Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Ari Kutinyevera Zvakajeka—Uchateerera Here?

Jehovha Ari Kutinyevera Zvakajeka—Uchateerera Here?

Jehovha Ari Kutinyevera Zvakajeka—Uchateerera Here?

“Iyi ndiyo nzira. Fambai nayo.”—ISA. 30:21.

1, 2. Satani anovavarira kuitei, uye Shoko raMwari rinotibatsira sei?

CHIKWANGWANI chakanongedzera kusiri iko chinogona kukurasa kana kutokupinza mungozi. Fungidzira kuti wakanyeverwa neshamwari kuti kune munhu akaipa akachinja chikwangwani kuti arase vanhu vanenge vachizvifambira zvavo. Haungaiteereri here?

2 Satani akafanana nemunhu iyeye akaipa, uye chaanoda kutitsausa chete. (Zvak. 12:9) Ndiye muvambi wezvose zvinotsausa zvatakakurukura munyaya yakapfuura uye chinangwa chake ndechokuti tibude munzira inoenda kuupenyu husingaperi. (Mat. 7:13, 14) Chinofadza ndechokuti Mwari wedu akanaka anotinyevera kuti tisatevera ‘zvikwangwani’ zvaSatani zvinotsausa. Ngatikurukurei zvimwe zvitatu zvinoshandiswa naSatani kutitsausa. Patiri kukurukura kubatsirwa kwatinoitwa neShoko raMwari, tinogona kufungidzira Jehovha achifamba ari mumashure medu achiti: “Iyi ndiyo nzira. Fambai nayo.” (Isa. 30:21) Kufungisisa zvatiri kuyambirwa naJehovha zvakajeka kuchawedzera shungu dzedu dzokuzviteerera.

Usatevera “Vadzidzisi Venhema”

3, 4. (a) Vadzidzisi venhema vakafanana sei nematsime asina mvura? (b) Vadzidzisi venhema vanowanzobva kupi, uye vanenge vachidei?

3 Fungidzira uri parwendo munzvimbo isina mvura. Unobva waona tsime riri nechekure wonanga ikoko, uchifunga kuti uchawana mvura upedze nyota. Asi paunosvika unowana tsime riya rakaoma. Zvinokuodza mwoyo zvechokwadi. Ndizvo zvakaita vadzidzisi venhema. Ani zvake anouya kwavari achida kuwana mvura youpenyu achaodzwa mwoyo zvinorwadza. Jehovha akashandisa Pauro naPetro kutinyevera nezvevadzidzisi venhema. (Verenga Mabasa 20:29, 30; 2 Petro 2:1-3.) Vadzidzisi ivavo ndivanaani? Mashoko akafemerwa evaapostora vaviri ivavo anotibatsira kuziva kunobva vadzidzisi venhema uye mashandiro avo.

4 Pauro achitaura nevakuru veungano yokuEfeso akati: “Pakati penyu pachamuka varume vachataura zvinhu zvisina kururama.” Achinyorera vamwe vaKristu, Petro akati: “Kuchavawo nevadzidzisi venhema pakati penyu.” Saka vadzidzisi venhema vanobva kupi? Vanogona kubva muungano. Ndivo vanonzi vakatsauka pakutenda. * Vanenge vachidei? Havagutsikani nokungosiya sangano ravangave vaitomboda. Sokutsanangura kwaPauro, chinangwa chavo ndechokuti “vatsause vadzidzi vavatevere.” Vadzidzi vari kurehwa naPauro vadzidzi vaKristu. Vadzidzisi ava venhema havatsvaki vadzidzi kunze kweungano asi kuti vanoedza kutora vadzidzi vaKristu kuti vaende navo. Kufanana ne“mhumhi dzinoparadza,” vadzidzisi venhema vari kuvavarira kuparadza kutenda kwevanhu vari muungano vasina zvavanombofungira, uye kuvabvisa muchokwadi.—Mat. 7:15; 2 Tim. 2:18.

