Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

4 Mwari Ane Mhosva—Ichokwadi Here?

4 Mwari Ane Mhosva—Ichokwadi Here?

4 Mwari Ane Mhosva—Ichokwadi Here?

Zvaungadaro wakanzwa: “Mwari ndiye muridzi wenyika ino, uye zvose zviri kuitika kuda kwake. Sezvo munyika makazara rusaruro, utongi hune tsvete uye udzvinyiriri, Mwari ndiye ane mhosva.”

Zvinodzidziswa neBhaibheri: Zvinhu zvakaipa zviri kuitika munyika hazvikonzerwi naMwari. Bhaibheri rinototaura nezvaJehovha richiti: “Basa rake rakakwana, nokuti nzira dzake dzose ndedzokururamisira.”—Dheuteronomio 32:4.

Mwari ane rupo kuvanhu vose, kusanganisira vaya vasina kutombokodzera. Somuenzaniso, ‘anoita kuti zuva rake ribudire vanhu vakaipa nevakanaka achiita kuti kunaye pavanhu vakarurama nevasina kururama.’ (Mateu 5:45) Anongoitira vanhu vemarudzi ose uye vane tsika dzakasiyana zvinhu zvakafanana, sezvinotaurwa pana Mabasa 10:34, 35 kuti: “Mwari haasaruri, asi murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.”

Saka ndiani ari kukonzera zvinhu zvakaipa zvakazara munyika? Vakawanda vanosarudza kuita tsvete, pane kutevedzera Mwari anotonga zvakarurama. (Dheuteronomio 32:5) Bhaibheri rinoratidzawo kuti Mwari ari kubvumira muvengi wake Dhiyabhorosi kuti atonge nyika. * (1 Johani 5:19) Asi kubvumira kwaMwari utongi husina kunaka kwava kuzopera. Akatoronga nzira yokuti “aputse mabasa aDhiyabhorosi.”—1 Johani 3:8.

Kubatsirwa kwaungaita nokuziva chokwadi: Nyaya dzisingaperi dzouori, udzvinyiriri, uye kutonga zvisina kururama dzingaita kuti upererwe. Kuziva honzeri yezvakaipa kuchakubatsira kuti unzwisise chinoita kuti zvinhu zviipe kudai, uye chinotadzisa vanhu kugadzirisa nyika kuti ive musha wakanaka, pasinei nokuti vari kuedza zvavanogona. (Pisarema 146:3) Pane kupedza nguva nesimba uchiedza kugadzirisa zvinhu zvingangogadzirika kwekanguva, kana ukavimba nezvipikirwa zvaMwari unogona kuva netariro yakasimba yekuti ramangwana richange rakajeka.—Zvakazarurwa 21:3, 4.

Kuziva chiri kukonzera zvakaipa kunonyanya kukubatsira kana zvakaipa zvacho zvaitika kwauri. Patinobatwa nekunze kweruoko, tingayuwira sezvakaita mushumiri waMwari Habhakuki uyo akati: “Mutemo unoshaya simba, uye kururamisira hakumboitwi.” (Habhakuki 1:4) Mwari haana kutuka Habhakuki paakataura mashoko aya. Asi akatomuvimbisa kuti akanga aronga nguva yokugadzirisa zvinhu, ndokumubatsira kuti afare paainge achioneswa chitsvuku nemiedzo. (Habhakuki 2:2-4; 3:17, 18) Saizvozvowo, kana ukavimba nemagadzirisiro achaita Mwari zvinhu zvakaipa zviri munyika, uchava nepfungwa dzakadekara munyika ino ine tsvete.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Kuti udzidze kuti Dhiyabhorosi akavapo sei, ona chitsauko 3 chebhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 7]

Mwari ndiye ane mhosva yokutambura uye kudzvinyirirana kuri munyika here?

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 7]

© Sven Torfinn/Panos Pictures