Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pane Mashoko Akanaka Anofanira Kuzivikanwa Nevanhu Vose

Pane Mashoko Akanaka Anofanira Kuzivikanwa Nevanhu Vose

Pane Mashoko Akanaka Anofanira Kuzivikanwa Nevanhu Vose

“Mashoko akanaka . . . chokwadi, isimba raMwari rinoponesa.”—VAR. 1:16.

1, 2. Chii chinoita kuti uparidze “mashoko akanaka oumambo” uye ipfungwa dzipi dzaunowanzotaura nezvadzo paunoataura?

‘NDINOFADZWA nokuudza vanhu mashoko akanaka mazuva ose.’ Pamwe wakatombofunga kana kutaura mashoko akadaro. Sezvo uri Chapupu chaJehovha chakazvipira, unoziva kuti kuparidza “aya mashoko akanaka oumambo” kunokosha zvakadini. Pamwe unotoziva nomusoro uprofita hwaJesu nezvokuparidza ikoko.—Mat. 24:14.

2 Kana uchiparidza “mashoko akanaka oumambo,” unenge uri kuenderera mberi nebasa rakatangwa naJesu. (Verenga Ruka 4:43.) Hapana mubvunzo kuti chimwe chezvinhu zvaunotaura wataurazve ndechokuti Mwari ava pedyo kupindira pane zviri kuitwa nevanhu. Achaparadza zvitendero zvenhema pa“kutambudzika kukuru,” uye achabvisa uipi hwose pasi pano. (Mat. 24:21) Pamwe unotaurawo nezvokuti Umambo hwaMwari huchaita kuti pasi pano pavezve neParadhiso, pave norunyararo nomufaro. Tingatoti “mashoko akanaka oumambo” chimwe chezvinhu zvairehwa nemashoko akanaka akagara audzwa Abrahamu okuti: “Marudzi ose achakomborerwa nokwauri.”—VaG. 3:8.

3. Nei tingati muapostora Pauro akasimbisa kwazvo nyaya yemashoko akanaka mubhuku raVaRoma?

3 Kungava here kuti pane chimwe chinhu chinokosha nezvemashoko akanaka chatisiri kunyanya kutaura nezvacho chinofanira kuzivikanwa nevanhu? Mutsamba yaakanyorera vaRoma muapostora Pauro akataura shoko rokuti “umambo” kamwe chete, asi okuti “mashoko akanaka” ka12. (Verenga VaRoma 14:17.) Mashoko akanaka api aitaurwa nezvawo naPauro kakawanda kudaro? Nei mashoko akanaka iwayo achikosha? Uye nei tichifanira kugara tichifunga nezvawo patinenge tichiparidza “mashoko akanaka aMwari” kuvanhu vari mundima medu?—Mako 1:14; VaR. 15:16; 1 VaT. 2:2.

Zvaifanira Kuitwa Nevaive kuRoma

4. Paakaiswa mujeri kekutanga muRoma, Pauro akaparidza nezvei?

4 Tinobatsirwa nokuongorora misoro yenyaya yakakurukurwa nezvayo naPauro paakaiswa mujeri kekutanga muRoma. Tinoverenga kuti paakashanyirwa nevamwe vaJudha, ‘akavapupurira kwazvo pamusoro (1) poumambo hwaMwari uye achivanyengetedza pamusoro (2) paJesu.’ VaJudha vacho vakaita sei? “Vamwe vakatanga kutenda zvinhu zvakataurwa; vamwe vakanga vasingatendi.” Pashure paizvozvo Pauro ‘aigamuchira nomutsa vose vaiuya kwaari, achivaparidzira (1) umambo hwaMwari uye achivadzidzisa zvinhu zvine chokuita (2) naShe Jesu Kristu.’ (Mab. 28:17, 23-31) Zviri pachena kuti Pauro aitaurawo nezvoUmambo hwaMwari. Asi chii chimwezve chaaitaura nezvacho? Aitaura nezvebasa raJesu muchinangwa chaMwari. Basa iroro ndiwo musimboti weUmambo.

