Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Zvirimwa Zvinomwe” Zvomunyika Yakanaka

“Zvirimwa Zvinomwe” Zvomunyika Yakanaka

“Zvirimwa Zvinomwe” Zvomunyika Yakanaka

MUBHAIBHERI, nyika yeIsraeri inonzi inyika yezvikomo nemipata, mapani nenzvimbo dzakakwirira, nzizi nezvitubu. Nyika iyi inoita zvirimwa zvakasiyana-siyana nokuti ine ivhu rakasiyana-siyana uye mamiriro okunze akasiyana. Kumaodzanyemba kwayo kune gwenga asi kuchamhembe kune makomo akazara nesinou. Mosesi paakaita kuti vaIsraeri vave nehavi yokuda kuziva nezve“nyika yakanaka” yakanga yakavamirira, akataura nezvayo achiti i“nyika yegorosi nebhari nemizambiringa nemaonde nemapomegraneti, nyika yemiorivhi yemafuta nouchi.” Apa akataura zvakananga nezvezvirimwa zvinomwe zvaiva munyika yacho.—Dheuteronomio 8:7, 8. Nanhasi vanhu vachiri kushandisa mashoko okuti “zvirimwa zvinomwe” pavanenge vachirondedzera zvinorimwa munyika yacho. Panguva dzakasiyana-siyana, zvirimwa izvi zvakaiswa pamari nezvitambi zvetsamba zvomunyika iyi, kuratidza kuti nyika yacho ine zvibereko zvakawanda. Zvinhu izvi zvairimwa sei munguva dzinotaurwa muBhaibheri? Mararamiro evanhu vacho aibatana sei nezvirimwa izvi? Ngationei.

“Gorosi Nebhari” Kunyange zvazvo gorosi nebhari zvaidyarwa mukutanga kwemwaka wechirimo, bhari ndiro raitanga kuibva, gorosi rozoibva papera mwedzi. Chisote chezvibereko zvokutanga pakukohwa bhari chaiendeswa kutemberi sechinopiwa kuna Jehovha paiitwa Mutambo Wezvingwa Zvisina Kuviriswa, muna March kana kuti April. Ukuwo, chinopiwa chezvingwa zvegorosi chaiendeswa paiitwa Mutambo Wemavhiki, kana kuti Pendekosti, muri muna May.—Revhitiko 23:10, 11, 15-17.

Kwemazana emakore, varimi vokuIsrael vaidyara mbeu dzakadai segorosi uye bhari nemaoko. Vaiisa mbeu yacho muhomwe yenguo yavo, voita zvokuikusha. Vakatozozvirega munguva pfupi yapfuura. Mbeu yebhari yaingokushwa muvhu yoregwa yakadaro. Asi yegorosi yaitozoda kufushirwa. Saka vaiifushira nokuita kuti itsikwe-tsikwe nemhuka dzavo kana kuti kurimazve munda wacho.

Bhaibheri rinowanzotaura nezvokudyara, kukohwa, kupura, kuurutsa uye kukuya zviyo. Zvose izvi raiva basa chairo. Zuva nezuva zviyo zvainge zvakohwewa zvaikuyiwa zvoshandiswa kubika chingwa chemhuri yose. Izvi zvinobva zvaita kuti murayiro waJesu wokuti tinyengeterere “chingwa chedu chezuva nezuva” uve nomusoro. (Mateu 6:11, King James Version) Chingwa chaibikwa negorosi kana kuti furawa yebhari ndiro raiva sadza revanhu vakararama panguva dzinotaurwa muBhaibheri.—Isaya 55:10.

“Mazambiringa, Maonde Nemapomegraneti” Pashure pokunge Mosesi atungamirira vaIsraeri murenje kwemakore 40, akavaudza nezvechimwe chinhu chakanaka chavaizowana, chokuti vaizodya michero yomuNyika Yakapikirwa. Makore 40 izvi zvisati zvaitika, vasori gumi vakadzoka nechii kuvaIsraeri vaiva vakadzika misasa murenje, kuratidza kuti Nyika Yakapikirwa yaiva nezvibereko? “Bazi raiva nesumbu remazambiringa” rairema zvokuti raitofanira kutakurwa ‘nevarume vaviri nedanda.’ Vakauyawo nemaonde nemapomegraneti. Michero iyi yakavanyautsa mukanwa sezvo vakanga vari murenje. Asi iyi yaingova nzwisa chete!—Numeri 13:20, 23.

Minda yemizambiringa yaida kugara ichitarisirwa, kubviswa mapazi, kudiridzwa uye kukohwewa, kuitira kuti irambe ichibereka zvakawanda. Kuti munda wemizambiringa waiva mujinga megomo uzonzi uri kunyatsotarisirwa, waifanira kunge une ruzhowa, makandiwa akanyatsovakirirwa, uye dumba romurindi. VaIsraeri vakanga vava kunyatsoziva zvaifanira kuitwa mumunda wemuzambiringa uye vainzwisisa zvaizoitika kana vakasazviita.—Isaya 5:1-7.

