Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha ndiMwari “Anopa Rugare”

Jehovha ndiMwari “Anopa Rugare”

Jehovha ndiMwari “Anopa Rugare”

“Mwari anopa rugare ngaave nemi mose.”—VAR. 15:33.

1, 2. Zvinhu zvakanga zvakaomera Jakobho sei sematsanangurirwo azvinoitwa muna Genesisi zvitsauko 32 ne33, uye zvakazomufambira sei?

NYAYA yacho iri kuitikira pedyo nePenueri, pedyo nemupata une rukova weJabhoki kumabvazuva kwerwizi rwaJodhani. Isau anzwa kuti munun’una wake, Jakobho, ari kudzoka kumusha. Kunyange zvazvo papfuura makore 20 kubvira pakatengesa Isau kodzero yake youdangwe kumunun’una wake, Jakobho achiri kutya kuti pamwe mukoma wake achiine pfundepfunde. Aine varume 400, Isau anofamba achienda kumunun’una wake anga arova. Uyuwo Jakobho, achifunga kuti achangosvika achirwiswa, anotumira zvipo atumirazve kuna Isau, zvipfuwo zvinosvika 550. Pavanoendesa boka rimwe nerimwe rezvipfuwo, vashumiri vaJakobho vanoudza Isau kuti zvipo zvinobva kumunun’una wake.

2 Zvino vazosangana! Jakobho paanofamba noushingi achienda kuna Isau, anokotama kanomwe. Jakobho atotora kare danho rinokosha kupfuura ose kuti apfavise mwoyo wemukoma wake. Anyengetera kuna Jehovha kuti amununure mumaoko aIsau. Jehovha anomupindura here? Hongu. Bhaibheri rinoti: “Isau akamhanya kuti asangane naye, akamumbundira, akawira pamutsipa wake, akamutsvoda.”—Gen. 32:11-20; 33:1-4.

3. Tinodzidzei panhoroondo yaJakobho naIsau?

3 Nhoroondo iyi inoratidza kuti tinofanira kuita zvose zvatinogona kuti tigadzirise zvinhu kana paine chakanganisika chinogona kukanganisa rugare rwatiinarwo muungano yechiKristu. Kutsvaka rugare naIsau kwakaitwa naJakobho hakurevi kuti ndiye akanga atadza zvokuti aifanira kukumbira ruregerero. Isau ndiye akanga azvidza kodzero yake youdangwe akaitengesera Jakobho kuti apiwe ndiro yezvokudya. (Gen. 25:31-34; VaH. 12:16) Zvisinei zvakaitwa naJakobho zvinoratidza kuti tinofanira kusvika pakadini pakuedza kuchengetedza rugare rwedu nehama dzedu dzechiKristu. Zvinoratidzawo kuti Mwari wechokwadi anokomborera zvatinoedza kuita kuti tigarisane nevamwe zvakanaka. Bhaibheri rine mienzaniso yakawanda inotidzidzisa kuva vanhu vane rugare.

Muenzaniso Wakanaka Kupfuura Mimwe Yose

4. Ndohupi urongwa hwakaitwa naMwari kuti anunure vanhu pachivi norufu?

4 Muenzaniso unopfuura yose wokuva norugare ndewaJehovha, “Mwari anopa rugare.” (VaR. 15:33) Funga zvakaitwa naJehovha kuti isu tikwanise kuva norugare naye. Sevana vaAdhamu naEvha vane chivi, tinokodzera “mubayiro wechivi.” (VaR. 6:23) Asi norudo rwake rukuru, Jehovha akaronga kuti tipone nokutitumira Mwanakomana wake waanoda kuti azoberekwa somunhu akakwana. Uye Mwanakomana wacho akabvuma nemwoyo wose. Akabvuma kuurayiwa nevavengi vaMwari. (Joh. 10:17, 18) Mwari wechokwadi akamutsa Mwanakomana wake waanoda, uye akazonomira pamberi paBaba achiratidza kuti akanga apa ropa rake, iro raizova rudzikinuro kuti vatadzi vanopfidza vanunurwe vasafa zvachose.—Verenga VaHebheru 9:14, 24.

5, 6. Ropa raJesu rinogadzirisa sei ukama hwakakanganisika pakati paMwari nevanhu vasina kukwana?

