Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndiani Akadzika Mitemo Inotungamirira Zvinhu Zviri Kumatenga?

Ndiani Akadzika Mitemo Inotungamirira Zvinhu Zviri Kumatenga?

Ndiani Akadzika Mitemo Inotungamirira Zvinhu Zviri Kumatenga?

“KO IWE unoziva mitemo inotonga zvinhu zviri kumatenga here?” (Jobho 38:33, Bhaibheri Rinoyera) Mwari paakabvunza Jobho mubvunzo iwoyo, akanga ari kubatsira mushumiri wake aishungurudzika kuti anzwisise kuti vanhu havana chavanoziva kana zvichienzaniswa nouchenjeri husingaperi hwoMusiki wavo. Unofungei nezveenzaniso iyoyo?

Vanhu vava kuziva zvakawanda nezvemitemo inotungamirira zvinhu zviri kumatenga, asi masayendisiti akawanda anobvuma kuti pachine zvizhinji zvaasati ava kuziva. Kakawanda zvinhu zvitsva zvavari kuwana zviri kuita kuti vachinje zvavanenge vambotaura nezvemafambiro anoita zvinhu zviri kumatenga. Zvinganzi vava kuziva zvakawanda here zvokuti mubvunzo wakabvunzwa Jobho naMwari hauchashandi? Kana kuti zvavava kuziva zviri kutobatsira kuratidza kuti Jehovha ndiye Muridzi wemitemo inotungamirira zvinhu zviri kumatenga here?

Bhaibheri rine mashoko anoshamisa anotibatsira kupindura mibvunzo yakadaro. Harina kumbobvira razviti ibhuku resayenzi. Asi parinotaura nezvematenga ane nyeredzi, zvarinotaura zvakarurama zvinoshamisa uye kazhinji vanhu vanotozozviziva kwapera zviuru zvemakore.

Zvaimbotaurwa Nevamwe Nezvezviri Kumatenga

Kuti tione zvaimbotaurwa nevamwe, ngatimboonai zvaiitika muzana remakore rechina B.C.E., anenge makore zana kubva pakapedza kunyorwa Testamende Yekare, kureva chikamu cheBhaibheri chechiHebheru. Panguva iyoyo, muzivi wechiGiriki Aristotle ndiye aidzidzisa nyanzvi dzemandorokwati dzomuzuva rake nezvezvinhu zviri kumatenga. Pamasayendisiti akambovapo, nanhasi achiri kunzi ndiye mumwe wevanoremekedzwa zvikuru. (Ona  bhokisi riri papeji 25.) Maererano nebhuku rinonzi Encyclopædia Britannica, “Aristotle ndiye musayendisiti wokutanga aiva pachokwadi. . . . Masayendisiti ose akazotevera anofanira kumutenda nezvaakaita.”

Aristotle akagadzira chinhu chairatidza marongerwo akaitwa zvinhu zviri kumatenga. Akati pasi redu riri nechepakati pezvose zvakasikwa, uye pane mabhora anopfuura 50 anotenderera nyika akanyatsopfekana. Aiti nyeredzi dzakabatirira pane rimwe bhora riri nechekunze-kunze, mapuraneti achiati akabatirira pane mamwe ari pedyo nepasi rino. Zvose izvi zviri mumatenga zvinonzi zvaizoramba zviripo nokusingaperi, zvisingachinji. Kwatiri pfungwa idzi dzingaita sedzisiri dzechokwadi, asi ndidzo dzaizivikanwa nemasayendisiti kwemakore anenge 2 000.

Ko dzidziso dzaAristotle dzakamira sei kana tichienzanisa nezviri muBhaibheri? Ndedzipi dzisina kuchinja nokufamba kwenguva? Ngatimbokurukurai mibvunzo mitatu ine chokuita nemitemo inotungamirira zvinhu zvakasikwa. Mhinduro dzacho dzichatibatsira kuva nokutenda muMunyori weBhaibheri, Muiti Wemitemo akaita kuti pave ne“mirau yokumatenga.”—Jobho 38:33.