Paikohwewa mazambiringa, vaibva vatanga kugadzira waini. Masumbu emazambiringa aitsikwa-tsikwa kana kuti kusvinirwa muchisviniro chewaini. Muto wacho waizofashaidzwa kuitira kuti uzonzwika kutapira kana kuti wairegwa uchivira kuitira kuti uzova waini. Nyika yeIsraeri yaiva nezvinhu zvaiita kuti kurima mazambiringa nokugadzira waini zvibudirire. *

Vanhu vanogara kure nokunorimwa maonde vangadaro vakangoona anenge aomeswa uye asvinwa chete. Asi onde rinenge ratemwa mumuti rakasiyana chaizvo nerakaomeswa, romumuti rinotapira uye rinenge riine muto. Sezvo nguva yokukohwa maonde iri pfupi, kuti agare kwenguva yakareba anofanira kuomeswa nezuva ochengetedzwa. “Makeke emazambiringa akaomeswa” anotaurwa kakawanda muBhaibheri.—1 Samueri 25:18.

Kana ukaputsa muchero unonzi pomegraneti unoona uine tumhodzi twakawanda, uye unogona kubva watoudya kana kuita zvokusvina muto wacho. Muchero uyu unonaka, wakanakira utano, uye unovaka muviri. Kuratidza kuti vanhu vaikoshesa muchero uyu, pamupendero wenguo dzomupristi mukuru uyewo pambiru dzetemberi yaSoromoni paimbova nemifananidzo yawo.—Eksodho 39:24; 1 Madzimambo 7:20.

“Maorivhi Nouchi” Bhaibheri rinotaura nezvemaorivhi kanoda kusvika ka60. Maorivhi aidyiwa chaizvo uye aigadziriswa mafuta. Miti yacho ichiriko kunzvimbo dzakawanda dzeIsrael. (Dheuteronomio 28:40) Nanhasi munzvimbo dzakawanda muna October maorivhi anokohwewa nemhuri yose. Vakohwi vanozunza mapazi emiti kuti maorivhi adonhere pasi vozonhonga. Maorivhi anochengetwa odyiwa nemhuri yacho kwegore rose kana kuti anosvinwa kuti aite mafuta. Mazana epaisvinirwa maorivhi pakasiyana-siyana akawanikwa nevanoita zvokuchera matongo. Nhasi zvinonakidza kuona mafuta akaita girini yakacheneruka achiiswa mumidziyo kuitira kuti mhuri iwane okushandisa gore negore kana kuti okutengesa. Mafuta emaorivhi haangoshandiswi pakubika chete, asiwo anoshandiswa kuzora nokuisa mumarambi.

Uchi hwakataurwa naMosesi hungadaro huri uchi hwaigadzirwa nenyuchi kana kuti muto unotapira waisvinwa pamichero yemichindwe nemazambiringa. Uchi hunobva pamichero iyi huchiri kushandiswa sezvatinoita shuga. Asi zviri pachena kuti uchi hunotaurwa munhoroondo dziri muBhaibheri dzaSamsoni naJonatani ndehwomusango hwepamazinga. (Vatongi 14:8, 9; 1 Samueri 14:27) Munguva pfupi yapfuura pane nzvimbo yakawanikwa iine mikoko yenyuchi inopfuura 30 kuTel Rehov iri kuchamhembe kweIsrael. Zvakawanikwa izvi zvinoratidza kuti kubvira mumazuva aSoromoni, nyuchi dzaichengetwa chaizvo munyika yacho.

Nhasi munhu wose anopfuura nomumisika yeIsrael achawana “zvirimwa zvinomwe” zvakazaramo, pamwe chete nemabheka avo uye misika yemichero neyemiriwo. Zvinomwe zvatataura izvi zvinongova zvinhu zvishomanene pane zvokudya zvakawanda zvinowanikwa munyika iyi. Marimiro ava kuita vanhu mazuva ano ava kuita kuti vakwanisewo kurima zvinhu zvaingorimwa kune dzimwe nyika. Zvose izvi zvinoratidza kuti kanyika aka zvechokwadi kanoenderana nemashoko okuti “nyika yakanaka.”—Numeri 14:7.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Mazambiringa aiomeswawo ozodyiwa aoma.—2 Samueri 6:19.

[Mufananidzo uri papeji 11]

Gorosi

[Mufananidzo uri papeji 11]

Bhari

[Mufananidzo uri papeji 12]

Mazambiringa

[Mufananidzo uri papeji 12, 13]

Maonde

[Mufananidzo uri papeji 12]

Mapomegraneti

[Mufananidzo uri papeji 13]

Maorivhi

[Mufananidzo uri papeji 13]

Uchi