Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unogona Kuwana “Zivo Pamusoro paMwari”

Unogona Kuwana “Zivo Pamusoro paMwari”

Swedera Pedyo naMwari

Unogona Kuwana “Zivo Pamusoro paMwari”

JEHOVHA MWARI akaita kuti zvive nyore kwatiri kuwana pfuma inokosha chaizvo uye anoda kuti tiiwane. Pfuma iyi haiiti kuti uve nezvinhu zvakawanda, asi inoita kuti uve nezvinhu zvisingakwanisi kutengwa nemari yose iri munyika, zvakaita sorugare rwomwoyo, kugutsikana uye upenyu hwakanaka. Pfuma iyi imbori chii? Mashoko aMambo akachenjera Soromoni ari pana Zvirevo 2:1-6 anotiudza kuti chii.

Soromoni anotaura nezvepfuma iyi achiti i“zivo pamusoro paMwari,” kureva chokwadi pamusoro paMwari uye zvinangwa zvake zvinotaurwa neBhaibheri. (Ndima 5) Pfuma iyi inosanganisira zvinhu zvakawanda.

Dzidziso dzechokwadi. Bhaibheri rinopindura mibvunzo yakaita seiyi: Zita raMwari ndiani? (Pisarema 83:18) Kana munhu afa, chii chinoitika kwaari? (Pisarema 146:3, 4) Takasikirwei? (Genesisi 1:26-28; Pisarema 115:16) Unofunga kuti dai mhinduro dzemibvunzo iyi dzaizotengeswa, dzaizodhura zvakadini?

Mazano ouchenjeri. Bhaibheri rinotiudza mararamiro akanakisisa. Rine mhinduro dzemibvunzo yakaita seiyi: Ungaita sei kuti imba yenyu itsvuke chin’ai? (VaEfeso 5:28, 29, 33) Mungarera sei vana musingavatunhidzi? (Dheuteronomio 6:5-7; VaEfeso 6:4) Ungaita sei kuti ufare muupenyu? (Mateu 5:3; Ruka 11:28) Unofunga kuti mazano atingavimba nawo panyaya idzi anokosha zvakadini?

Kunzwisisa zvakaita Mwari uye unhu hwake. MuBhaibheri ndimo mune mashoko akarurama pamusoro paMwari. Munhu akaita sei? (Johani 1:18; 4:24) Ane hanya nesu here? (1 Petro 5:6, 7) Ndehupi humwe unhu hwake hwaanonyanya kuratidza? (Eksodho 34:6, 7; 1 Johani 4:8) Dai chokwadi chine chokuita noMusiki wedu chaizotengeswa, unofunga kuti chaizodhura zvakadini?

Kutaura chokwadi, “zivo pamusoro paMwari,” ipfuma chaiyo. Ungaiwana sei? Mhinduro yacho tinoiwana mundima 4 yaZvirevo chitsauko 2, Soromoni paanofananidza zivo iyi ne“pfuma yakavanzwa.” Unofunga kuti pfuma yakavanzwa ingangobuda yoga pairi here iwe wakangogarira maoko? Tinofanira kutoshanda nesimba kuti tiiwane. Saizvozvowo, zivo pamusoro paMwari yakavanzwa muBhaibheri. Saka kuti tiiwane tinofanira kutoshanda nesimba.

Soromoni anotsanangura zvatinofanira kuita kuti tiwane “zivo pamusoro paMwari.” Mashoko okuti ‘gamuchira mashoko angu’ neokuti ‘ita kuti mwoyo wako ude,’ anoratidza kuti tinofanira kuva nemwoyo inoteerera. (Ndima 1, 2) Mashoko okuti ‘chemera’ neokuti ‘ramba uchitsvaka’ anoratidza kuti tinofanira kushanda nesimba tichiratidza nomwoyo wose kuti tinoda kuwana zivo iyi. (Ndima 3, 4) Saka kuti tiwane pfuma iyi tinofanira kushingaira kudzidza Bhaibheri asi tichiita izvozvo nemwoyo wakanaka.—Ruka 8:15.

Kana tikangoita izvozvo, Jehovha achaita zvimwe zvose. Ndima 6 inoti: “Jehovha anopa uchenjeri.” Chokwadi chinowanikwa muBhaibheri tinongochinzwisisa kana tabatsirwa naMwari. (Johani 6:44; Mabasa 16:14) Unogona kuva nechokwadi chokuti kana ukanyatsoongorora Shoko raMwari nemwoyo wose uchawana “zivo pamusoro paMwari.” Pfuma iyi ichaita kuti unakidzwe noupenyu zvisingatsananguriki.—Zvirevo 2:10-21. *

Ndima dzeBhaibheri dzamunogona kuverenga muna October:

Zvirevo 1-21

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 10 Pasi pose, Zvapupu zvaJehovha zvinodzidza nevanhu vanoda kunzwisisa Bhaibheri zvisingabhadharisi. Wadii kutaura navo kana kuti kuvanyorera pakero yakakodzera pane dziri papeji 4?