Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vechiduku Vanofanira Kubhabhatidzwa Here?

Vechiduku Vanofanira Kubhabhatidzwa Here?

Vechiduku Vanofanira Kubhabhatidzwa Here?

“NDIRI kufara chaizvo kuti mwanasikana wangu ava mushumiri waJehovha, uye ndinoziva kuti naiyewo ari kufara,” yakadaro imwe hama yokuPhilippines inonzi Carlos. * Imwe hama yokuGreece yakanyora kuti: “Ini nemudzimai wangu tinofara chaizvo kuti vana vedu vatatu vakabhabhatidzwa seZvapupu zvaJehovha pavakanga vachiri kuyaruka. Vari kufambira mberi pakunamata uye vari kufara kuti vari kushumira Jehovha.”

Vabereki vechiKristu havangamboregi kufara chaizvo panobhabhatidzwa vana vavo, asi dzimwe nguva vanenge vachiti ityei. “Ndaifara chaizvo asi ndainetsekawo,” vakadaro vamwe amai. Sei vaifara asi vachinetsekawo? “Ndainzwisisa kuti mwanakomana wangu akanga ava kuzvidavirira zvizere kuna Jehovha.”

Kushumira Jehovha somumwe weZvapupu zvake zvakabhabhatidzwa chinangwa chinofanira kuvavarirwa nevechiduku vose. Asi vabereki vanotya Mwari vangati, ‘Ndinoziva kuti mwana wangu afambira mberi zvakanaka, asi asimba here zvokuzokwanisa kuramba kuita unzenza uye kuramba akachena pamberi paJehovha?’ Vamwe vangabvunza kuti, ‘Kana mwana wangu akatanga kukwezvwa nepfuma, acharamba achishumira Jehovha achifara uye achishingaira here?’ Saka mazano api ari muBhaibheri angabatsira vabereki kuziva kana vana vavo vava kukwanisa kubhabhatidzwa?

Kuva Mudzidzi Ndiko Kunonyanya Kukosha

Shoko raMwari haritauri kuti munhu anofanira kubhabhatidzwa ava nemakore mangani, asi rinotaura zvaanofanira kuita kuti akodzere kubhabhatidzwa. Jesu akarayira vadzidzi vake kuti: “[Itai] kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi, muchivabhabhatidza.” (Mat. 28:19) Saka, vanobhabhatidzwa vanofanira kunge vatori vadzidzi vaKristu.

Shoko rokuti mudzidzi rinorevei? Insight on the Scriptures inotsanangura kuti: “Shoko racho rinonyanya kushandisirwa vaya vose vanotenda zvakadzidziswa naKristu vachizviita.” Vana vachiri vaduku vanokwanisa kuva vadzidzi vechokwadi vaKristu here? Imwe hanzvadzi yava nemakore 40 iri mumishinari kuLatin America yakanyora nezvezvayakaita iyo pamwe nomukoma wayo nomunun’una ichiti: “Takanga takura zvokugona kuziva kuti taida kushumira Jehovha uye taida kugara muParadhiso. Kuzvitsaurira kwakatibatsira kuti tikunde miedzo inosangana nevechiduku. Hatimbodembi kuti takazvitsaurira kuna Mwari tichiri vaduku.”

Ungaziva sei kuti mwana wako ava mudzidzi waKristu? Bhaibheri rinoti: “Mukomana anoratidza kana basa rake rakachena uye kana rakarurama nezvaanoita.” (Zvir. 20:11) Funga nezvezvimwe zvinhu zvinoratidza kuti wechiduku ari kuita kuti ‘kufambira mberi kwake kuonekwe’ somudzidzi.—1 Tim. 4:15.

Zvinoratidza Kuti Mwana Ava Mudzidzi

Mwana wenyu anokuteererai here? (VaK. 3:20) Anoita mabasa aanenge apiwa pamba here? Bhaibheri rinoti nezvaJesu aiva nemakore 12: “Akaramba achizviisa pasi [pevabereki vake].” (Ruka 2:51) Ichokwadi kuti hapana mwana asina kukwana angateerera vabereki asingakanganisi. Asi vaKristu vechokwadi vanofanira ‘kunyatsotevera tsoka dzaJesu.’ Saka vechiduku vanoda kubhabhatidzwa vanofanira kuzivikanwa kuti vanoteerera vabereki vavo.—1 Pet. 2:21.

Funga nezvemibvunzo inotevera: Mwana wenyu ‘anotanga kutsvaka Umambo’ nokugara achibuda muushumiri here? (Mat. 6:33) Ane chido chokuudza vamwe mashoko akanaka here, kana kuti munotoita zvokumukurudzira zvakasimba kuti abude muushumiri uye ataure nevanhu padzimba dzavo? Anoziva here nezvebasa raanaro somuparidzi asati abhabhatidzwa? Ane chido here chokushanyirazve vanofarira vaanoonana navo mundima? Anotaura here kune vaanodzidza navo kuchikoro uye vadzidzisi kuti Chapupu chaJehovha?

