Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nyika Yose Iri Kumbotongwa Naani Chaizvo?

Nyika Yose Iri Kumbotongwa Naani Chaizvo?

Nyika Yose Iri Kumbotongwa Naani Chaizvo?

UNGANGODARO usati wamboona vatungamiriri vezvikwata zvematsotsi. Asi zvinoreva here kuti hakuna vanhu vakadaro? Vakuru vakuru vematsotsi ishasha chaidzo pakuita kuti vanhu vasavaziva. Kune dzimwe nyika vanogona kutoronga utsotsi hwavo vari mumajeri. Mapepanhau anobudisa nyaya dzokurwiswa kwevanoita zvemadhiragi, dzenzvimbo dzinogara pfambi, uye dzokubiwa kwevanhu vachinoitwa varanda kune dzimwe nyika. Izvi zvinotiyeuchidza kuti vakuru vematsotsi vakadaro variko, uye kuti vane vavanoshanda navo zvichiva nemigumisiro yakaipa kwazvo. Kukanganisa kwavanoita magariro evanhu ndiko kunoita kuti tizive kuti vakuru ava vematsotsi variko.

Shoko raMwari Bhaibheri rinodzidzisa kuti Satani munhu chaiye anoita kuti zvaanoda zviitwe achishandisa “zviratidzo zvenhema . . . nokunyengera kwose kusina kururama,” sezvinongoitwawo nemutungamiriri wematsotsi. Bhaibheri rinototi “anoramba achizvichinja kuva ngirozi yechiedza.” (2 VaTesaronika 2:9, 10; 2 VaKorinde 11:14) Saka kuti tizive kuti Satani ariko tinotozviona nezvaanoita. Asi vakawanda vanoomerwa nokubvuma kuti pane munhu akaipa, asingaoneki. Tisati tanyatsoongorora zvinotaurwa neBhaibheri nezvaDhiyabhorosi, ngatimboonai zvimwe zvinovhiringidza vanhu uye pfungwa dzisina kururama dzinoita kuti vakawanda varambe kuti Dhiyabhorosi haasi munhu chaiye.

“Mwari ane rudo aizosika Dhiyabhorosi here?” Sezvo Bhaibheri richiti Mwari akanaka uye haana chivi, zvinoita sezvisina musoro kuti titi akasika munhu akaipa, ane utsinye. Chiripo ndechokuti Bhaibheri haritauri kuti Mwari akasika munhu akadaro. Asi rinototi: “Iye iDombo, basa rake rakakwana, nokuti nzira dzake dzose ndedzokururamisira. NdiMwari akatendeka, asina kusaruramisira; Iye akarurama uye akatendeseka.”—Dheuteronomio 32:4; Pisarema 5:4.

Imwe pfungwa yatinofanira kufunga nezvayo ndeyokuti munhu akasikwa naMwari asingatadzi aizogona here kuita zvinhu zvisina kururama? Mwari haana kumboda kusika vanhu vakaita sebhara rinongomirira kusundwa kuti rifambe, asi akaita kuti vave norusununguko rwokuzvisarudzira zvavanoda kuita. Saka ngirozi nevanhu vasina chivi vanogona kusarudza kuita zvakanaka kana zvakaipa. Kudai ngirozi nevanhu vakasikwa naMwari vasingakwanisi kuzvisarudzira chakanaka nechakaipa, zvaisazobudisa pachena kuti vanoteerera here kana kuti aiwa.

Zvaisazova nomusoro kuti Mwari ape vanhu rusununguko rwokusarudza mararamiro avanoda asi ovarambidza kuita zvakaipa kana zviri izvo zvavanenge vachida. Jesu akataura nezvokushandisa zvisina kunaka rusununguko rwokuzvisarudzira paakati nezvaDhiyabhorosi: “Haana kumira zvakasimba muchokwadi.” (Johani 8:44) Mashoko aya anonyatsoratidza kuti munhu akazova Dhiyabhorosi aimbova munhu asina chivi, uyo ‘akatombomira zvakasimba muchokwadi.’ * Jehovha Mwari akapa vanhu vake rusununguko rwokuzvisarudzira nokuti anovada uye anovimba navo.—Ona bhokisi rinoti  “Zvingaita Here Kuti Munhu Asina Chivi Agume Ava Nacho?” riri papeji 6.

“Dhiyabhorosi mushumiri waMwari” Vamwe vanoti zvinoita sokuti Bhaibheri rinopa pfungwa iyi mubhuku raJobho. Maererano nerimwe bhuku rinotaura nezveBhaibheri, mashoko okuti Dhiyabhorosi ‘aipota-pota nenyika’ anoreva zvaiitwa nevasori vekare vokuPezhiya, vaifamba kwakasiyana-siyana vozouya nezvavainge vasora kuna mambo wavo. (Jobho 1:7) Asi dai kuri kuti zvechokwadi Dhiyabhorosi aiva musori waMwari, angadai aifanira kutsanangurira Mwari kuti aibva kuno“pota-pota nenyika” here? Pane kupa pfungwa yokuti anoshanda pamwe naMwari, nhoroondo yaJobho inotodana Dhiyabhorosi nezita rokuti Satani, rinoreva kuti “Mupikisi,” zvichiratidza kuti zvechokwadi ndiye Muvengi mukuru waMwari. (Jobho 1:6) Saka iyi pfungwa yokuti Dhiyabhorosi mushumiri waMwari inobva kupi?