5. Vadzidzisi venhema vanoshandisa nzira dzipi?

5 Vadzidzisi venhema vanoshanda sei? Maitiro avo anoratidza kuti vanoita zvokunyengera. ‘Vanopinza chinyararire’ pfungwa dzinoparadza. Kufanana nevanhu vanoverevedza vachipinza zvinhu munyika zvisiri pamutemo, vanoita zvinhu zvavo nenzira isiri nyore kuona, vachipinza muungano pfungwa dzokupanduka. Sezvinongoita tsotsi rinoshandisa magwaro okunyepera, vakatsauka pakutenda vanoshandisa “mashoko enhema” kuti vaudze vanhu zvinhu zvisiri izvo asi vachiita sevari kutaura chokwadi. Vanoparadzira ‘dzidziso dzinonyengera,’ ‘vachimonyanisa Magwaro’ kuti aenderane nepfungwa dzavo. (2 Pet. 2:1, 3, 13; 3:16) Zviri pachena kuti vakatsauka pakutenda havana hanya nesu. Kuvatevera kunotitsausa munzira iri kuenda kuupenyu husingaperi.

6. Bhaibheri rinotinyevera sei zvakajeka nezvevadzidzisi venhema?

6 Tingazvidzivirira sei kuvadzidzisi venhema? Zano reBhaibheri nezvezvatinofanira kuita riri pachena. (Verenga VaRoma 16:17; 2 Johani 9-11.) “Musiyane navo,” rinodaro Shoko raMwari. Mamwe maBhaibheri anoti “muve kure navo,” uye “muvanzvenge!” Mashoko aya akafemerwa akajeka. Ngatitii chiremba akakuudza kuti usagunzva mumwe munhu ane chirwere chinotapukira uye chinouraya. Unobva waziva kuti chiremba ari kurevei uye unomuteerera. Ndizvo zvakaitawo vakatsauka pakutenda. Vane ‘pfungwa dzinorwara’ uye vanoda kuzadza vamwe dzidziso dzavo dzokusavimbika. (1 Tim. 6:3, 4) Jehovha, Chiremba Mukuru, anotiudza kuti tisagunzvana navo. Tinoziva zvaanenge achireva, asi tinoda here kuteerera zvaari kutinyevera kunyange zvodini?

7, 8. (a) Kusiyana nevadzidzisi venhema kunorevei? (b) Chii chinoita kuti utsidze mumwoyo mako kusamboteerera vadzidzisi venhema?

7 Kusiyana nevadzidzisi venhema kunorevei? Hativabvumire kupinda mudzimba dzedu kana kuvakwazisa. Tinorambawo mabhuku avo, mapurogiramu avo epaTV, hativerengi zvavanonyora paIndaneti, kana kupawo pfungwa dzedu pane zvavanenge vanyora ipapo. Tinotorerei aya matanho akasimba? Nokuti tine rudo. Tinoda “Mwari wechokwadi,” hatinakidzwi nedzidziso dzinotaurwa nepasipo dzinopesana neShoko rake rechokwadi. (Pis. 31:5; Joh. 17:17) Tinodawo sangano raJehovha, iro rakatidzidzisa chokwadi chinotifadza, chinosanganisira zita raMwari uye kuti rinorevei, zvinoitika patinofa, zvakasikirwa nyika ino naMwari, uye tariro yorumuko. Uchiri kuyeuka here kuti wakanzwa sei pawakatanga kudzidza chokwadi ichi chinokosha nezvimwewo? Zvino ungabvuma sei kufurirwa nomumwe munhu anoshoropodza sangano rakakudzidzisa chokwadi ichocho?—Joh. 6:66-69.

8 Kunyange vadzidzisi venhema vakataurei, hatisi kuzovatevera! Tingaenderei kumatsime akaoma zvakadaro kuti tinonyengerwa uye kuodzwa mwoyo? Pane kudaro, ngatisambosiya Jehovha nesangano rake iro rava nemakore richipedza nyota yedu nemvura yakachena inotonhorera yechokwadi chinobva muShoko rake raakafemera.—Isa. 55:1-3; Mat. 24:45-47.

Usatevera “Ngano”

9, 10. Pauro akanyevera Timoti kutii nezve“ngano,” uye angave aifunga nezvei? (Onawo mashoko omuzasi.)

