Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhaibheri Rinochinja Upenyu

Bhaibheri Rinochinja Upenyu

Bhaibheri Rinochinja Upenyu

CHII chakaita kuti mukadzi ane makore okuma60 arege kunamata zvidhori? Chii chakaita kuti mupristi wechiShinto aishanda patemberi asiye basa rake achiva mushumiri wechiKristu? Mumwe mukadzi akarerwa nevamwe vanhu akaita sei kuti asaramba akatsamwira vabereki vake kuti vakanga vamusiyirei? Ngatimbonzwai zvinotaurwa nevanhu ava.

“Handichanamati zvidhori.”—ABA DANSOU

GORE ROKUBEREKWA: 1938

NYIKA: BENIN

NHOROONDO YOUPENYU: AINAMATA ZVIDHORI

MARARAMIRO ANDAIITA: Ndakakurira muSo-Tchahoué, mumwe musha uri munzvimbo ine matoro iri pedyo nedziva. Vanhu veko vanoita zvokuredza hove uye kupfuya mombe, mbudzi, makwai, nguruve uye huku. Hakuna migwagwa, saka vanhu vanoshandisa zvikepe pakufamba. Vazhinji vacho vanovaka dzimba dzavo nemapango nouswa, kunyange zvazvo vamwe vachivaka nezvitinha. Vanhu vacho varombo zvisingaiti. Asi vanhu vanopara mhosva vashoma kana tichienzanisa nevari mumaguta.

Ini nehanzvadzi yangu pataiva vaduku, baba vaitiendesa kwaidzidziswa nezvechitendero chedu. Pandakakura, ndakasarudza Dudua (Oduduwa) mwari wevaYoruba kuti ave mwari wangu. Ndakavakira mwari uyu imba uye ndaigara ndichipa zvibayiro zvemufarinya, mafuta emichindwe, hozhwa, huku, njiva nedzimwewo mhuka dzakasiyana-siyana. Zvibayiro izvi zvaindidhurira, kazhinji ndopaiperera mari yangu yose.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Pandakatanga kudzidza Bhaibheri, ndakaziva kuti Jehovha ndiye oga Mwari wechokwadi. Ndakadzidzawo kuti haadi kuti tishandise zvidhori pakumunamata. (Eksodho 20:4, 5; 1 VaKorinde 10:14) Ndakabva ndaziva zvandaifanira kuita. Saka ndakarasa zvidhori zvangu zvose uye ndakabvisa zvose zvaiva nechokuita nokunamata zvidhori mumba mangu. Ndakabva ndasiya zvokubvunzira masvikiro, uye kuita zvirango netsika dzinoitwa kwedu pamariro.

Ndakanga ndava nemakore okuma60, saka zvakanga zvisiri nyore kuchinja izvi. Shamwari, hama nevavakidzani vaindishora uye vaindiseka. Asi ndakanyengetera kuna Jehovha ndichimukumbira simba rokuita zvakarurama. Ndakanyaradzwa nemashoko ari pana Zvirevo 18:10 anoti: “Zita raJehovha inhare yakasimba. Munhu akarurama anomhanyira mariri odzivirirwa.”

Kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha kwakandibatsirawo chaizvo. Kumisangano iyi ndakaona kuti chii chinonzi rudo rwechiKristu, uye ndakabayiwa mwoyo chaizvo nokuti vanhu ava vaiedza kurarama zvinoenderana netsika dziri muBhaibheri. Zvandakaona zvakaita kuti ndigutsikane kuti chitendero cheZvapupu zvaJehovha ndicho chechokwadi.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA: Kuita zvinotaurwa neBhaibheri kwakandibatsira kuti ndivandudze ukama hwangu nevana vangu. Ndinonzwa sokuti ndakabvisirwa mutoro unorema. Ndaisipedzera mari yangu yose pazvidhori zvisina upenyu zvakanga zvisina kana zvazvaindibatsira. Iye zvino ndava kunamata Jehovha uyo achatigadzirisira matambudziko edu ose nokusingaperi. (Zvakazarurwa 21:3, 4) Ndinofara chaizvo kuti handichanamati zvidhori, asi ndava kunamata Jehovha! Anondidzivirira zvechokwadi uye anoita kuti ndisambotya.

