Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Anokuziva Here?

Jehovha Anokuziva Here?

Jehovha Anokuziva Here?

“Jehovha anoziva vaya vari vake.”—2 TIM. 2:19.

1, 2. (a) Jesu aikoshesa chii? (b) Mibvunzo ipi yatinofanira kufunga nezvayo?

RIMWE zuva mumwe muFarisi akanobvunza Jesu kuti: “Ndoupi murayiro mukuru paMitemo yose?” Jesu akapindura kuti: “Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose.” (Mat. 22:35-37) Jesu aida chaizvo Baba vake vokudenga uye airarama maererano nemashoko iwayo. Jesu aikoshesawo ukama hwake naJehovha, uye akaratidza izvozvo nokutendeka kwaakanga akaita muupenyu hwake. Izvi ndizvo zvakaita kuti ava pedyo nokufa, ataure kuti Mwari aimuziva somunhu airamba achiteerera mirayiro yaaimupa. Saka Jesu akaramba ari murudo rwaJehovha.—Joh. 15:10.

2 Vakawanda mazuva ano vanoti vanoda Mwari. Ichokwadi kuti nesu tinodarowo. Asi, zvimwe zvinhu zvinokosha zvokufunga nezvazvo ndeizvi: ‘Mwari anondiziva here? Jehovha anondiona sei? Anondiziva somunhu wake here?’ (2 Tim. 2:19) Zvinofadza chaizvo kufunga kuti tinogona kuva noukama hwepedyo hwakadaro naChangamire wezvinhu zvose!

3. Chii chinoita kuti vamwe vafunge kuti havagoni kuva vanhu vaJehovha, uye chii chichavabatsira kuti vasafunga saizvozvo?

3 Kunyange zvakadaro, kune vamwe vanoda chaizvo Jehovha vanoomerwa nokubvuma kuti anogona kuvaziva seshamwari dzake. Vamwe vanofunga kuti havana chavanobatsira muupenyu, saka vanoona sokuti havagoni kuva vanhu vaJehovha. Asi tinofara chaizvo kuziva kuti Mwari haationi saizvozvo. (1 Sam. 16:7) Muapostora Pauro akaudza hama dzake dzechiKristu kuti: “Kana munhu achida Mwari, iyeyu anozivikanwa naye.” (1 VaK. 8:3) Kuda kwaunoita Mwari chinhu chinokosha chinodiwa kuti akuzive. Funga izvi: Chii chiri kumboita kuti uverenge magazini ino? Nei uri kuvavarira kushumira Jehovha nemwoyo wako wose, mweya, pfungwa, nesimba? Kana wakazvitsaurira kuna Mwari uye wakabhabhatidzwa, chii chakaita kuti utore matanho iwayo? Bhaibheri rinotsanangura kuti Jehovha, uyo anoongorora mwoyo, anoita kuti vanhu vaanoda vauye kwaari. (Verenga Hagai 2:7; Johani 6:44.) Saka, unogona kuva nechokwadi chokuti uri kushumira Jehovha nokuti akaita kuti uuye kwaari. Haazombosiyi vaya vaakaita kuti vauye kwaari kana ivo vakaramba vakatendeka. Mwari anovaona sevanhu vanokosha chaizvo, uye anovada zvikuru.—Pis. 94:14.

4. Nei tichifanira kuramba tichifungisisa nezvokuzivikanwa kwedu naMwari?

4 Kana Jehovha angoita kuti tiuye kwaari, tinofanira kuvavarira kuramba tiri murudo rwake. (Verenga Judha 20, 21.) Yeuka kuti Bhaibheri rinoratidza kuti munhu anogona kukukurwa kana kuti kubva pana Mwari. (VaH. 2:1; 3:12, 13) Somuenzaniso, asati ataura mashoko ari pana 2 Timoti 2:19, muapostora Pauro akataura nezvaHimeniyo naFiretusi. Kunenge kuti varume vaviri ava vaimbova vanhu vaJehovha pane imwe nguva, asi vakazotsauka pachokwadi. (2 Tim. 2:16-18) Yeukawo kuti muungano dzokuGaratiya, vamwe vakanga vazivikanwa naMwari havana kuramba vari muchiedza chechokwadi. (VaG. 4:9) Ngatisambofa tarega kukoshesa ukama hwedu naMwari.

5. (a) Unhu hupi hwatinofanira kuva nahwo hunokosheswa naMwari? (b) Mienzaniso ipi yatichakurukura?

