakandifadzawo kuona vanhu vakawanda vachiwana zivo yechokwadi cheBhaibheri uye vachizvitsaurira kuna Mwari wedu ane rudo Jehovha. Pandakatanga kudzidza Bhaibheri muna 1977, muBulgaria maingova neZvapupu zvaJehovha zvishomanene. Kunyange muna 1991 Zvapupu zvaJehovha pazvakatanga kunyoreswa zviri pamutemo mushure mokuparara kwehurumende yechikomonisiti, Zvapupu zvakanga zvisingapfuuri 100. Ndinofara chaizvo kuona kuti nhamba yevaparidzi voUmambo yawedzera kusvika pa1 800.

Pachine basa rakawanda chaizvo riri kufanira kuitwa muBulgaria. Vakawanda vanoda kuziva Shoko raMwari. Izvi zvinoratidzwa nenhamba yepamusoro inosvika 3 914 yevakapinda Chirangaridzo chorufu rwaKristu mugore ra2010. Ndinofara zvikuru pandinoona uchapupu uhwu hwokuti Jehovha akakomborera basa reZvapupu muBulgaria. Ndanyatsozvionera “akadukupa” achiva “rudzi rune simba” sezvakafanotaurwa pana Isaya 60:22.

Chimwe chinoita kuti ndifare uye chikuru chakaitika muupenyu hwangu kubudiswa kweShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene mumutauro wekuBulgaria. Izvi zvakaitika muna August 2009 paGungano reRuwa raiva nemusoro unoti “Rambai Makarinda!” rakaitirwa muSofia. Ndakafara chaizvo nokuti handina kumbofungidzira kuti Bhaibheri ringabudiswa mumutauro wangu. Zviri pachena kuti richabatsira vanhu vakawanda muBulgaria kuti vazive chokwadi cheBhaibheri.

Kunyange zvazvo ndisingakwanisi kuita zvakawanda pakuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari nemhaka yokuremara, ndinowana mufaro mukuru pandinoparidzira vavakidzani vangu uye wose anenge andishanyira. Rimwe zuva ndiri pamba pangu ndakashevedza mumwe muvakidzani wangu aipfuura. Akauya uye pashure pokunge ndakurukura naye pfungwa dzinokurudzira dziri muBhaibheri, akabvuma kudzidza Bhaibheri. Ndakaita sendichabata denga paakazobhabhatidzwa. Iye zvino ndabatsira vanhu vana kuti vatsaurire upenyu hwavo kuna Jehovha.

Ndingangoti chinonyanya kundifadza uye kundikurudzira kugara ndichipinda misangano yechiKristu nehama nehanzvadzi dzinopfuura 100 idzo dzinoita sevanhu vomumhuri yangu. MuBulgaria hamuna zvokuti vakwegura nendonda vanopiwa chokufambisa, saka zvinondiomera kuenda kumisangano yeungano. Asi ndinoonga chaizvo imwe hama yechiduku nokundibatsira kwainoita. Hama iyi inondisimudza kubva mumba mangu kuenda mumotokari yayo, yozondisimudzazve kundipinza muImba yoUmambo, yoitazve saizvozvo pakudzokera kumba. Ndinoonga chaizvo Jehovha neropafadzo yakadai yokuva mumhuri yevanhu vandinonamata navo vane rudo.

Pandinofunga zvakaitika kwandiri, ndinoona kuti zvandaifunga kuzoita kubva ndichiri mudiki handizvo zvakazoitika. Kushumira Jehovha kwakaita kuti ndiwane mufaro mukuru iye zvino uye kwakaita kuti ndive netariro yakaisvonaka yeramangwana. Ndinonyaradzwa chaizvo nevimbiso yaMwari yokuti muparadhiso pasi pano, “munhu akaremara achakwakuka sezvinoita nondo hono.” (Isaya 35:6) Ndinotarisira nechivimbo zuva rokuti ndichazosvetuka kubva pawiricheya yangu ndava neutano hwakanaka uye ndava nesimba.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 30]

“Chinonyanya kundifadza uye kundikurudzira kugara ndichipinda misangano yechiKristu”

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 31]

“Chikuru chakandifadza muupenyu hwangu kubudiswa kweShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene mumutauro wekuBulgaria”

[Mufananidzo uri papeji 29]

Ndakatanga kuita zvemitambo ndine makore 15