Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Uri Kuita Kuti Jehovha Ave Mugove Wako Here?

Uri Kuita Kuti Jehovha Ave Mugove Wako Here?

Uri Kuita Kuti Jehovha Ave Mugove Wako Here?

“Rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake, uye izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.”—MAT. 6:33.

1, 2. (a) “Israeri waMwari” anotaurwa pana VaGaratiya 6:16 anomiririra ani? (b) “Madzinza ane gumi nemaviri aIsraeri” anotaurwa pana Mateu 19:28 anomiririra vanaani?

UNOFUNGEI paunoverenga zita rokuti Israeri muBhaibheri? Unofunga nezvaJakobho mwanakomana waIsaka here, akazochinjwa zita akanzi Israeri? Kana kuti unofunga nezvevazukuru vake, rudzi rwaIsraeri here? Haufungiwo nezvaIsraeri womudzimu here? Kazhinji panotaurwa nezvaIsraeri nenzira yokufananidzira panenge pachirehwa “Israeri waMwari,” vane 144 000, avo vanozodzwa nemudzimu mutsvene kuti vanova madzimambo uye vapristi kudenga. (VaG. 6:16; Zvak. 7:4; 21:12) Asi chimbofunga nezvekumwe kushandiswa kunoitwa mashoko okuti madzinza 12 aIsraeri pana Mateu 19:28.

2 Jesu akati: “Pakusikwazve, Mwanakomana womunhu paanogara pachigaro chake choumambo chinobwinya, imi makanditevera muchagarawo pazvigaro zvoumambo zvine gumi nezviviri, muchitonga madzinza ane gumi nemaviri aIsraeri.” Mundima iyi, “madzinza ane gumi nemaviri aIsraeri” anoreva vaya vachatongwa nevadzidzi vaJesu vakazodzwa, vachazowana upenyu husingaperi muParadhiso pasi pano. Vachawana zvikomborero zvinobva pamabasa evapristi 144 000.

3, 4. Vakazodzwa vakatendeka vakaratidza muenzaniso upi wakanaka?

3 Mazuva ano vakazodzwa vanoona basa ravo seropafadzo sezvaiitwa nevapristi nevaRevhi vekare. (Num. 18:20) Vakazodzwa havatarisiri kupiwa nzvimbo panyika kuti ive nhaka yavo. Asi vanotarisira kuzova madzimambo nevapristi kudenga pamwe naJesu Kristu. Vacharamba vachishumira Jehovha pabasa ravo, sezvinoratidzwa nezvatinoverenga pana Zvakazarurwa 4:10, 11 nezvevakazodzwa vari munzvimbo yavo kudenga.—Ezek. 44:28.

4 Vakazodzwa pavanenge vachiri panyika, vanorarama nenzira inoratidza kuti Jehovha ndiye mugove wavo. Vanokoshesa ropafadzo yavo yokushumira Mwari kupfuura zvimwe zvose. Vanotenda muchibayiro chaKristu chorudzikinuro uye vanoramba vachimutevera, vachiita ‘kuti kudanwa kwavo nokusarudzwa kuve kwechokwadi.’ (2 Pet. 1:10) Mamiriro avo ezvinhu uye zvavanokwanisa zvinosiyana-siyana. Asi havaedzi kungoita zvishoma pabasa raMwari vachiti nokuti vane zvavasingakwanisi. Pane kudaro, vanokoshesa basa raMwari kwazvo, vachiita zvose zvavanogona. Uye vanoratidza muenzaniso wakanaka kune vane tariro yokurarama muparadhiso pasi pano.

