Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Wanga Uchinyeperwa Here?

Wanga Uchinyeperwa Here?

Wanga Uchinyeperwa Here?

HAPANA chinorwadza sokuziva kuti munhu waunovimba naye anga achikunyepera. Zvingaita kuti uone sokuti wanyadziswa uye zvingakutsamwisa kana kukurwadzisa chaizvo. Nhema dzinoparadza ushamwari nedzimba, uye dzinoita kuti vanhu vadyirwe mari yakawanda.

Saka unganzwa sei kana ukaziva kuti wanga uchinyeperwa pamusoro paMwari? Kana uri munhu anoda zvokunamata, ungarwadziwa kusvika pamwoyo, sezvakaita vamwe vakataura zvinotevera:

● “Chechi yakandibatisa pasi.”—DEANNE

● “Ndakatsamwa. Ndakaona kuti ndakanga ndabatwa kumeso uye ndakanga ndisisina tariro nechinangwa muupenyu.”—LUIS

Ungazeza kubvuma kuti wanga uchinyeperwa pamusoro paMwari. Zvaunoziva nezvaMwari ungadaro wakazviudzwa nemumwe munhu waunovimba naye uye wausingambofungiri kuti angakunyepera, angava mupristi, mufundisi, kana kuti shamwari yepedyo. Zvimwe kweupenyu hwose une dzidziso yawanga uchiziva. Asika haufungi here kuti kunyange dzidziso inobvumwa nevakawanda inogona kunge iri yenhema? Franklin D. Roosevelt aimbova purezidhendi weUnited states akataurawo nezvenyaya iyi achiti: “Kuramba uchingodzokorora nhema hakuiti kuti dzichinje kuva chokwadi.”

Ungaziva sei kana wanga uchinyeperwa? Jesu akambonyengetera kuna Mwari achiti: “Shoko renyu ichokwadi.” (Johani 17:17) Zvechokwadi Shoko raMwari Bhaibheri rinotibatsira kusiyanisa chokwadi nenhema.

Saka wadii kuita kuti shoko raMwari rikubatsire kufumura nhema shanu dzinotaurwa pamusoro paMwari? Uchaona kuti chokwadi charo chingakubatsira sei kuvandudza upenyu hwako.