9 Dzimwe nguva zviri nyore kuona kuti chikwangwani chakachinjwa kwachakanga chakanongedzera. Asi dzimwe nguva hazvisi nyore. Ndizvo zvinoitawo mazano aSatani; mamwe acho ari nyore kuona, mamwe acho haasi. Muapostora Pauro anotinyevera nezve“ngano,” imwe nzira inoshandiswa naSatani ine ngozi. (Verenga 1 Timoti 1:3, 4.) Kuti tirege kutsauswa munzira inoenda kuupenyu, tinofanira kuziva kuti chii chinonzi ngano uye kuti tingaita sei kuti tirege kudziteerera.

10 Mashoko aPauro anonyevera nezvengano akaanyora mutsamba yake yokutanga kuna Timoti, mumwe mukuru wechiKristu, uyo waakaudza kuti aite kuti ungano igare yakachena uye abatsire vaaitenda navo kuti varambe vakatendeka. (1 Tim. 1:18, 19) Pauro akashandisa shoko rechiGiriki rinogona kureva nyaya dzokufungidzira, dzisina kuitika, kana kuti dzenhema. Maererano neThe International Standard Bible Encyclopaedia, shoko iri rinoreva “nyaya (yechitendero) isiri yechokwadi.” Zvichida Pauro aifunga nezvenhema dzechitendero dzaitsigirwa nengano dzainakidza kuteerera kana kuti dzokufungidzira. * Nyaya dzakadaro ‘dzinongomutsa mibvunzo,’ kureva mibvunzo isina basa inongoita kuti munhu angotsvakurudza zvisina chinangwa. Satani, munyengeri mukuru, anoshandisa ngano idzi kana kuti nhema dzechitendero kuti atsause vanhu vakavarairwa. Zano raPauro rakajeka: Usateerera ngano!

11. Satani ari kushandisa sei chitendero chenhema nokuchenjera kuti atsause vanhu, uye mashoko api okunyevera achatibatsira kuti tisatsauswa?

11 Ndedzipi dzimwe ngano dzinogona kutsausa munhu asina kungwarira? Kutaura zvazviri, “ngano” inogona kureva chero dzidziso yenhema inogona kuita kuti tirambe “kunzwa chokwadi.” (2 Tim. 4:3, 4) Satani, uyo anonyepera kuva “ngirozi yechiedza” anoshandisa nokuchenjera zvitendero zvenhema kuti atsause vanhu. (2 VaK. 11:14) Chichiita kunge chiKristu chaicho, chiKristudhomu chinodzidzisa zvinhu zvakadai soUtatu, kuti vanhu vachanotsva mugomba remoto, mweya haufi, izvo zvakazara nengano uye nhema. ChiKristudhomu chinotsigirawo mazororo, akadai seKrisimasi neIsita, avanofunga kuti anoremekedza Mwari, asi aine tsika dzakatangira mukunamata kwenhema. Kana tikateerera zvatinonyeverwa naMwari kuti ‘tisabata chinhu chisina kuchena,’ hatizotsauswi nengano.—2 VaK. 6:14-17.

12, 13. (a) Satani anotsigira nhema dzokuti chii, uye chokwadi chaicho ndechipi? (b) Tingaita sei kuti tisatsauswa nengano dzaSatani?

12 Satani ane dzimwe nhema dzaanotsigira dzinogona kutitsausa kana tikasangwarira. Funga nezvedzimwe dzacho. Ita chero zvaunoona zvakakunakira; hapana anofanira kukuudza kuti zvakanaka kana kuti zvakaipa ndezvipi. Pfungwa iyi inotaurwa chaizvo nezvinobudisa mashoko uye zvinovaraidza. Sezvo pfungwa iyoyo ichipesana nemitemo yaMwari, inogona kuita kuti tisazvidzora zvachose. Chokwadi ndechokuti Mwari chete ndiye anogona kutitungamirira panyaya yokuzvibata. (Jer. 10:23) Mwari haazopindiri panyaya dzepasi pano. Pfungwa iyoyo yokuraramira nhasi chete inogona kuita kuti tive “vasingaiti basa kana kuti vasina zvibereko.” (2 Pet. 1:8) Chokwadi ndechokuti zuva raJehovha rava pedyo pedyo, uye tinofanira kuramba takarimirira. (Mat. 24:44) Mwari haana basa newe. Kutenda nhema idzi dzaSatani kunogona kuita kuti tikande mapfumo pasi, tichifunga kuti hatimbofi takakodzera kudiwa naMwari. Chokwadi ndechokuti Jehovha anoda uye anokoshesa munhu mumwe nomumwe anomunamata.—Mat. 10:29-31.

