Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Munhu Anodiwa Nomwoyo waJehovha

Munhu Anodiwa Nomwoyo waJehovha

Munhu Anodiwa Nomwoyo waJehovha

UNOFUNGEI paunonzwa nezvomurume womuBhaibheri anonzi Dhavhidhi? Kukunda kwaakaita Goriyati, hofori yokuFiristiya here? Kutiza kwaaiita Mambo Sauro uyo aimuitira utsinye chaizvo here? Chivi chaakaita naBhatishebha uye matambudziko achakazomuunzira here? Kana kuti zvichida nhetembo dzake dzakafuridzirwa dziri mubhuku reBhaibheri reMapisarema?

Dhavhidhi aiitira Mwari basa rinokosha, aimbokunda muhondo uye pamwe aiwirwa nenjodzi. Zvisinei, pfungwa inonyanya kutibaya mwoyo nezvake ndeiya yakanyorwa nomuprofita Samueri yokuti Dhavhidhi aizoratidza kuva “munhu anodiwa nomwoyo wa[Jehovha].”—1 Samueri 13:14.

Uprofita hwaSamueri hwakazadzika Dhavhidhi paaiva achiri kuyaruka. Iwe haungadiwo here kuti vamwe vati uri munhu anodiwa nomwoyo waJehovha? Saka chii chaungadzidza paupenyu hwaDhavhidhi, kunyanya paaiva muduku, chingakubatsira kuti uve munhu akadaro? Rega tione.

Mhuri uye Basa

Baba vaDhavhidhi, Jese, avo vaiva muzukuru waRute naBhoazi, vanofanira kunge vaiva munhu aida zvokunamata. Jese akadzidzisa Dhavhidhi nevakoma vake vanomwe nehanzvadzi dzake mbiri Mutemo waMosesi vachiri vaduku. Mune rimwe remapisarema ake, Dhavhidhi akati aiva mwanakomana “womurandasikana” waJehovha. (Pisarema 86:16) Izvozvo zvinoita kuti vamwe vagume vati amai vaDhavhidhi, avo vasingataurwi nezita muBhaibheri, vakamubatsirawo kuti ade zvokunamata. Imwe nyanzvi yeBhaibheri yakati Dhavhidhi “anofanira kunge akatanga kunzwa nezvezvishamiso zvakaitirwa vanhu naMwari kubva kuna amai vake,” kusanganisira nhoroondo youpenyu hwaBhoazi naRute.

Patinotanga kunzwa nezvaDhavhidhi, anenge achiri mukomana muduku anoita basa rokufudza makwai ababa vake. Basa iri rinofanira kunge raiita kuti Dhavhidhi apedze nguva yakawanda usiku nemasikati ari oga kumafuro. Ita souri kuona mamiriro aiva akaita zvinhu panguva iyi.

Mhuri yanaDhavhidhi yaigara muBhetrehema, taundi duku raiva nechepamusoro pemakomo aiva munyika yeJudha. Minda yaiva nematombo-matombo yokuBhetrehema yaiita goho rakanaka. Mumakomo nomumipata maiva nemiti yemiorivhi, mizambiringa nemimwewo miti yemichero. Kunenge kuti munguva yakararama Dhavhidhi, nzvimbo dzakakwirira dzakanga dzisingarimwi ndidzo dzaishandiswa semafuro. Renje raJudha raiva chinhanho kubva kuBhetrehema.

Basa raDhavhidhi rokufudza raiva nengozi. Mumakomo aya ndimo maakarwisa shumba nebheya izvo zvaida kudya makwai aaifudza. * Mukomana uyu aiva neushingi akadzingirira zvikara izvi akazviuraya, achibva anunura makwai ake pamiromo yazvo. (1 Samueri 17:34-36) Dhavhidhi anofanira kunge akadzidzira unyanzvi hwokushandisa chipfuramabwe panguva iyi. Guta revaBhenjamini rakanga riri pedyo chaizvo nekwaigara Dhavhidhi. Murudzi urwu, shasha dzokushandisa chipfuramabwe dzaigona kupotsera matombo nacho ‘zvokugona kurova rubvudzi uye vaisapotsa.’ Dhavhidhi aivawo shasha.—Vatongi 20:14-16; 1 Samueri 17:49.

