Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kurarama Upenyu Hune Chinangwa Iye Zvino Uye Nokusingaperi

Kurarama Upenyu Hune Chinangwa Iye Zvino Uye Nokusingaperi

Kurarama Upenyu Hune Chinangwa Iye Zvino Uye Nokusingaperi

UNOGONA kutorarama upenyu hune chinangwa iye zvino. Ungazviita sei? Kana ukatevedzera mazano ouchenjeri anotaurwa muShoko raMwari Bhaibheri. Ngatimbokurukurai mashomanene acho chete.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: Mambo Soromoni aka- nyora kuti: “Kumunhu hapana chinhu chiri nani kupfuura kuti adye, anwe, aite kuti mweya wake ufadzwe nezvakanaka pabasa rake rakaoma.”MUPARIDZI 2:24.

Masikirwo atakaitwa ndeokuti tigutsikane nebasa rakanaka. Kunyange patinoomerwa zvokuomerwa zviya, kushanda nesimba takatendeseka kunogona kuita kuti tigutsikane iye zvino.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Kupa kune mufaro mu- kuru kupfuura kugamuchira.”MABASA 20:35.

Somuenzaniso, vakawanda vakaona kuti kushandisa nguva yavo nesimba ravo kuti vabatsire vamwe vanenge vari mumatambudziko kwakaita kuti vawane mufaro, uye kwakaita kuti upenyu hwavo huwedzere kuva nechinangwa. Soromoni akanyora kuti: “Usarega kuitira zvakanaka vaya vanofanira kuitirwa zvakanaka, kana ruoko rwako ruine simba rokuzviita.”—Zvirevo 3:27.

Chimbofunga nezvezvakaitwa naRalph. Ava pamudyandigere akatanga kuita zvokugara achiparidzira nomudzimai wake. Vose vane maawa akawanda avanopedza mwedzi woga woga vachiita basa rokudzidzisa vanhu Bhaibheri. Ralph anoti: “Patinodzokera kumba manheru, tinenge taneta kwete chete nokuti takwegura, asi nokuti tashandisa simba redu rose pakushumira Baba vedu vokudenga. Tinenge taneta zvedu asi tinonzwa kuti tafira zviripo.” Chinoita kuti Ralph nomudzimai wake vafare ndechokuti vanoshandisa nguva yavo kuti vabatsire vamwe.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzose, uye ihama inoberekerwa kubatsira pakunenge kuine kutambudzika.”ZVIREVO 17:17.

Matambudziko anova nyore kutsungirira kana uine wokuaturira. Mumwe munyori wenhetembo dzechiRungu, Francis Bacon akanyora kuti kana usina shamwari yechokwadi “zvinoita sokuti uri woga muzisango.” Kana uine shamwari dzechokwadi uye iwewo uri shamwari yechokwadi, unogona kugutsikana noupenyu uye kutsungirira zvaunotarisana nazvo.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Vanofara vaya vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu.”MATEU 5:3.

Nemashoko aya Jesu aireva kuti kana uchida kuzoona zvipikirwa zvaMwari zvichizadzika, zvinokosha kuti uzive uye upedze nzara ‘yezvinodiwa zvako zvomudzimu.’ Isu takasiyana nemhuka pakuti takasikwa tichida kuziva chinangwa choupenyu. Jehovha Mwari chete ndiye anogona kupedza nzara iyoyo uye anoshandisa Shoko rake, Bhaibheri. Sezvataona munyaya yapfuura, Bhaibheri rinotiudza kuti Mwari akasikirei nyika. Rinotiudza zvatakasikirwa, chinoita kuti pave nematambudziko akawanda kudai uye zvatinotarisirwa naMwari kuti tiite. Kunzwisisa chokwadi ichi chinodzidziswa neBhaibheri kunotibatsira kuti tirarame upenyu hune chinangwa uye hunoita kuti tigutsikane. Vaya vanoronga kuti vave nenguva yokudzidza Bhaibheri voita zvarinotaura vanowana mufaro. Nei? Nokuti pavanodaro vanoumba ushamwari hwakasimba noMusiki wedu Jehovha, “Mwari anofara.”—1 Timoti 1:11.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Rangarira Musiki wako . . . mazuva okutambudzika asati auya, namakore asati aswedera pauchati, “Handioni zvinofadza maari.”MUPARIDZI 12:1, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.