13 Tinofanira kuramba takangwarira, nokuti kufunga uye unhu hwenyika yaSatani zvinogona kuoneka sezvakanaka nechokunze. Asi yeuka kuti Satani inyanzvi yokunyengera. Kuteerera zano uye zviyeuchidzo zviri muShoko raMwari chete ndiko kunogona kutibatsira kuti tisatsauswa ne“ngano dzakanyatsorukwa” dzaSatani.—2 Pet. 1:16.

Usatevera “Satani”

14. Pauro akanyeverei dzimwe chirikadzi duku uye nei tichifanira kufungisisa zvaakataura?

14 Imbofungidzira chikwangwani chiri munzira chiri kunongedzera kuti “KwaSatani.” Ndiani wedu aizonanga kwachakanongedzera? Asi Pauro anotinyevera nezvenzira dzakati wandei dzinoshandiswa naSatani kuedza kuti vaKristu vakazvitsaurira vamutevere. (Verenga 1 Timoti 5:11-15.) Pauro aitaura nezvedzimwe “chirikadzi duku,” asi mashoko acho anoshanda kwatiri tose. Vakadzi ivavo vechiKristu vomuzana remakore rokutanga vangave vasina kumbofunga kuti vaitevera Satani, asi zvavaiita zvairatidza kudaro. Tingaita sei kuti tisatevera Satani, kunyange mukusaziva? Ngationgororei zano raPauro nezvemakuhwa.

15. Chinangwa chaSatani ndechei, uye Pauro akaratidza sei nzira dzaSatani?

15 Chinangwa chaSatani ndechokuti tisataure nezvokutenda kwedu. Anoda kuti tirege kuparidza mashoko akanaka. (Zvak. 12:17) Kuti adaro anoedza kuita kuti titi sika-sika nezvinhu zvinotidyira nguva kana kuti zvinotiparadzanisa. Cherechedza kuti Pauro akaratidza sei nzira dzinoshandiswa naSatani. Achitaura nezvechirikadzi, Pauro akati: “Dzisina basa, dzichifamba-famba.” Makore ano awanda zvigadzirwa, zviri nyore kwazvo kutambisa nguva yedu uye yevamwe, somuenzaniso, nokutumira mashoko asina basa kana kuti asiri echokwadi pakombiyuta nepafoni. “Dzinoita makuhwa.” Makuhwa anogona kuita kuti tipedzisire tachera vamwe izvo zvinotadzisa vanhu kugarisana. (Zvir. 26:20) Vangave vachizviziva kana kuti kwete, vanhu vanochera vamwe vanenge vachitevedzera Satani Dhiyabhorosi. * “Dzinopindira munyaya dzevamwe vanhu.” Hatina kodzero yokuudza vamwe zvokuita panyaya dzavo. Maitiro akadaro ane ngozi anogona kutitadzisa kuita basa ratakapiwa naMwari rokuparidza Umambo. Kana tikarega kutsigira basa raJehovha tinenge tava kutotevera Satani. Hapana zvokuti kwose tiriko.—Mat. 12:30.

16. Mazano api anogona kutibatsira kuti tisatsauswa ‘totevera Satani’?

16 Kuteerera zano reBhaibheri kunogona kutibatsira kuti tisatsauke kuti ‘titevere Satani.’ Funga mamwe mazano akapiwa naPauro. Iva ne“zvizhinji zvokuita mubasa raShe.” (1 VaK. 15:58) Kugara takabatikana mubasa roUmambo kuchatidzivirira kungozi dzinokonzerwa nokushaya zvokuita uye kutambisa nguva nezvisina basa. (Mat. 6:33) Taura shoko “rakanaka, kuti rivake.” (VaEf. 4:29) Ramba zvachose kuteerera makuhwa uye usaaparadzire. * Vimba nevaunonamata navo uye varemekedze. Kana ukadaro zvichaita kuti utaure mashoko anovaka kwete anoparadza. ‘Vavarira kuva nehanya nezvinhu zvako woga.’ (1 VaT. 4:11) Farira vamwe asi zviite uchivaremekedza, uchiziva kuti vane upenyu hwavo voga, saka usapindira munyaya dzavo. Yeuka zvakare kuti hatifaniri kuudza vamwe zvavanofanira kuita panyaya dzavanofanira kuzvionera voga kuti voita zvipi.—VaG. 6:5.