5. VaKristu vose vangaita sei kuti Jehovha ave mugove wavo, uye nei izvi zvingava zvakaoma?

5 Pasinei nokuti tine tariro yokudenga kana kuti yepasi pano, tinofanira ‘kuzviramba, totora danda redu rokutambudzikira, toramba tichitevera Kristu.’ (Mat. 16:24) Mamiriyoni evanhu ane tariro yokurarama muParadhiso pasi pano ari kunamata Mwari uye ari kutevera Kristu saizvozvo. Havangogutsikani nokuita zvishoma chete ivo vachiona kuti vanokwanisa kuita zvakawanda. Vakawanda vakatoita kuti upenyu hwavo husave netwakawandawanda vakava mapiyona. Vamwe vanova nemimwe mwedzi yavanopayona pagore. Vamwewo, kunyange zvazvo vasingakwanisi kupayona, vanoshingaira muushumiri. Ivavo vakaita saMariya akadira mafuta anonhuwirira pana Jesu. Jesu akati: “Andiitira basa rakanaka. . . . Aita zvaaigona.” (Mako 14:6-8) Kuita zvose zvatinogona kungasava nyore, nokuti tiri kurarama munyika inotongwa naSatani. Asi tinoshanda nesimba tichivimba naJehovha. Chimbofunga kuti tinozviita sei pazvinhu zvina zvatichakurukura.

Kutanga Kutsvaka Umambo hwaMwari

6. (a) Vanhu vakawanda vanoratidza sei kuti mugove wavo ndewemuupenyu huno chete? (b) Nei zviri nani kuva nemaonero aiva naDhavhidhi?

6 Jesu akadzidzisa vateveri vake kuti vatange kutsvaka Umambo nokururama kwaMwari. Vanhu venyika vanowanzotanga kutsvaka zvakavanakira sevanhu “vari mumamiriro ezvinhu epanguva ino, vane mugove muupenyu huno.” (Verenga Pisarema 17:1, 13-15.) Vakawanda vanoratidza kuti havana basa noMusiki wavo nokungoti sika-sika noupenyu hwomutambarakede, kuva nemhuri, uye kuzoisiyira nhaka. Mugove wavo ndewemuupenyu huno chete. Dhavhidhi akanga akasiyana navo, pakuti aifarira kuva ne“zita rakanaka” naJehovha, sezvakazokurudzirwa vanhu vose kuti vaite nomwanakomana wake. (Mup. 7:1) Kufanana naAsafi, Dhavhidhi aiziva kuti kuva Shamwari yaJehovha kwaikosha kupfuura zvimwe zvinhu zvose muupenyu. Akafadzwa nokufamba naMwari. Mazuva ano, vaKristu vakawanda vakaratidza kuti kunamata kunokosha kupfuura basa ravo rokunyika.

7. Imwe hama yakakomborerwa sei nokutanga kutsvaka Umambo?

7 Funga nezvaJean-Claude wokuCentral African Republic. Iye mukuru weungano ane mhuri ine vana vatatu. Munyika iyoyo, kuwana basa kwakaoma, uye vakawanda vanoita chero chavanokwanisa kuti varambe vari pabasa. Rimwe zuva Jean-Claude akaudzwa namaneja wake kuti atange kushanda usiku, achitanga basa na6:30 manheru, mazuva ose pavhiki. Jean-Claude akatsanangura kuti aifanira kuriritira mhuri yake uye kuitarisirawo pane zvekunamata. Akataurawo kuti aiva nebasa rokubatsira ungano. Maneja wacho akatii? “Kana uchitombori nebasa zvako, unofanira kukanganwa zvimwe zvose, kusanganisira mudzimai wako, vana vako, uye matambudziko ako. Unofanira kungoraramira basa rako chete. Sarudza chaunoda: chechi yako kana basa rako.” Uriwe waizoita sei? Jean-Claude aiziva kuti kana akarasikirwa nebasa, Mwari aizomutarisira. Aizova nezvakawanda zvokuita mubasa raMwari, uye Jehovha aizomubatsira kuti mhuri yake iwane zvokurarama nazvo. Saka akaenda kumusangano waitevera wepakati pevhiki. Wapera, akagadzirira kuenda kubasa, asina chokwadi chokuti rakanga richiripo. Akabva atambira runhare. Maneja wacho akanga adzingwa basa, asi hama yedu yakanga ichine basa rayo.