Anokoshesa kupinda misangano yeungano here? (Pis. 122:1) Anonakidzwa here nokupindura paChidzidzo cheNharireyomurindi uye paChidzidzo cheBhaibheri Cheungano? Akanyoresa paChikoro chaMwari Choushumiri uye ari kufadzwa nazvo here?—VaH. 10:24, 25.

Mwana wenyu anoedza kuramba aine tsika dzakanaka nokudzivisa shamwari dzinokanganisa kuchikoro nokumwewo here? (Zvir. 13:20) Anofarira zvinhu zvakaita sei panyaya dzenziyo, mafirimu, mapurogiramu eterevhizheni, mitambo yevhidhiyo uye Indaneti? Mashoko ake nezvaanoita zvinoratidza here kuti anoda kuita zvinotaurwa neBhaibheri?

Mwana wenyu anoziva Bhaibheri zvakadini? Anogona kutsanangura nemashoko ake zvaanenge adzidza pamanheru oKunamata Kwemhuri here? Anogona kutsanangura chokwadi cheBhaibheri chinotanga kudzidzwa here? (Zvir. 2:6-9) Anofarira kuverenga Bhaibheri uye kudzidza mabhuku eboka romuranda akatendeka, akangwara here? (Mat. 24:45) Anombobvunza mibvunzo nezvedzidziso uye dzimwe ndima dzeBhaibheri here?

Mibvunzo iyoyo ingakubatsirai kuona kufambira mberi kwaita mwana wenyu pakunamata. Mafunga nezvayo, munogona kuona kuti pane paanofanira kugadzirisa asati abhabhatidzwa. Asi kana mararamiro ake achiratidza kuti ava mudzidzi uye akatsaurira upenyu hwake kuna Mwari, mungada kumubvumira kubhabhatidzwa.

Vechiduku Vanogona Kurumbidza Jehovha

Vashumiri vaMwari vakawanda vakaratidza kutendeka uye kuvimbika vachiri vaduku kana kuti vava mumakore okuyaruka. Funga nezvaJosefa, Samueri, Josiya, uye Jesu. (Gen. 37:2; 39:1-3; 1 Sam. 1:24-28; 2:18-20; 2 Mak. 34:1-3; Ruka 2:42-49) Uye vanasikana vana vaFiripi avo vaiprofita, vanofanira kunge vakanyatsodzidziswa vachiri vaduku.—Mab. 21:8, 9.

Chimwe Chapupu chokuGreece chakati: “Ndakabhabhatidzwa ndine makore 12. Handina kumbobvira ndademba chisarudzo ichocho. Ndava nemakore 24 ndabhabhatidzwa, 23 acho ndiri mubasa renguva yakazara. Kuda Jehovha kwaindibatsira kukunda matambudziko anosangana nevechiduku. Pandaiva nemakore 12, ndakanga ndisina zivo yeMagwaro yandava nayo zvino. Asi ndaiziva kuti ndaida Jehovha uye ndaida kumushumira nokusingaperi. Ndinofara kuti akandibatsira kuramba ndiri mubasa rake.”

Munhu anoratidza kuti mudzidzi wechokwadi anofanira kubhabhatidzwa, angava muduku kana mukuru. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Munhu anotenda nomwoyo kuti awane kururama, asi anozivisa pachena nomuromo kuti awane ruponeso.” (VaR. 10:10) Mudzidzi waKristu wechiduku paanotora danho rinokosha rokubhabhatidzwa, iye nevabereki vake vanenge vaita chinhu chinokosha. Ngaparege kuva nechinhu chingakutadzisai imi nevana venyu kuwana mufaro uri mberi.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Mamwe mazita akachinjwa.

[Bhokisi riri papeji 5]

Kuona Rubhabhatidzo Zvakakodzera

Vamwe vabereki vanoona kubhabhatidzwa kwevana vavo sedanho rinobatsira asi rinogona kuva nengozi, kufanana nokuwana chitambi chokutyaira. Asi kubhabhatidzwa uye basa dzvene zvingazombokanganisa kuzobudirira kwemunhu here? Bhaibheri rinopindura kuti kwete. Zvirevo 10:22 inoti: “Chikomborero chaJehovha—ndicho chinopfumisa, uye haawedzeri kurwadziwa pamwe chete nacho.” Uye Pauro akanyorera muduku Timoti kuti: “Chokwadi, kuzvipira kuna Mwari uku pamwe chete nokugutsikana inzira inopfumisa kwazvo.”—1 Tim. 6:6.

