Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mugomo reMoto Rinogara Richingoputika

Mugomo reMoto Rinogara Richingoputika

Tsamba Inobva kuCongo (Kinshasa)

Mugomo reMoto Rinogara Richingoputika

MUGUTA rinonzi Goma, zuva parinobuda denga rinenge rakatsvukuruka. Zuva roga roga tinoyevedzwa negomo rinonzi Nyiragongo rinova rimwe remakomo anongogara achiputika pasi pose. Gomo iri rinongogara richipwititika utsi. Kana hwava usiku, utsi uhwu hunenge hwati piriviri zvichiratidza kuti mukati megomo iri mune marasha anopisa.

MuchiSwahili gomo iri vanoriti Mulima ya Moto, zvichireva kuti Gomo reMoto. Nyiragongo rakapedzisira kuputika zvakaipisisa muna 2002. Vazhinji vevavakidzani vedu neshamwari vakarasikirwa nezvinhu zvavo zvose. Ini nomurume wangu patinenge tichienda kunoparidzira kune dzimwe nzvimbo dziri munharaunda yedu, tinofamba nepane matombo-matombo akabva pakaputika gomo. Asi vanhu vacho vakasiyana chaizvo nenzvimbo iyi yakaomarara. Vanofara chaizvo uye vane mwoyo munyoro unogamuchira mashoko akanaka atinoparidza. Izvi zvinoita kuti tinakidzwe chaizvo tokanganwa kuti gomo iri ringangoputika panguva chero ipi zvayo.

Mangwanani omumwe Mugovera ndakamuka ndichinzwa manyukunyuku. Musi uyu, ini nomurume wangu pamwe chete nemamwe mamishinari neshamwari dzedu dzakanga dzatishanyira, taizonoswera tichiparidza kune mumwe musasa wevapoteri uri kuMugunga nechokunze kweguta, kumadokero. Vanhu variko vakawanda vakatiza kurwisana kwaiitika kumamisha kwavo.

Takaisa mabhuku edu eBhaibheri emutauro weFrench, Kiswahili, uye Kinyarwanda mumotokari, tikabva taparura rwendo rwedu. Taishandisa mugwagwa wakaipa chaizvo unonzi Sake uye patakaona vanhu vawanda takabva taziva kuti tava kupinda muguta. Vakomana vakanga vava kutosunda zvingoro zvavo zvemapuranga zvavanoshandisa kutakura zvinhu. Vakadzi vainge vakamonera mazambiya ane mavara akajeka vaifamba mumativi omugwagwa vakasenga mitundu yakakura. Motokari dzinotakura vanhu dzakanga dziri kungoita besanwa dzichivaendesa kumabasa uye kumusika. Munzvimbo iyi makazara dzimba dzematanda dzakati imwe pano imwe apo dzine ruvara rwakada kuita rutema uye dzakapendwa mutsetse webhuruu.

Takasvika paImba yeUmambo yokuNdosho kuti tinosangana nezvimwe Zvapupu zvaJehovha zvataizobatana nazvo pakuparidzira mumusasa uyu. Ndakabayiwa mwoyo kuona vechiduku, chirikadzi, nherera uye vanorwara nevakaremera varipowo. Vakawanda vavo vakafurufushwa nenhamo asi kusarudza kwavakaita kurarama vachitevedzera zvinotaurwa neBhaibheri kwakavandudza upenyu hwavo. Vanotenda chaizvo zvinovimbiswa neBhaibheri uye vanoda kuzviudzawo vamwe. Taita musangano mupfupi waitibatsira nemazano emagwaro eBhaibheri angakurudzira vanhu vataizosangana navo, tose tiri 130 takabva tapinda mumakombi mashanu nemotokari hombe imwe chete.

Zvakatitorera maminitsi 30 kuti tisvike kumusasa wacho. Kwaiva netumatende tuchena twakadzikwa panzvimbo ine matombo-matombo akakonzerwa nokuputika kwegomo. Nechepakati pemusasa wacho pane zvimbudzi zvakanyatsovakwa zvakanaka zvinoshandiswa nevanhu vose uye nzvimbo dzokuwachira. Vanhu vakanga vakazara pose pose, vamwe vachiwacha, kubika, kumenya bhinzi uye kutsvaira pamatende avo.

Takasangana nemumwe murume wechikuru anonzi vaJacques uyo aitarisira chimwe chikamu chemusasa wacho. Murume uyu ainetseka chaizvo kuti angarera sei vana vake zvakanaka munguva dzino dzakaoma. Akafara chaizvo patakamupa bhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, akati aizoriverenga ounganidza vanhu vashoma vashoma kuti avaudze zvaanenge averenga.

Tichangoti fambei, takasangana nemumwe mukadzi wechikuru anonzi Beatrice. Akatibvunza chinoita kuti Mwari atirege tichitambura. Aifunga kuti Mwari akanga achimuranga. Murume wake akaurawa muhondo, mwanasikana wake ane mwana asi haana murume uye ari kutamburira kutarisira mwana wake. Mwanakomana wake akapambwa uye akanga ava nemwedzi yakati wandei asingatombozivikanwi kuti aripi.

Zvinhu zvinosiririsa zvatakaudzwa nomudzimai uyu zvakandiyeuchidza kurwadziwa kunofanira kunge kwakaita Jobho paakawirwa nematambudziko ake ose. Takamuratidza zvinoita kuti titambure tikamubatsira kuti ave nechokwadi chokuti kutambura kwake kwakanga kusiri kuti Mwari aimuranga. (Jobho 34:10-12; Jakobho 1:14, 15) Takamuudzawo nezvezvichaitwa naMwari achishandisa Umambo hwake munguva pfupi iri kuuya kuti kutambura kupere. Mudzimai uyu akatanga kunyemwerera achibva avimbisa kuti aizoramba achidzidza Bhaibheri uye kunyengetera kuna Mwari kuti amubatsire.

Tose zvedu takanakidzwa nokuparidzira musi uyu uye takaona kuti Jehovha akanga atibatsira kuti tikurudzire vanhu vatakasangana navo uye tivabatsire kuva netariro. Patakanga tava kuenda, vanhu vepamusasa uyu vakatisimudzira maoko vakabata magazini nemabhuku avo.

Pataidzokera kumba ndaifungisisa zvakanga zvaswera zvichiitika. Ndakaonga chaizvo zvakaitika musi uyu. Ndakatanga kufunga kubayiwa mwoyo kwakaitwa vaJacques, kunyevenutswa kwakaita mudzimai uya Beatrice, uye kukwaziswa zvine ushamwari kwatakaitwa neimwe chembere iyo yaingonyemwerera. Ndakatanga kufungawo nezvevana vachiri kuyaruka avo vakanga vatibvunza mibvunzo ine musoro zvokuti waitofunga kuti vava vanhu vakuru. Ndakayemura vanhu vandakaona avo vaizvifarira zvavo pasinei nematambudziko asingaiti avaitarisana nawo.

Munyika ino yeCongo tinoona vanhu vakawanda vanoedza nemwoyo wose kubatsira vanhu vari kutambura. Mazuva ano tine ropafadzo huru yokushandisa Bhaibheri kuratidza vanhu kugadziriswa kuchaitwa matambudziko avo. Zvinondifadza chaizvo kuva mumwe wevanhu vanoita basa rinopfuura mamwe ose rokuyamura vanhu pane zvokunamata.