5 Pane unhu hwatinofanira kuva nahwo hunokosheswa chaizvo naJehovha. (Pis. 15:1-5; 1 Pet. 3:4) Zvimwe zvakaita kuti vamwe vanhu vafarirwe naMwari kwaiva kutenda uye kuzvininipisa. Ngationgororei mienzaniso yevarume vaviri kuti tione kuti kutenda nokuzvininipisa zvakaita sei kuti vadiwe chaizvo naJehovha. Tichaongororawo mumwe murume aifunga kuti aizivikanwa naMwari asi akazvikudza akazoona kuti Jehovha akanga amuramba. Tinogona kuwana zvidzidzo zvinokosha pamienzaniso iyi.

Baba Vevaya Vose Vanotenda

6. (a) Abrahamu akaratidza kutenda kwakaita sei muzvipikirwa zvaJehovha? (b) Abrahamu aizivikanwa zvakadini naJehovha?

6 Abrahamu munhu ‘aitenda muna Jehovha.’ Anotonzi “baba vevaya vose vanotenda.” (Gen. 15:6; VaR. 4:11) Nokutenda, Abrahamu akasiya musha wake, shamwari, uye zvinhu zvake kuti aende kunyika yaiva kure. (Gen. 12:1-4; VaH. 11:8-10) Papfuura makore akawanda, kutenda kwaAbrahamu kwakanga kuchakasimba. Izvi zvakaoneka paakaita “sokunge akanga atobayira Isaka” mwanakomana wake achiteerera murayiro waJehovha. (VaH. 11:17-19) Abrahamu akaratidza kuti aitenda zvipikirwa zvaJehovha, saka Mwari akamuona somunhu anokosha. Jehovha ainyatsomuziva. (Verenga Genesisi 18:19.) Jehovha aisangoziva nezvokuvapo kwaAbrahamu; aimukoshesa seshamwari yake.—Jak. 2:22, 23.

7. Chii chingataurwa nezvekuzadziswa kwezvipikirwa zvaJehovha uye izvozvo zvakaita kuti Abrahamu aite sei?

7 Muupenyu hwake, Abrahamu haana kuwana nhaka yenyika yaakanga avimbiswa. Haanawo kuona vana vake vachiwanda “sejecha riri pamhenderekedzo yegungwa.” (Gen. 22:17, 18) Kunyange zvazvo zvipikirwa izvi zvisina kuzadziswa muupenyu hwaAbrahamu, akaramba aine kutenda kwakasimba muna Jehovha. Aiziva kuti zvipikirwa zvaMwari zvinotozadziswa chete. Zvechokwadi, Abrahamu akararama maererano nokutenda kwakadaro. (Verenga VaHebheru 11:13.) Jehovha anotiziva sevanhu vane kutenda kwakafanana nokwaAbrahamu here?

Kumirira Jehovha Kunoratidza Kuti Tine Kutenda

8. Ndezvipi zvido zvakakodzera izvo vamwe vanoshuva kuti zvizadziswe?

8 Tingava nezvinhu zvatinoda kuti zvizadziswe. Kuroora, kuroorwa, kuva nevana, uye utano hwakanaka, zvose zvido zvakakodzera zvatakasikwa tinazvo. Asi kune vakawanda, zvimwe zvacho zvingasazadziswa. Kana tiri vamwe vacho, pakadaro zvatinoita zvinoratidza zvakaita kutenda kwedu.

9, 10. (a) Vamwe vakaedza sei kuzadzisa zvido zvavo? (b) Unonzwa sei nezvokuzadziswa kwezvipikirwa zvaMwari?

9 Hungava upenzi kuedza kuzadzisa zvido izvozvo nenzira inopesana nouchenjeri hwaMwari. Izvozvo zvinokuvadza munhu pakunamata. Somuenzaniso, vamwe vakasarudza kurapwa nenzira dzinopesana nezano raJehovha. Vamwe vakabvuma basa rinoita kuti vasava pamwe nemhuri uye vasapinda misangano yeungano. Ko zvakadini nokudanana nomunhu asingatendi? Kana muKristu akaita izvozvo, tingati ari kutsvaka kuzivikanwa naJehovha here? Jehovha angadai akanzwa sei kudai Abrahamu asina kumirira kuzadziswa kwezvaakanga amupikira? Ko dai Abrahamu akasarudza zvake kugara panzvimbo imwe chete ozviitira zita rakakurumbira pane kumirira Jehovha? (Enzanisa naGenesisi 11:4.) Jehovha angadai akaramba achimuziva seshamwari yake here?

10 Ndezvipi zvaunoshuvawo kuti zvizadziswe? Kutenda kwako kwakasimba zvokuti unogona kumirira Jehovha, uyo anovimbisa kugutsa zvido zvako zvose here? (Pis. 145:16) Kungofanana nezvakaitika kuna Abrahamu, zvimwe zvakapikirwa naMwari zvingasakurumidza kuzadziswa sezvatingada. Kunyange zvakadaro, Jehovha anokoshesa zvatinoita kuti tive nokutenda sokwaAbrahamu uye kuita zvinoenderana nakwo. Zvechokwadi kuita izvozvo kuchaita kuti azotipa mubayiro.—VaH. 11:6.