5 Rudzikinuro rweMwanakomana waMwari runogadzirisa sei ukama hwakakanganisika pakati paMwari nevanhu vasina kukwana? Isaya 53:5 inoti: “Kuranga kwakaitirwa rugare rwedu kwakanga kuri paari, uye tave tichiporeswa nokuda kwemaronda ake.” Vanhu vanoteerera vava noukama hwakanaka naMwari panzvimbo pokuti avaone sevavengi vake. “Tinosunungurwa norudzikinuro neropa [raJesu] pachishandiswa iye, chokwadi, iko kukanganwirwa kwokudarika kwedu.”—VaEf. 1:7.

6 Bhaibheri rinoti: “Mwari akaona zvakanaka kuti kuzara kwose kugare [muna Kristu].” Izvi zvakadaro nokuti Kristu ndiye munhu anokosha pakuzadziswa kwechinangwa chaMwari. Uye chinangwa chaJehovha ndechei? Ndechokuti “ayananisezve kwaari zvimwe zvinhu zvose nokuita rugare neropa” raJesu Kristu rakateurwa. “Zvinhu zvose” izvo Mwari ari kuda kuti zviyanane naye ndezviya “zviri kumatenga” uye “zviri panyika.” Zvii izvozvo?—Verenga VaKorose 1:19, 20.

7. “Zvinhu zviri kumatenga” uye “zvinhu zviri panyika” zvichaitwa kuti zvive norugare naMwari ndivanaani?

7 Rudzikinuro runoita kuti vaKristu vakazodzwa, avo ‘vakanzi vakarurama’ sevanakomana vaMwari, ‘vave norugare naMwari.’ (Verenga VaRoma 5:1.) Vanonzi “zvinhu zviri kumatenga” nokuti vane tariro yokudenga uye “vachatonga semadzimambo pamusoro penyika” uye vachashumira sevapristi vaMwari. (Zvak. 5:10) Asi “zvinhu zviri panyika” zvinoreva vanhu vakapfidza zvivi zvavo, avo vachazopedzisira vawana upenyu husingaperi pasi pano.—Pis. 37:29.

8. Unonzwa sei nezvakaitwa naJehovha kuti vanhu vave norugare naye?

8 Achitenda nemwoyo wose urongwa hwaJehovha, Pauro akanyorera vaKristu vokuEfeso kuti: “Mwari, uyo ane ngoni zhinji, . . . akaita kuti tive vapenyu pamwe naKristu, kunyange patakanga takafa mukudarika—imi makaponeswa nomutsa usina kukodzera kuwanwa.” (VaEf. 2:4, 5) Tingave tiine tariro yokudenga kana kuti yepasi pano, tose tinotenda chaizvo Mwari nengoni dzake uye mutsa usina kukodzera kuwanwa. Mwoyo yedu inofashukira nokutenda sezvatinofunga zvakaitwa naJehovha kuti vanhu vakwanise kuva nerugare naye. Patinosangana nemamiriro ezvinhu anokanganisa rugare rweungano, hatifaniri kuedza kutevedzera muenzaniso waMwari tova norugare here?

Kudzidza Pane Zvakaitwa naAbrahamu naIsaka

9, 10. Abrahamu akaratidza sei kuti munhu aida zvorugare pakamuka bopoto pakati pevafudzi vake nevaRoti?

9 NezvaAbrahamu Bhaibheri rinoti: “‘Abrahamu akatenda muna Jehovha, akanzi akarurama,’ uye akasvika pakunzi ‘shamwari yaJehovha.’” (Jak. 2:23) Kutenda kwaAbrahamu kwakaratidzwa norugare rwaaiva narwo nevamwe. Somuenzaniso, zvipfuwo zvake pazvakawanda, vafudzi vake vakatanga kunetsana nevemwana womukoma wake Roti. (Gen. 12:5; 13:7) Kuzvipedza kwaitongova kuti Abrahamu naRoti vaparadzane. Abrahamu aizoita sei nenyaya iyi yaigona kukanganisa ukama hwavo? Abrahamu akaratidza kuti munhu aida zvorugare pakuti haana kuti zvaaiva iye mukuru uye shamwari yaMwari audze Roti zvokuita.

10 Akati: “Ndapota, usarega kupopotedzana chero kupi zvako kuchipfuurira pakati pangu newe nepakati pevafudzi vangu nevafudzi vako, nokuti tiri hama.” Akaenderera mberi achiti: “Nyika yose haisi pamberi pako here? Ndapota, paradzana neni. Kana ukaenda kuruboshwe, ini ndichabva ndaenda kurudyi; asi kana ukaenda kurudyi, ini ndichabva ndaenda kuruboshwe.” Roti akasarudza nzvimbo yakanga yakaorera kupfuura dzimwe, asi Abrahamu haana kumugumbukira. (Gen. 13:8-11) Pakazotapwa Roti nemauto akauya nechisimba, Abrahamu haana kuzeza kunomununura.—Gen. 14:14-16.