Ichokwadi kuti kushumira Jehovha hakusi nyore. Jeremiya akasangana nematambudziko akawanda mubasa rake somuprofita waMwari. Asi akanyora nezvokunamata kwake Mwari wechokwadi achiti: “Shoko renyu rinova kupembera nomufaro uye kufara kwomwoyo wangu; nokuti ndanga ndichishevedzwa nezita renyu, haiwa Jehovha Mwari wemauto.” (Jer. 15:16) Jeremiya aiziva kuti basa raMwari ndiro raiita kuti afare. Nyika yaSatani inounza matambudziko. Vabereki vanofanira kubatsira vana vavo kuziva izvozvo.—Jer. 1:19.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 6]

Mwana Wangu Anofanira Kumbomira Kubhabhatidzwa Here?

Dzimwe nguva, kunyange vana pavanenge vachikwanisa kubhabhatidzwa, vabereki vavo vangasarudza kuti vambomira. Zvikonzero zvavo zvingava zvei?

Ndinotyira kuti mwana wangu akabhabhatidzwa, nokufamba kwenguva angaita chivi chakakura odzingwa. Zvine musoro here kufunga kuti wechiduku anombomira kubhabhatidzwa haazozvidaviriri kuna Mwari pane zvaanoita? Soromoni akataura mashoko aya kuvaduku: “Ziva kuti Mwari wechokwadi achakutongera [zvaunoita].” (Mup. 11:9) Pauro akanga asingasiyi rimwe zera paakati: “Mumwe nomumwe wedu achazvidavirira kuna Mwari.”—VaR. 14:12.

Vanamati vose vakabhabhatidzwa nevasina vanozvidavirira kuna Mwari. Musakanganwa kuti Jehovha anodzivirira vashumiri vake ‘nokusarega vachiedzwa kupfuura zvavanogona kutsungirira.’ (1 VaK. 10:13) Chero bedzi ‘vachiramba vakasvinura’ uye vachirwisa miedzo, Mwari acharamba achivatsigira. (1 Pet. 5:6-9) Imwe hanzvadzi yakanyora kuti: “Vana vakabhabhatidzwa vane zvikonzero zvakawanda zvokusaita zvakaipa zviri munyika. Mwanakomana wangu akabhabhatidzwa aine makore 15 anoti kubhabhatidzwa kudzivirirwa. Akati, ‘Haufungi nezvokuita zvinopesana nemutemo waJehovha.’ Kubhabhatidzwa kunoita kuti uve nesimba rokuita zvakarurama.”

Kana makadzidzisa vana venyu kuteerera Jehovha nemashoko nezviito, munogona kuva nechokwadi chokuti vacharamba vachidarowo kana vabhabhatidzwa. Zvirevo 20:7 inoti: “Munhu akarurama anofamba akavimbika. Vanakomana vake vanomutevera vanofara.”

Pane zvandinoda kuti vana vangu vatange vaita. Vechiduku vanofanira kudzidza kushanda kuitira kuti vazokwanisa kuzvimiririra. Asi zvine ngozi kuvakurudzira kuti vave noupenyu hwokutsvaka dzidzo nepfuma pane kuvavarira kunamata kwechokwadi. Nezve“mbeu,” kana kuti shoko roUmambo risingakuri, Jesu akati: “Kana iri iya yakadyarwa pakati peminzwa, uyu ndiye anonzwa shoko, asi kuzvidya mwoyo nezvinhu zvomumamiriro ezvinhu epanguva ino nesimba rinonyengera repfuma zvinovhunga shoko, uye haabereki zvibereko.” (Mat. 13:22) Zvirongwa zvoupenyu zvinoita kuti zvinangwa zvenyika zvikoshe kupfuura kunamata zvinogona kuita kuti wechiduku asava nechido chokushumira Mwari.

Achitaura nezvevechiduku vanokwanisa kubhabhatidzwa asi vorambidzwa nevabereki, mumwe ava nenguva ari mukuru akati: “Kurambidza wechiduku kubhabhatidzwa kunogona kuita kuti asafambira mberi pakunamata zvomuodza mwoyo.” Uye mumwe mutariri anofambira akanyora kuti: “Wechiduku anogona kutanga kunzwa asina kudzivirirwa pakunamata uye asina zvaari kuita. Angatanga kutsvaka zvokuita munyika kuti anzwe sokuti pane zvaari kuitawo.”

[Mufananidzo]

Otanga amboenda kuyunivhesiti here?

[Mufananidzo uri papeji 3]

Wechiduku anogona kuratidza kuti ava mudzidzi

[Mifananidzo iri papeji 3]

Kugadzirira uye kupindura pamisangano

[Mufananidzo uri papeji 4]

Kuteerera vabereki

[Mufananidzo uri papeji 4]

Kubuda muushumiri

[Mufananidzo uri papeji 4]

Kunyengetera uri woga