1. Zvinhu Zvakasikwa Hazvichinji-chinji Here?

Aristotle aiti mabhora aya 55 haachinji ukuru hwawo. Asi ndizvo zvinotaurwa neBhaibheri here? Aiwa; hapana chaicho charinotaura nezvepfungwa iyi. Zvisinei, cherechedza rondedzero yarinopa, yokuti: “Kune Uya agere pamusoro pedenderedzwa renyika, vanogara mariri vakaita sehwiza, Iye ari kutatamura matenga somucheka mutetetete, anoatambanudza setende rokugara mariri.”—Isaya 40:22. *

Nhasi ndechipi chakazoonekwa kuti ichokwadi, zvaifungwa naAristotle kana kuti rondedzero yeBhaibheri? Sayenzi yemazuva ano inoti chii nezvezvinhu zviri mumatenga? Muzana remakore rechi20, vanoongorora nyeredzi vakashamiswa pavakaziva kuti zvinhu zviri kumatenga zvinochinja-chinja. Kutaura zvazviri, zvinoita sokuti mapoka enyeredzi ari kuramba achifamba achienda kure nakure. Hapana masayendisiti aimbofunga kuti zvinhu zvakasikwa izvi zvinowedzera kukura. Kana pane vaizvifunga, vaiva vashoma zvikuru. Mazuva ano, nyanzvi dzezvinhu zviri kumatenga dzinoti zvinhu izvi zvakatanga zviri zviduku-duku uye zviri kuramba zvichingokura. Sayenzi yakatoratidza kuti zvaifungwa naAristotle handizvo.

Zvakadini nemashoko ari muBhaibheri? Hatifaniri kuomerwa nokufungidzira muprofita Isaya akatarira denga rizere nenyeredzi rakarembera muchadenga uye achiona sokuti rakaita setende rakabhedhenurwa riri pamusoro pake. * Angadaro akatofananidza boka renyeredzi rinonzi Gwara Renzou ne“mucheka mutetetete.”

Uyezve, mashoko aIsaya anoita kuti tiite zvokufungidzira zviri kuitika. Ngatimbozviona setiri munguva dzakanyorwa Bhaibheri. Pane mucheka mukobvu wakapomberwa uye unotanga kubhedhenurwa uchiwaridzwa pasi wozosimudzwa kuti urovererwe pamatanda kuti pagadzirwe tende. Kana kuti fungidzira mutengesi akabata mucheka mutetetete achiubhedhenura kuti mutengi aone. Pazviitiko zvose, chinhu chinoita sechiduku chinobhedhenurwa chobva chaita chihombe.

Hatisi hedu kuti Bhaibheri parinotaura nezvetende uye mucheka mutetetete riri kureva kukura kunoita zvinhu zviri kumatenga. Zvisinei, hazvinakidzi here kuti Bhaibheri rinorondedzera zvakarurama zvinhu zviri kumatenga zvokuti zvinoenderana nesayenzi yemazuva ano? Isaya akararama mazana emakore matatu Aristotle asati avapo uye zviuru zvemakore vesayenzi vasati vabudisa uchapupu hunogutsa panyaya iyi. Asi rondedzero yakanyorwa nomuprofita aizvininipisa uyu haina kumboda kuchinjwa sezvakaita chinhu chakagadzirwa nenyanzvi iya Aristotle.

2. Chii Chinoita Kuti Zvinhu Zviri Kudenga Zvirambe Zviri Munzvimbo Yazvo?

Aristotle aifunga kuti matenga akanga akazara nezvinhu. Aiti pasi rakagadzirwa nezvinhu zvina zvinoti ivhu, mvura, mhepo uye moto. Asi kumatenga kuzere zvinhu zvakaita semabhora uye anoumbwa nechinhu chinonzi ether. Zvinhu zviri kumatenga zvakanga zvakabatirira pamabhora iwayo. Kwenguva refu, masayendisiti akawanda aibvumirana nepfungwa yaAristotle, yairatidza kuti ine musoro yokuti: Chinhu chinofanira kunge chakabatira kana kuti chakagarira pane chimwe chinhu, nokuti zvikasadaro chingawa.

Ko Bhaibheri rinotii? Rine mashoko omurume akatendeka ainzi Jobho, uyo akati nezvaJehovha: ‘Anoturika nyika pasina chinhu.’ (Jobho 26:7) Zviri pachena kuti Aristotle aizoona pfungwa iyi seisina musoro.

Muzana remakore rechi17 C.E., makore anenge 3 000 kubva panguva yaJobho, pfungwa yesayenzi yainyanya kuzivikanwa ndeyokuti kumatenga kuzere nezvinhu zvakaita mvura-mvura, kwete mabhora aifungidzirwa. Zvisinei, nechokunopera kwezana remakore iroro, imwe nyanzvi yefizikisi inonzi Sir Isaac Newton yakatanga kutaura imwe pfungwa yakasiyana zvachose neiyi. Yakati simba rinokwevera zvinhu panyika ndiro raiita kuti zvinhu zviri kumatenga zvirambe zviri munzvimbo yazvo. Newton akanga ava kuti nzwisisei kuti pasi uye zvimwe zvinhu zviri kudenga hapana pazvakanga zvakabatira kana kugara, zvokuti kune vanhu zvaiita sokuti zvinhu izvi zvakaturikwa mumhepo.