“Ndaitsvaka Mwari kubvira ndichiri muduku.”—SHINJI SATO

GORE ROKUBEREKWA: 1951

NYIKA: JAPAN

NHOROONDO YOUPENYU: MUPRISTI WECHISHINTO

MARARAMIRO ANDAIITA: Ndakakurira kune rimwe taundi rokumaruwa muFukuoka Prefecture. Vabereki vangu vaifarira zvokunamata zvokuti kubvira ndichiri muduku vaindidzidzisa kuti ndiremekedze vanamwari vechiShinto. Ndichiri mukomana muduku, ndaiwanzofunga nezvokuponeswa kwangu uye ndaiva nechido chakasimba chokubatsira vanhu vanenge vane matambudziko. Ndichiri kuyeuka ndiri kupurayimari mumwe mudzidzisi paakabvunza kirasi zvataida kuzoita kana takura. Vandaidzidza navo vaida kuita zvinhu zvakaita sokuva masayendisiti. Ini ndakati ndaida kushumira Mwari. Munhu wose akati bvu.

Ndapedza chikoro chesekondari, ndakaenda kunodzidzira zvoufundisi. Panguva iyi, ndakaonana nomumwe mupristi wechiShinto uyo aiti kana asiri kuita zvoufundisi anoverenga rimwe bhuku raiva nekavha dema. Rimwe zuva akandibvunza kuti: “Sato, bhuku iri unoriziva here?” Ndakanga ndaona kavha yebhuku racho saka ndakamupindura ndichiti, “IBhaibheri.” Akati, “Munhu wose anoda kuva mupristi wechiShinto anofanira kuriverenga.”

Ndakabva ndabuda ndikanotenga rangu. Ndakariisa pasherefu yangu yemabhuku uye ndairitarisira zvakanaka. Asi handina kumbowana nguva yokuriverenga, nokuti zvinhu zvokuchikoro zvakanga zvakandiwandira. Pandakapedza kudzidzira zvoufundisi, ndakatanga kushanda patemberi somupristi wechiShinto. Zvandairwarira kubvira ndichiri muduku zvakanga zvaitika.

Zvisinei, ndakazoona kuti zvandaitarisira pamupristi wechiShinto handizvo zvaiitika. Vapristi vakawanda vakanga vasina rudo uye vasingamboratidzi kuva nehanya nevamwe. Vakawanda vakanga vasinawo kutenda. Mumwe wevakuru vangu akatosvika pakundiudza kuti: “Pano kana uchida kuti zvinhu zvikufambire zvakanaka, unongofanira kutaura nezvenyaya dzouzivi. Kutaura zvechitendero hakubvumidzwi.”

Mashoko akadai akandiodza mwoyo, zvokuti handina kuzofarira chitendero chechiShinto. Kunyange zvazvo ndakaramba ndichishanda patemberi, ndakatanga kuongorora zvimwe zvitendero. Asi hapana chaiva nani. Pandaitoramba ndichiongorora zvitendero, ndaitowedzera kuora mwoyo. Ndakaguma ndaona sokuti hakuna chinonzi chitendero chechokwadi.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Muna 1988, ndakaonana nomumwe muBuddha akandikurudzira kuverenga Bhaibheri. Ndakafunga nezvomupristi uya wechiShinto akanga ambondikurudzira kuti ndiriverenge. Ndakaita zvaakataura. Pandakatanga kuriverenga, rakandinakidza zvokuti ndaitadza kuriisa pasi. Dzimwe nguva ndairiverenga usiku hwose kusvikira mangwanani zuva rava kuoneka nepahwindo.

Zvandakaverenga zvakandikurudzira kuti ndide kunyengetera kuna Mwari womuBhaibheri. Ndakatanga nomunyengetero waShe uri pana Mateu 6:9-13. Ndairamba ndichiudzokorora pashure pemaawa maviri oga oga, kunyange pandaiita mabasa angu patemberi yechiShinto.

Ndaiva nemibvunzo yakawanda yezvezvandaiverenga. Panguva iyi ndakanga ndaroora, uye ndaiziva kuti Zvapupu zvaJehovha zvinodzidzisa vanhu Bhaibheri nokuti zvakanga zvamboshanyira mudzimai wangu. Ndakaonana nemumwe mukadzi aiva Chapupu ndikabva ndamunaya nemibvunzo. Ndakabayiwa mwoyo paaindipindura mibvunzo iyi yose achishandisa Bhaibheri. Akaronga kuti ndidzidze Bhaibheri neZvapupu.

Handina kutora nguva ndisati ndatanga kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha. PaZvapupu zvacho paiva nevamwe vandakanga ndambotuka asi panguva iyi handina kuvaziva. Kunyange zvakadaro vakandikwazisa noushamwari uye vakandigamuchira zvakanaka.

Pamisangano iyi ndakadzidza kuti Mwari anotarisira varume kuti varatidze rudo kumhuri dzavo uye vadzikudze. Ndisati ndanzwa izvi, ndakanga ndichinyanya kungofunga nezvebasa rangu roupristi zvokuti ndakanga ndisina nguva nomudzimai wangu nevana vedu vaviri. Ndakatozoona kuti ndaiwana nguva yokuteerera zvichemo zvevanhu vaiuya kuzonamata kutemberi, asi ndakanga ndisati ndamboteerera zvomudzimai wangu.