Haana Kutambisa Nguva

Kazhinji basa rokufudza makwai raiita kuti uve kwako woga wakangoti mwii. Asi Dhavhidhi haana kurega izvozvo zvichimuodza mwoyo. Pane kudaro, akatoshandisa nguva dzaainge ari oga idzi somukana wokuti afungisise. Saka zvinoita sokuti dzimwe pfungwa dzakanyorwa naDhavhidhi mumapisarema ake akadzifunga achiri muduku. Kuti panguva iyi ndipo here paangava akafunga nezveuduku hwomunhu kana achienzaniswa nezvinhu zvinoshamisa zviri kumatenga zvakadai sezuva, mwedzi, nenyeredzi, izvo zvinova “mabasa eminwe” yaJehovha? Ko paakafunga nezvenyika inobereka zvibereko, makwai nembudzi nenzombe, shiri uyewo “mhuka dzomusango,” angadaro aiva kumafuro okuBhetrehema here?—Pisarema 8:3-9; 19:1-6.

Hapana mubvunzo kuti zvaiitika kuna Dhavhidhi somufudzi zvakaita kuti aone kuti Jehovha ane hanya chaizvo nevashumiri vake vakatendeka. Ndokusaka akazoimba kuti: “Jehovha ndiye Mufudzi wangu. Hapana chandingashayiwa. Anondirarisa mumafuro ane uswa huzhinji; anonditungamirira kunzvimbo dzokuzororera dzine mvura zhinji. Kunyange ndikafamba mumupata wezarima, handityi zvakaipa, nokuti imi muneni; tsvimbo yenyu nomudonzvo wenyu ndizvo zvinhu zvinondinyaradza.”—Pisarema 23:1, 2, 4.

Asi unganetseka kuti nyaya iyi yaDhavhidhi inei newe. Mhinduro yacho ndeyokuti, chimwe chakaita kuti Dhavhidhi ave noukama hwepedyo naJehovha uye azonzi “munhu anodiwa nomwoyo wake” ndechokuti akanga afungisisa zvakadzama nezvemabasa aJehovha uye ukama hwake naye. Ndizvo zvaunoitawo here?

Mushure mokunyatsoongorora chimwe chinhu chakasikwa naMwari, wati wambonzwa uchida kumurumbidza uye kumukudza here? Paunoona unhu hwaJehovha hwakanaka hwaanoratidza pane zvaanoitira vanhu, zvinoita kuti mwoyo wako umude here? Kuti ukwanise kuonga Jehovha pazvinhu zvakadaro, unofanira kuwana nguva yokunyengetera uchinyatsofungisisa zvinotaurwa neShoko raMwari uye zvaakasika pasina chinokuvhiringidza. Kufungisisa kwakadaro kungakubatsira kuti usvike pakunyatsoziva Jehovha uye kuti umude. Tose vaduku nevakuru tinogona kuva neropafadzo yokufungisisa. Dhavhidhi anofanira kunge akatanga kuva noukama hwepedyo zvikuru naJehovha kubvira achiri kuyaruka. Tinozviziva sei?

Dhavhidhi Anozodzwa

Mambo Sauro paakaratidza kuti haana kukodzera kutungamirira vanhu vaMwari, Jehovha akati kumuprofita Samueri: “Uchachema Sauro kusvikira rini, ini ndamuramba kuti arege kuva mambo waIsraeri? Zadza nyanga yako nemafuta uende. Ndichakutuma kuna Jese muBhetrehema, nokuti ndagadza mambo pakati pevanakomana vake.”—1 Samueri 16:1.

Muprofita waMwari paakasvika kuBhetrehema, akaita kuti Jese ashevedze vanakomana vake. Ndoupi aizozodzwa naSamueri kuti ave mambo? Samueri paakaona Eriyabhi uyo aiva nechiso chakanaka kwazvo ariye mukuru pane vose, akafunga kuti: ‘Ndiye uyu.’ Asi Jehovha akaudza Samueri kuti: “Usatarira chitarisiko chake nourefu hwake, nokuti ndamuramba. Nokuti maonero anoita munhu haasiwo maonero anoita Mwari, nokuti munhuwo zvake anoona zvinooneka nemaziso; asi Jehovha, anoona zvakaita mwoyo.” Jehovha akarambawo Abhinadhabhi, Shamaa, nevamwe vakomana vana. Nhoroondo yacho inoenderera ichiti: “Samueri akazoti kuna Jese: ‘Ava ndivo vakomana vacho vose here?’ Iye akati: ‘Kusvikira zvino gotwe rasiyiwa, tarirai! riri kufudza makwai.’”—1 Samueri 16:7, 11.

Zvinoita sokuti mapinduriro aJese aireva kuti: ‘Hamungambovi muri kutsvaka Dhavhidhi.’ Dhavhidhi zvaaiva gotwe uye asingambofungirwi pazvinhu zvakaita seizvi, akanga apiwa basa rokufudza makwai. Asi ndiye akanga asarudzwa naMwari. Jehovha anoona zvakaita mwoyo, uye zviri pachena kuti ane chinhu chakanaka kwazvo chaakaona pamukomana uyu. Saka Jese paakatumira shoko kuti Dhavhidhi anodaidzwa, Jehovha akati kuna Samueri: “‘Simuka umuzodze, nokuti uyu ndiye!’ Naizvozvo Samueri akatora nyanga yemafuta, akamuzodza ari pakati pevakoma vake. Mudzimu waJehovha wakatanga kushanda pana Dhavhidhi kubvira pazuva iroro zvichienda mberi.”—1 Samueri 16:12, 13.

