Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

5 Kuna Mwari Hapana Kusiri Kunamata, Chero Uchingoita Nemwoyo Wose—Ichokwadi Here?

5 Kuna Mwari Hapana Kusiri Kunamata, Chero Uchingoita Nemwoyo Wose—Ichokwadi Here?

5 Kuna Mwari Hapana Kusiri Kunamata, Chero Uchingoita Nemwoyo Wose—Ichokwadi Here?

Zvaungadaro wakanzwa: “Manamatiro atinoita Mwari akangofanana nenzira dzakasiyana-siyana dzinoenda kunzvimbo imwe chete. Unogona kungotora chero nzira yawada asi unozongosvika kwauri kuenda. Mumwe nomumwe anofanira kuzvisarudzira nzira yaari kuda kuenda nayo kuna Mwari.”

Zvinodzidziswa neBhaibheri: Tinofanira kunamata nemwoyo wose, torega kuita zvokubata kumeso uye kunyengera. Jesu akaudza vatungamiriri vezvitendero vepanguva yaakararama chakaita kuti Mwari avarambe achiti: “Isaya akaprofita zvakakodzera pamusoro penyu imi vanyengeri, sokunyorwa kwazvakaitwa kuti, ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure neni.’” (Mako 7:6) Asi kungonamata nomwoyo wose hakusiko kuchaita kuti Mwari afadzwe nemanamatiro edu.

Jesu akajekesa pfungwa iyi paakafumura chainyanya kukanganiswa nevatungamiriri vezvitendero nevateveri vavo pamanamatiro avo. Akati ndivo vairehwa nemashoko aya akataurwa naMwari okuti: “Vanoramba vachindinamata pasina, nokuti vanodzidzisa mirayiro yevanhu sedzidziso.” (Mako 7:7) Kunamata kwavo kwaiva “pasina” nokuti vaifunga kuti kutevedzera dzidziso dzavo ndiko kwainyanya kukosha kupfuura kuita zvinodiwa naMwari.

Bhaibheri haritsigiri pfungwa yokuti kune nzira dzakawanda dzokunamata Mwari asi rinodzidzisa kuti kunongova neimwe chete. Mateu 7:13, 14 inoti: “Pindai nepagedhi rakamanikana; nokuti mugwagwa wakafara uye wakapamhama unoenda mukuparadzwa, uye vazhinji ndivo vanopinda nawo; asi gedhi rakamanikana uye mugwagwa wakatetepa unoenda kuupenyu, uye vashomanana ndivo vanouwana.”

Kubatsirwa kwaungaitwa nokuziva chokwadi: Waizonzwa sei kudai wakanga wapedza mwedzi yakawanda uchidzidzira kuzomhanya mumujaho, wosiya vanhu vose asi woudzwa kuti hausi kuzopiwa mubayiro nokuti pane mumwe mutemo wausingazivi wawatyora? Unganzwa sokuti wakafira mahara. Unofunga kuti izvi zvingaitikawo here panyaya yokunamata kwatinoita Mwari?

Muapostora Pauro paaifananidza kunamata kwatinoita nekumhanya mumujaho akanyora kuti: “Kana munhu achikwikwidza kunyange mumitambo, haapiwi korona kunze kwokunge akwikwidza maererano nemirau yacho.” (2 Timoti 2:5) Kuti tifarirwe naMwari tinofanira kumunamata “maererano nemirau,” kureva kuti nenzira yaanofarira. Munhu anokwikwidza mumujaho haapiwi mubayiro kana atyora mitemo yemujaho wacho. Saizvozvowo, hatingafarirwi naMwari kana tikasarudza chero nzira yatangoda yokumunamata nayo.

Kuti tifadze Mwari, hatifaniri kudzidzisa nhema pamusoro pake patinenge tichimunamata. Jesu akati: ‘Vanamati vechokwadi vachanamata Baba nomudzimu nechokwadi.’ (Johani 4:23) Shoko rake Bhaibheri ndiro rinotiudza nzira yechokwadi yokumunamata nayo.—Johani 17:17. *

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Kuti uwane mamwe mashoko pamusoro pekunamata kunogamuchirwa naMwari, ona chitsauko 15 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 8]

Zvitendero zvose zvinodzidzisa vanhu kuti vanamate Mwari nenzira yaanofarira here?