Kubva muzana remakore rokutanga C.E., mabhuku eApokirifa akadai serinonzi “Book of Jubilees” uye rechimwe chitendero chechiJudha rinonzi “Common Rule,” aitaura kuti Satani anokurukurirana naMwari obva aita zvaanenge audzwa. Mubhuku rake rinonzi Mephistopheles, muongorori wenyaya dzakaitika kare anonzi J. B. Russell, anotsanangura kuti Martin Luther uyo anova mumwe wevanhu vakaita kuti paumbwe dzimwe chechi kubva mune yeRoma, aiti Dhiyabhorosi mudziyo waMwari “wakaita sebadza raanoshandisa kusakura munda wake.” Russell anotiwo, pfungwa yacho iri pakuti “badza rinofarira kubvisa masora” asi rinoramba riri mumaoko aMwari ane simba richiita zvaanoda. Dzidziso yaLuther iyo yakazotsigirwawo nemuongorori wezvechitendero John Calvin, yakagumbura vatendi vakawanda. Ko Mwari ane rudo angafarira sei kuti zvinhu zvakaipa zviitike, ndoda kutozvikonzera? (Jakobho 1:13) Dzidziso yaLuther nezvimwe zvinhu zvinotyisa zvakaitika muzana remakore rechi20 zviri kuita kuti vakawanda vagume vati hakuna Mwari naSatani.

“Dhiyabhorosi mwoyo wako” Kufunga kuti Satani anongova hawo mafungiro akaipa ari mumwoyo memunhu kunoita kuti dzimwe ndima dzeBhaibheri dzisatombonzwisisika zvachose. Somuenzaniso, panyaya iri pana Jobho 2:3-6 Mwari aitaura nani? Zvinoita here kuti titi aitaura nemafungiro akaipa aiva mumwoyo maJobho, kana kuti zvichida akanga ari kutaura oga? Uyezve, zvinoita here kuti titi Mwari airumbidza unhu hwakanaka hwaJobho asi omuita kuti aedzwe nemafungiro akaipa aiva mumwoyo make? Kufunga zvakadaro nezvaMwari kwakafanana nokumuti munyengeri, kwete munhu watingati “maari hamuna chisina kururama.” (Pisarema 92:15) Kusiyana neizvi, Mwari akaramba ‘kutambanudza ruoko rwake’ kuti akuvadze Jobho. Zviri pachena kuti Dhiyabhorosi haasi mwoyo womunhu kana kuti mafungiro akaipa ari mumunhu uyewo hatingati unhu hwakaipa hwaMwari asi kuti munhu asiri wenyama uyo akazviita Muvengi waMwari.

Nyika Yose Iri Kumbotongwa Naani Chaizvo?

Mazuva ano, vakawanda vanofunga kuti kudavira kuti kuna Dhiyabhorosi mafungiro echinyakare. Asi hapana imwe tsanangudzo inogutsa yezvinokonzera uipi kunze kwokuti ndiDhiyabhorosi. Kutaura zvazviri, vanhu pavari kuedza kupa pfungwa yokuti hakuna Dhiyabhorosi zviri kuita kuti varambe kuti kuna Mwari uye vafunge kuti hakuna chinonzi tsika dzakanaka nedzakaipa.

Mumwe mudetembi womuzana remakore rechi19 anonzi Charles-Pierre Baudelaire akanyora kuti, “Hapana unyengeri hunopfuura huri kuitwa naDhiyabhorosi hwokuita kuti vanhu vafunge kuti haako.” Paanovanza zvaari oita kuti vanhu vasamuziva, anenge achitoita kuti vasavawo nechokwadi kana Mwari ariko. Kana kuri kuti Dhiyabhorosi haako, zvinorevaka kuti Mwari ndiye ari kukonzera zvakaipa zvose zviri kuitika? Handiti ndiwo chaiwo mafungiro ari kuda Satani kuti vanhu vave nawo?

Dhiyabhorosi haadi kuzivikanwa kuitira kuti vanhu vasaziva chinangwa chake, sezvinongoitwa nevatungamiriri vezvikwata zvematsotsi. Chinangwa chake chimbori chei? Bhaibheri rinopindura richiti: “Kune vasingatendi, vaya vakapofumadzwa pfungwa namwari wemamiriro ezvinhu epanguva ino, kuti varege kupenyerwa nokuvhenekera kwemashoko akanaka anokudzwa ane chokuita naKristu, uyo ari mufananidzo waMwari.”—2 VaKorinde 4:4.

Panosara mubvunzo mumwe chete unokosha. Mwari achaita sei neshasha iyi isingadi kuzivikanwa asi inokonzera zvakaipa zvose uye kutambura? Izvi tichazvikurukura munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Kuti unzwisise kuti sei Mwari asina kubva angogumisa kupanduka kwaDhiyabhorosi, ona chitsauko 11 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]

Dhiyabhorosi mushumiri waMwari here kana kuti anorwisana naMwari?

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 6]

 Zvingaita Here Kuti Munhu Asina Chivi Agume Ava Nacho?

Adhamu naEvha nengirozi vakasikwa naMwari vasina chivi, saka kuti varambe vakadaro vaitofanira kuramba vachimuteerera. Kunyange zvazvo Adhamu akasikwa asina chivi, ane zvaaisafanira kuita zvaakaudzwa noMusiki wake. Somuenzaniso, aisakwanisa kudya zvinhu zvine tsvina, mavhu kana kuti miti nokuti zvaizomukuvadza. Kudai akaenda pakakwirira obva asvetuka achibvapo, angadai akafa kana kuti kukuvara zvakaipisisa.

Saizvozvowo, hazvizombofi zvakaita kuti vanhu vasina chivi nengirozi varege kuteerera mitemo yaMwari, zvinhu zvongoramba zvichivafambira zvakanaka. Saka kana ngirozi uye vanhu vakashandisa zvisina kunaka rusununguko rwavo rwokuzvisarudzira, zviri nyore kuti vakanganise uye vaite chivi.—Genesisi 1:29; Mateu 4:4.