Pfungwa yaNewton yezvesimba rinokwevera zvinhu pasi yakashorwa chaizvo. Zvakanga zvichakaomera vakawanda vaida zvesayenzi kuti vafungidzire kuti nyeredzi nezvimwe zvinhu zviri kudenga hazvina pazvakagara kana chakazvibata. Zvingaita sei kuti nokukura kwakaita pasi redu nezvinhu zviri kumatenga zvingonzi hapana pazvakagara? Ichi ndicho chingatonzi chishamiso chaicho. Kubva mumazuva aAristotle, vakawanda vanoda kutevera zvesayenzi vaifunga kuti pane zvimwe zvinhu zvinofanira kunge zviri mumatenga zvinoita kuti zvinhu izvi zvisadonha.

Ichokwadi kuti Jobho haana zvaaiziva nezvechinoita kuti nyika irambe iri pairi ichitenderera zuva. Saka chii chakaita kuti ataure kuti pasi redu rakaturikwa “pasina chinhu”?

Uyezve, pfungwa yokuti pasi redu hapana parakaturikwa inoita kuti tibvunze mumwe mubvunzo wokuti: Chii chinoita kuti pasi redu nemamwe mapuraneti ari kudenga zvirambe zviri munzvimbo yazvo? Cherechedza mashoko anonakidza akambotaurwa naMwari kuna Jobho okuti: “Ungasunga zvakasimba zvisungo zveboka renyeredzi reKima here, kana kuti ungasunungura tambo dzeboka renyeredzi reKesiri here?” (Jobho 38:31) Kwoupenyu hwake hwose, usiku hwoga hwoga Jobho aiona mapoka enyeredzi iwaya achibuda uye achinyura. * Asi chii chaiita kuti arambe akangofanana gore negore kunyange kwapera makumi emakore? Zvisungo zvipi zvaiita kuti nyeredzi idzi nezvimwe zvinhu zviri kumatenga zvisachinja nzvimbo yazvo? Zvechokwadi Jobho aishamiswa paaifunga nezvezvinhu izvi.

Kudai nyeredzi dzakabatana nemabhora ari muchadenga, zvisungo zvingadai zvisina basa. Kwapera zviuru zvemakore masayendisiti ndipo paakatozoziva nezve“zvisungo” kana kuti “tambo” dzisingaoneki dzinobatanidza zvinhu zviri kudenga pazvinenge zvichifamba. Isaac Newton uyewo Albert Einstein vakazokurumbira nokuda kwezvavakawana panyaya iyi. Chokwadi Jobho hapana zvaaiziva nezvemasimba anoshandiswa naMwari kusunganidza zvinhu zviri kumatenga. Asi kwapera mazana emakore mashoko akafuridzirwa ari mubhuku raJobho akaratidza kuti ndeechokwadi kupfuura zvakataurwa naAristotle. Ndiani aigona kunzwisisa zvinhu izvi kunze kwoMuiti Womutemo?

3. Zvicharamba Zviripo Here Kana Kuti Zvichasvika Pakuparara?

Aristotle aifunga kuti paiva nomusiyano mukuru pakati pedenga nenyika. Akati nyika yaigona kuchinja, kuora, uye kuparara, asi kemikari yakaita mvura inonzi ether yakashandiswa pakugadzira nyeredzi inoramba iripo nokusingaperi. Mabhora nezvinhu zviri kumatenga zvaitaurwa naAristotle zvaisazofa zvakachinja, kusakara kana kuti kuparara.

Ndizvo here zvinodzidziswa neBhaibheri? Pisarema 102:25-27 rinoti: “Imi makavaka nheyo dzenyika kare kare, uye matenga ibasa remaoko enyu. Izvo zvichaparara, asi imi mucharamba muripo; zvose zvazvo zvichasakara sezvinoita nguo. Muchazvitsiva sezvinoitwa chipfeko, uye zvichapedza jana razvo. Asi imi munoramba makadaro, uye makore enyu haazoperi.”

Munyori uyu wepisarema akanyora mashoko aya anenge mazana maviri emakore Aristotle asati avapo. Asi waona here kuti haasiyanisi pasi nematenga azere nyeredzi sezvinonzi nyika inogona kuora asi nyeredzi dzichigara nokusingaperi? Chaanoti chinogona kuparara matenga nenyika, asi Mwari uyo akakonzera kuti zvinhu zvacho zvisikwe anogara nokusingaperi. * Pisarema iri rinoti nyeredzi dzinogona kungoora sezvinoita zvose zviri pasi pano. Ko sayenzi yemazuva ano iri kutii nazvo?