5. Mubhuku raVaRoma chii chakanzi naPauro chinofanira kuitwa nevanhu vose?

5 Vanhu vose vanofanira kuziva nezvaJesu uye kutenda maari. Mubhuku raVaRoma, Pauro akataura nezvazvo. Kwekutangatanga akanyora nezvokuti aiitira Mwari “basa dzvene zvizere, rine chokuita nokuparidza mashoko akanaka pamusoro poMwanakomana wake.” Akawedzera kuti: “Handinyari nemashoko akanaka; iwo chokwadi, isimba raMwari rinoponesa kumunhu wose anotenda.” Akazotaura nezvenguva apo “Mwari achashandisa Kristu Jesu kuti atonge zvinhu zvakavanzika zvevanhu, maererano nemashoko akanaka” aaizivisa. Uye akarondedzera kuti: “Kubvira muJerusarema kutenderera kusvikira kure sokuIririkumu ndakaparidza kwazvo mashoko akanaka pamusoro paKristu.” * (VaR. 1:9, 16; 2:16; 15:19) Unofunga kuti nei Pauro akataura ataurazve nezvaJesu Kristu kuvaRoma?

6, 7. Tingati ungano yeRoma yakatanga sei uye yaiva nevanhu vakaita sei?

6 Hatizivi kuti ungano yokuRoma yakatanga sei. Kungava here kuti vaJudha kana kuti vanhu vakatendeukira kuchiJudha vaive muJerusarema paPendekosti ya33 C.E. vakadzokera kuRoma vatova vaKristu? (Mab. 2:10) Kana kuti vaKristu vaitengesa zvinhu uye vaishanya vakaparadzira chokwadi kuRoma here? Hatinyatsozivi, asi pakazonyora Pauro bhuku iroro munenge muna 56 C.E., ungano iyoyo yakanga yatova nenguva iripo. (VaR. 1:8) Vanhu verudzii vaiva muungano iyoyo?

7 Vamwe vaiva vaJudha. Pauro akakwazisa Andronikasi naJuniyasi achiti “hama dzangu,” zvichida achireva vaJudha vaaiva noukama navo. Akwira nomudzimai wake Prisira avo vaiva kuRoma, vaivawo vaJudha. (VaR. 4:1; 9:3, 4; 16:3, 7; Mab. 18:2) Asi hama nehanzvadzi dzakawanda dzakatumirwa kwaziso naPauro vaiva veMamwe Marudzi. Vamwe vangave vaiva “veimba yaKesari,” zvichida varanda vaKesari uye vamwewo vashandi vake.—VaF. 4:22; VaR. 1:6; 11:13.

8. Vaya vaiva muRoma vaiva nedambudziko ripi?

8 Pane dambudziko raiva nevaKristu vose vaiva muRoma rakafanana neratiinarowo. Pauro akataura nezvaro achiti: “Vanhu vose vakatadza, vakakundikana kusvika pakubwinya kwaMwari.” (VaR. 3:23) Zviri pachena kuti vose vakanyorerwa naPauro vaifanira kuziva kuti vaiva vatadzi uye vaifanira kutenda nzira yaMwari yokuvabatsira nayo.

Kuziva Kuti Vanhu Vane Chivi

9. Pauro akataura nezvechii chinogona kuitwa nemashoko akanaka?

9 Kwekutanga mutsamba yake kuvaRoma Pauro akataura nezvechinhu chakanaka chaigona kuwanikwa mumashoko akanaka aairamba achitaura nezvawo: “Handinyari nemashoko akanaka; iwo chokwadi, isimba raMwari rinoponesa kumunhu wose anotenda, kutanga, kumuJudha uyewo kumuGiriki.” Izvi zvinoreva kuti vaikwanisa kupona. Asi paidiwa kutenda, maererano nechokwadi chinokosha chakatorwa pana Habhakuki 2:4 chokuti: “Asi munhu akarurama—achararama nokutenda.” (VaR. 1:16, 17; VaG. 3:11; VaH. 10:38) Asi mashoko akanaka, ayo anoponesa, anobatana papi nokuti “vanhu vose vakatadza”?

