Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvatingaita Kuti Tikunde Miedzo

Zvatingaita Kuti Tikunde Miedzo

Zvevechiduku

Zvatingaita Kuti Tikunde Miedzo

JOSEFA—CHIKAMU 1

Mirayiridzo: Ita basa iri uri panzvimbo isina zvinokukanganisa. Paunoverenga magwaro, fungidzira uripowo pazvaiitika. Ona zvaiitika mupfungwa dzako. Inzwa manzwi acho. Iva nemanzwiro evanhu vanonyanya kutaurwa. Ngazviite sokuti zviri kutoitika.

Vanhu vanonyanya kutaurwa: Josefa uye mudzimai waPotifari

Nyaya yacho muchidimbu: Josefa anokunda muedzo wokurara nomudzimai waPotifari.

1 ONGORORA ZVAKAITIKA.—VERENGA GENESISI 39:1-12.

Rondedzera zvaunofungidzira kuti ndizvo zvaiva zvakaita zimba raPotifari.

․․․․․

Unofungidzira kuti Josefa ane chimiro chakaita sei? (Zvingangokubatsira: Verengazve ndima 6.)

․․․․․

Unofunga kuti inzwi raJosefa rakaita sei paari kutaura nomudzimai waPotifari sezvinorondedzerwa mundima 8 ne 9?

․․․․․

2 DZAMISA PFUNGWA.

Chii chingava chaizoita kuti zviomere Josefa kuramba muedzo wokuita zvounzenza? (Zvingangokubatsira: Verenga VaFiripi 2:12 uye funga nezvaJosefa. Somuenzaniso, panguva yaakasangana nomuedzo uyu, vabereki vake nevamwe vaainamata navo Jehovha vakanga vari kupi?)

․․․․․

Unofunga kuti chii chakaita kuti Josefa azive kuti kuita upombwe kwaiva kutadzira Mwari, kunyange zvazvo pakanga pasati pava nomutemo waMwari wairambidza upombwe? (Zvingangokubatsira: Verenga uchifungisisa magwaro anotevera: Genesisi 2:24; 12:17, 18; VaRoma 2:14, 15; uye VaHebheru 5:14.)

․․․․․

3 ITA ZVAWADZIDZA. NYORA ZVAWADZIDZA PAMUSORO PE . . .

Kuti kuzvidzora kunobatana papi nokuzviremekedza.

․․․․․

Kubatsirwa kunoitwa vaya vanoteerera zvinotaurwa naMwari panyaya dzetsika

․․․․․

Kuti sei uchifanira kurovedza ‘simba rako rokunzwisisa.’ (VaHebheru 5:14)

․․․․․

ZVIMWE ZVOKUTI UITE.

Ndepapi paunofanira kukurumidza kuziva zvokuita kuti ukunde muedzo wokuita zvounzenza? (Zvingangokubatsira: Verenga uchifungisisa magwaro anotevera: Jobho 31:1; Pisarema 119:37 uye VaEfeso 5:3, 4.)

․․․․․

4 CHII CHIRI MUNYAYA IYI CHANYANYA KUKUBATSIRA, UYE NEI?

․․․․․

kumbira zvapupu zvajehovha, kana kuti verenga paindaneti,www.watchtower.org