Sayenzi inoongorora zvakaita nyika inotsigira Bhaibheri uye zvakataurwa naAristotle zvokuti nyika inogona kuora. Kutaura zvazviri, matombo ari panyika yedu anogara achipfupfunyuka uye anozoumbiridzwazve panoputika makomo nepanoitika zvimwe zvinhu pasi pano.

Zvakadini nenyeredzi? Dzinogona kuora here sezvinotaurwa neBhaibheri, kana kuti dzinongogara nokusingaperi sezvakadzidziswa naAristotle? Muzana remakore rechi16 vanoongorora nyeredzi kuEurope pavakaona nyeredzi dzichiputika kokutanga, vakashamisika chaizvo zvikapedzisira zvaita kuti vasava nechokwadi nezvezvakataurwa naAristotle zvokuti nyeredzi dzinongoramba dziripo. Kubva ipapo, masayendisiti akacherechedza kuti nyeredzi dzinogona kuputika zvinotyisa kana kuti kutsva zvishoma nezvishoma kana kungodonha dzoga. Zvisinei, vanoongorora zvenyeredzi vakacherechedzawo nyeredzi itsva dzichiumbwa mumakore anenge akonzerwa nokuputika kwedzimwe nyeredzi. Saka mufananidzo womunyori weBhaibheri wezvipfeko zvinosakara zvotsiviwa, wakakodzera chaizvo. * Zvinoshamisa chaizvo kuti uyu munyori wepisarema wekare kare akakwanisa kunyora mashoko anonyatsoenderana nezvakazozivikanwa mazuva ano!

Asi ungadaro uchiri kungoshamisika kuti, ‘Bhaibheri rinodzidzisa kuti rimwe zuva pasi uye matenga ane nyeredzi zvichaguma kana kuti zvichada kutsiviwa here?’ Aiwa, Bhaibheri rinovimbisa kuti zvichagara nokusingaperi. (Pisarema 104:5; 119:90) Asi hakusi kuti zvisikwa izvi pachazvo zvinogara nokusingaperi; chiripo ndechokuti Mwari akazvisika ndiye anovimbisa kuti achaita kuti zvirambe zviripo. (Pisarema 148:4-6) Haatauri kuti achazviita sei, asi zvine musoro kufunga kuti sezvo ari iye akasika zvinhu zvose ane simba rokuita kuti zvirambe zviripo. Handizvowo here zvinoitwa nenyanzvi yokuvaka iyo inogona kuramba ichigadziridza imba yaakazvivakira iye nemhuri yake?

Ndiani Anofanira Kukudzwa Uye Kupiwa Mbiri?

Kungofunga nezvemitemo mishomanene yezvinhu zvokumatenga kunotipindurira mubvunzo uyu zvakajeka. Hatishamiswi here patinofunga nezvokuti ndiani akaita kuti nyeredzi dzisingaverengeki dzizare denga rose, anoita kuti dzirambe dziri munzvimbo yadzo nezvisungo zvesimba rinokwevera zvinhu pasi, uye anoita kuti dzirambe dziripo?

Zvimwe zvingaita kuti tishamiswe ndezvinorondedzerwa pana Isaya 40:26, iyo inoti: “Tarirai kumusoro muone. Ndiani akasika zvinhu izvi? Ndiye anobudisa uto razvo maererano nokuwanda kwazvo, anozvishevedza zvose nemazita azvo.” Zvakakodzera kuti nyeredzi dzifananidzwe neuto, iro ringave riine varwi vakasiyana-siyana. Kana uto rikashaya mutungamiriri, hapana chinobuda, zvinhu zvinotoita manyama amire nerongo. Kudai pasina mitemo inobva kuna Jehovha, mapuraneti, nyeredzi, uye mapoka enyeredzi zvingadai zvichingovhiringidzana pakufamba zvokonzera nyonga-nyonga. Imbofungidzira uto rine varwi vakawanda chaizvo vanosvika mabhiriyoni. Mutungamiriri waro haangogumiri pakuudza uto rake zvokuita asi anoziva nomusoro zita romurwi mumwe nomumwe, kwaanenge ari, kunyange mamiriro ake ezvinhu.

