Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mungaita Sei Kuti Mhuri Yenyu Ifare?

Mungaita Sei Kuti Mhuri Yenyu Ifare?

Dzidza Kubva Mushoko raMwari

Mungaita Sei Kuti Mhuri Yenyu Ifare?

Nyaya ino ine mibvunzo ingave yakakunetsa uye inokuratidza paungawana mhinduro dzacho muBhaibheri rako. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukurukura newe mhinduro dzemibvunzo iyi.

1. Kana vanhu vakaroorana vachida kufara, sei zvichikosha kuti vanyorese muchato?

Jehovha, Mwari anofara ndiye akatanga urongwa hwokuti vanhu vave nomuchato. Muchato unokosha kana mhuri ichida kufara nokuti haungoiti kuti uve nomunhu waunotiwo wako, asi unobatsira kurera vana pasina chokutyira. Mwari anoona sei nyaya yokuroorana? Anoda kuti murume nomukadzi vanyorese muchato wavo, uye vagare vose zvachose. (Ruka 2:1-5) Mwari haadi kuti varume nemadzimai vaite gumbo mumba gumbo kunze. (VaHebheru 13:4) Jehovha anongobvumira vaKristu kuti varambane kana mumwe wavo aita upombwe. Ndipo chete pavanogona kuzoroorazve kana kuroorwazve.—Verenga Mateu 19:3-6, 9.

2. Murume nomudzimai vanofanira kugarisana sei?

Jehovha akasika varume nevakadzi kuti vashande pamwe chete muwanano. (Genesisi 2:18) Murume zvaari iye musoro wemhuri, anofanira kutungamirira pakuriritira mhuri yake uye pakuidzidzisa nezvaMwari. Anofanira kuda mudzimai wake zvokutosvika pakumufira. Varume nemadzimai vanofanira kudanana uye kuremekedzana. Sezvo varume vose nemadzimai vari vanhu vanotadza, kudzidza kuregererana ndiko kuchaita kuti vafare mumba mavo.—Verenga VaEfeso 4:31, 32; 5:22-25, 33; 1 Petro 3:7.

3. Unofanira kusiya mumwe wako here kana mumba muine matambudziko?

Kana iwe nomumwe wako mune matambudziko mumba menyu, shandai nesimba kuti mudanane. (1 VaKorinde 13:4, 5) Shoko raMwari harikurudziri kuparadzana senzira yokugadzirisa nayo matambudziko omudzimba. Zvisinei, kana mumba macho musingachagariki, muKristu anofanira kuzvisarudzira kuti oparadzana nomumwe wake kana kuti voramba vari pamwe chete here.—Verenga 1 VaKorinde 7:10-13.

4. Vana, Mwari anoda kuti muite sei?

Jehovha anoda kuti mufare. Anokupai mazano akanakisisa okuti munganakidzwa sei pamunenge muchiri kuyaruka. Anoda kuti mubatsirwe nouchenjeri uye ruzivo rwevabereki venyu. (VaKorose 3:20) Pamunoteerera vabereki venyu, Jehovha anozviona.—Verenga Muparidzi 11:9–12:1; Mateu 19:13-15; 21:15, 16.

5. Vabereki, mungaitei kuti vana venyu vafare?

Munofanira kushanda nesimba kuti vana venyu vawane zvokudya, pokugara, nezvokupfeka. (1 Timoti 5:8) Asi kuti vana venyu vafare, munofanirawo kuvadzidzisa kuda Mwari uye kudzidza kwaari. (VaEfeso 6:4) Kana imi mukaratidza kuti munoda Mwari, zvinogona kubaya mwoyo yevana venyu. Kana muchitora mazano enyu muShoko raMwari, anogona kuumba mwana wenyu kuti ave nemafungiro akanaka.—Verenga Dheuteronomio 6:4-7; Zvirevo 22:6.

Vana vanofara kana mukavakurudzira uye mukavarumbidza. Vanodawo kutsiurwa nokurangwa. Dzidziso yakadaro inovadzivirira kuti vasazoita zvinhu zvingavashayisa mufaro. (Zvirevo 22:15) Asi hamufaniri kumbovaranga makatsamwa kana kuti zvoutsinye.—Verenga VaKorose 3:21.

Zvapupu zvaJehovha zvinobudisa mabhuku akawanda akanyatsogadzirirwa kubatsira vabereki nevana. Mabhuku aya anenge achitora mashoko muBhaibheri.—Verenga Pisarema 19:7, 11

Kuti unzwe zvakawanda, ona chitsauko 14 chebhuku iri rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.