8, 9. Tingatevedzera sei vapristi nevaRevhi pakuita kuti Jehovha ave mugove wedu?

8 Vamwe vaiva mumamiriro ezvinhu akafanana vangave vakazvibvunza kuti, ‘Ndichariritira sei mhuri yangu?’ (1 Tim. 5:8) Pasinei nokuti wakasangana nedambudziko rakadaro kana kuti hauna, zvimwe unoziva kubva muupenyu hwako kuti Mwari haazokusiyi kana ukaita kuti ave mugove wako, uye ukakoshesa chaizvo ropafadzo yokumushumira. Jesu paakaudza vadzidzi vake kuramba vachitanga kutsvaka umambo, akavavimbisa kuti: “Izvi zvimwe zvinhu zvose,” zvakadai sezvokudya, zvokunwa, kana kuti zvokupfeka, “zvichawedzerwa kwamuri.”—Mat. 6:33.

9 Funga nezvevaRevhi, vasina kuwana nhaka. Kunamata kwakachena zvakwaiva chinhu chikuru muupenyu hwavo, kuti vawane zvokurarama nazvo vaifanira kuvimba naJehovha uyo akavaudza kuti: “Ndini mugove wako.” (Num. 18:20) Kunyange zvazvo tisiri kushumira patemberi chaiyo sezvaiita vapristi nevaRevhi, tinogona kuvatevedzera nokuva nechivimbo chokuti Jehovha achatipa zvatinoda. Sezvatinoswedera pedyo nomugumo, zvinokosha kuti tirambe tichiwedzera kuvimba nesimba raMwari rokutipa zvatinoda.—Zvak. 13:17.

Kutanga Kutsvaka Kururama kwaMwari

10, 11. Panyaya yebasa, vamwe vakavimba sei naJehovha? Ipa muenzaniso.

10 Jesu akakurudzirawo vadzidzi vake ‘kuramba vachitanga kutsvaka kururama kwaMwari.’ (Mat. 6:33) Izvi zvinoreva kuti panyaya yemitemo yezvakanaka nezvakaipa tinoteerera Jehovha panzvimbo pezvinofungwa nevanhu. (Verenga Isaya 55:8, 9.) Ungayeuka kuti kare, vanhu vakawanda vairima fodya kana kuti kuitengesa, vaidzidzisa vamwe kurwa, kana kuti vaigadzira uye vaitengesa zvombo zvehondo. Pashure pokunge vaziva chokwadi, vakawanda vakasarudza kuchinja basa ravo vakakwanisa kubhabhatidzwa.—Isa. 2:4; 2 VaK. 7:1; VaG. 5:14.

11 Muenzaniso weakaita izvozvo ndiAndrew. Iye nemudzimai wake pavakadzidza nezvaJehovha, vakasarudza kumushumira. Andrew aidada chaizvo nebasa rake asi akarisiya. Nei? Nokuti aishandira sangano raiita zvehondo uye iye akanga asarudza kuisa kururama kwaMwari pokutanga. Andrew paakabuda basa iroro, aiva nevana vaviri, asina mari yaaiwana, uye achingova neyokushandisa kwemwedzi mishomanana chete. Maererano nemaonero evanhu, zvingava zvaiita sokuti akanga asina ‘nhaka.’ Akatsvaka basa achivimba naMwari. Vachifunga zvakaitika, iye nemhuri yake vanogona kutaura kuti chokwadi ruoko rwaJehovha haruna kupfupika. (Isa. 59:1) Andrew nomudzimai wake vakatova neropafadzo yokuva mubasa renguva yakazara nokuti vakaita kuti upenyu hwavo husava netwakawandawanda. “Dzimwe nguva nyaya dzemari, pokugara, utano, uye kukura zvakaita kuti tizvidye mwoyo,” anodaro. “Asi Jehovha ave achititsigira nguva dzose. . . . Tingataura tisingambozezi kuti zvechokwadi kushumira Jehovha ndicho chinhu chakanaka chaizvo uye chinopa mubayiro chingaitwa nevanhu.” *Mup. 12:13.