Pandairamba ndichidzidza, ndakaziva zvakawanda nezvaJehovha uye zvakaita kuti ndiswedere pedyo naye. Ndakanyanya kubayiwa mwoyo neMagwaro akaita saVaRoma 10:13, urwo runoti: “Munhu wose anodana zita raJehovha achaponeswa.” Ndakanga ndazowana Mwari wandaitsvaka kubvira ndichiri muduku.

Ndakatanga kusasununguka kana ndiri patemberi. Pakutanga, ndainetseka kuti vamwe vaizotii kana ndikasiya chitendero chechiShinto. Asi ndakanga ndagara ndazviudza kuti ndaizosiya chitendero ichi kana ndikawana Mwari wechokwadi kumwe. Saka muchirimo cha1989, ndakasarudza kuteerera hana yangu. Ndakabva patemberi ndichibva ndazviisa mumaoko aJehovha.

Kusiya temberi kwakanga kusiri nyore. Vakuru vakuru vepo vakandipopotera vakaedza kundimanikidza kuti ndigare. Zvisinei, chakanga chakatonyanya kundiomera kuudza vabereki vangu nyaya yacho. Pandaienda kumba kwavo, ndakanetseka zvokuti ndainzwa muchipfuva kurema uye makumbo aidedera kunge rutsanga ruri mumvura. Ndiri munzira ndakamira kakawanda ndichinyengetera kuna Jehovha kuti andisimbise.

Pandakasvika kumba kwevabereki vangu, ndakashayiwa kuti ndovatanga ndakamira pai. Pakapera maawa ndakangoinyarara. Ndanyengetera ndanyengeterazve, ndakazotsanangurira baba vangu nyaya yacho yose. Ndakavaudza kuti ndakanga ndawana Mwari wechokwadi uye kuti ndakanga ndava kusiya chitendero chechiShinto. Baba vangu vakarohwa nehana uye vakarwadziwa chaizvo. Vamwe voukama vakauya kumba kwedu vakaedza kundinyengetedza kuti ndisachinja. Ndakanga ndisingadi kurwadzisa hama dzangu, asiwo ndaiziva kuti kushumira Jehovha ndiko kwakarurama. Nokufamba kwenguva, hama dzangu dzakazondiremekedza nemhaka yezvandakanga ndasarudza.

Kunyange hazvo ndakanga ndisingachaendi kutemberi, ndaingogara ndichifunga nezvayo. Chipristi chakanga chadzika midzi mandiri. Ndaiedza chaizvo kuzvikanganwa, asi zvose zvaiva zvakandipoteredza zvaindiyeuchidza mararamiro andaimboita.

Pane zvinhu zviviri zvakandibatsira kuti chipristi chibude mupfungwa dzangu. Chokutanga, ndakanyatsoongorora pamba pangu kuti ndione kana pane chaiva nechokuita nechitendero chandaimbopinda. Ndakabva ndapisa mabhuku nemifananidzo yacho yose, kunyange zvinhu zvinodhura zvaiva nechokuita nechitendero ichi. Chechipiri, ndakatsvaka mikana yakawanda yokuwadzana neZvapupu. Ushamwari hwavo uye kunditsigira kwavaiita zvakandibatsira chaizvo. Zvishoma nezvishoma, ndakakanganwa zvechipristi.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA: Ndaisishayiwa nguva yokuva nomudzimai wangu nevana, izvo zvaiita kuti vasurukirwe zvikuru. Asi pandakatanga kuita zvinodzidziswa neBhaibheri zvokuti varume vanofanira kupedza nguva nemadzimai avo nevana, takatanga kuwirirana chaizvo. Nokufamba kwenguva, mudzimai wangu akazobatana neni pakushumira Jehovha. Iye zvino tava kunamata pamwe chete nomwanakomana wedu uye mwanasikana wedu nomurume wake.

Pandinofunga nezvezvandairwarira kubvira ndichiri muduku zvokushumira Mwari uye kubatsira vamwe vanhu, ndinoona kuti ndakawana zvose nezvimwewo zvakawanda. Ndinoshaya kuti ndingatenda sei Jehovha.