Muenzaniso Wokuzvininipisa Nemumwe Wokuzvikudza

11. Kora angangodaro aiva neropafadzo dzipi, uye izvozvo zvingave zvichiratidzei nezvemaonero aaiita Mwari?

11 Mosesi naKora vakanga vakasiyana chaizvo panyaya yokuratidza kuremekedza urongwa hwaJehovha uye zvaanosarudza. Maitiro avo ndiwo akaita kuti Jehovha avaone zvakasiyana. Kora aiva muRevhi wemhuri yevaKohati, uye aiva neropafadzo dzakawanda, zvichida dzaisanganisira kuona rudzi rwavo ruchiponeswa nomuGungwa Dzvuku, kutsigira mutongo waJehovha pakapanduka vamwe vaIsraeri paGomo reSinai, uye basa rokutakura areka yesungano. (Eks. 32:26-29; Num. 3:30, 31) Zviri pachena kuti akanga akavimbika kuna Jehovha kwemakore uye akanga ava kuremekedzwa chaizvo nevaIsraeri vakawanda.

12. Sezviri kuratidzwa papeji 28, kuzvikudza kwakakanganisa sei kuzivikanwa kwaKora naMwari?

12 Pasinei naizvozvo, rudzi rwaIsraeri parwaiva munzira kuenda kuNyika Yakapikirwa, Kora ane zvimwe zvinhu zvaakaona sokuti zvakanga zvisina kumira zvakanaka muurongwa hwaMwari. Vamwe varume 250 vakakurumbira murudzi rwacho vakabva vabatana naKora vachiedza kuchinja zvinhu. Kora nevamwe vake vanofanira kuva vakafunga kuti vaiva noukama hwakanaka naJehovha. Vakaudza Mosesi kuti: “Zvakwana imi, nokuti ungano yose, vose zvavo vatsvene uye Jehovha ari pakati pavo.” (Num. 16:1-3) Zvechokwadi vaizvivimba uye vaizvikudza chaizvo! Mosesi akavaudza kuti: “Jehovha achazivisa kuti wake ndoupi.” (Verenga Numeri 16:5.) Pakazopera zuva rakatevera, Kora nevaya vose vaimutsigira pakupanduka vakanga vafa.—Num. 16:31-35.

13, 14. Mosesi akaratidza sei kuti aizvininipisa?

13 Kusiyana naKora, Mosesi aiva “munhu munyoro kwazvo kupfuura vanhu vose vaiva panyika.” (Num. 12:3) Akaratidza unyoro hwake uye kuzvininipisa nokutsunga kwaakaita kuita zvairayirwa naJehovha. (Eks. 7:6; 40:16) Hapana chinoratidza kuti dzimwe nguva Mosesi aipikisana nemaitirwo ezvinhu aidiwa naJehovha kana kuti aimbogumbuka nemirayiridzo yaaipiwa naJehovha. Somuenzaniso, Jehovha akadonongodza kese kaifanira kuitwa pakuvaka tebhenekeri, zvakadai seruvara rweshinda uye kuwanda kwezvishwe zvaifanira kuva pamachira etende. (Eks. 26:1-6) Kana mutariri ari musangano raMwari achikudonongodzera kese kanofanira kuitwa, dzimwe nguva ungagumbuka. Zvisinei, Jehovha mutariri akakwana, anopa vashumiri vake mabasa okuita achivimba navo. Paanodonongodza zvakawanda zvinofanira kuitwa, anozviita nechikonzero chakanaka. Asi ona kuti Mosesi haana kugumbukira Jehovha kuti aimudonongodzera zvokuita, achifunga kuti Jehovha aimutarisira pasi kana kuti aisada kuti ashandisewo pfungwa dzake. Asi Mosesi akava nechokwadi chokuti vashandi vacho vaita “izvozvo chaizvo” sezvairayirwa naMwari. (Eks. 39:32) Uku ndiko kunonzi kuzvininipisa! Mosesi aiziva kuti raiva basa raJehovha uye kuti iye aingoshandiswawo kuriita.