17. (a) Chii chinoita kuti Jehovha atinyevere nezvezvinhu zvatisingafaniri kutevera? (b) Watsidza mumwoyo mako kuita sei nezvenzira yaunoda kunzi ufambe nayo naJehovha?

17 Tinotenda zvikuru kuti Jehovha anotiudza zvakajeka kuti ndezvipi zvatisingafaniri kutevera. Asi usambokanganwa kuti Jehovha anotinyevera nezvezvinhu zvatakurukura munyaya ino nezvatakakurukura mune yakapfuura nokuti anotida. Anoda kuti tisapinda mumatambudziko nemarwadzo zvinobva pakutevera ‘zvikwangwani’ zvaSatani zvinorasisa. Nzira yatinonzi naJehovha tifambe nayo yakamanikana hayo, asi inoenda kuupenyu husingaperi. (Mat. 7:14) Ngatisamborega kuteerera zvatiri kuudzwa naJehovha paari kuti: “Iyi ndiyo nzira. Fambai nayo.”—Isa. 30:21.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 “Kutsauka pakutenda” zvinoreva kusiya zvawaitenda, kuchinja kana kuti kupandukira sangano.

^ ndima 10 Somuenzaniso bhuku reApokirifa raTobiti (Tobiyasi), rakanyorwa pakati pa300 na200 B.C.E. uye rakanga richiripo panguva yaPauro, rakazara nekutenda mashura nengano dzisinganzwisisiki dzemishonga nouroyi zviri kutaurwa sechokwadi.—Ona Insight on the Scriptures, Volume 1, peji 122.

^ ndima 15 Shoko rechiGiriki rokuti di·aʹbo·los, rinoreva “mucheri.” Rimwe remazita aSatani anoratidza zvaanoita, sezvo ari iye mucheri mukuru.—Joh. 8:44; Zvak. 12:9, 10.

Ungapindura Uchitii?

Ungashandisa sei mashoko okunyevera ari mumagwaro anotevera?

2 Petro 2:1-3

1 Timoti 1:3, 4

1 Timoti 5:11-15

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 19]

 Kumwaya Minhenga Mumhepo

[Mufananidzo uri papeji 19]

Imwe ngano inotaurwa nevaJudha inonyatsoenzanisira zvinoitika kana munhu afambisa guhwa. Inowanzotaurwa nepakasiyana-siyana, asi pfungwa yacho ndeinotevera.

Mumwe murume aiparadzira makuhwa nezvemumwe murume akanga akangwara womuguta raaigara. Akazoona kuti zvaaiita zvakanga zvakaipa ndokuenda kumurume uya akangwara kunokumbira ruregerero, achiti aizoita zvose zvaanogona kuti agadzirise nyaya yacho. Murume uya akachenjera akamukumbira chinhu chimwe chete: Kuti anotora piro yeminhenga oivhura omwaya minhenga yacho mumhepo. Kunyange zvazvo zvakamushamisa, akaenda kunoita zvaakanga audzwa ndokudzoka kumurume uya akachenjera.

“Saka mandiregerera here?” akabvunza kudaro.

“Tanga waenda, wonounganidza minhenga iya yose,” akapindura murume akachenjera.

“Handiti yatoenda nemhepo. Ndinoiunganidza sei”

“Kuoma kwakaita kuunganidza minhenga iyoyo ndiko kuoma kwakaita kugadzirisa zvinhu zvakakanganiswa nemashoko ako.”

Chidzidzo chacho chakajeka. Mashoko akangobuda mumuromo haugoni kuadzosa, uye zvingasakwanisika kugadzirisa zvaunenge wakanganisa. Tisati tafambisa kaguhwa, zvakanaka kuti tiyeuke kuti tingadaro tava kumwaya minhenga mumhepo.

[Mufananidzo uri papeji 16]

Vamwe vangakoka sei vakatsauka pakutenda mudzimba dzavo?