11. Abrahamu akachengetedza sei rugare nevavakidzani vake vechiFiristiya?

11 Fungawo kuti Abrahamu aichengetedza sei rugare nevavakidzani vake vechiFiristiya munyika yeKenani. VaFiristiya vakanga ‘vatora nechisimba’ tsime rakanga racherwa nevashandi vaAbrahamu kuBheeri-shebha. Abrahamu akanga ambonunura Roti mumaoko emadzimambo mana akanga amutapa akaakurira, saka kurwisa vanhu ava kwaisambomunetsa. Asi panzvimbo pokuvarwisa uye kuvatorera tsime racho, Abrahamu akati kuzvipedza kunyarara. Nokufamba kwenguva, mambo wevaFiristiya akashanyira Abrahamu kuti aite sungano yorugare naye. Abrahamu akatozotaura nyaya yetsime rake raakanga atorerwa pashure pokunge mambo uyu aita kuti apike kuti aizomuitira mutsa iye nevana vake. Mambo uyu akatoshamiswa nenyaya yacho, akadzorera Abrahamu tsime rake. Abrahamu akaramba achigarisana zvakanaka nevamwe munzvimbo iyi ari mutorwa.—Gen. 21:22-31, 34.

12, 13. (a) Isaka akatevedzera baba vake sei? (b) Jehovha akakomborera sei Isaka nemhaka yokuti munhu aida zvorugare?

12 Mwanakomana waAbrahamu Isaka aitevedzerawo baba vake pakuva nerugare nevamwe. Izvi zvinooneka pane zvakaitwa naIsaka paaigara nevaFristiya. Nzara yakanga yava kwaaigara yakaita kuti Isaka atame achibva kuBheeri-rahai-roi yaiva muNegebhu makanga musina mvura achienda kuchamhembe munyika yevaFiristiya kuGerari. Ikoko Jehovha akakomborera Isaka negoho rakakura uye zvipfuwo zvakawanda. VaFiristiya vakatanga kuchiva zvinhu zvake. Vasingadi kuti abudirire sezvakanga zvaita baba vake, vaFiristiya vakafutsira matsime akanga acherwa nevashandi vaAbrahamu munzvimbo iyoyo. Mambo wevaFiristiya akazoudza Isaka kuti ‘abve munzvimbo yavo.’ Isaka somunhu aida zvorugare haana kuramba.—Gen. 24:62; 26:1, 12-17.

13 Isaka atamira kure, vafudzi vake vakachera rimwe tsime. Vafudzi vevaFiristiya vakati mvura yacho yaiva yavo. Sezvakaitwa nababa vake, Isaka haana kuda kurwira tsime. Pane kudaro akaitazve kuti vashandi vake vachere rimwe tsime. VaFiristiya vakatizve raive ravo. Nokusada kunetsana nevanhu, Isaka akatamirazve nemhuri yake yakakura kune imwe nzvimbo. Ava ikoko Isaka akachera tsime raakatumidza kuti Rehobhoti. Nokufamba kwemazuva, akazotamira kunzvimbo yakanga yakaorera yeBheeri-shebha, kwaakasvikokomborerwa naJehovha akaudzwa kuti: “Usatya, nokuti ndinewe, ndichakukomborera uye ndichaita kuti vana vako vave vazhinji nokuda kwomushumiri wangu Abrahamu.”—Gen. 26:17-25.

14. Isaka akaratidza sei kuti munhu aida zvorugare pakauya mambo wevaFiristiya kuzoita naye sungano yorugare?

14 Chokwadi Isaka aikwanisa kurwira matsime ake aakanga acheresa nevashandi vake. Izvozvo zvinooneka pakuti mambo wevaFiristiya nemakurukota ake vakazomushanyira kuBheeri-shebha vachida kuita sungano yorugare naye, vakati: “Chokwadi taona kuti Jehovha anewe.” Asi kunyange zvakadaro, kanopfuura kamwe chete Isaka akanga asarudza kuramba achitama pane kuti arwe. Apazve Isaka akaratidza kuti munhu aida zvorugare. Nyaya yacho inoti: “Akabva avaitira mutambo, vakadya, vakanwa. Mangwanani akatevera vakafumomuka vakapikirana. Isaka akazovarega vachienda . . . norugare.”—Gen. 26:26-31.