10, 11. Chii chinoita kuti pfungwa iri pana VaRoma 3:23 ive nyore kunzwisiswa nevamwe asi ichiomera vamwe?

10 Kuti munhu ave nokutenda kunoponesa, anofanira kutanga abvuma kuti ane chivi. Vaya vakakura vachitenda kuti Mwari ariko uye vanoti zivei Bhaibheri hazvivaomeri kubvuma pfungwa iyoyo. (Verenga Muparidzi 7:20.) Vangave vachibvumirana nazvo kana kuti vasina chokwadi, asi vanotomboti nzwisisei zvairehwa naPauro paakati: “Vanhu vose vakatadza.” (VaR. 3:23) Asi patinoita ushumiri hwedu, tinogona kusangana nevakawanda vasinganzwisisi mashoko iwayo.

11 Mudzimwe nyika, vakawanda vanokura vasingafungi kuti vakazvarwa vaine chivi. Vanogona havo kuziva kuti vanokanganisa, vane zvimwe zvavanoita zvisingafadzi, uye vangave vakaita zvimwe zvinhu zvakaipa. Uye vanocherechedza kuti vamwewo vakadaro. Kunyange zvakadaro, nemhaka yemakuriro avakaita, havanzwisisi kuti chii chinoita kuti vadaro. Mune mimwe mitauro ukati munhu ane chivi, vamwe vanogona kufunga kuti uri kuti ane mhosva yaakapara kana kuti ane mutemo waakatyora. Zviri pachena kuti munhu anokurira munzvimbo yakadaro haakurumidzi kufunga kuti iye pachake ane chivi maererano nezvaitaurwa naPauro.

12. Chii chinoita kuti vakawanda vasatenda kuti vanhu vose vane chivi?

12 Kunyange munyika dzine vanhu vanozviti vaKristu, vakawanda havatendi pfungwa yokuti vane chivi. Chii chinoita kuti vadaro? Kunyange vachimboenda kuchechi, vanotora nhoroondo yaAdhamu naEvha senganowo zvayo. Vamwe vanokurira munzvimbo dzine vanhu vasina chokwadi kuti Mwari ariko. Sezvo vachifunga saizvozvo, havanzwisisi kuti kune mumwe Munhu ane simba kupfuura vamwe vose anopa vanhu mitemo uye kuti kutyora mitemo iyoyo ndiko kunonzi chivi. Vakati fananei nevaya vomuzana remakore rokutanga vakanzi naPauro vakanga ‘vasina tariro uye vakanga vasina Mwari munyika.’—VaEf. 2:12.

13, 14. (a) Ndechipi chimwe chikonzero chinoita kuti vaya vasingatendi kuti kuna Mwari uye kune chivi vasava nechokuzvipembedza nacho? (b) Kusatenda kuti kuna Mwari kuri kuita kuti vakawanda vaite sei?

13 Mutsamba yake kuvaRoma, Pauro akataura zvikonzero zviviri zvaiita kuti vanhu vakadaro vasava nechokuzvipembedza nacho kare ikako, kunyange nanhasi. Chokutanga ndechokuti zvinhu zvakasikwa pachazvo zvinopupurira kuti kune Musiki. (Verenga VaRoma 1:19, 20.) Izvi zvinoenderana nezvakataurwa naPauro paainyorera vaHebheru ari kuRoma kuti: “Chokwadi, imba imwe neimwe inovakwa nomumwe munhu, asi iye akavaka zvinhu zvose ndiMwari.” (VaH. 3:4) Mashoko iwayo anoratidza kuti pane Musiki akavaka, kana kuti akasika zvinhu zvose zviriko.