12. Chii chinodiwa kuti tiise mitemo yaJehovha pokutanga? Taura mienzaniso yekwamunogara.

12 Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Kana muine kutenda kwakakura setsanga yemasitadhi, muchati kugomo iri, ‘Ibva pano uende apo,’ uye richabva, uye hapana chinhu chamuchatadza.” (Mat. 17:20) Waizokwanisa kuisa mitemo yaMwari pokutanga here kudai izvozvo zvaizoita kuti utambure? Kana usina chokwadi nazvo, taura nevamwe vomuungano. Hapana mubvunzo kuti uchakurudzirwa nokunzwa zvakaitika kwavari.

Kuonga Zvatinopiwa naJehovha Pakunamata

13. Patinoshingaira mubasa raJehovha, tinotarisira kuti achaitei panyaya yezvatinoda pakunamata?

13 Kana uchikoshesa ropafadzo yako yokushumira Jehovha, unogona kuva nechokwadi chokuti achakupa zvaunoda pakurarama uye pakunamata, sokupa kwaakaita vaRevhi zvokurarama nazvo. Funga nezvaDhavhidhi. Kunyange zvazvo aiva mubako, aigona kuvimba naMwari kuti amupe zvaaida. Isuwo tinogona kuvimba naJehovha kunyange pazvinoita sokuti hapana achatibatsira. Yeuka kuti Asafi paakapinda “munzvimbo tsvene yaMwari,” akanzwisisa zvaimutambudza. (Pis. 73:17) Isuwo tinofanira kuvimba naJehovha kuti atibatsire kuchengetedza ukama hwedu naye. Izvi zvicharatidza kuonga kwatinoita ropafadzo yedu yokushumira Mwari pasinei nemamiriro edu ezvinhu. Tinenge tichiitawo kuti Jehovha ave mugove wedu.

14, 15. Tinofanira kuita sei panowedzera kupenya chiedza pane mamwe magwaro, uye nei tichifanira kudaro?

14 Unoita sei Jehovha paanojekesa “zvinhu zvakadzama zvaMwari” zvinowanika muBhaibheri? (1 VaK. 2:10-13) Tine muenzaniso wakanaka chaizvo wezvakaitwa nomuapostora Petro, Jesu paakaudza vateereri vake kuti: “Kana mukasadya nyama yoMwanakomana womunhu nokunwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri.” Vadzidzi vakawanda vakafunga kuti aitaura nezveropa rake chairo uye nyama yake, vakati: “Kutaura uku kunoshamisa kwazvo; ndiani angakuteerera?” Saka “vakadzokera kuzvinhu zvavakasiya.” Asi Petro akati: “Ishe, tichaenda kuna ani? Ndimi mune mashoko oupenyu husingaperi.”—Joh. 6:53, 60, 66, 68.

15 Petro haana kunyatsonzwisisa zvakataurwa naJesu nezvokudya nyama yake uye kunwa ropa rake. Asi muapostora uyu akavimba naMwari kuti aizojekesa chokwadi. Chiedza chechokwadi pachinowedzera kupenya pane imwe nyaya, unoedza here kunzwisisa zvikonzero zvemuMagwaro zvaita kuti igadziridzwe? (Zvir. 4:18) VaBheriya vomuzana remakore rokutanga “vakagamuchira shoko nepfungwa dzinoda kwazvo, vachinyatsoongorora Magwaro zuva nezuva.” (Mab. 17:11) Kuvatevedzera kuchaita kuti unyatsoonga ropafadzo yako yokushumira Jehovha, uye uchaita kuti ave mugove wako.