Mitemo yezvinhu zviri kumatenga inongotiravidza zvishoma nezveuchenjeri hune Mutungamiriri uyu. Kunze kwake, ndiani angadai akaita mitemo yakadaro uye akafuridzira vanhu kuti vanyore zvakarurama nezvenyaya dzakadai pachine mazana emakore kunyange zviuru zvemakore masayendisiti asati ava kuzvinzwisisa? Saka hapana mubvunzo kuti tose tine zvikonzero zvokupa Jehovha “kukudzwa nokuremekedzwa.”—Zvakazarurwa 4:11.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 10 Zvinofadza kuti Bhaibheri rinoti pasi redu idenderedzwa, uye ndiwo mashandurirwo anoitwa shoko rechiHebheru pano. Aristotle nevamwe vaGiriki vekare vakataura kuti pasi rakaita denderedzwa, asi kwezviuru zvemakore vanhu vakanga vachiri kuitirana nharo papfungwa iyi.

^ ndima 12 Dimikira iri rinoshandiswa kakawanda muBhaibheri.—Jobho 9:8; Pisarema 104:2; Isaya 42:5; 44:24; 51:13; Zekariya 12:1.

^ ndima 21 “Boka renyeredzi reKima” ringadaro raireva boka renyeredzi rinonzi Pleiades. Uyewo “boka renyeredzi reKesiri” ringangodaro raireva boka renyeredzi rinonzi Orion. Zvinotora makumi ezviuru zvemakore kuti nyeredzi idzodzo dzichinje zvinooneka.

^ ndima 26 Jehovha zvaakashandisa Mwanakomana wake akaberekwa nomudzimu aiva “mhizha” kuti asike zvinhu zvose, mashoko ari mundima iyi anogonawo kureva Mwanakomana.—Zvirevo 8:30, 31; VaKorose 1:15-17; VaHebheru 1:10.

^ ndima 28 Muzana remakore rechi19, musayendisiti anonzi William Thomson kana kuti Lord Kelvin akaziva nezvomutemo wechipiri wethermodynamics, uyo unoratidza chinoita kuti nokufamba kwenguva zvinhu zvakasikwa zviore uye zviparare. Chimwe chakaita kuti apedzisire ava nemafungiro aya kunyatsoongorora kwaakaita Pisarema 102:25-27.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 24]

AMukurumbira Unoshamisa

 Bhuku rinonzi The 100—A Ranking of the Most Influential Persons in History rinoti: “Aristotle ndiye aiva muzivi uye musayendisiti aiva nemukurumbira pane vose vekare.” Hazvitishamisi kunzwa mashoko akadaro achitaurwa nezvemurume uyu aishamisa. Aristotle uyo akararama kubva muna 384 B.C.E., kusvika muna 322 B.C.E., akadzidziswa nemuzivi aiva nemukurumbira ainzi Plato, iye akazodzidzisawo Alexander Mukuru. Zvinyorwa zvekare zvinoratidza kuti pazvinhu zvakawanda zvakanyorwa naAristotle, paiva nemabhuku 170 uye 47 chete ndiwo achiripo. Akanyanya kunyora nezvezvinhu zviri muchadenga, zvinhu zvinofema, zvekemesitiri, zvemhuka, fizikisi, zvakaita pasi uye zveuropi hwevanhu. Akakwanisa kunzwisisa zvinhu zviduku-duku nezvezvinhu zvinorarama pachine mazana emakore pasati pava nomumwe munhu aikwanisa kuzvinzwisisa. Bhuku riya rambotaurwa rinoti: “Pfungwa dzaAristotle dzakabatsira mamwe masayendisiti okunyika dziri kumadokero akazorarama pashure pake.” Zvisinei, bhuku iri rinowedzera kuti: “Kuyemurwa kwaiitwa Aristotle kwakazonyanya kukura zvokuti nguva yeMiddle Ages yava kunopera, zvakanga zvava kuita sokuti ava kunamatwa.”

[Kwazvakatorwa]

Royal Astronomical Society / Photo Researchers, Inc.

Zvakatorwa mubhuku rinonzi A General History for Colleges and High Schools, 1900

[Mufananidzo uri papeji 26]

Simba rinokwevera zvinhu pasi rinoita kuti zvinhu zviri kumatenga zvirambe zviri munzvimbo yazvo

[Mufananidzo uri papeji 26]

Boka renyeredzi rinonzi pleiades

[Kwazvakatorwa 26]

NASA and The Hubble Heritage Team (AURA/STScl)

[Mufananidzo uri papeji 28]

Dzimwe nyeredzi dzinoguma dzaputika

[Kwazvakatorwa 28]

ESA/Hubble

[Mufananidzo uri papeji 28]

Nyeredzi itsva dzinoumbwa mumakore anovapo panoputika dzimwe

[Kwazvakatorwa 28]

J. Hester and P. Scowen (AZ State Univ.), NASA

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji]

© Peter Arnold, Inc./Alamy