Munhu wose anogona kubatsirwa nezano iri raMambo Soromoni raaipa vechiduku, avo vanombovarairwa votadza kuziva matambudziko avanogona kusangana nawo muupenyu. Ita kuti Musiki wako ave munhu anokosha kupfuura vose muupenyu hwako. Kana ukadaro, upenyu hwako huchava nechinangwa. Usava nekapfungwa kokuti, “ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tichafa.” (1 VaKorinde 15:32) Muparidzi 8:12 inoti kana ukaisa Mwari pakutanga muupenyu hwako, zvinhu ‘zvichakufambira zvakanaka.’

Mumwe musikana anonzi Wendi akaona kuti kuyeuka Mwari uchiri muduku kunoshanda. Paaiva muduku, iye nemunin’ina wake vakadzidzira mutauro wechiSpanish kuitira kuti vagotamira kuDominican Republic kwaidiwa vaparidzi vemashoko akanaka omuBhaibheri. Anoti: “Kuti tinoshumira kunzvimbo iyi takarega zvimwe zvinhu asi zvataiita izvozvo zvaitinakidza chaizvo. Handimbozvidembi ndichifunga kuti mwedzi mitanhatu iyoyo ndakatambisa nguva. Zvatakasiya hapana zviripo kana tichizvienzanisa nezvikomborero zvatakawana”

Kuvimbika Kuna Mwari Kunoita Kuti Upenyu Huve Nechinangwa

Kuva noukama hwakanaka naJehovha kunogona sei kuita kuti upenyu hwako huwedzere kuva nechinangwa? Satani haana kungofurira Adhamu naEvha kuti vapandukire Mwari, asiwo akapa pfungwa yokuti hapana munhu anokwanisa kuramba akavimbika kuna Mwari kana akaedzwa. (Jobho 1:9-11; 2:4) Unogona kuratidza kuti Satani anoreva nhema. Ungazviita sei? Kana ukaramba wakavimbika kuna Mwari, uchiteerera zvaanotaura, uye uchiratidza kuti unobvuma kuti Jehovha ndiye oga ane kodzero dzokutisarudzira chakanaka nechakaipa.—Zvakazarurwa 4:11.

Kana tichida kuita zvakanaka dzimwe nguva tinotofanira kutsungirira matambudziko. Matambudziko iwayo angaita kuti upenyu hwedu hupedzisire husisina chinangwa here? Ngatitii pane muvengi ane utsinye ari kuitira shamwari yedu kana kuti munhu womumba medu makuhwa. Kana muvengi uyu akatitambudza patinenge tichida kuchenura hama yedu, tingati here upenyu hwedu hausisina chinangwa? Hazvina kudaro. Tichatsungirira tichifara kuti tichenure hama yedu. Ndozvakangoitawo kuvimbika kuna Mwari. Kuvimbika kwedu pazvinenge zvakaoma kudai kuchaita kuti mwoyo waMwari ufare.—Zvirevo 27:11.

Upenyu Hune Chinangwa Nokusingaperi

Ita zvose zvaunogona kuti udzidze nezvaMwari uye chinangwa chake. Jesu Kristu pachake akati: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.” (Johani 17:3) Mwari paachazadzisa chinangwa chake nokuda kwenyika, vanhu vakatendeka vachange vava kukwanisa kunakidzwa nezvakanga zvagara zvichidiwa naMwari zvokuti vanhu ‘vararame nokusingaperi’ muparadhiso pasi pano. Zvadai upenyu hunenge hwava nechinangwa uye huchigutsa.—Pisarema 145:16.

Ungawana kupi zivo iyi yakataurwa naJesu? MuShoko raMwari rakafuridzirwa, Bhaibheri. Kana uchida kubatsirwa kuwana zivo iyi, wakasununguka kunyorera kune vanobudisa magazini ino. Vachafara kuronga kuti pave nomumwe munhu achakubatsira kudzidza zvinonyatsodzidziswa neBhaibheri.