Kudzidza Kumwanakomana Aidiwa naJakobho Zvikuru

15. Chii chaitadzisa vakoma vaJosefa kutaura naye norugare?

15 Mwanakomana waIsaka, Jakobho, akakura ari munhu “asina chaanopomerwa.” (Gen. 25:27) Sezvakurukurwa mundima dzokutanga, Jakobho akatsvaka kuva norugare nomukoma wake Isau. Zviri pachena kuti Jakobho akanga adzidza kuna baba vake Isaka, kugarisana nevamwe zvakanaka. Ko vanakomana vake iye Jakobho wacho? Pavanakomana vake 12, Josefa ndiye waainyanya kuda. Josefa aiteerera uye airemekedza baba vake zvikuru achiita zvose zvavaida. (Gen. 37:2, 14) Zvisinei, vakoma vaJosefa vaimunzwira godo zvokuti vaisagona kutaura naye norugare. Vakamuitira utsinye vakamutengesa kuti ave muranda ndokunyepera baba vavo kuti akanga adyiwa nechikara, baba vacho vakabvuma.—Gen. 37:4, 28, 31-33.

16, 17. Josefa akaratidza sei kuti aiva munhu aida zvorugare nevakoma vake?

16 Jehovha aiva naJosefa. Nokufamba kwenguva Josefa akaitwa mutungamiri wehurumende yeIjipiti, ari wechipiri kuna Farao. Vakoma vaJosefa pavakauya kuIjipiti nemhaka yenzara, havana kutombomuziva akapfeka hembe dzake dzebasa dzokuIjipiti. (Gen. 42:5-7) Zvaiva nyore kuti Josefa atsive vakoma vake noutsinye hwavakanga vamuitira nehwavakanga vaitira baba vavo. Asi Josefa akaedza kuva norugare navo pane kutsiva. Pazvakava pachena kuti vakoma vake vakanga vapfidza, akaita kuti vamuzive, achiti: “Musarwadziwa uye musazvitsamwira nokuti makanditengesera kuno; nokuti Mwari akandituma mberi kwenyu kuti ndichengetedze upenyu.” Akabva atsvoda vakoma vake vose, akasvimhira misodzi pavari.—Gen. 45:1, 5, 15.

17 Pakafa baba vavo, Jakobho, vakoma vaJosefa vakafunga kuti angangovatsiva. Pavakamuudza kuti ndizvo zvavaitya, Josefa “akasvimha misodzi” akavapindura kuti: “Musatya. Ini ndicharamba ndichikupai zvokudya imi nevana venyu vaduku.” Somunhu aida zvorugare, Josefa “akavanyaradza akataura navo achivavimbisa.”—Gen. 50:15-21.

“Zvakanyorerwa Kuti Tirayiridzwe”

18, 19. (a) Wabatsirwa sei nokudzidza nezvemienzaniso yevanhu vaida zvorugare nevamwe munyaya ino? (b) Tichakurukurei munyaya inotevera?

18 Pauro akanyora kuti: “Zvinhu zvose zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti tirayiridzwe, kuti nokutsungirira kwedu uye nokunyaradza kunobva muMagwaro, tive netariro.” (VaR. 15:4) Tabatsirwa sei nokukurukura muenzaniso unopfuura yose waJehovha uye nhoroondo dzomuMagwaro dzaAbrahamu, Isaka, Jakobho, uye Josefa?

19 Handizvo here kuti kufungisisa zvakaitwa naJehovha kuti agadzirise ukama hwakanganisika pakati pake nevanhu vanotadza kunoita kuti tiite zvose zvatinogona kuti tive norugare nevamwe? Mienzaniso yaAbrahamu, Isaka, Jakobho, uye Josefa inoratidza kuti vabereki vanogona kuita kuti vana vagarisane zvakanaka nevamwe. Uyezve, nhoroondo idzi dzinoratidza kuti Jehovha anokomborera zvinoedza kuitwa nevaya vanovavarira kuva norugare. Ndosaka Pauro akati Jehovha ndiMwari “anopa rugare”! (Verenga VaRoma 15:33; 16:20.) Nyaya inotevera ichakurukura kuti sei Pauro akasimbisa nyaya yokuti tinofanira kutsvaka kuva norugare uye tingazviite sei.

Wadzidzei?

• Jakobho akaita sei asati asangana naIsau kuti ave norugare naye?

• Wanzwa sei pawadzidza zvakaitwa naJehovha kuti vanhu vave norugare naye?

• Wadzidzei pamienzaniso yevanhu vaida zvorugare nevamwe, Abrahamu, Isaka, Jakobho, naJosefa?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 23]

Inhanho ipi inokosha kupfuura dzose yakatorwa naJakobho pakuita kuti ave norugare naIsau?