Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Swedera Pedyo naMwari

Mwari Anombogumbuka Here?

Mwari Anombogumbuka Here?

KANA kuri kuti anombogumbuka, saka zvatinoita zvinomufadza here kana kuti zvinomurwadza? Vamwe vazivi vekare vaiti hapana zvazvinomuita. Vaiti hapana angachinja mafungiro aMwari saka hapana nguva dzokuti anombogumbuka kana kufara. Asi Bhaibheri rinodzidzisa zvakasiyana nezvavanofunga nokuti rinoti Jehovha anotinzwira ngoni uye ane hanya chaizvo nezvatinoita. Ngatimbokurukurai mashoko atinowana pana Pisarema 78:40, 41.

Pisarema 78 rinorondedzera mafambiro aiita zvinhu pakati paMwari nevaIsraeri vekare. Pashure pokunge Jehovha anunura vaIsraeri kubva muuranda kuIjipiti, akavaudza kuti aida kuzova noukama hwepedyo navo. Akavavimbisa kuti kana vaizoramba vachiteerera mitemo yake, vaizova ‘pfuma yake chaiyo’ uye aizovashandisa kuti vazadzise chinangwa chake. VaIsraeri vakabvumirana nazvo vachibva vaita sungano yoMutemo. Vakaita here zvavakanga vavimbisa Jehovha?—Eksodho 19:3-8.

Hapana chinokosha chatinogona kupa Jehovha kupfuura kurarama nenzira inofadza mwoyo wake

Munyori wePisarema anoti: “Vaimupandukira kazhinji sei murenje!” (Ndima 40) Ndima inotevera inowedzera kuti: “Vaiedza Mwari vamuedzazve.” (Ndima 41) Cherechedza kuti munyori wePisarema ari kutsanangura kuti vaIsraeri vaingogara vachipanduka. Pfungwa idzi dzokupandukira dzakatanga vachiri murenje vachangonunurwa muIjipiti. Vanhu vakatanga kugunun’unira Mwari, vasina chokwadi chokuti anoda uye anokwanisa kuvatarisira here. (Numeri 14:1-4) Rimwe duramazwi reBhaibheri rinoshandiswa nevashanduri rinoti mashoko okuti “vaimupandukira kazhinji” anogona kushandurwa achinzi ‘vaiomesa mwoyo yavo kana kuti vairamba zvokutongwa naMwari.’ Jehovha aizovakanganwira kana vapfidza nokuti ane tsitsi. Asi vairamba vachiita zvembwa inodzokera kumarutsi ayo.—Pisarema 78:10-19, 38.

Jehovha ainzwa sei pose paichinja vanhu vake ava vaingoita serwaivhi? Ndima 40 inoti “Vaimurwadzisa.” Imwe shanduro inoti ‘vaimunzwisa shungu.’ Rimwe duramazwi reBhaibheri rinotsanangura kuti: “Zvinorehwa pano ndezvokuti maitiro evaHebheru aigumbura sezvinongoita mwana asingateereri uye anopanduka.” Kupanduka kwaiita vanhu ava ‘kwakarwadzisa Mutsvene waIsraeri’ sezvinongoita mwana asinganzwi anoshayisa vabereki vake hope.Ndima 41.

Tingadzidzei kubva mundima iyi yepisarema? Zvinonyaradza kuona kuti Jehovha anoda chaizvo vanamati vake uye haakurumidzi kukanda mapfumo pasi. Tinofanirawo kuziva kuti zvatinoita zvinogona kufadza kana kugumbura Jehovha. Kuziva izvi kunogona kukubatsira sei? Zvinoita kuti ude kuita zvakanaka here?

Panzvimbo pokuramba tichiita zvakaipa tichirwadzisa mwoyo waJehovha, tinogona kusarudza kuita zvakanaka tofadza mwoyo wake. Uye ndizvo chaizvo zvaanokumbira vanamati vake paanoti: “Mwanakomana wangu, iva akachenjera ufadze mwoyo wangu.” (Zvirevo 27:11) Hapana chinokosha chatinogona kupa Jehovha kupfuura kurarama nenzira inofadza mwoyo wake.

Ndima dzeBhaibheri dzamunogona kuverenga muna July: