Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Mhanyai . . . Kuti Muuwane”

“Mhanyai . . . Kuti Muuwane”

“Mhanyai . . . Kuti Muuwane”

“Mhanyai saizvozvo kuti muuwane.”—1 VAK. 9:24.

1, 2. (a) Pauro akashandisei kukurudzira vaKristu vechiHebheru? (b) Vashumiri vaMwari vanokurudzirwa kuitei?

MUTSAMBA yaakanyorera vaHebheru, muapostora Pauro akashandisa mufananidzo wevamhanyi kuti akurudzire hama dzake dzechiKristu. Akavayeuchidza kuti vakanga vasiri voga munhangemutange youpenyu. Vakanga vakakombwa ‘negore guru rezvapupu’ zvakanga zvapedza nhangemutange yacho. Kunyatsofunga nezvemabasa okutenda uye kushanda nesimba kwezvapupu izvozvo kwaizokurudzira vaKristu vechiHebheru kushingirira kumhanya kusvika vapedza.

2 Munyaya yakapfuura, takakurukura nezveupenyu hwevamwe vari ‘mugore iroro rezvapupu.’ Vose vakaratidza kuti kutenda kusingazununguki ndiko kwakavabatsira kuramba vakavimbika kuna Mwari, kusvikira vapedza kumhanya. Pane zvidzidzo zvatinowana pakubudirira kwavakaita. Sezvakataurwa munyaya iyoyo, Pauro akakurudzira hama dzake kusanganisira isu, kuti: “Ngatibviseiwo zvinhu zvose zvinorema nechivi chinotipingirisha nyore nyore uye ngatimhanyei nokutsungirira nhangemutange yakaiswa pamberi pedu.”—VaH. 12:1.

3. Pauro airevei nezano raakapa raitaura nezvevamhanyi vemumitambo yechiGiriki?

3 Rimwe bhuku rinonzi Backgrounds of Early Christianity iro rinotsanangura nezvevaKristu vepanguva yaPauro rinoti nezvekumhanya, “vaGiriki vaidzidzira kumhanya uye vaikwikwidzana vasina kana chavakapfeka.” * Pakadaro, vamhanyi vaibvisa chero chaigona kuita kuti varemerwe votadza kunyatsomhanya. Kunyange zvazvo tingati vamhanyi ivavo vainge vakafumuka uye vasina kana nyadzi, vaimhanya vakadaro vaine chinangwa chimwe chete chokuhwina mubayiro. Zvairehwa naPauro ndezvokuti, kuti vamhanyi vawane mubayiro munhangemutange youpenyu, zvinokosha kuti vabvise chero zvinopinganidza. Zano iri rakanga rakanakira vaKristu vekare, uye rakatinakirawo mazuva ano. Ndezvipi zvinhu zvinorema zvingatitadzisa kuwana mubayiro munhangemutange youpenyu?

Bvisai “Zvinhu Zvose Zvinorema”

4. Vanhu vepanguva yaNoa vakanga vakabatikana nechii?

4 Zano raPauro raiva rokubvisa “zvinhu zvose zvinorema.” Izvozvo zvinosanganisira zvose zvingatitadzisa kuisa pfungwa dzedu dzose uye simba panhangemutange. Zvinorema zvakadaro zvingava chii? Tikafunga nezvaNoa, mumwe wevaya vakataurwa nezvake naPauro, tinobva tayeuka mashoko aJesu okuti: “Sezvazvakaita mumazuva aNoa, ndizvo zvazvichaitawo mumazuva oMwanakomana womunhu.” (Ruka 17:26) Jesu akanga asiri kutaura nezvekuparadzwa kwenyika kuri kuuya; aitaura nezvemararamiro evanhu. (Verenga Mateu 24:37-39.) Ruzhinji rwevanhu vepanguva yaNoa vakanga vasina basa naMwari, ndoda kutozoedza kumufadza. Chii chaiita kuti vadaro? Zvaisava zvinhu zvinoshamisira. Zvaiva zvinhu zveupenyu hwemazuva ose zvakadai sokudya, kunwa, uye kuroorana. Dambudziko raiva pakuti “havana kucherechedza,” sezvakataurwa naJesu.

5. Chii chingatibatsira kupedza kumhanya nhangemutange?

5 Kufanana naNoa nemhuri yake, tine zvakawanda zvokuita zuva nezuva. Tinofanira kushanda kuti tizviriritire nemhuri dzedu. Izvozvo zvinogona kutidyira nguva yakawanda, simba, uye zvinhu. Zviri nyore kuzvidya mwoyo nezvinodiwa muupenyu, kunyanya mari painenge ichinetsa kuwana. SevaKristu vakazvitsaurira, tine mamwewo mabasa anokosha ane chokuita nokunamata. Tinobuda muushumiri, tinogadzirira uye tinopinda misangano yechiKristu, uye tinoedza kuramba takasimba pakunamata nokudzidza tiri toga uye kunamata semhuri. Pasinei nokuwanda kwezvinhu zvaifanira kuitwa naNoa pakushumira Mwari, “akaita izvozvo chaizvo.” (Gen. 6:22) Chokwadi, kuti tipedze kumhanya nhangemutange yeupenyu, tinofanira kungotakura zvinhu zvishomanana uye kusiyawo zvinhu zvinorema zvisingakoshi.

6, 7. Izano ripi raJesu ratinofanira kufunga nezvaro?

6 Pauro airevei paakataura nezvokubvisa “zvinhu zvose zvinorema”? Chokwadi hazviiti kuti tibva tarega mabasa ose atinofanira kuita. Panyaya iyi, yeuka mashoko aJesu okuti: “Musambozvidya mwoyo muchiti, ‘Tichadyeiko?’ kana, ‘Tichanweiko?’ kana, ‘Tichapfekeiko?’ Nokuti zvose izvi ndizvo zvinhu zvinotsvakwa nemamwe marudzi nomwoyo wose. Nokuti Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoda zvinhu zvose izvi.” (Mat. 6:31, 32) Mashoko aJesu anopa pfungwa yokuti kunyange zvinhu zvinonzi ndezveupenyu hwezuva nezuva zvakadai sezvokudya nezvokupfeka zvinogona kuva zvinhu zvinorema kana kuti chipingamupinyi kana tikasangwarira.

7 Ona mashoko aJesu okuti: “Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoda zvinhu zvose izvi.” Anopa pfungwa yokuti Baba vedu vokudenga, Jehovha, vachatipawo zvinonyanya kudiwa muupenyu. Chokwadi, “zvinhu zvose izvi” zvingasava zviya zvatinofarira isu pachedu. Kunyange zvakadaro, tinoudzwa kuti tisazvidya mwoyo ne“zvinhu zvinotsvakwa nemamwe marudzi nomwoyo wose.” Nemhaka yei? Jesu akazopa vateereri vake zano rokuti: “Zvichenjererei kuti mwoyo yenyu irege kumboremerwa nokudyisa nokunwisa nokuzvidya mwoyo nezvinhu zvoupenyu, uye zuva iroro rikangoerekana rakusvikirai pakarepo seriva.”—Ruka 21:34, 35.

8. Nei iye zvino yava nguva yokuti tibvise “zvinhu zvose zvinorema”?

8 Tava kutosvika patambo. Chokwadi zvaizosuwisa kudai taizozviremedza nezvinhu zvisingakoshi zvinogona kutipinganidza isu tava pedyo nokupedza kudai! Saka zano romuapostora Pauro nderokuchenjera rinoti: “Kuzvipira kuna Mwari uku pamwe chete nokugutsikana inzira inopfumisa kwazvo.” (1 Tim. 6:6) Kufungisisa mashoko aPauro kuchatibatsira chaizvo pakutarisira kwatinoita kuzowana mubayiro.

“Chivi Chinotipingirisha Nyore Nyore”

9, 10. (a) “Chivi chinotipingirisha nyore nyore” chii? (b) Tingapingirishwa sei?

9 Pauro haana kungoti tibvise “zvinhu zvose zvinorema” chete, asi akataurawo nezve“chivi chinotipingirisha nyore nyore.” Chingava chii? Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “pingirisha nyore nyore” rinongowanika kamwe chete muBhaibheri, pandima iyi. Muongorori weBhaibheri anonzi Albert Barnes akati: “Mumhanyi aifanira kuona kuti chipfeko chake hachisi kumupingirisha here chichimonerera makumbo ake otadza kumhanya zvakanaka. Ndizvo zvinofanira kuitwawo nomuKristu, anotofanira kubvisa zvose zvakada kudaro.” MuKristu angapingirishwa sei, zvokuti kutenda kwake kunoitwa zinyekenyeke?

10 MuKristu haangoerekani asisatendi muna Mwari. Izvozvo zvingaitika zvishoma nezvishoma, pamwe pacho zvisingatombooneki. Kwekutanga mutsamba yake, Pauro akanyevera nezvengozi ‘yekukukurwa’ uye ‘yokuva nemwoyo wakaipa usina kutenda.’ (VaH. 2:1; 3:12) Mumhanyi paanopingirishwa makumbo nechipfeko chake, anobva angowa. Ngozi yokupingirishwa yakatokura kana mumhanyi wacho akaona kuti chipfeko chake chinogona kumupingirisha asi oshaya hanya nazvo. Chii chingaita kuti aone sokuti hapana ngozi? Kungangova kusava nehanya, kunyanya kuzvivimba kana kuti kuisa pfungwa dzake pane zvimwe zvinhu. Tingadzidzei pazano raPauro?

11. Chii chingaita kuti tirasikirwe nokutenda?

11 Tinofanira kuyeuka kuti zvatinoita kwenguva refu ndizvo zvinoita kuti tizorasikirwe nokutenda. Mumwe muongorori weBhaibheri akataura nezve“chivi chinotipingirisha nyore nyore” achiti ndicho “chivi chinotikanganisa zvakanyanya, chinokonzerwa nemamiriro ezvinhu, muviri wedu, shamwari dzedu.” Pfungwa yacho ndeyokuti tinogona kukanganiswa chaizvo nemamiriro edu ezvinhu, zvido zvakaipa, uye shamwari dzedu. Zvinhu izvi zvinogona kunetesa kutenda kwedu kana kutoita kuti tirasikirwe nako.—Mat. 13:3-9.

12. Zviyeuchidzo zvipi zvatinofanira kuteerera kuti tisarasikirwe nokutenda kwedu?

12 Kwemakore, boka romuranda akatendeka, akangwara rave richitiyeuchidza kuti tingwarire zvatinoona nezvatinonzwa, kureva panenge paine mwoyo yedu nepfungwa. Takanyeverwa nezvengozi yokupingirishwa nokutsvaka mari nepfuma. Tingatorwa mwoyo nezvinhu zvokuzvivaraidza nazvo zvenyika zvinoyevedza uye zvinokwezva kana kuti nechigadzirwa chese chemagetsi chinenge chichangoburwa. Kwaizova kurasika chaiko kufunga kuti zano rakadaro rakanyanyisa kana kuti rinongoshanda kune vamwe kwete kwatiri. Zvinhu zvinopingirisha zvatinoisirwa munzira nenyika yaSatani zvakahwanda uye zvinonyengera. Kushaya hanya, kunyanya kuzvivimba, uye kuisa pfungwa pane zvimwe zvinhu ndizvo zvakaita kuti vamwe vawe, uye zvinhu izvi zvinogona kukanganisa tariro yedu yokuwana mubayiro woupenyu.—1 Joh. 2:15-17.

13. Tingazvidzivirira sei pamafungiro akaipa ari munyika?

13 Zuva nezuva tinosangana nevanhu vanosimudzira zvinangwa, tsika, nemafungiro zvenyika. (Verenga VaEfeso 2:1, 2.) Asi zviri kwatiri kuti tichabvuma kukanganiswa zvakadini nemafungiro iwayo enyika. “Mhepo” yakataurwa naPauro inouraya. Tinofanira kugara takangwarira kuti tirege kukatyidzwa totadza kupedza nhangemutange. Tingabatsirwa nei kuramba tichimhanya? Nemuenzaniso wakakwana waJesu, nokuti hapana mumwe unoupfuura. (VaH. 12:2) Tinewo muenzaniso waPauro, nokuti aimhanyawo munhangemutange youpenyu uye akakurudzira hama dzake dzechiKristu kumutevedzera.—1 VaK. 11:1; VaF. 3:14.

Mawaniro Aungaita Mubayiro

14. Pauro aiona sei kumhanya kwaaiita munhangemutange iyi?

14 Pauro aiona sei kumhanya kwaaiita munhangemutange iyi? Mumashoko ake okupedzisira kuvakuru vokuEfeso, akati: “Handioni mweya wangu sounokosha kwandiri, kudai ndikangopedza basa rangu noushumiri hwaShe Jesu hwandakagamuchira.” (Mab. 20:24) Aizosva hake arasikirwa nezvinhu zvose, kusanganisira upenyu hwake kuti apedze nhangemutange yacho. Kudai Pauro aizotadza kupedza nhangemutange yacho, zvose zvaakanga aita uye kubishaira pakuparidza mashoko akanaka zvaizoshaya basa. Asi haana kunyanya kuva nechivimbo, achifunga kuti aitozohwina nhangemutange yacho. (Verenga VaFiripi 3:12, 13.) Ava pedyo nokufa ndipo paakatozoti: “Ndarwa kurwa kwakanaka kwazvo, ndamhanya kusvika kumugumo, ndachengeta kutenda.”—2 Tim. 4:7.

15. Pauro akakurudzirei vamwe vaaimhanya navo munhangemutange?

15 Pauro aidawo chaizvo kuti hama dzake dzechiKristu dzisagumira panzira asi dzipedze kumhanya. Somuenzaniso, akakurudzira vaKristu vomuFiripi kushanda nesimba kuti vazopona. Vaifanira kuramba ‘vakabatisisa shoko roupenyu.’ Akaenderera mberi achiti: “Kuti ndive nechikonzero chokupembera nomufaro pazuva raKristu, kuti handina kumhanyira pasina kana kushanda zvakaoma pasina.” (VaF. 2:16) Akakurudzirawo vaKristu vokuKorinde kuti: “Mhanyai saizvozvo kuti [muwane mubayiro].”—1 VaK. 9:24.

16. Nei tichifanira kuita setiri kutoona kwatiri kuenda, kana kuti mubayiro?

16 Pakutanga, panoperera nhangemutange yedaro refu panenge pasingaoneki. Kunyange zvakadaro, pose paanenge achimhanya, mumhanyi anoramba akaisa pfungwa painoperera. Anotowedzera kushingirira paanoziva kuti ava pedyo nokupedza. Ndizvo zvatinofanira kuitawo munhangemutange yedu. Tinofanira kuita setiri kutoona kwatiri kuenda, kana kuti mubayiro. Izvi zvichatibatsira kuuwana.

17. Kutenda kunotibatsira sei kuti tirambe takatarira mubayiro?

17 “Kutenda kutarisira nechivimbo zvinhu zvinenge zvichitarisirwa, kuratidzwa kuri pachena kwezvinhu chaizvoizvo kunyange zvisati zvaonekwa,” akanyora kudaro Pauro. (VaH. 11:1) Abrahamu naSara vakabvuma kusiya upenyu hwomutambarakede vakanova “vaeni nevagari venguva duku munyika yacho.” Chii chakavabatsira? ‘Vakaona kuzadziswa kwezvipikirwa zvaMwari zviri kure.’ Mosesi akaramba “kufadzwa nechivi kwenguva duku” uye “pfuma yeIjipiti.” Akawana sei kutenda uye simba rokuita izvozvo? “Akaramba akatarira kuripwa kwomubayiro.” (VaH. 11:8-13, 24-26) Hazvishamisi kuti Pauro akatanga kutaura nezvemumwe nomumwe wevanhu ava nemashoko okuti “nokutenda.” Kutenda kwakavabatsira kuti vasatarire miedzo nematambudziko zvepanguva iyoyo asi zvavaitoitirwa naMwari uye zvaaizovaitira.

18. Matanho api atinofanira kutora kuti tibvise “chivi chinotipingirisha nyore nyore”?

18 Kana tikafungisisa nezvevarume nevakadzi vokutenda vari muchitsauko 11 chaVaHebheru, totevedzera muenzaniso wavo, tinogona kushandira kuva nokutenda, tobvisa “chivi chinotipingirisha nyore nyore.” (VaH. 12:1) Tinogonawo kurangarirana “kuti tikurudzirane kuva norudo nemabasa akanaka kwazvo,” nokuungana nevanhu vari kuedzawo kuva nokutenda kwakafanana nokwedu.—VaH. 10:24.

19. Kuramba wakaisa pfungwa dzako pamubayiro kunoita kuti unzwe uchida kuitei?

19 Tava pedyo nokupedza nhangemutange yedu. Zvinoita sokuti tava kutoona painogumira. Nokutenda uye tichibatsirwa naJehovha, isuwo tinogona kubvisa “chivi chinotipingirisha nyore nyore.” Tinogona kumhanya kuti tiwane mubayiro, iwo makomborero akavimbiswa naMwari wedu uye Baba vedu Jehovha.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Izvi zvaigumbura vaJudha vekare. Maererano nebhuku reapokirifa ra2 Makabhii, vaJudha vakawanda vakashatirwa mupristi mukuru Jasoni, akanga apanduka, paaida kuvaka giraundi remitambo yechiGiriki muJerusarema. Iri raiva danho rokuedza kuita kuti vaJudha vararame sevaGiriki.—2 Makabhii 4:7-17.

Unoyeuka Here?

• Kubvisa “zvinhu zvose zvinorema” kunosanganisirei?

• Chii chingaita kuti muKristu arasikirwe nokutenda?

• Nei tichifanira kuramba takaisa pfungwa dzedu pamubayiro?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 23]

“Chivi chinotipingirisha nyore nyore” chii, uye chingatipingirisha sei?