14 Saka Pauro aiva nechikonzero chakasimba paakanyorera vaRoma kuti chero munhu, kusanganisira vaIsraeri, aizvipira kuzvidhori zvisina upenyu aisava ne“chokuzvipembedza nacho.” Vamwe vakadaro ndevaya vaiita unzenza nemiviri yavo vachiishandisa zvisingaenderani nemasikirwo ayakaitwa. (VaR. 1:22-27) Achitaura nezvemafungiro akadaro, Pauro akagona paakazoti “VaJudha nevaGiriki . . . vose vari pasi pechivi.”—VaR. 3:9.

‘Chapupu’

15. Ndevapi vamwe vane hana, uye inoita kuti vaite sei?

15 Bhuku raVaRoma rinotaura chimwe chikonzero nei vanhu vachifanira kuziva kuti vane chivi uye vanoda nzira yokubuda nayo mudambudziko racho. Achitaura nezvebumbiro romutemo rakapiwa vaIsraeri naMwari, Pauro akanyora kuti: “Vose vakatadza vasina mutemo vachapararawo vasina mutemo.” (VaR. 2:12) Achienderera mberi nepfungwa yacho, akataura kuti vanhu vemamwe marudzi kana kuti madzinza vasingazivi bumbiro iroro romutemo “vanoita zvinhu zvomutemo maererano nemasikirwo.” Chii chinoita kuti vanhu vose ivavo varambidze makunakuna, kuuraya, uye kuba? Pauro akataura chikonzero chacho achiti: Vane hana.—Verenga VaRoma 2:14, 15.

16. Nei kuva nehana kusingarevi kuti munhu achabva arega kuita chivi?

16 Kunyange zvakadaro, ungave uchitoziva kuti kuva nehana inoshanda sechapupu chiri mukati memunhu hazvirevi kuti munhu wacho achabva aitevedzera. Zvakaitwa nevaIsraeri zvinoratidza kuti ichi ichokwadi. Kunyange zvazvo vaIsraeri vaive nehana yavakapiwa naMwari uye mitemo yairambidza kuba noupombwe, vaigara vachityora Mutemo waJehovha uye vasingateereri hana yavo. (VaR. 2:21-23) Vaiva nemhosva mbiri saka zvechokwadi vaiva vatadzi, vaikundikana kuita zvaidiwa naMwari. Izvi zvakakanganisa chaizvo ukama hwavo nomusiki wavo.—Revh. 19:11; 20:10; VaR. 3:20.

17. Mashoko api anokurudzira anowanikwa mubhuku raVaRoma?

17 Zvatakurukura mubhuku raVaRoma zvinogona kuita kuti munhu afunge kuti Wemasimbaose anoona vanhu vose kusanganisira isu, vari mumamiriro ezvinhu asina tariro. Zvisinei, Pauro haana kugumira ipapo. Achitora mashoko aDhavhidhi ePisarema 32:1, 2, anoti: “Vanofara vaya vane mabasa okusateerera mutemo akaregererwa uye vane zvivi zvakafukidzwa; anofara munhu ane chivi chisingazomboyeukwi naJehovha.” (Pis. 32:2; VaR. 4:7, 8) Izvi zvinoreva kuti Mwari akaita urongwa hwepamutemo hwokukanganwira zvivi.

Mashoko Akanaka Pamusoro paJesu

18, 19. (a) Mashoko akanaka api akanyanya kutaurwa nezvawo naPauro muna VaRoma? (b) Kuti tiwane makomborero oUmambo, tinofanira kuziva chii?