Kuroorana munaShe Chete

16. Mwari anogona sei kuva mugove wedu panyaya yemurayiro uri pana 1 VaKorinde 7:39?

16 Pamwe panoda kuti vaKristu vafunge nezvezvinangwa zvaMwari panyaya yokushandisa zano reBhaibheri rokuroorana “munaShe chete.” (1 VaK. 7:39) Vakawanda vakasarudza kugara vasina kuroora kana kuroorwa pane kutyora murayiro uyu. Mwari anotarisira vanhu vakadaro. Dhavhidhi aiita sei paaisurukirwa uye pazvaiita sokuti akanga asina mubatsiri? “Ndakaramba ndichidururira kunetseka kwangu pamberi [paMwari],” akadaro. “Ndakaramba ndichitaura nezvokutambudzika kwangu pamberi pake, simba rangu parakapera mukati mangu.” (Pis. 142:1-3) Muprofita Jeremiya uyo akashumira Jehovha kwemakumi emakore asina kuroora, anogona kunge akanzwawo saizvozvo. Unogona kudzidza nezvemuenzaniso wake muchitsauko 8 chebhuku rinonzi Shoko raMwari Kwatiri Achishandisa Jeremiya.

17. Imwe hanzvadzi isina kuroorwa inoita sei painombonzwa yasurukirwa?

17 Imwe hanzvadzi iri kuUnited States inoti, “Handina kumbosarudza kugara ndisina kuroorwa. Ndinoda kuroorwa kana ndikawana munhu akandikodzera. Amai vangu vasiri Chapupu vakaedza kundikurudzira kuti ndiroorwe nachero ani zvake aindipfimba. Ndakavabvunza kana vaizobvuma kuti ndivo vane mhosva kana zvinhu zvikazonetsa ndaroorwa. Nokufamba kwenguva vakaona kuti ndaiva nebasa rakanaka, ndichizviriritira zvakanaka uye ndichifara. Vakabva varega kundimanikidza.” Hanzvadzi iyi dzimwe nguva inonzwa yakasurukirwa. Inoti, “Pakadaro ndinoedza kuvimba naJehovha. Haambondisiyi.” Chii chakaibatsira kuvimba naJehovha? “Munyengetero unondibatsira kuona kuti Mwari ariko uye kuti handisi ndoga. Wokumusorosoro anenge akateerera, saka ndinonzwa ndaremekedzwa uye ndichifara.” Hanzvadzi iyi zvaine chivimbo chokuti “kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira,” inoti: “Ndinoedza kubatsira vamwe, ndisingatarisiri kuwana chimwe chinhu. Pandinofunga kuti, ‘Ndingaitei kuti ndibatsire munhu uyu?’ ndinonzwa kufara mumwoyo.” (Mab. 20:35) Chokwadi Jehovha ndiye mugove wayo, uye iri kunakidzwa neropafadzo yokumushumira.

18. Jehovha anogona kukuita mugove wake pakudini?

18 Pasinei nokuti zvinhu zvingava zvakakumirira sei, unogona kuita kuti Mwari ave mugove wako. Kana ukadaro, uchava mumwe wevanhu vake vanofara. (2 VaK. 6:16, 17) Izvozvo zvinogona kuita kuti uve mugove waJehovha, sezvakaitika kune vamwe vemunguva yekare. (Verenga Dheuteronomio 32:9, 10.) Israeri zvaakava mugove waMwari pakati pemamwe marudzi, Mwari anogona kukuitawo mugove wake okutarisira norudo.—Pis. 17:8.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 11 Ona Mukai! yaJanuary—March 2010, mapeji 28-30, [Awake! November 2009, mapeji 12-14.]

Ungapindura Sei?

Ungaita sei kuti Jehovha ave mugove wako

• nokutanga kutsvaka Umambo hwaMwari nokururama kwake?

• nokuonga zvokudya zvinotisimbisa pakunamata?

• nokuteerera murayiro waMwari wokuroorana munaShe chete?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 13]

Jehovha anova mugove wedu patinoita kuti basa rake rive chinhu chikuru muupenyu hwedu

[Mufananidzo uri papeji 15]

Muenzaniso waJeremiya unokurudzira