Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Sei mutemberi yokuJerusarema maiva nevaichinja mari?

Kwasara nguva pfupi kuti Jesu afe, akagadzirisa chinhu chakaipa kwazvo chaiitika mutemberi. Bhaibheri rinoti: “Jesu . . . akadzingira kunze vose vaya vaitengesa nokutenga mutemberi, akapidigura tafura dzevaichinja mari nemabhenji evaya vaitengesa njiva. Uye akati kwavari: ‘Zvakanyorwa kuti, “Imba yangu ichanzi imba yokunyengeterera,” asi imi muri kuiita bako remakororo.’”—Mateu 21:12, 13.

VaJudha vomuzana remakore rokutanga nevakatendeukira kuchiJudha vaibva kunyika nemaguta akawanda vachiuya kutemberi yaiva muJerusarema, uye vaiunza mari dzekwavaibva. Asi kuti vabhadhare mutero wetemberi wegore negore, kuti vatenge mhuka dzavaizopa sezvibayiro, uye kuti vape zvimwe zvinopiwa zvokuzvidira, vaifanira kuchinja mari yavo voshandisa yomuJerusarema. Saka vaya vaichinja mari vaivachaja kuti vavachinjire mari dzakasiyana-siyana. Paikwana nguva yemitambo yechiJudha, vanhu ava vaichinja mari vaiisa matafura avaichinjira mari mutemberi muChivanze cheVemamwe Marudzi.

Kushora kwakaita Jesu vaichinja mari achivati vakanga vava kuita temberi yaJehovha “bako remakororo” kwairatidza kuti vaichaja mari yakawandisa.

Nei miti yemiorivhi yaikosheswa chaizvo munguva dzinotaurwa muBhaibheri?

Mamwe emakomborero akavimbiswa vanhu naMwari kana vaizoramba vakatendeka aisanganisira miti yemiorivhi neyemizambiringa. (Dheuteronomio 6:10, 11) Nanhasi miti yemiorivhi ichiri kukosheswa chaizvo munyika dzainowanikwa. Inogona kubereka michero yakawanda chaizvo kwemazana emakore kunyange isinganyanyi kutarisirwa. Muti wemuorivhi unogona kukura zvakanaka kunyange ukadyarwa munzvimbo ine matombo, uye haufi kunyange mvura ikasanaya kwemakore akawanda. Kana muti wacho ukatemwa, midzi yawo inoita nhungirwa dzakawanda idzo dzinogona kuzokura kuitawo miti mikuru.

Munguva dzinotaurwa muBhaibheri, mashizha nemakwati emiorivhi zvaikosheswa chaizvo nokuti zvaishandiswa pakurapa kupisa kwomuviri. Mapazi akura aibudisa muto unonama wainhuwirira waishandiswa kugadzira pefiyumu. Zvisinei, muti wemuorivhi wainyanya kukosheswa nokuti maorivhi acho aidyiwa uye aisvinwa kuva mafuta. Kana orivhi raibva rikasvinwa, hafu yaro anenge ari mafuta.

Muti mumwe chete kana wanyatsobereka waigona kubudisa marita 57 emafuta pagore. Mafuta emiorivhi aiiswa mumarambi, aishandiswawo pazvinhu zvakadai sokuzodza munhu kuti ave mambo uye pakuita zvinhu zvokunamata. Aizorwa mumuviri nebvudzi uye aishandiswawo kurapa maronda kana kuti kunyevenutsa panenge pakuzvuka.—Eksodho 27:20; Revhitiko 2:1-7; 8:1-12; Rute 3:3; Ruka 10:33, 34.