14 Kuzvininipisa kwaMosesi kwakaonekawo zvinhu pazvakanga zvisina kumumirira zvakanaka. Pane imwe nguva, Mosesi akatadza kuzvidzora akakundikana kutsvenesa Mwari vanhu pavakagunun’una. Izvozvo zvakaita kuti Jehovha audze Mosesi kuti aisazopinza vanhu muNyika Yakapikirwa. (Num. 20:2-12) Iye nemukoma wake Aroni vakanga vatsungirira kugunun’una kwevaIsraeri kwemakore. Saka kutadza kwakaita Mosesi kamwe chete ikako, kwakaita kuti asazowana zvaakanga akatarisira kwenguva yakareba kudaro! Mosesi akaita sei? Kunyange zvazvo akaora mwoyo, Mosesi akabvuma zvakanga zvasarudzwa naJehovha. Aiziva kuti Jehovha ndiMwari akarurama, asingatsaudziri pakutonga. (Dheut. 3:25-27; 32:4) Paunofunga nezvaMosesi, haumuoni semunhu aizivikanwa naJehovha here?—Verenga Eksodho 33:12, 13.

Kuzviisa Pasi paJehovha Kunoda Kuzvininipisa

15. Tinogona kudzidzei pakuzvikudza kwaKora?

15 Zvatinoita panogadziridzwa zvinhu musangano, uye panoitwa zvisarudzo nevari kutungamirira, ndizvo zvinoratidza kuti tinozivikanwa naJehovha here kana kuti kwete. Kora nevamwe vake vakazviparadzanisa naMwari nokuzvivimba kwavo, kuzvikudza, uye kushaya kutenda. Kunyange zvazvo Kora aiona sokuti harahwa iyi Mosesi, ndiyo yaisarudza zvokuita zuva nezuva, chokwadi ndechokuti Jehovha ndiye aitungamirira rudzi rwacho. Kora akakundikana kuona izvozvo, zvikazomutadzisa kuratidza kuti akanga akavimbika kune vaya vaishandiswa naMwari. Kora angadai akaratidza kuti akachenjera nokumirira kuti Jehovha ajekese kana kuti agadzirise zvinhu kana paiva nechaida kugadziriswa. Saka, Kora akazoguma akanganisa mukurumbira wake wose wokutendeka pabasa nokuzvikudza kwake!

16. Kutevedzera muenzaniso waMosesi wokuzvininipisa kungatibatsira sei?

16 Nhoroondo iyoyo ine yambiro kuvakuru nevamwe vari muungano mazuva ano. Kumirira Jehovha uye kuteerera mirayiridzo yevaya vakagadzwa kuti vatungamirire kunoda kuti tizvininipise. Tinoratidza here kuti tinozvininipisa uye tiri vanyoro sezvakanga zvakaita Mosesi? Tinobvuma here kuti vaya vari kutitungamirira vari kushandiswa naMwari uye tinoteerera here zvavanotirayira? Panoitika zvinhu zvinotiodza mwoyo, tinokwanisa here kuita zvinenge zvichidiwa tosiyana nezvatinenge tichida isu pachedu? Kana tikadaro, Jehovha achatizivawo seshamwari dzake. Kuzvininipisa kwedu nokuzviisa pasi kuchaita kuti atide chaizvo.

Jehovha Anoziva Vaya Vari Vake

17, 18. Chii chinogona kutibatsira kuramba tichizivikanwa sevanhu vaJehovha?

17 Zvinobatsira kufungisisa nezvevanhu avo Jehovha akaita kuti vauye kwaari akavaziva seshamwari dzake. Abrahamu naMosesi vakanga vasina kukwana uye vane zvavaikanganisa sezvatinongoitawo. Asi vakazivikanwa naJehovha sevanhu vake. Zvisinei, muenzaniso waKora unoratidza kuti tinogona kubva pana Jehovha orega kutiziva seshamwari dzake. Tinofanira kuzvibvunza kuti: ‘Jehovha anondiona sei? Ndingadzidzei pamienzaniso iyi iri muBhaibheri?’

18 Jehovha anoona vanhu vakatendeka vaakaita kuti vauye kwaari sevanhu vake uye izvi zvinotinyaradza chaizvo. Ramba uchishandira kuva nokutenda, kuzvininipisa, uye zvimwe zvichaita kuti udiwe naMwari wedu. Chokwadi, kuzivikanwa naJehovha iropafadzo inokosha inoita kuti tigutsikane muupenyu iye zvino, uye ichaita kuti tiwane makomborero anoshamisa mune ramangwana.—Pis. 37:18.

Unoyeuka Here?

• Ukama hupi hunokosha hwaunogona kuva nahwo naJehovha?

• Ungatevedzera sei kutenda kwaAbrahamu?

• Zvidzidzo zvipi zvatingawana pana Kora naMosesi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 26]

Kufanana naAbrahamu, tinotenda here kuti Jehovha achazadzisa zvipikirwa zvake zvose?

[Mufananidzo uri papeji 28]

Kora aisada kuzviisa pasi uye kuteerera mirayiridzo

[Mufananidzo uri papeji 29]

Jehovha anokuziva somunhu anozviisa pasi uye anoteerera mirayiridzo here?