“Ndakanga ndisinganyatsofara.”—LYNETTE HOUGHTING

GORE ROKUBEREKWA: 1958

NYIKA: SOUTH AFRICA

NHOROONDO YOUPENYU: AINZWA SOKUTI VABEREKI VAKE VAKAMURASA

MARARAMIRO ANDAIITA: Ndakaberekerwa mutaundi rinoita zvemigodhi rinonzi Germiston, rine vanhu vane upenyu husiri hwoumbozha asi husiri hwokutamburira. Mutaundi iri vanopara mhosva vashoma. Vabereki vangu vakaita kuti ndinorerwa neimwe mhuri nokuti vaiona sokuti havangakwanisi kunditarisira. Ndava nemazuva 14 ndaberekwa, mumwe murume nomudzimai vakatanga kundirera uye ndivo vandaitoti vabereki vangu. Zvisinei, pandakaziva kuti vakanga vasiri vabereki vangu, ndakatanga kukurirwa nepfungwa dzokuti vabereki vangu vakanga vandirasa. Ndaiona sokuti havanyatsondinzwisisi nokuti vakanga vasiri vabereki vangu chaivo.

Ndava kusvitsa makore 16, ndakatanga kuenda kumabhawa neshamwari dzangu kwatainoteerera mimhanzi tichitamba. Ndakatanga kusvuta fodya ndava nemakore 17. Ndaida kuti muviri wangu utetepe sezvandaiona mumifananidzo inoshambadzira kusvuta. Pandakasvitsa makore 19 ndakatanga kushanda muJohannesburg uko kwandakatanga kushamwaridzana nevanhu vasina kunaka. Munguva pfupi ndakanga ndava kuita sokuti mumuromo mangu makaumburukwa nechidembo, ndichisvuta chaizvo uye ndichikwekweta hwahwa pakupera kwevhiki.

Kunyange zvakadaro, ndakanga ndichakagwinya. Ndaiita maekisesaizi uye ndaitamba mutambo unonzi squash nenhabvu yevanhukadzi. Ndaishandawo nesimba pabasa rangu rezvemakombiyuta zvokuti vakawanda vakanga vava kundiziva. Panyaya yemari ndakanga ndisisina dambudziko uye vanhu vaitoti ndiri munhu akabudirira. Asi nechepasi pemwoyo ndakanga ndisinganyatsofara, ndisina chinangwa muupenyu.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Pandakatanga kudzidza Bhaibheri ndakaona kuti Jehovha ndiMwari ane rudo. Ndakadzidzawo kuti Jehovha akatiratidza rudo irworwo nokutipa kwaakaita Shoko rake Bhaibheri. Zvinoita sokuti akanyorera mumwe nomumwe wedu tsamba inotitungamirira muupenyu. (Isaya 48:17, 18) Kuti Jehovha anditungamirire, ndakaona kuti pane zvinhu zvikuru zvandaifanira kugadzirisa muupenyu hwangu.

Chimwe chacho kwaiva kuchinja vandaishamwaridzana navo. Ndakabayiwa mwoyo nemashoko ari pana Zvirevo 13:20 ayo anoti: “Munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera, asi iye anofambidzana nemapenzi zvichamuipira.” Mashoko iwayo akaita kuti ndisiyane neshamwari dzandaitamba nadzo ndokutanga kushamwaridzana nevanhu vaiva Zvapupu zvaJehovha.

Fodya ndiyo yakanga yakandiomera kurega nokuti yakanga yandipinda muropa. Nokufamba kwenguva ndakakwanisa kurega kusvuta asi pakamuka rimwe dambudziko. Kurega kusvuta kwakaita kuti ndiwedzere kufuta nemakirogiramu 13 nechidimbu. Izvi zvakaita kuti nditange kuzvitarisira pasi uye zvakanditorera makore anoda kusvika 10 kuti ndidzikire. Asi ndaiziva kuti kurega kusvuta chaiva chinhu chakanaka. Ndaigara ndichinyengetera kuna Jehovha achibva andipa simba rokuti ndikunde.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA: Iye zvino ndava neutano hwakanaka. Ndava kugutsikana nokuti handichamhanyidzani nokutsvaka mufaro unonzi unovapo kana uine basa, mukurumbira uye mari. Asi ndinonakidzwa nokuudza vamwe chokwadi cheBhaibheri. Izvi zvakaita kuti ini nemurume wangu nevamwe vatatu vandaimboshanda navo titange kushumira Jehovha. Vabereki vokundirera vasati vafa ndakavaudza nezvevimbiso yeBhaibheri yokuti vanhu vachamutsirwa muparadhiso pasi pano.

Kuswedera pedyo naJehovha kwakandibatsira kuti ndisaramba ndichinzwa sokuti vabereki vangu vakandirasa. Jehovha akaita kuti ndinzwe kuti ndinewo hama dzangu nokuita kuti ndinamate nemhuri ine vanhu vari munyika yose. Pavanhu ava ndinanaamai vakawanda, vanababa, hanzvadzi uye vanamukoma.—Mako 10:29, 30.

[Mufananidzo uri papeji 12]

PaZvapupu zvaJehovha ndipo pandakaona chinonzi rudo rwechiKristu

[Mufananidzo uri papeji 13]

Temberi yechiShinto pandaimbonamatira