18 Pamwe ungabva wati, “Zvechokwadi aya ndiwo mashoko akanaka!” Ichokwadi ichocho, uye izvi zvinobva zvatidzorera kumashoko akanaka aitaurwa nezvawo naPauro mubhuku raVaRoma. Sezvambotaurwa, Pauro akanyora kuti: “Handinyari nemashoko akanaka; iwo chokwadi, isimba raMwari rinoponesa.”—VaR. 1:15, 16.

19 Mashoko akanaka iwayo aiva nechokuita nebasa raJesu muchinangwa chaMwari. Pauro aimirira “zuva iro Mwari achashandisa Kristu Jesu kuti atonge zvinhu zvakavanzika zvevanhu, maererano nemashoko akanaka.” (VaR. 2:16) Paaitaura izvozvo akanga asiri kurerutsa “umambo hwaKristu nohwaMwari” kana kuti zvichaitwa naMwari achishandisa Umambo ihwohwo. (VaEf. 5:5) Asi airatidza kuti kana tichida kurarama uye kuwana makomborero oUmambo hwaMwari, tinofanira kuziva (1) kuti tiri vatadzi pamberi paMwari uye (2) kuti tinofanira kutenda muna Jesu Kristu kuti zvivi zvedu zvikanganwirwe. Kana munhu akasvika pakunzwisisa uye kubvuma zvinhu izvi zviri muchinangwa chaMwari oona kuti zvinopa remangwana rakaita sei, anogona kuti, “Aya ndiwo anonzi mashoko akanaka!”

20, 21. Muushumiri hwedu, nei tichifanira kugara tichiyeuka mashoko akanaka anotaurwa mubhuku raVaRoma, uye zvinogona kubatsira sei?

20 Zvechokwadi tinofanira kugara tichifunga nezvemashoko aya akanaka patinenge tichiita ushumiri hwedu hwechiKristu. Achitaura nezvaJesu, Pauro akatora mashoko aIsaya anoti: “Hapana anoisa kutenda kwake maari achaodzwa mwoyo.” (VaR. 10:11; Isa. 28:16) Mashoko anokosha pamusoro paJesu haana kunyanya kuomera vaya vanoziva zvinotaura Bhaibheri nezvechivi. Asi vamwe vanotoona mashoko iwayo ari matsva, asingazivikanwi kana kutendwa nevakawanda vekwavanogara. Vakadaro pavanosvika pakutenda muna Mwari uye kuvimba neMagwaro, tinofanira kuzovatsanangurira basa raJesu. Nyaya inotevera ichakurukura kuti chitsauko 5 chaVaRoma chinotii nezvemashoko aya akanaka. Pamwe uchaona chidzidzo ichocho chichibatsira muushumiri hwako.

21 Zvine mubayiro mukuru kubatsira vanhu vanoda chokwadi kunzwisisa mashoko akanaka akataurwa ataurwazve mubhuku raVaRoma, mashoko akanaka anova “simba raMwari rinoponesa kumunhu wose anotenda.” (VaR. 1:16) Kuwedzera pakuwana mubayiro, tichaonawo vamwe vachibvumirana nemashoko akataurwa naPauro pana VaRoma 10:15 achiatora kuna Isaya okuti: “Dzakanaka sei tsoka dzevaya vanozivisa mashoko akanaka ezvinhu zvakanaka!”—Isa. 52:7.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Mamwe mashoko akadaro anowanika mumamwe mabhuku akafuridzirwa.—Mako 1:1; Mab. 5:42; 1 VaK. 9:12; VaF. 1:27.

Unoyeuka Here?

• Bhuku raVaRoma rinonyanya kutaura nezvemashoko akanaka api?

• Tinofanira kubatsira vamwe kuti vanzwisise chii?

• “Mashoko akanaka pamusoro paKristu” anounza sei zvikomborero kwatiri nekune vamwe?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 8]

Mashoko akanaka anotaurwa muna VaRoma anosanganisira basa rinokosha raJesu muchinangwa chaMwari

[Mufananidzo uri papeji 9]

Tose takazvarwa tiine chirwere chinouraya, icho chivi!