Bhaibheri haritauri haro kuti panguva iyi Dhavhidhi aiva nemakore mangani. Asi kwapera nguva yakati, vakoma vake vatatu vanoti, Eriyabhi, Abhinadhabhi naShamaa vakanga vava muuto raSauro. Zvingangodaro kuti vamwe vakomana vashanu vakanga vachiri vaduku chaizvo zvokuti havana kubvumidzwa kuendawo. Zvinoratidza sokuti vose vari vashanu vakanga vasati vasvitsa makore 20 aidiwa kuti vakwanise kupinda muuto rechiIsraeri. (Numeri 1:3; 1 Samueri 17:13) Chero zvazviri, Dhavhidhi aiva muduku chaizvo paakasarudzwa naJehovha. Kunyange zvazvo aiva muduku saizvozvo, aida chaizvo zvinhu zvokunamata. Kufungisisa kwaaiita zvaaiziva pamusoro paJehovha kunofanira kunge kwakaita kuti ave noukama hwepedyo naye.

Mazuva ano vechiduku vanofanira kukurudzirwawo kuita saizvozvo. Saka vabereki muri kukurudzira vana venyu kuti vafungisise zvinhu zvokunamata, kuti vadzidze pazvinhu zvakasikwa naMwari uye kuti vadzidze zvinotaurwa neBhaibheri pamusoro poMusiki here? (Dheuteronomio 6:4-9) Ko imi vechiduku muri kuzviitawo muri moga here? Mabhuku eBhaibheri akaita semagazini eNharireyomurindi neMukai!, * anonyorerwa kukubatsirai.

Unyanzvi Hwokuridza Rudimbwa

Nziyo dzaDhavhidhi dzinotiudza nezvake, sezvinongoitawo mashoko emapisarema ake akawanda anotiudza nezveupenyu hwake achiri mufudzi. Ndizvo hazvo kuti pamimhanzi yaiimbwa naDhavhidhi, hapana ichiripo. Asi chatinoziva ndechokuti munyori wayo aiva shasha chaiyo yokuimba. Chakatoita kuti Dhavhidhi adaidzwe kubva kumafuro kuti azonyaradza Mambo Sauro ndechokuti aiva shasha yokuridza rudimbwa.—1 Samueri 16:18-23. *

Dhavhidhi akadzidza unyanzvi uhwu kupi uye riini? Anofanira kunge akahudzidzira paaiva kumafuro achifudza makwai. Kutaura chokwadi, hatifaniri hedu kuomerwa nokubvuma kuti Dhavhidhi akatanga kuimba nziyo dzokurumbidza Mwari wake nomwoyo wose achiri muduku chaizvo. Handiti Jehovha akatomusarudza uye akamugadza nemhaka yokuzvipira kwake uye kufarira kwaaiita zvokunamata?

Munyaya ino tanyanya kutaura nezveupenyu hwaDhavhidhi achiri muduku. Asi mafungiro aaiva nawo kwoupenyu hwake hwose anoonekwa mumashoko aakataura ezvinhu zvaanofanira kunge aifunga achiri muduku ari kumafuro ekuBhetrehema. Fungidzira Dhavhidhi achiimbira Jehovha achiti: “Ndakayeuka mazuva ekare kare; ndakafungisisa mabasa enyu ose; ndakaramba ndichifunga nezvebasa remaoko enyu ndiine chido.” (Pisarema 143:5) Mashoko anobaya mwoyo episarema iri nemamwewo akanyorwa naDhavhidhi anokurudzira munhu wose anotsvaka kudiwa nomwoyo waJehovha.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 9 Bheya rokuSyria rine ruvara rwakasvibirira rakamboonekwa munyika yePalestine rairema makirogiramu anenge 140 uye raigona kuuraya munhu kana mhuka nemazinzara aro akakura. Shumba dzakanga dzakambowanda zvikuru munzvimbo iyi. Isaya 31:4 inoti kunyange “vafudzi vazhinji kwazvo” havaizokwanisa kutorera “mwana weshumba ava nezenze,” mhuka yaainge abata.

^ ndima 20 Akabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 22 Mumwe chipangamazano wamambo uyo akarumbidza Dhavhidhi kuna mambo akamuti munhu “aitaura nounyanzvi, murume akanyatsoumbwa, uye Jehovha aiva anaye.”—1 Samueri 16:18.